Sakurira Kuva Nomufungo
“Kuva nomufungo kwenyu ngakuzivikanwe kuna vanhu vose.Ishe uri pedyo.”—VAFIRIPI 4:5, NW.
1. Neiko iri denho kuva ane mufungo munyika yanhasi?
“MUNHU ane mufungo”—munyori wenyaya dzepepa weEngland Sir Alan Patrick Herbert akamudana kuti munhu wengano. Zvamazvirokwazvo, pane dzimwe nguva kungaratidzika kuti hapana vanhu vane mufungo vasara munyika ino yasakadzwa negakava. Bhaibheri rakadeya kutaura kuti muano “mazuva okupedzisira” anotambudza, vanhu vaizova “vane hasha,” “vasingarangariri,” uye “vasingadi kuyanana”—namamwe mashoko, vasina mufungo chose chose. (2 Timotio 3:1-5) Kunyanguvezvo, vaKristu vechokwadi vanoremekedza zvikuru kuva nomufungo, vachiziva kuti chiratidzo chouchenjeri hwoumwari. (Jakobho 3:17) Hatirangariri kuti hakubviri kuva vane mufungo munyika isina mufungo. Panzvimbo pezvo, tinogamuchira chose chose denho iri muzano rakafuridzirwa romuapostora Pauro rinowanwa pana VaFiripi 4:5, (NW), rinoti: “Kuva nomufungo kwenyu, ngakuzivikanwe kuvanhu vose.”
2. Mashoko omuapostora Pauro ari pana VaFiripi 4:5 anotibetsera sei kuziva kana tine mufungo?
2 Cherekedza kutibetsera kunoita mashoko aPauro kuedza kana tine mufungo. Haisati iri zvikuru kwazvo nhau yokuti tinozviona timene sei; inhau yokuti vamwe vanotiona sei, yokuti tinozivikanwa sei. Shanduro yaPhillips inoshandura iyi ndima, kuti: “Ivai nomukurumbira wokuva nomufungo.” Mumwe nomumwe wedu angasanobvunza kuti, ‘Ndinozivikanwa sei? Ndine mukurumbira wokuva ane mufungo, anotera, uye munyoro here? Kana kuti ndinozivikanwa seakaoma, ane hasha, kana kuti akaoma musoro here?’
3. (a) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kuva nomufungo” rinorevei, uye neiko iri vara richifadza? (b) MuKristu angadzidza sei kuva ane mufungo zvikuru?
3 Mukurumbira wedu muna ikoku uchangoratidzira mwero kwauri tinotevedzera nawo Jesu Kristu. (1 VaKorinte 11:1) Paaiva pano pasi pano, Jesu akaratidzira zvakakwana muenzaniso mukurusa waBaba vake wokuva nomufungo. (Johane 14:9) Kutaura idi, apo Pauro akanyora nezve“unyoro netsitsi dzaKristu,” shoko rechiGiriki raakashandisa nokuda kwetsitsi (e·pi·ei·kiʹas) rinorevawo “kuva nomufungo” kana kuti, chaizvoizvo, “kuva anotera.” (2 VaKorinte 10:1) The Expositor’s Bible Commentary rinodana irori kuti “rimwe ramashoko makuru etsananguro yomunhu muT[estamente] I[tsva].” Rinorondedzera vara rinofadza kwazvo zvokuti imwe nyanzvi inoshandura shoko racho kuti “kuva nomufungo kunofadza.” Naizvozvo, ngatikurukurei nzira nhatu umo Jesu, kufanana naBaba vake, Jehovha, akaratidzira nadzo kuva nomufungo. Nokudaro tingadzidza nzira yokuva nayo nomufungo zvikuru isu timene.—1 Petro 2:21.
