Ganhuro 8
‘Kurwisana Namasimba Akaipa Omudzimu’
1. Neiko mubato wemidzimu yakaipa uri wokuitira hanya kwedu zvikurukuru?
VANHU vanomurangariro wokudavira zvinhu zvinooneka vangaseka mufungo wemidzimu yakaipa. Asika haizati iri nhau yokuseka. Kunyange vachiudavira kana kuti kwete, mubato wamadhemoni unoshandisa dzvinyiriro pano munhu ari ose. Vanamati vaJehovha havahesvurwi. Chokwadi, ndivo chipfuro chokutanga. Muapostora Pauro anotisvinudzira kuno uku kurwa, achiti: “Tine kurwisana, kusati kuri kwokurwisana neropa nenyama, asi kwokurwisana nedzihurumende [dzisati dziri munzvimbo yeropa nenyama], kwokurwisana nezviremera, kwokurwisana navabati ushe venyika vezarima rino, kwokurwisana namasimba akaipa omudzimu ari munzvimbo dzokudenga.” (VaEf. 6:12) Muzuva redu dzvinyiriro yacho yakasvika mwero wakakwirira zvikuru kupinda nakare kose nokuti Satani akabudiswa mudenga uye ane hasha, zvaanoziva kuti nguva yake ipfupi.—Zvak. 12:12.
2. Ko kunotibvirira sei kurwisana murubuririro nemidzimu inopfuura simba rohunhu?
2 Ko upi noupi wedu angagona sei kubudirira mukurwisana namasimba omudzimu anopfuura simba rohunhu? Kupfurikidza bedzi nokutsamira zvakakwana pana Jehovha. Tinofanira kumutetekera ndokuteerera Shoko rake. Kupfurikidza nokuita kudaro, tinogona kuponeswa pakuvadziko yokunyama, yetsika, yomufungo neyendangariro inowanwa naavo vari pasi pokudzora kwaSatani.—VaEf. 6:11; Jak. 4:7.
Vabati Ushe Venyika Vari Munzvimbo Dzokudenga
3. Ko Satani anorwisana nomutoo wokurura nechii uye naani?
3 Jehovha anotirondedzerera nomutoo wakasamarara mugariro wenyika sezvaanouona ari panzvimbo yake yakakodzera mumatenga. Akapa muapostora Johane chiono umo Satani akaratidzirwa se“dragoni huru tsvuku” yakagadzirira kuparadza, kana kuchibvira, Umambo hwaMesia hwaMwari nokukurumidza pahwaizoberekwa mudenga muna 1914 N.V. Achikundikana muna ikoko, Satani akadziurira mukurwisana navamiriri vanooneka voUmambo ihwohwo, rutivi rwechipiri rwembeu yo“mukadzi” waMwari, mafashamo echishooro chokurura.—Zvak. 12:3, 4, 13, 17.
4. (a) Ko Bhaibheri rinotisvinudzira kuidii pamsoro pamanyuko esimba rehurumende dzavanhu? (b) Ko vabati ushe vose vezvamatongerwe enyika zvino vari kuunganidzirwa kuchii, uye naani?
4 Manyuko esimba nechiremera chehurumende dzavanhu akaratidzirwawo muchizaruro ichecho chakapiwa Johane. Akaratidzirwa chikara chomubatanidzwa, chine misoro 7 nenyanga 10, chikara chine chiremera “pandudzi iriyose navanhu nendimi norudzi.” Ichochi chinomirira, isati ichingova hurumende imwe bedzi, asi sangano rezvamatongerwe enyika rapasi pose. Johane akaziviswa kuti “dragoni [Satani Dhiabhorosi] akapa chikara simba racho nechigaro chacho choumambo nechiremera chikuru.” (Zvak. 13:1, 2, 7; enzanisa Ruka 4:5, 6.) Pasinei zvapo nokukambira kupi nokupi kworudzidziso kuna vabati ushe vezvamatongerwe enyika, hapana nomumwe wamarudzi ari mitezo we“chikara” anozviisa pasi pouchangamire hwaJehovha nokuna Mambo wake akagadzwa, Jesu Kristu. Vose vari kuparapatikira kuomerera pauchangamire hwavo vamene. Nhasi, sokuratidzira kunoita Zvakazarurwa, “kutaura kwakafuridzirwa namadhemoni” kuri kuvaunganidzira vose ku“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paHarmagedhoni. (Zvak. 16:13, 14, 16) Zvamazvirokwazvo, sokunyora kwakaita muapostora Pauro, “vabati ushe venyika” havazati vari vanhuwo zvavo asi “masimba akaipa omudzimu ari munzvimbo dzokudenga.” (VaEf. 6:12) Vose vaizozvibvumikisa vamene kuva vanamati vechokwadi vaJehovha vanodikanirwa kunzwisisa revo izere yaikoku.
