RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pfuurirai Kunharidzano!
    Nharireyomurindi—1990 | November 15
    • Rambai Muchipfuurira Kunharidzano

      Muapostora akatevera kuratidza vaFiripi pokuisa chivimbo chavo sezvavaipfuurira kunharidzano. (3:1-21) Chinofanira kuiswa muna Jesu Kristu, kwete munyama kana kuti mukudzingiswa sezvakanga zvichiita vamwe. Pauro akarangarira zvipupuriro zvake zvenyama kuva marara nemhaka yo“kunaka kwokuziva Kristu.” Muapostora akanga “achironda nharidzano yomubairo wokudana kwokudenga kwaMwari kupfurikidza naKristu Jesu” uye akakurudzira vaFiripi kuva vechimiro chimwe chetecho chendangariro.

  • Pfuurirai Kunharidzano!
    Nharireyomurindi—1990 | November 15
    • [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

      Kunharidzano: “Ndinokanganwa zviri shure, ndichivavarira kune zviri mberi,” akanyora kudaro Pauro, “ndinoshingairira nharidzano kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 3:13, 14) Muapostora akanga achizvishandisa amene kufanana nomumwe munhu ari munhangemutange. Haana kupambadza nguva nenhamburiko achitarira shure asi akapfuurira kunharidzano yake—kufanana nomumhanyi ari kutamburira kuyambuka mutsetse wokupedzesa. Nokuda kwaPauro namamwe maKristu akazodzwa, mubairo wacho wakanga uri upenyu hwokudenga kupfurikidza norumuko pashure pokupedza nzira yapasi yokutendeka kuna Mwari. Kana tariro dzedu dziri dzokudenga kana kuti dzapasi, ngatichengetei perero kuna Jehovha ndokupfuurira kunharidzano seZvapupu zvake.—2 Timotio 4:7.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe