Kuzvidzora Kwako Ngakuvepo Ndokupfachuka
“Pakutenda kwenyu wedzerai . . . kuzvidzora.”—2 PETRO 1:5, 6.
1. MuKristu angapa uchapupu mumugariroi wechienzi?
JESU akati: “Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.” (Mateo 10:18) Kudai ukadanwa pamberi pagavhuna, mutongi, kana kuti purezidhendi, waizotaura pamusoro pei? Zvichida kutanga pamusoro pechikonzero nei uri ipapo, pomero dzaunoitirwa. Mudzimu waMwari waizokubetsera kuita kudaro. (Ruka 12:11, 12) Asi unogona kufungidzira uchitaura nezvokuzvidzora here? Unorangarira ikoko sorutivi runokosha rweshoko redu rechiKristu here?
2, 3. (a) Kwakaitika sei kuti Pauro akagona kuparidzira kuna Feriksi naDrusira? (b) Neiko kuzvidzora kwaiva nhau yakakodzera kuti Pauro ataure pamusoro payo mumugariro iwoyo?
2 Rangarira muenzaniso chaiwoiwo. Mumwe wezvapupu zvaJehovha akasungwa ndokutongwa. Paakapiwa banza rokutaura, aida kutsanangura zvitendero zvake somuKristu, sechapupu. Unogona kunzvera chinyorwa chacho uye uchawana kuti akapa chipupuriro chapamutemo cho“zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya.” Tiri kunongedzera kuchinoitika chomuapostora Pauro muKesaria. Pakanga pane bvunzurudzwo yokutanga. “Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Feriksi akasvika, nomukadzi wake Drusira, waiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kuna Kristu Jesu.” (Mabasa 24:24) Nhau inoshuma kuti Feriksi “aishandisa rudzi rwuri rwose rwoutsinye noruchiva, achishandisa simba ramambo nemirangariro yose yomuranda.” Akanga akaroora kaviri kare apo akanyengera Drusira kuchatanura murume wake (achiputsa mutemo waMwari) ndokuva mudzimai wake wechitatu. Zvimwe akanga ari iye aida kunzwa nezvorudzidziso rutsva, chiKristu.
3 Pauro akapfuurira kutaura “zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunouya.” (Mabasa 24:25) Ikoku kungadai kwakajekesa musiano uri pakati pemipimo yaMwari yokururama noutsinye uye kusaruramisira izvo Feriksi naDrusira vakanga vari rutivi rwazvo. Pauro angave akakarira kusunda Feriksi kuratidzira ruramisiro munhau yakanga iripo. Asi kutaurireiko “kuzvidzora, nokutonga kunouya”? Ava vaiva noutere vakanga vachibvunza icho “kutenda kuna Kristu Jesu” kwaibatanidza. Naizvozvo vaifanira kuziva kuti kumutevera kunoda kudzora mifungo yomunhu, kutaura, uye zviito, zviri izvo kuzvidzora kunoreva. Vanhu vose vanozvidavirira kuna Mwari nokuda kwokufunga, mashoko, uye zviito zvavo. Nokudaro, chinokosha zvikuru kupfuura rutongeso rupi norupi runobva kuna Feriksi munhau yaPauro rwakanga rwuri rutongeso urwo gavhuna nomudzimai wake vakatarisana narwo pamberi paMwari. (Mabasa 17:30, 31; VaRoma 14:10-12) Nenzira inonzwisisika, pakunzwa shoko raPauro, “Feriksi akatya.”
Kunokosha asi Hakusi Nyore
4. Neiko kuzvidzora kuri rutivi runokosha rwechiKristu chechokwadi?
4 Muapostora Pauro akaziva kuzvidzora sorutivi runokosha rwechiKristu. Muapostora Petro, mumwe wavasonganiri vapedyo vaJesu, akasimbisa ikoku. Pakunyorera avo vaizova “vakagoverwa umwari” mudenga, Petro akakurudzira kuratidzira mavara akati ayo akanga achikosha, akadai sokutenda, rudo, uye kuzvidzora. Nokudaro, kuzvidzora kwakabatanidzwa muiyi vimbiso: “Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasino usimbe navasingashaiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.”—2 Petro 1:1, 4-8.