5. Neiko kungwarira kuchidikanwa nokuda kwokudzivisa kuva vanopinzwa mukutsigira sangano raSatani?
5 Zuva nezuva upenyu hwedu hunotapurwa nokurwisana kunokamuranisa mhuri yavanhu. Ndokwavanhu vose kutsigira, mukutaura kana kuti neimwe nzira, rudzi, ndudzi, boka romutauro kana kuti boka rokugarisana kwavanhu iro ivo vari rutivi rwaro. Kunyange kana rutivi rwavo chairwoirwo rwenzanga rwusingabatanidzwi nomutoo wakananga muno kumwe kurwa kwazvino uno, vangazviwana vamene vachida rumwe rutivi kupinda rumwe. Asika pasinei hapo nechigumburo, pasinei hapo nomunhu kana kuti chisakiso chavanobvumira, ko ivo vari kutsigirei chaizvoizvo? Bhaibheri rinosanojekesa kuti “nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19) Ko zvino, ipapoka, munhu angagona sei kudzivisa kuva anotsauswa pamwe chete navamwe vavanhu? Kupfurikidza nokutsigira kwake zvizere Umambo hwaMwari ndokuchengeta kusatora rutivi kwakakwana pamsoro perwisano dziri pakati pamapato enyika.—Johane 17:15, 16.
Rongedzero Dzinonyengedza Dzowakaipa
6. Zvii zvinobatanidzwa pakati pemitoo iyo Satani akashandisa kutsausa vanhu pakunamata kwechokwadi?
6 Panhambo dzose dzenhau Satani akashandisa chitambudzo chokushora nechokunyama kutsausa vanhu pakunamata kwechokwadi. Asi iye akashandisawo mitoo yamano mano zvikuru—zviito zvokuisvochenjera nerongedzero dzinonyengera.
7. Ko kungwara kwaSatani kunoratidzirwa sei mukushandisa kwake rudzidziso rwenhema?
7 Iye nomutoo wokuchenjera akaita kuti chikamu chikuru chavanhu chirambe chiri murima kupfurikidza norudzidziso rwenhema, achivaita kuti vafunge, kana vachishuva kudaro, kuti ivo vari kubatira Mwari. Vachishaiwa kuda chaikwoikwo zvokwadi, ivo vangava vanoyevedzwa namabasa akavanzika noomufungo orudzidziso kana kuti kuva vanoororwa namabasa esimba. (2 VaT. 2:9, 10) Asika isu tinonyeverwa kuti, kunyange pakati paavo vakapinda mukunamata kwechokwadi, “vamwe vaizotsauka . . . vachiteerera kutaura nokudzidzisa kwakafuridzirwa kunotsausa kwamadhemoni.” (1 Tim. 4:1) Ko ikoku kungaitika sei?