Ano“farira Kukanganwira”
4. Jesu akazviratidza amene sei kuva ano“farira kukanganwira”?
4 Kufanana naBaba vake, Jesu akaratidza kuva nomufungo kupfurikidza nokuva ano“farira kukanganwira” akanganwirazve. (Pisarema 86:5) Rangarira nguva apo Petro, shamwari yapedyo, akaramba Jesu katatu pausiku hwokusungwa nokutongwa kwaJesu. Jesu amene akanga ataura pakuvamba, kuti: “Mumwe nomumwe unondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu.” (Mateo 10:33) Jesu akashandisa zvakaoma uye nenzira isina ngoni uyu mutemo kuna Petro here? Aiwa; pashure porumuko Rwake, Jesu akaita shanyo yomunhu oga kuna Petro, pasina panikiro kuti anyaradze nokukurudzira uyu muapostora anopfidza, akaora mwoyo. (Ruka 24:34; 1 VaKorinte 15:5) Nokukurumidza pashure paikoko, Jesu akabvumidza Petro kuva nomutoro mukuru. (Mabasa 2:1-41) Pano pakanga pane kuva nomufungo kunofadza kwakanakisisa zvikuru! Hakunyaradzi here kufunga kuti Jehovha akagadza Jesu soMutongi parudzi rwose rwomunhu?—Isaya 11:1-4; Johane 5:22.
5. (a) Vakuru vanofanira kuva nomukurumbirai pakati pamakwai? (b) Vakuru vangahwirudzura mashokoi vasati vabata mhaka dzokutonga, uye nei?
5 Apo vakuru vanoshanda savatongi muungano, vanoedza kutevera muenzaniso une mufungo waJesu. Ivo havadi kuti makwai avatye savarangi. Panzvimbo pezvo, vanotsvaka kutevedzera Jesu kuitira kuti makwai agonzwa akakotsekana anavo savafudzi vane rudo. Mumhaka dzokutonga, ivo vanoita nhamburiko iri yose kuti vave vane mufungo, vakagadzirira kukanganwira. Vasati vabata nhau yakadaro, vamwe vakuru vakakuwana kuchibetsera kuhwirudzura nyaya dzomuNharireyomurindi yaJuly 1, 1992 “Jehovha, ‘Mutongi Wapasi Rose’ Asingasaruri” uye “Vakuru, Tongai Nokururama” Nokudaro ivo vanorangarira kupetwa kwenzira yokutonga kwaJehovha: “Kutsiga pakuri madikanwa, ngoni pakunobvira.” Hakusati kuri kukanganisa kuita ngoni mukutonga apo kunenge kune hwaro hune mufungo hwokuita saizvozvo. (Mateo 12:7) Kukanganisa kwakakomba kuva nehasha kana kuti vasina ngoni. (Ezekieri 34:4) Vakuru nokudaro vanodzivisa kukanganisa kupfurikidza nokutsvaka nokushingaira nzira yorudo, yengoni zvikurusa inobvira iri mukati memiganhu yeruramisiro.—Enzanisa naMateo 23:23; Jakobho 2:13.
Kuchinjika Mukutarisana Nemigariro Inochinja.
6. Jesu akaratidzira sei kuva nomufungo mukubata nomukadzi waVamarudzi aiva nomwana akanga ane dhemoni?
6 Kufanana naJehovha, Jesu akazvibvumikisa amene kuva anokurumidza kuchinja nzira kana kuti kuchinjira kumigariro mitsva sezvo yakamuka. Pane imwe nhambo mumwe mukadzi waVamarudzi akamukumbira kurapa mwanasikana wake akabatwa zvakaipa nedhemoni. Munzira nhatu dzakasiyana, Jesu pakutanga akaratidzira kuti akanga asati achizomubetsera—kutanga, nokuramba kumupindura; kechipiri, nokutaura zvakananga kuti akatumwa, kwete kuVamarudzi, asi kuvaJudha; uye kechitatu, nokupa muenzanisiro uyo wakaita nomutsa pfundo rimwe chetero. Zvisinei, mukadzi wacho akapfuurira mose imomu, achipa ufakazi hwokutenda kwechienzi. Achirangarira uyu mugariro wechienzi, Jesu aigona kuona kuti iyi yakanga isiri nguva yokushandisa mutemo unobatanidza zvose; yakanga iri nguva yokuchinjika mukuita chimwe chinhu kunheyo huru zvikuru.a Nokudaro, Jesu akaita zvomenemene izvo katatu akanga aratidzira kuti aisazoita. Akarapa mwanasikana womukadzi wacho.—Mateo 15:21-28.