5. Neiko tichifanira kuva vanoitira hanya zvikuru pamusoro pokuzvidzora?
5 Unoziva, zvisinei, kuti kuri nyore zvikuru kutaura kuti tinofanira kuratidzira kuzvidzora kupfuura zvakuri zvomenemene kukushandisa muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Chikonzero chimwe ndechokuti kuzvidzora hakuwanzowanika zvikuru. Pana 2 Timotio 3:1-5 Pauro akarondedzera zvimiro zvendangariro zvaizotekeshera munguva yedu, mu“mazuva okupedzisira.” Vara rimwe raizoratidzira nhambo yedu nderokuti vazhinji vaizova “vasingazvidzori.” Tinoona ikoku kuchibvumikisa kuva kwechokwadi makatipota mose, hatidaro here?
6. Kushaikwa kwokuzvidzora kunoratidzirwa sei nhasi?
6 Vanhu vazhinji vanodavira kuti kwakanaka zvikuru “kuregera” kana kuti “kutaura mirangariro yakasimba zvikuru kana kuti hasha nesimba.” Murangariro wavo unosimbiswa nokutevedzerwa kwavanhu vakakurumbira avo vanoratidzika kuva vanofuratira kuzvidzora kworudzi rwupi norwupi, vanongogutsa havo zvishuvo zvavo. Kuenzanisira: Vazhinji vanoda mitambo inobhadharwa mari vasvika pakurovedza ratidziro dzoupengo dzemirangariro, kunyange kutsamwa kwamasimba masimba. Haugoni kuyeuka here, munenge mumapepanhau, zvinoitika umo kurwa kwoutsinye kana kuti zviono zvenyongori zvakamuka pazvinoitika zvemitambo? Pfundo redu, kunyanguvezvo, haridi kuti tipe nguva yakawanda kukuhwirudzura mienzaniso yokushaikwa kwokuzvidzora. Ungagona kuronga nharaunda zhinji umo tinofanira kuratidza kuzvidzora—kudya kwedu zvokudya nokunwa, mufambiro wedu navane mitezo yevatano yakasiana, uye nguva nemari zvinopedzerwa pamabasa okuzvifadza. Asi panzvimbo pokunzvera zvishomanene zvakawanda zvezvakadaro, ngatinzverei nharaunda imwe yokutanga umo tinofanira kuratidzira kuzvidzora.
Kuzvidzora Pamusoro Pemirangariro Yedu
7. Rutivii rwokuzvidzora runofanirwa nengwariro chaiyo?
7 Vazhinji vedu takabudirira nenzira ine mufungo mukutungamirira kana kuti kudzora zviito zvedu. Hatibi, kutera kuutere, kana kuti kuuraya; tinoziva chiri mutemo waMwari pamusoro pezvakaipa zvakadaro. Tinobudirira sei, kunyanguvezvo, mukudzora mirangariro yedu? Pashure penguva yakati, avo vanokundikana kusakurira kudzora mirangariro kazhinji kazhinji vanorasikirwa nokuzvidzora pamusoro pezviito zvavo. Naizvozvo ngatinangidzirei ngwariro pamirangariro yedu.
8. Jehovha anokarirei kwatiri pamusoro pemirangariro yedu?
8 Jehovha Mwari haatikariri kuva vanoita zvinhu vasingafungi, zvokuti hativi kana kuti hatiratidziri murangariro upi noupi. Paguva raRazaro, Jesu “akava neshungu pamweya, akatambudzika.” Ipapo “Jesu akachema misodzi.” (Johane 11:32-38) Akaratidza murangariro wakasiana chose apo, nokudzorwa kwakakwana kwezviito zvake, akadzinga vatsinhanisi vemari mutembere. (Mateo 21:12, 13; Johane 2:14-17) Vadzidzi vake vakavimbika vakaratidzirawo mirangariro mikuru. (Ruka 10:17; 24:41; Johane 16:20-22; Mabasa 11:23; 12:12-14; 20:36-38; 3 Johane 4) Bva, vakaziva dikanwo yokuzvidzora kuti mirangariro yavo irege kutungamirira kuchivi. VaEfeso 4:26 inojekesa zvikuru ikoku: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.”
9. Neiko kudzora mirangariro yedu kuchikosha kwazvo?
9 Pane ngozi yokuti muKristu angaratidzika kuva anoratidzira kuzvidzora nepo, kutaura idi, mirangariro yake isingadzorwi. Yeuka mhinduro apo Mwari akatendera chibairo chaAbheri: “Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana. Ipapo Jehovha akati kuna Kaini: ‘Watsamwireiko? Chiso chako chakaunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.’” (Genesi 4:5-7) Kaini akakundikana kudzora mirangariro yake, uko kwakamutungamirira kuuraya Abheri. Mirangariro isina kudzorwa yakatungamirira kuchiito chisina kudzorwa.