8. Ko Satani akapinza sei murudzidziso rwenhema kunyange vamwe vaichimbonamata Jehovha?
8 Nomutoo wokunyengera Dhiabhorosi anoshandisa kuneta kwomunhu. Ko kutya munhu kuchakabata paari here? Kana zvakadaro, iye angakurirwa nedzvinyiriro inobva kuhama dzokunyama kana kuti vavakidzani yokupinda mumiitiro iri yemviromviro yorudzidziso rwenhema. Ko munhu wacho ano rudado here? Ipapo iye angatsamwa apo anozanurwa kana kuti apo vamwe vanosagamuchira mifungo yaanoreverera. (Zvir. 29:25; 15:10; 1 Tim. 6:3, 4) Zvakadiniko kana kutora rutivi kwake muhushumiri hwomumunda kusati kuchisundwa norudo? Panzvimbo pokugadziridza murangariro wake kuti agotsinhirana nomuenzaniso waKristu, iye angakombamira kuna avo vano‘fadza nzeve dzake’ kupfurikidza nokutaura kuti kungorava bedzi Bhaibheri nokurarama upenyu hwakanaka” zvakaringanira. (2 Tim. 4:3) Kunyange iye zvomenemene akakumbanira rimwe boka rorudzidziso kana kuti kungoomerera hake bedzi kunzira yake imene yorudzidziso hakuzati kuchikosha kuna Satani, chero bedzi iye asati achinamata Jehovha munzira iyo Jehovha anotungamirira nayo kupfurikidza neShoko rake nesangano rake.
9. Ko Satani nomutoo wokuchenjera anoshandisa sei vatano kuita vavariro dzake?
9 Satani nomutoo wokuchenjera anonyengedza vanhu kugutsa zvishuvo zvavo zvenguva dzose nenzira dzisina kururama. Iye akaita ikoku kupfurikidza nechishuvo chevatano. Vachiramba havo tsika dzeBhaibheri, vazhinji vari munyika vanorangarira vatano pakati pavanhu vasina kuroorana somufaro wapamaruramiro kana kuti senzira yokubvumikisa nayo kuti vava vakura. Asika zvakadiniko navanhu vakaroorana? Hakuzi kwechienzi kuti vanhu venyika vanotambura zvinetso zveroorano vachatanurane ndokuroorazve kana kuti kungoparadzana bedzi ndokurarama nomumwe mukwanyina. Patinocherekedza mararamire aya, ko tinonzwa here kuti tiri kushaiwa chimwe chinhu, kuti nzira yechiKristu ino rumano zvikurusa? Mutoo wamanomano waSatani ndowokuita kuti munhu afunge kuti Jehovha ari kunyima chimwe chinhu chakanaka. Anotikurudzira kufunga nezvomufarwa watingagona kuwana iye zvino—kwete muuyo unobatanidza zvizhinji panesu timene navamwe, uye zvamazvirokwazvo kwete ukama hwedu naJehovha noMwanakomana wake.—VaG. 6:7, 8; 1 VaK. 6:9, 10.
10. Ko Satani anoedza kutsausira chimiro chedu chendangariro kumasimba masimba kupfurikidza nenzirai?
10 Chimwe chishuvo chomuzvarirwo ndechevaraidzo. Painenge yakanaka, inogona kuva inonyevenutsa kunyama, mundangariro nomumufungo. Asika chii chiri kuita kwedu apo Satani nomutoo wokuchenjera anoshandisa nhambo dzokufaranuka kuedza kutsausira kufunga kwedu pano uko kwaMwari? Somuenzaniso, isu tinoziva kuti Jehovha anovenga avo vanoda masimba masimba. (Pis. 11:5) Asika mifananidzo iri paterevhizheni kana kuti paimba yemitambo inokuratidzira, tinogara hedu pasi chinyararire ndokuapinza ose here? Kana kuti paanoratidzirwa muzita remitambo, tinoagamuchira here uye zvimwe kunyange kudanidzira rukurudziro kuna vatori rutivi?—Enzanisa naGenesi 6:13.