7. Vabereki vangaratidza kuva nomufungo munzirai, uye nei?
7 Isu nenzira yakafanana tinozivikanwa nokudisa kwedu kutera apo kunenge kuri madikanwa here? Vabereki kazhinji kazhinji vanofanira kuratidza kuva nomufungo kwakadaro. Sezvo mwana mumwe nomumwe akasiyana, mitoo inoshanda nomumwe ingava isakakodzera nokuda kwomumwe. Kupfuurirazve, sezvo vana vanokura, zvinodikanwa zvavo zvinochinja. Nguva yokuva pamba inofanira kugadziridzwa here? Fundo yemhuri ingabetserwa negadziriro ino upenyu zvikuru here? Apo mubereki anoita nokunonyanyisa kukudarika kuduku kwakati, iye anodisa kuva anozvininipisa ndokururamisa zvinhu here? Vabereki vanotera munzira dzakadaro vanodzivisa kushatirisa vana vavo zvisina kufanira uye kuvaparadzanisa naJehovha.—VaEfeso 6:4.
8. Vakuru veungano vangatungamirira sei mukuchinjira kuzvinodikanwa zvendima?
8 Vakuruwo vanodikanirwa kuchinja sezvo migariro mitsva inomuka, nepo vasingatongobvumiranisi mitemo yakananga yaMwari pane zvisina kufanira. Mukutarisira basa rokuparidzira, wakasvinurira chinjo dziri mundima here? Sezvo mararamire munharaunda anochinja, zvichida kupupura manheru, kupupura mumigwagwa, kana kuti kupupura norunhare kunofanira kusimudzirwa. Kuchinja munzira dzakadaro kunotibetsera kuita basa redu rokuparidza nenzira inobudirira zvikuru. (Mateo 28:19, 20; 1 VaKorinte 9:26) Pauro akaitawo nhamburiko chaiyoiyo kuchinjira kumarudzi ose avanhu muushumiri hwake. Tinoita zvimwe chetezvo, somuenzaniso, kupfurikidza nokudzidza zvakakwana pamusoro pamarudzidziso omunzvimbomo netsika kuti tikwanise kubetsera vanhu here?—1 VaKorinte 9:19-23.
9. Neiko mukuru asingafaniri kuomerera nguva dzose pakubata zvinetso nenzira yaakaita nayo munguva yakapfuura?
9 Sezvo aya mazuva okupedzisira anova anotambudza zvikuru nguva dzose, vafudzi vangafanirawo kuchinjira kukuoma kunzwisisa nokusafadza kwezvimwe zvezvinetso zvinotarisana zvino neboka ravo. (2 Timotio 3:1) Vakuru, iyi haisi nguva yokuoma! Zvirokwazvo mukuru haasati achizoomerera pakubata nezvinetso sezvaakaita munguva yakapfuura kana mitoo yake yava isingashandi kana kuti kana “muranda wakatendeka, wakangwara” akaona kwakakodzera kubudisa mashoko matsva panhau dzakadaro. (Mateo 24:45; enzanisa naMuparidzi 7:10; 1 VaKorinte 7:31.) Mukuru mumwe akatendeka akaedza zvapachokwadi kubetsera hanzvadzi yakaora mwoyo yakanga ichida zvikuru muteereri akanaka. Zvisinei, iye akava nomurangariro wokusakoshesa kuora mwoyo kwake ndokumupa mhinduro dzisingabetseri. Ipapo Watch Tower Society yakabudisa mashoko akavakirwa paBhaibheri akabata nechinetso chake chimene. Mukuru akava nechokwadi chokutaura naye zvakare, nguva ino achishandisa mashoko matsva nokuratidza kunzwira tsitsi mugariro wake wakaipa. (Enzanisa na 1 VaTesaronika 5:14, 15.) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokuva nomufungo!
10. (a) Vakuru vanofanira kuratidza sei chimiro chendangariro chokutera kuno mumwe nomumwe nokumutumbi wavakuru wose zvawo? (b) Mutumbi wavakuru unofanira kurangarira sei avo vanozviratidza vamene kuva vasina mufungo?