10. Unodzidzei mumuenzaniso waHamani?
10 Rangarirawo mumwe muenzaniso mumazuva aMordhekai naEstere. Mukuru mukuru ainzi Hamani akashatirwa kuti Mordhekai akanga asati achizomukotamira. Gare gare Hamani nemhosho akafunga kuti aizonzwirwa nyasha. “Ipapo Hamani wakaenda nezuva iro achifara, ano mwoyo muchena; asi Hamani wakati achiona Mordhekai pasuo ramambo, kuti wakaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paMordhekai. Asi Hamani wakazvidzora hake akaenda kumusha.” (Estere 5:9, 10) Akakurumidza kunzwa murangariro womufaro. Bva akakurumidzawo kunzwa hasha pakungoona zvake munhu waakanga ane mafi naye. Unofunga here kuti apo Bhaibheri rinotaura kuti Hamani “wakazvidzora hake” kwakareva kuti akanga ari womuenzaniso mukuzvidzora? Nyangwe. Kwenguva yakati, Hamani akadzora zviito zvake nokuratidzwa kupi nokupi kwomurangariro, asi akakundikana kudzora hasha dzake dzegodo. Mirangariro yake yakatungamirira kuronga kuuraya.
11. Muungano yeFiripi, chinetsoi chaivapo uye chii chingagona kuva chakatungamirira kwachiri?
11 Nomutoo wakafanana, kushaikwa kwokudzora mirangariro nhasi kunogona kukuvadza maKristu zvikuru kwazvo. ‘Haiwa,’ vamwe vangarangarira kudaro, ‘ikoko kungasava chinetso muungano.’ Asi kwave kuri. MaKristu maviri akazodzwa muFiripo akava nomusiano wakakomba, uyo Bhaibheri risingarondedzeri. Fungidzira ikoku sebviro: Yuodhia akakoka hama nehanzvadzi nokuda kwezvokudya kana kuti kuungana kunofadza. Sintike haana kukokwa, uye akanzwa akuvadzwa. Zvichida akaita chimwe chinhu kupfurikidza nokusakoka Yuodhia panhambo yapashure. Ipapo vose vari vaviri vakavamba kutsvaka zvikanganiso zvomumwe; pashure penguva yakati, havana kutongotaura kuno mumwe nomumwe. Muchinoitika chakafanana naichocho, chinetso chikuru chingava kusakokwa kuzvokudya here? Aiwa. Ichocho chingava kabari chete. Apo idzi hanzvadzi mbiri dzakazodzwa dzakakundikana kudzora mirangariro yadzo, kabari kakava mwoto mukuru. Chinetso chacho chakapfuurira ndokukura kutozosvikira muapostora afanira kupindira.—VaFiripi 4:2, 3.
Mirangariro Yako Nehama Dzako
12. Neiko Mwari achitipa zano rinowanwa pana Muparidzi 7:9?
12 Sezvinobvumwa, hakusi nyore kudzora mirangariro yako apo unonzwa uchizvidzwa, kukuvadzwa, kana kuti kubatwa nefungira mano yakaipa. Jehovha anoziva izvozvo, nokuti akacherechedza ukama hwavanhu kubva pamavambo omunhu. Mwari anotipa zano, kuti: “Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.” (Muparidzi 7:9) Cherechedza kuti Mwari anotanga kupa ngwariro kumirangariro kwete kuzviito. (Zvirevo 14:17; 16:32; Jakobho 1:19) Zvibvunze umene, ‘Ndinofanira kupa ngwariro huru kukudzora mirangariro yangu here?’
13, 14. (a) Munyika, chii chinowanzotanga mukukundikana kudzora mirangariro? (b) Zvinhui zvingatungamirira maKristu kuchengeta mafi?
13 Vanhu vazhinji munyika vanokundikana kudzora mirangariro yavo vanotanga makakava—nharo dzakakasharara, kunyange dzamasimba masimba, pamusoro pechakaipa chaichoicho kana kuti chinofungidzirwa chakaitirwa ivo vamene kana kuti hama yokunyama. Apo mirangariro inongova bedzi isingadzorwi, inogona kushandisa pesvedzero yayo inokuvadza kwenguva refu. (Enzanisa naGenesi 34:1-7, 25-27; 49:5-7; 2 Samueri 2:17-23; 3:23-30; Zvirevo 26:24-26.) Zvamazvirokwazvo maKristu, hazvinei hazvo nokuti ndeomurangariro upi worudzi kana kuti wetsika, anofanira kuona utsinye hwakakasharara hwakadaro namafi sezvakaipa, zvakashata, zvinofanira kudziviswa. (Revhitiko 19:17) Unorangarira kudzivisa mafi sorutivi rwokuzvidzora kwako here pamusoro pemirangariro?