11. Kunyange munhu anoziva zvokwadi pamsoro pekurukurirano nemidzimu angabatwa mumusungo munzirai kana asingasvinuriri?
11 Tinozivawo kuti avo vanopinda muchimiro chipi nechipi chokutaurirana nemidzimu—kushandisa kuuka, kushandisa uroyi kana kuti kuedza kukurukura navakafa—ndi“chimwe chinhu chinonyangadza kuna Jehovha.” Hatisati taizofunga nezvokukandira kumasvikiro uye zvamazvirokwazvo hatizati taizoagamuchira mumusha wedu kuti aite mashiripiti awo oudhemoni. Asika taizoateerera nokuaona mukuyevedzwa kudai akabuda paterevhizheni here? Kunyange zvazvo tisati taizotongogamuchira kurapa kunobva kun’anga, tingasungirira mutimwi muchiuno chomwana wedu achangobva kuberekwa tichifunga kuti iwo unenge ungataviridza mwana pakuvadziko here? Kana kuti, tichiziva kuti Bhaibheri rinoshurikidza ‘kutsinga vamwe,’ taizobvumidza murotsi zviroto kudzora ndangariro yedu here, kunyange kwechinguvana?—Dheut. 18:10-12; VaG. 5:19-21.
12. (a) Ko nziyo dzinoshandiswa sei kutiita kuti tive nemifungo yatinoziva kuti haina kururama? (b) Ko zvipfeko zvomunhu, magadzirirwe ebvudzi kana kuti nzira yokutaura nayo zvingaratidzira sei kuyemura avo vanomuraramire usingatenderwi naJehovha? (c) Chii chinodikanwa kwatiri kana tichizodzivisa kuva vanotapurwa namanomano anonyengera aSatani?
12 Takarava muMagwaro kuti ‘ufeve nokusachena kworudzi rwuri rwose hazvifaniri, kupfurikidza nevavariro isina kukodzera, kunyange kududzwa pakati pedu.’ (VaEf. 5:3-5) Asika zvakadiniko kana misoro nomutoo wokuchenjera ichiva pamwe chete namarimba ane nziyo dzinonakidza, maririre anotapura kana kuti mutinhimira unopfuurira? Ko isu mukusaziva tingatotanga kudzokorora nhetembwa dzinokudza vatano pasina roorano here, kushandisa mirimo nokuda kwomufaro nezvimwe zvizhinji? Kana kuti, kunyange tichiziva kuti hatifaniri kutevedzera mararamire avanhu vanopinda muzvinhu zvakadai, tinokombamira kukuzvifananidza navo kupfurikidza nokutevedzera nzira yavanopfeka nayo here, magadzirirwe evhudzi ravo kana kuti nzira yavo yokutaura? Haiwa anamanomano sei Satani! Haiwa inonyengedza sei mitoo yaanoshandisa kunyengedza vanhu kutsinhirana nendangariro yake amene yakashata! (2 VaK. 4:3, 4) Kuti tirege kuva vanotapurwa namanomano ake anonyengedza, tinofanira kudzivisa kufambidzana nenyika. Tinodikanirwa kuyeuka kuti ndivanaani vari “vabati ushe venyika vezarima rino” ndokurwisana nomwoyo wose nepesvedzero yavo.—VaEf. 6:12; 1 Pet. 5:8.
Vakashongedzerwa Kuva Vakundi
13. Ko kunobvirira sei upi noupi wedu, nokusakwana kwedu, kukurira nyika iyo Satani anodzora?
13 Pamberi porufu rwaJesu iye akataura kuna vadzidzi vake, kuti: “Shingai! Ini ndakakunda nyika.” Naizvozvo ivowo vaigona kuva vakundi; uye kwaanopfuura makore 60 gare gare muapostora Johane akanyora, kuti: “Ndianiko uyo anokunda nyika kunze kwouyo anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?” (Johane 16:33; 1 Johane 5:5) Kutenda kwakadaro kunoratidzirwa kupfurikidza nokuteerera kwedu mirairo yaJesu nokuvimba neShoko raMwari, sezvaakaita. Chiizve chimwe chinodikanwa? Kuti tigare pedyo neungano iyo iye ari musoro wayo. Patinoperevedza, tinofanira kupfidza nomwoyo wose ndokutsvaka kukanganwira kwaMwari pahwaro hwechibairo chaJesu. Nenzira iyeyo, pasinei zvapo nokusakwana kwedu, isuwo tingagona kuva vakundi.
14. (a) Rava VaEfeso 6:13-18. (b) Shandisa mibvunzo namagwaro zvinogoverwa sehwaro hwokukurukura betsero dzinobva murutivi rumwe norumwe rwechipfeko chakakwana chesimbi chomudzimu.