10 Vakuru vanofanirawo kuratidza chimiro chendangariro chokutera kuno mumwe nomumwe. Apo mutumbi wavakuru unosangana, kunokosha sei kuti kurege kuva nomukuru mumwe anodzora zvinhu! (Ruka 9:48) Uyo ari kutungamirira anoda zvikurukuru kuzvidzora muna ikoku. Uye apo vakuru mumwe kana vaviri vanenge vasingabvumirani nechisarudzo chomutumbi wose zvawo wavakuru, havasati vachizoomerera pakuita zvinhu nenzira yavo vamene. Panzvimbo pezvo, chero bedzi pasina nheyo yapaMagwaro iri kuputswa, vachatera, vachiyeuka kuti kuva nomufungo kunodikanwa kuvakuru. (1 Timotio 3:2, 3) Pane rumwe rutivi, mutumbi wavakuru unofanira kurangarira kuti Pauro akatsiura ungano yeKorinte nokuda kwo‘kushivirira vanhu vasina mufungo’ vaizviratidzira vamene sa“vaapostora vanopfuura vamwe vose.” (2 VaKorinte 11:5, 19, 20) Naizvozvo vanofanira kuva vanodisa kupa zano mukuru biyavo anozvibata nomutoo wechisimbwa, usina mufungo, asi ivo vamene vanofanira kuva vanyoro nomutsa mukuita saizvozvo.—VaGaratia 6:1.
Kuva Nomufungo Mukushandiswa Kwechiremera
11. Musiyanoi wakanga uripo pakati pokuti vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha muzuva raJesu vakashandisa sei chiremera uye kuti Jesu akaita sei?
11 Apo Jesu akafamba pasi pano, kuva nomufungo kwake kwakaratidzwa zvirokwazvo munzira yaakashandisa nayo chiremera chake chakapiwa naMwari. Akanga akasiyana sei navatungamiriri vorudzidziso vezuva rake! Rangarira muenzaniso. Mutemo waMwari wakanga warayira kuti hapana basa, kwete kunyange kuunganidzwa kwehuni, kwaifanira kuitwa paSabata. (Eksodho 20:10; Numeri 15:32-36) Vatungamiriri vorudzidziso vaida kudzora kuti vanhu vaishandisa sei chaizvo mutemo iwoyo. Naizvozvo vakazvipa simba rokurayira chaizvoizvo icho munhu aigona kusimudza paSabata. Ivo vakarayira, kuti: hapana chinhu chinorema zvikuru kupfuura maonde maviri akaoma. Vakatobudisa chirambidzo pamusoro peshangu dzine zvipikiri, vachitaura kuti kusimudza uremu hwomuraudzo hwezvipikiri kungava basa! Kunotaurwa kuti, pamwe chete, vanarabhi vakawedzera mitemo 39 kumutemo waMwari pamusoro peSabata uye ipapo vakaita wedzero dzisingagumi kumitemo iyoyo. Jesu, pane rumwe rutivi, haana kutsvaka kudzora vanhu kupfurikidza namanyadzi kupfurikidza nokuisa mitemo inoganhurira isingagumi kana kuti kupfurikidza nokugadza mipimo yakaoma, isingasvikiki.—Mateo 23:2-4; Johane 7:47-49.
12. Neiko tichigona kutaura kuti Jesu haana kuzununguka apo kwakauya kumipimo yakarurama yaJehovha?
12 Tinofanira here kurangarira, ipapo, kuti Jesu haana kutsigira zvakasimba mipimo yakarurama yaMwari? Zvamazvirokwazvo akadaro! Iye akanzwisisa kuti mitemo inoshanda zvikurusa apo vanhu vanorangarira zvakakomba nheyo dzinotsigira mitemo iyoyo. Nepo vaFarise vakabatwa mukuedza kudzora vanhu nemitemo isingaverengeki, Jesu akatsvaka kusvika mwoyo. Somuenzaniso, aisanoziva kuti hapana kutera pakunouya kumitemo youmwari yakadai sokuti “tizai ufeve.” (1 VaKorinte 6:18) Naizvozvo Jesu akanyevera vanhu pamusoro pemifungo yaigona kutungamirira kuutere. (Mateo 5:28) Kudzidzisa kwakadaro kwakada uchenjeri hukuru zvikuru nenzwisiso kupfuura kungoisa mitemo yorumano, yemiitiro.
13. (a) Neiko vakuru vachifanira kudzivisa kuita mitemo nemirau isingachinjiki? (b) Ndedzipi dziri dzimwe nharaunda umo kunokosha kuremekedza hana yomunhu?
