-
“Rugare Kwamuri”Nharireyomurindi—1988 | February 15
-
-
4. Vanhu vaJehovha vanogona sei kuchengeta rugare rwendangariro nomwoyo munguva dzino dzinotambudza?
4 Tiri kurarama munguva yomugumo, mu“nguva dzinotambudza kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Varume vakatasva mabhiza vakadeya kutaurwa muna Zvakazarurwa vakatasva vachipfuura nomupasi—sezvaunogona kuona kubva muhondo, perevedzo dzezvokudya, uye rufu runobva muchirwere. (Zvakazarurwa 6:3-8) Vanhu vaJehovha vanotapurwawo nemigariro yakavapoteredza. Naizvozvo iwe unogona sei kuchengeta rugare rwoumwari rwendangariro nomwoyo? Kupfurikidza nokuramba uri pedyo naManyuko makuru enyaradzo norugare. Sezvakaratidza nyaya yapfuura, uku kunoda munyengetero wenguva dzose nomukumbiro. Nenzira iyoyo “rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo yenyu namano enyu endangariro kupfurikidza naKristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7, NW.
5. Neiko Pauro aiva nechokwadi chokuti “rugare rwaMwari” rwaigona kurinda mwoyo yedu?
5 Muapostora Pauro, uyo akanyora mashoko iwawo, iye amene akanga atsungirira ngozi nezvitambudzo. Iye akanga aiswa mutorongo uye arohwa navaJudha navaRoma. Iye akatakwa namabwe ndokusiiwa odokufa. Kufamba mumazuva iwayo kwakanga kune ngozi; Pauro akapunzikirwa nechikepe katatu, uye kazhinji kazhinji aiva mungozi yembavha. Iye akapedza usiku hwakawanda hwokusavata uye kazhinji kazhinji akatambura nechando, nzara, uye nyota. Kupfuura zvose izvozvo, iye zuva nezuva akanzwa “funganyo nokuda kweungano dzose.” (2 VaKorinte 11:24-28, NW) Naizvozvo Pauro aiziva kubva muruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga rwakafara kuti “rugare rwaMwari” runokosha sei urwo rwunogona kurinda mwoyo yedu.
6. Neiko kuchikosha kutanga ndokuchengeta chisungo choushamwari, chapedyo noMusiki wedu?
6 “Rugare rwaMwari” runogona kutsanangurwa sepfungwa yorunyararo noruteramo, kuratidzira ukama hwakanaka naMwari. Ikoku kunokosha kwazvo nokuda kwamaKristu, zvikurukuru apo anotarisana nechitambudzo kana kuti dambudziko. Neiko? Eya, tose zvedu hatina kukwana; nokudaro, patinonetswa nezvinetso, kunetseka, chishoro, kana kuti marudzi akasiana-siana emhinganidzo, tingagona kusatana kutya. Ikoko kungatungamirira kukukundikana kwedu kuchengeta perero yedu. Kwakadaro kungaunza ruzvidzo pazita raMwari, kungatiparira kurasikirwa nenyasha dzaJehovha, uye kungatungamirira kukurasikirwa kwedu noupenyu husingaperi. Naizvozvo kunokosha sei kuvavarira kuwana “rugare rwaMwari” urwo ruchatibatsira mukutarisana nedenho dzakadaro nenzira inobudirira. Rugare irworwo zvamazvirokwazvo ndichimwe che‘zvipo zvakanaka nezvipiwa zvakakwana’ zvinoitwa kuti zviwanike naBaba vedu vokudenga.—Jakobho 1:17.
7, 8. (a) “Rugare rwaMwari” rwakavakirwa pachii, uye irwo runo‘pfuura mufungo wose’ sei? (b) Rugare rwakadaro rwakaratidzirwa sei muchinoitika cheimwe hama yeAfrica?
7 Iwe ungave wakaona kuti vamwe vanhu vanopfuura muupenyu vakaterama uye vane chivimbo. Kazhinji kazhinji ikoku imhaka yamano omuzvarirwo, pesvedzero yemhuri, pfuma, dzidzo kana kuti zvimwe zvinhu zvakadaro. “Rugare rwaMwari” rwakasiana zvikuru. Haruna kuvakirwa pamigariro yakanaka, uyewo harubvi mumano ohunhu kana kuti kurangarira. Runobva kuna Mwari uye “runopfuura mufungo wose.” Kushandura kwaJ. B. Phillips VaFiripi 4:7 ndokwokuti “rugare rwaMwari . . . runopfuura nzwisiso yavanhu.” Vanhu venyika vanowanzoshamiswa nenzira iyo maKristu anotarisana nayo nezvinetso zvakakomba, kuvadziko yomuviri, kana kuti kunyange rufu.