14 Kuti tigobudirira, tinodikanirwa kupfeka “chipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi chinobva kuna Mwari,” tisingaregeredzi rutivi rwacho. Tapota zarura Bhaibheri rako pana VaEfeso 6:13-18 ndokurava kurondedzerwa kwacho kwechipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi ichecho. Ipapo, kupfurikidza nokupindura mibvunzo iri pasi apa, rangarira kubetserekana kwaungaita nokutaviridza kunogoverwa norutivi rumwe norumwe rwechipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi.
“Hudyu dzakasungwa nezvokwadi”
Kunyange zvazvo tingave tichiziva zvokwadi, ko kugarofunda, kufungisisa pamsoro pezvokwadi dzeBhaibheri nokupinda misangano kunotitaviridza sei? (VaF. 3:1; 4:8, 9; 1 VaK. 10:12, 13; 2 VaK. 13:5; 1 Pet. 1:13, Kingdom Interlinear)
“Chifukidziro chapachifuva chokururama”
Ko iwowu mupimo waaniko wokururama? (Zvak. 15:3)
Enzanisira kuti kusateerera mirairo yaJehovha, nokuda kwokukundikana kukudziridza kuda nzira dzake, kungapinza sei munhu kukuvadziko huru yomudzimu. (Ona 1 Samueri 15:22, 23; Dheuteronomio 7:3, 4.)
“Tsoka dzakasungwa neshongedzero yamashoko akanaka orugare”
Itaviridziro sei kwatiri kuita kuti tsoka dzedu dzirambe dzakabatikana mukutiendesa kunotaura kuvanhu pamsoro pegadziriro dzaMwari dzorugare? (VaR. 10:15; Pis. 73:2, 3; 1 Tim. 5:13)
“Chidziviso chikuru chokutenda”
Kana tinokutenda kwakasanodzikwa, tichaita seiko mukunangana nenhamburiko dzinoitirwa kutisakisa kupanikira kana kuti kutya? (Enzanisa 2 Timotio 1:12; 2 Madzimambo 6:15-17.)
“Ngowani yoruponeso”
Ko tariro yoruponeso inobetsera sei munhu kudzivisa kuva anobatwa mumusungo kupfurikidza nokuitira hanya kwokunyanyisa pfuma yokunyama? (1 Tim. 6:7-10, 19)
“Munondo womudzimu”
Ko tinofanira kugarovimba nechii pakudzivisa denho dzinorwisana noumudzimu hwedu kana kuti uhwo hwavamwe? (Pis. 119:98; Zvir. 3:5, 6; enzanisa Mateo 4:3, 4.)
Mukutsinhirana naizvozvo, pana VaEfeso 6:18, 19, chiizve chinoratidzirwa kuva chinokosha mubudiriro mugarikano yomudzimu? Chinofanira kushandiswa kazhinji kakadini? Nokuda kwavana ani?
15. (a) Ko inongovawo zvayo hondo yomudzimu yomumwe nomumwe yatinorwa tose here? (b) Ko tingagona sei kudenha muno uku kurwa?
15 Savarwi vechiKristu tiri rutivi rweuto guru rakabatikana muhondo yomudzimu. Kana tikaramba takasvinurira uye tichiita kushandiswa kwakanaka kwechipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi chinobva kuna Mwari, hatisati tichizova vakuvadzwi muhondo iyi. Panzvimbo pakwo, tichava ruyamuro rwunosimbaradza kuvabatiri biyedu vaMwari. Tichava vakagadzirira navanodisisa kudenha, tichiparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMesia hwaMwari, hurumende iyo Satani anoshora zvikurukuru kwazvo.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Neiko vanamati vaJehovha vachitamburira kuchengeta kusatora rutivi kwakakwana pamsoro perwisano dziri pakati pamarudzi enyika?
● Ndaapi ari mamwe amanomano anonyengera anoshandiswa naSatani kuti akuvadze maKristu mumudzimu?
● Ko chipfeko chakakwana chesimbi chinogoverwa naMwari chinotitaviridzira munzirai dziri dzakaoma mune iyi hondo yomudzimu?