13 Hama dzine mutoro nhasi dzinofarira zvakaenzana kusvika mwoyo. Nokudaro, dzinodzivisa kuisa mitemo inodzvinyirira, isingachinjiki kana kuti kuchinja mirangariro yadzo yomunhu oga nemifungo kuva mutemo. (Enzanisa naDhanieri 6:7-16.) Nguva nenguva, zviyeuchidzo zvomutsa pazvinhu zvakadai somupfekero norutsvindo zvingava zvakakodzera uye zvakakodzera nguva, asi mukuru angaisa mungozi mukurumbira wake somunhu ane mufungo kana akadzokorora adzokororazve nhau dzakadaro kana kuti akaedza kupa iri zvikurukuru mirangariro yechishuvo chake chomunhu oga. Chaizvoizvo, vose vari muungano vanofanira kudzivisa kuedza kudzora vamwe.—Enzanisa na 2 VaKorinte 1:24; VaFiripi 2:12.
14. Jesu akaratidza sei kuti akanga ane mufungo pamusoro peizvo iye akakarira kuvamwe?
14 Vakuru vangada kuzvinzvera vamene pane imwe nhau: ‘Ndine mufungo here mune zvandinokarira kuvamwe?’ Jesu zvamazvirokwazvo akanga akadaro. Iye akaratidza nguva dzose vateveri vake kuti aisakarira zvakawanda zvinopfuura nhamburiko dzavo dzomwoyo wose uye kuti aikoshesa idzodzi zvikuru. Iye akarumbidza chirikadzi murombo nokuda kwokupa mari yayo youkoshi huduku. (Marko 12:42, 43) Akatsiura vadzidzi vake apo vakatsoropodza mupiro waMaria unodhura, achiti: “Muregei. . . . Wakaita paakagona napo.” (Marko 14:6, 8) Iye akanga ane mufungo kunyange apo vateveri vake vakamuodza mwoyo. Somuenzaniso, kunyange zvazvo akakurudzira vaapostora vake vapedyosa vatatu kugara vakamuka ndokuramba vakarinda naye pausiku hwokusungwa kwake, vakamuodza mwoyo kupfurikidza nokurara vararazve. Bva, akataura nokunzwira tsitsi, kuti: “Mweya unoda hawo, asi nyama haine simba.”—Marko 14:34-38.
15, 16. (a) Neiko vakuru vachifanira kungwarira kuti varege kusadzvinyirira kana kuti kushusha boka? (b) Imwe hanzvadzi yakatendeka yakasvika sei pakugadziridza zvayaikarira kuvamwe?
15 Chokwadi, Jesu akakurudzira vateveri vake ‘kuzvishandisa vamene nesimba.’ (Ruka 13:24) Asi haana kutongovamanikidzira kupinda mukuita saizvozvo! Akavakurudzira, akagadza muenzaniso, akatungamirira, uye akatsvaka kusvika mwoyo yavo. Akavimba nesimba romudzimu waJehovha kuita zvakasara. Vakuru nhasi nenzira yakafanana vanofanira kukurudzira boka kubatira Jehovha nomwoyo wose asi vanofanira kudzivisa kuvashusha nokunzwa vane mhaka kana kuti vachinyara, vachireva kuti izvo vanoita zvino mubasa kuna Jehovha hazvina kukwana munzira yakati kana kuti hazvigamuchiriki. Kusvika kwakaoma kwokusunda, kwa“itai zvakawanda, itai zvakawanda, itai zvakawanda!” kungaodza mwoyo avo vari kuita zvose zvavanogona. Kungasuruvarisa sei kana mukuru akavaka mukurumbira wokuva “akaoma kufadza”—kwakasiyana zvikuru nokuva ane mufungo!—1 Petro 2:18, NW.
16 Tose zvedu tinofanira kuva vane mufungo mune zvatinokarira kuvamwe! Imwe hanzvadzi, pashure pokunge iyo nomurume wayo varega mugove wavo woufundisi kuti vatarisire amai vayo vanorwara, yakanyora, kuti: “Idzi nguva dzakatiomera zvirokwazvo vaparidzi vari muno muungano. Zvataiva mubasa redunhu neruwa, takadzivirirwa padzvinyiriro dzakawanda dzakadaro, isu kamwe kamwe uye nenzira inorwadza takaitwa kuti tizive izvozvi. Ndaisiti kwandiri ndimene, somuenzaniso, ‘Neiko hanzvadzi iyo isingagoveri mabhuku akarurama mwedzi uno? Hairavi Ushumiri hwoUmambo here?’ Zvino ndinoziva chikonzero nei. Nokuda kwavamwe ndizvo zvose zvavanogona kuita kuti vapinde [mubasa].” Kuri nani zvikuru sei kurumbidza hama dzedu nokuda kwezvadzinoita kupfuura kudzitonga nokuda kwezvadzisingaiti!