14 Kungofanana nomuchinoitika chaYuodhia naSintike, kukundikana kudzora mirangariro kungagona kutungamirira kuzvinetso zvino. Hanzvadzi inganzwa yazvidzwa nokusakokwa kumadyo omuchato. Kana kuti zvimwe akanga ari mwana wayo kana kuti muzukuru asina kubatanidzwa. Kana kuti hama yakatenga motokari yakamboshandiswa kuno muKristu biyayo, uye pashure penguva pfupi yakafa. Chipi kana chipi chingava chikonzero chacho, ikoku kwakaparira mirangariro yakakuvadzwa, mirangariro haina kudzorwa, uye avo vakabatanidzwa vakakangaidzika. Ipapo chii chingaitika?
15. (a) Miuyoi inosuruvarisa yakabva mumafi pakati pamaKristu? (b) Izanoi reBhaibheri rine chokuita nekombamiro yokuchengeta mafi?
15 Kana munhu akangaidzika asingashandi pakudzora mirangariro yake nokuita rugare nehama yake, mafi angagona kutanga. Kwave kune zvinoitika apo Chapupu chakakumbira kusagoverwa kuFundo yeBhuku yeUngano yakati nemhaka yokuti “chaisada” muKristu akati kana kuti mhuri yaizopinda ikoko. Kunosuruvarisa sei! Bhaibheri rinoti kwaizova kukundwa kuti maKristu aendesane kumatare enyika, asi kungasava kukundwa zvakaenzana here kana tikadzivisa hama nemhaka yoruzvidzo rwakapfuura kwatiri kana kuti kuhama yakati yokunyama? Mirangariro yedu inozivisa here kuti tinoisa ukama hweropa pamberi porugare nehama dzedu nehanzvadzi? Tinotaura here kuti tingadisa kufira hanzvadzi yedu, asi mirangariro yedu ichitisunda kwazvo zvokuti hatitongotauri nayo zvino? (Enzanisa naJohane 15:13.) Mwari anotiudza zvakananga, kuti: “Musatsiva munhu chakaipa . . . Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa.”—VaRoma 12:17-19; 1 VaKorinte 6:7.
16. Abrahama akagadza muenzanisoi wakanaka pamusoro pokubata nemirangariro?
16 Nhano kukuwanazve kudzora mirangariro yedu kuita rugare kana kuti kupedza chisakiso chokunyunyuta, panzvimbo pokurega utsinye hukuru huchipfuurira. Yeuka apo nyika yaisagona kutsigira zvipfuwo zvakawanda zvaAbrahama pamwe chete nezvezvo zvaRoti, uye vashandi vavo vanoripirwa naizvozvo vakatanga kupopotedzana. Abrahama akarega mirangariro yake ichimukurira here? Kana kuti akaratidzira kuzvidzora here? Nenzira inorumbidzwa, akakarakadza mushonga une rugare kurwisano yebhizimisi; kurega mumwe nomumwe achiva nendima yakaparadzana. Uye akapa Roti chisarudzo chokutanga. Kubvumikisa kuti Abrahama akanga asina ukasharari uye kuti akanga asina mafi, gare gare akaenda kunorwira Roti.—Genesi 13:5-12; 14:13-16.
17. Pauro naBharnabhasi vakakundikana sei pane imwe nguva, asi chii chakatevera pashure paikoko?
17 Tinogonawo kudzidza pamusoro pokuzvidzora muchinoitika chinobatanidza Pauro naBharnabhasi. Pashure pokunge vava vakutsirani kwamakore, havana kubvumirana pamusoro pokutora Marko parwendo. “Ipapo kutsamwirana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bharnabhasi akatora Marko, akaenda Kupro nechikepe.” (Mabasa 15:39) Kuti ava varume vakakura mumudzimu vakakundikana kudzora mirangariro yavo panguva iyoyo kunofanira kugovera nyevero nokuda kwedu. Kana kwaigona kuitika kwavari, kunogona kuitika kwatiri. Havana, kunyanguvezvo, kubvumidza kusawirirana kunogarisa kutanga kana kuti gakava kukura. Chinyorwa chacho chinobvumikisa kuti hama dzakabatanidzwa dzakawanazve kudzorwa kwemirangariro yadzo uye gare gare dzakashandira pamwe murugare.—VaKorose 4:10; 2 Timotio 4:11.