8 Muenzaniso wazvino uno waikoku akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uyo akanga achiitisa musangano wechiKristu mune imwe nyika yeAfrica umo Zvapupu, zvikurukuru pakusvudziro yaVakaturike vomunzvimbomo, vakapomerwa kuva magandanga. Kamwe kamwe, mapurisa amauto namapanga akaiswa kumiromo yepfuti akaoneka. Iwo akaendesa vakadzi navana kumusha asi akavamba kurova varume. Chapupu chinoyeuka, kuti: “Handina mashoko okurondedzera nawo mutoo watakarohwa nawo. Koporo aitungamirira akazivisa pachena kuti taizorohwa kusvikira kurufu. Ndakarohwa netsvimbo zvokuti gare gare ndakarutsa ropa kwamazuva 90. Asi itiro hanya yangu yaiva upenyu hweshamwari dzangu. Mumunyengetero ndakakumbira Jehovha kutarisira upenyu hwaivava, makwai ake,” ayo akapukunyuka ose. Muenzaniso wakadini wokuramba takaterama munhamo inotyisa uye wokurangarira vamwe nenzira yorudo! Hungu, Baba vedu vokudenga vane rudo vanopindura zvikumbiro zvavabatiri vavo vakatendeka, vachivapa rugare rwavo. Mumwe wavarwi vakakatyamadzwa muchinoitika ichocho akataura kuti Mwari weZvapupu “anofanira kuva wechokwadi.”
9. Kurava Bhaibheri nokufungisisa pamusoro paro kunogona kuva nomuuyoi?
9 Munguva dzino dzinotambudza, maKristu akawanda ane zvinetso zvinoaita kuti anzwe achivhiringidzwa uye achiodzwa mwoyo. Nzira yakaisvonaka yokuchengeta nayo rugare rwendangariro kurava Bhaibheri ndokufungisisa pamusoro paro. Kunogona kupa munhu simba norusimbiriro zvokupfuurira ndokumira nesimba. “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba.”—VaHebheru 4:12, NW.
10. Kukwanisa kuyeuka Magwaro kunogona sei kuva chikomborero?
10 Bva, zvakadiniko kana nhamo ikatisvikira apo Bhaibheri rinenge risingawaniki? Somuenzaniso, mumwe muKristu angasungwa kamwe kamwe ndokupfigirwa mutorongo asina Bhaibheri. Muchinoitika ichocho, kwaizova chikomborero chaichoicho kukwanisa kuyeuka Magwaro akadai saVaFiripi 4:6, 7; Zvirevo 3:5, 6; 1 Petro 5:6, 7; uye Pisarema 23. Haungaongi zvikuru here kukwanisa kuyeuka ndokurangarira pamusoro pezvikamu zvakadaro? Mumugariro wakakomba wetorongo, kwaizova sokunge Jehovha amene aitaura kwauri. Shoko raMwari rinogona kurapa ndangariro dzakuvadzwa, kusimbisa mwoyo yapera simba, kutsiva nhamo yendangariro norugare. (Ona Pisarema 119:165.) Hungu, kunokosha zvikuru kusima Magwaro mundangariro dzedu zvino tichine banza rokuita saizvozvo.
11. Imwe hama muNetherlands yakaratidzira sei kudikanwa kwezvokudya zvomudzimu?
11 Arthur Winkler akanga ari mumwe akaonga zvikuru Bhaibheri, zvikurukuru mukati mokutapa Netherlands kweNazi, apo Zvapupu zvaifanira kupfuuridzira mubato wazvo wechiKristu pasi pevhu. Gestapo yakanga yave ichivhima Hama Winkler. Apo ivo pakupedzisira vakamubata, vakaedza kumuita kuti abvumirane pane zvisina kufanira asi vakakundikana. Ivo ipapo vakamurova kusvikira asisazivi. Mazino ake abviswa, shaya yapasi yatyoka, uye muviri warohwa zvinorwadza, akapinzwa musero rine rima. Asi murindiri wake ainzwira tsitsi uye aiva noushamwari. Hama Winkler akatsvaka nhungamiro yaJehovha mumunyengetero. Iye akanzwawo zvikuru kudikanwa kwezvokudya zvomudzimu ndokukumbira murindiri nokuda kwebetsero. Gare gare, suo resero rakazaruka, uye Bhaibheri rakakandirwamo. “Wakanga uri mufaro wakadini,” akayeuka Hama Winkler, “kufarikanya zuva nezuva mashoko anofadza ezvokwadi . . . ndakazvinzwa ndimene ndichisimba zvikuru mumudzimu.”a
Rugare Rwoumwari Ruchakutaviridza
12. Neiko pane kudikanwa kukuru kwokuti tirinde mwoyo yedu namasimba endangariro?
12 Jehovha anopikira kuti rugare rwake “rucharinda mwoyo yenyu namano enyu endangariro.” (VaFiripi 4:7, NW) Ikoku kunokosha kwazvo! Mwoyo ndiwo hugaro hwesundo nemirangariro. Mumazuva ano okupedzisira, mwoyo yedu inogona kusatana kuneteswa norutyo kana kuti funganyo, kana kuti kutinyengera kuita chakaipa. Mutoo wose woupenyu unoshata nokukurumidza. Tinofanira kungwarira nguva dzose. Mukuwedzera kukuda mwoyo yakasimba, tinofanirawo kuita kuti “masimba [edu] endangariro” asimbiswe ndokutungamirirwa naMwari kupfurikidza neShoko rake neungano yake.