17. Jesu akatigadzira sei muenzaniso pamusoro pokuva nomufungo?
17 Rangarira muenzaniso wokupedzisira wokuti Jesu anoshandisa sei chiremera chake nenzira ine mufungo. Kufanana naBaba vake, Jesu haadziviriri chiremera chake negodo. Iyewo mugoveri ane unyanzvi, achigadza boka rake romuranda akatendeka kutarisira “zvose zvaanazvo” pano pasi pano. (Mateo 24:45-47) Uye haatyi kuteerera pfungwa dzavamwe. Kazhinji kazhinji aibvunza vateereri vake, kuti “Munofungeiko?” (Mateo 17:25; 18:12; 21:28; 22:42) Ndozvakunofanira kuita pakati pavateveri vose vaKristu nhasi. Hapana chitsama chechiremera chinofanira kuvaita kuti vasade kuteerera. Vabereki, teererai! Varume, teererai! Vakuru, teererai!
18. (a) Tingawana sei kana tine mukurumbira wokuva nomufungo? (b) Chii icho tose zvedu tingaita zvakanaka kusarudza?
18 Nenzira yakajeka, mumwe nomumwe wedu anoda ku“va nomukurumbira wokuva ane mufungo.” (VaFiripi 4:5, Phillips) Asi tinoziva sei kana tine mukurumbira wakadaro? Eya, apo Jesu akanga achida kuziva nezveizvo vanhu vaitaura pamusoro pake, akabvunza vasonganiri vake vanovimbwa. (Mateo 16:13) Kuregererei kutevera muenzaniso wake? Ungagona kubvunza mumwe munhu waunogona kuvimba naye nokuda kwokutendeseka kana une mukurumbira wokuva munhu ane mufungo, anotera. Zvirokwazvo pane zvakawanda tose zvedu tinogona kuita kusanotevedzera zvikuru muenzaniso wakakwana waJesu wokuva nomufungo! Zvikurukuru kana tichishandisa chitsama chakati chechiremera pavamwe, nguva dzose ngatitevere muenzaniso waJehovha naJesu, tichichishandisa nenzira ine mufungo, nguva dzose takagadzirira kukanganwira, kuchinja, kana kuti kutera apo kunenge kwakafanira. Zvamazvirokwazvo, mumwe nomumwe wedu ngaavavarire ku“va nomufungo”!—Tito 3:2, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku rinonzi New Testament Words rinotsinhira, kuti: “Munhu ari epieikēs [mufungo] anoziva kuti pane nguva apo chinhu chingava chinoruramiswa chose chose pamutemo asi chakaipa chose chose mutsika. Munhu ari epieikēs anoziva nguva yokupfavisa mutemo mumanikidziro yesimba iro riri rakakwirira zvikuru neguru zvikuru kupfuura mutemo.”
Waizopindura Sei?
◻ Neiko vaKristu vachifanira kuda kuva nomufungo?
◻ Vakuru vanogona sei kutevedzera Jesu mukuva vakagadzirira kukanganwira?
◻ Neiko tichifanira kuvavarira kuva vanochinjika sezvakanga zvakaita Jesu?
◻ Tinogona sei kuratidzira kuva nomufungo munzira yatinoshandisa nayo chiremera?
◻ Tingazvinzvera timene sei kana tiri chaizvoizvo vane mufungo?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Jesu akakanganwira nokudisa Petro anopfidza
[Mufananidzo uri papeji 16]
Apo mumwe mukadzi akaratidza kutenda kwechienzi, Jesu akaona kuti yakanga isiri nguva yokushandisa mutemo unobatanidza zvose
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vabereki teererai!
[Mufananidzo uri papeji 18]
Varume teererai!
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakuru teererai!