18. Kana mirangariro ikakuvadzwa, chii icho muKristu akakura mumudzimu anogona kuita?
18 Tinogona kukarira kuti pangava nemirangariro yakakuvadzwa, kunyange mafi, pakati pavanhu vaMwari. Yaivapo munguva dzavaHebheru nomumazuva avaapostora. Yakaitikawo pakati pavabatiri vaJehovha munguva yedu, nokuti tose zvedu hatina kukwana. (Jakobho 3:2) Jesu akakurudzira vateveri vake kuita nokukurumidza kupedza zvinetso zvakadaro pakati pehama. (Mateo 5:23-25) Asi kunotova kuri nani kuzvidzivisa pakutanga kupfurikidza nokuvandudza kuzvidzora kwedu. Kana uchinzwa wakazvidzwa kana kuti kugumburwa nechinhu chiduku zvikuru icho hama yako kana kuti hanzvadzi yakataura kana kuti kuita, kuregerereiko kungodzora chete mirangariro yako ndokungochikanganwa zvako? Kuri madikanwa chaizvoizvo here kunangana nomumwe munhu, sokunge kuti hausati uchizogutswa kutozosvikira iyeyo abvuma kuva asina kururama? Unodzora zvikuru sei chaizvo mirangariro yako?
Kunobvira!
19. Neiko kwakakodzera kuti kurukurirano yedu yanangidzirwa pakudzora mirangariro yedu?
19 Tabata zvikurukuru norutivi rumwe rwokuzvidzora, kudzora mirangariro yedu. Uye iyoyo inharaunda inokosha nemhaka yokuti kukundikana kudzora mirangariro yedu kunogona kutungamirira kukurasikirwa nokudzora rurimi rwedu, zvishuvo zvedu zvevatano, tsika dzedu dzokudya, uye mamwe mativi mazhinji oupenyu umo tinofanira kuratidzira kuzvidzora. (1 VaKorinte 7:8, 9; Jakobho 3:5-10) Shinga, kunyanguvezvo, nokuti unogona kuvandudza mukuchengeta kuzvidzora.
20. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti vandudziko inobvira?
20 Jehovha anodisa kutibetsera. Tinogona sei kuva nechokwadi? Eya, kuzvidzora ndichimwe chezvibereko zvomudzimu wake. (VaGaratia 5:22, 23) Nokudaro, kutambanuko yatinoshanda kuti tikwanirise nokuda kwomudzimu mutsvene ndokuugamuchira kuna Jehovha uye kuratidzira zvibereko zvawo, kutambanuko iyoyo tinogona kukarira kuva vanozvidzora zvikuru. Usatongokanganwa chipikirwa chaJesu: “Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei [mudzimu, NW] mutsvene vanokumbira kwaari!”—Ruka 11:13; 1 Johane 5:14, 15.
21. Chii chawatsunga kuita munguva yemberi pamusoro pokuzvidzora nemirangariro yako?
21 Usafungidzira kuti kuchava nyore. Uye kungava kwakaomera zvikuru vamwe vakakurira pakati pavanhu vaisadzora mirangariro yavo, vamwe vaiva nechimiro chendangariro chinonyanduka zvikuru, kana kuti vamwe vasina kutongoedza zvavo kuratidzira kuzvidzora. Nokuda kwomuKristu akadaro, kurega kuzvidzora kuchivapo ndokupfachuka kungava denho chaiyoiyo. Bva kunobvira. (1 VaKorinte 9:24-27) Sezvatinosvika pedyo zvikuru nomugumo wetsika iripo yezvinhu, funganyo nedzvinyiriro zvichawedzera. Hatisati tichizoda kuzvidzora kushomanene asi kwakawanda, kwakawanda zvikuru! Zvinzvere umene pamusoro pokuzvidzora kwako. Kana ukaona nzvimbo umo unofanira kuvandudza, shanda pairi. (Pisarema 139:23, 24) Kumbira Mwari nokuda kwowakawanda womudzimu wake. Achakunzwa uye achakubetsera zvokuti kuzvidzora kwako kuchavapo uye kuchapfachuka.—2 Petro 1:5-8.
Mapfundo Okurangarira
◻ Neiko kudzorwa kwemirangariro yako kuchikosha kwazvo?
◻ Chii chawadzidza mumienzaniso yaHamani uye Yuodhia naSintike?
◻ Chii chauchaedza kuita nenzira yokutendeseka kana chisakiso chokugumbuka chikaitika?
◻ Kuzvidzora kunogona sei kukubetsera kudzivisa kuchengeta mafi api naapi?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Ari pamberi paFeriksi naDrusira, Pauro akataura pamusoro pokurarama nokuzvidzora