13. Ibetseroi dzinogona kubva mukuita kuti masimba edu endangariro arindwe?
13 Mukuwirirana naW. E. Vine, shoko rechiGiriki noʹe·ma (rinoshandurwa kuti “masimba endangariro”) rine mufungo we“donzo” kana kuti “zano.” (An Expository Dictionary of New Testament Words) Nokudaro, rugare rwaMwari runogona kusimbisa donzo redu rechiKristu ndokutidzivisira kombamiro ipi neipi yokuneta kana kuti kuchinja ndangariro dzedu pasina chikonzero chakanaka. Kuora mwoyo kana kuti zvinetso nokudaro zvingasatana kutibvisa. Somuenzaniso, kana takaita donzo kubatira Jehovha munzvimbo chaiyo yakati, zvakadai sokupfurikidza nokuva mushumiri piona wenguva yakazara kana kuti kutama kundobatira uko vashumiri vanodikanwa zvikuru, “rugare rwaMwari” ruchava betsero huru kwatiri mukupfuurira takananga nharidzano iyoyo. (Enzanisa naRuka 1:3; Mabasa 15:36; 19:21; VaRoma 15:22-24, 28; 1 VaTesaronika 2:1, 18.) Kuti usimbisezve masimba ako endangariro, ipa nguva yakawanda kukufunda Shoko raMwari nokusonganiro yechiKristu. Iwe nokudaro unodyisa ndangariro yako nomwoyo zvokudya zvakachena, zvinovaka. Ko iwe unokwanisa here kupa nguva yakakwana kukuzvibatanidza umene na“mashoko” akafuridzirwa aMwari? Unofanira kuapa ngwariro huru here?
14. Tinofanira kupa kuteerera kwokungwarira kuzanoi rakafuridzirwa, uye nei?
14 Unogona kuona kuti zvose zviri zviviri mwoyo nendangariro, kana kuti masimba endangariro, zvinobatanidzwa mukuwana nokubetsereka mu“rugare rwaMwari.” Ikoku kunotsigirwa mupangiro youmwari, inoti: “Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchiatarira, uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose. Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—Zvirevo 4:20-23.
15. Jesu anoita rutivii mukuva kwedu no“rugare rwaMwari”?
15 “Rugare rwaMwari” urwo runobva muchisungo choushamwari, chapedyo naJehovha runorinda mwoyo yedu namasimba endangariro “kupfurikidza naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:7, NW) Ibasai rinoita Jesu muna ikoku? Pauro anotsanangura, kuti: “Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kuna Mwari, Baba wedu, naShe Jesu Kristu. Wakazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu.” (VaGaratia 1:3, 4) Hungu, Jesu norudo akapa upenyu hwake kuti tigodzikinurwa. (Mateo 20:28) Naizvozvo kuri “kupfurikidza naKristu Jesu” kuti tinogona kuva vanogamuchirika kuna Jehovha savabatiri vake vakazvitsaurira ndokukwanisa kufarikanya rugare rwoumwari irworwo urwo rwunogona kuva chitaviridzo chedu.
-
-
“Rugare Kwamuri”Nharireyomurindi—1988 | February 15
-
-
20. Munhu upi noupi anoita chakaipa chakakomba anofanira kuitei?
20 Kana vapi navapi vakava vane mhaka yechakaipa chakakomba asi vachiifukidza, ivo nenzira yakajeka vacharashikirwa netendero yaJehovha no“rugare rwaMwari” urwo vaiva narwo. Ivo vacharasikirwa norugare rwavo vamene rwendangariro. (Enzanisa na 2 Samueri 24:10; Mateo 6:22, 23.) Iwe unogona kuona, ipapoka, chikonzero nei kuri madikanwa kuti muKristu upi noupi akawira muchivi chakakomba areurure ichocho kuna Jehovha nokuvakuru vane rudo, avo vanogona kusimudzira kuporesa kwomudzimu. (Isaya 1:18, 19; 32:1, 2; Jakobho 5:14, 15) Apo mumwe munhu anenge arasikirwa nedzikamo yomudzimu panzira inotsvedza yechivi anotsvaka betsero kuhama dzakakura mumudzimu, iye haasati achizopfuurira kuva nehana inotambudzika kana kuti kuva asina rugare rwoumwari.
21. Chisakisoi chokuonga kukuru kuna Jehovha chatinacho nhasi, uye ndokupi kunofanira kuva kutsunga kwedu?
21 Iropafadzo yakadini kuva mumwe weZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha nhasi! Makatipoteredza mose, nyika ino yaSatani iri kupunzika nokuva matongo. Ichakurumidza kupfuura. Vanhu vazhinji “vapera simba nokuda kworutyo nokukarirwa kwezvinhu zviri kuuya papasi rinogarwa.” Asi tinogona kusimudza misoro yedu nemhaka yokuti tinoziva kuti “kusunungura [kwedu] kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:25-28, NW) Kuti tiratidze kuti tinoonga sei kuna Jehovha nokuda kwo“rugare [rwake] . . . runopfuura mufungo wose,” ngatiite unani hwedu kubatira nokutendeka “Mwari anopa rugare.”—VaRoma 15:33; 1 VaKorinte 15:58.
-