Rambai Muchishandira Kuponeswa Kwenyu!
“Vanodiwa vangu, . . . rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.”—VAFIRIPI 2:12, NW.
1, 2. Ndeipi mifungo yakakurumbira yakaita kuti vanhu vakawanda vafunge kuti havana zvavanogona kuita nezvezvichaitika muupenyu hwavo?
“WAKAZVARWA wakadaro here?” Nguva pfupi yapfuura, mubvunzo iwoyo wakanyorwa pabutiro reimwe magazini yakakurumbira. Pasi pomusoro mukuru paiva nemashoko okuti: “Unhu, maitire, kunyange zvaunogona kuita muupenyu. Kunzvera kuri kuitwa mazuva ano kunoratidza kuti zvinowanzova zvokuzvarwa nazvo.” Kutaura kwakadaro kungaita kuti vamwe vafunge kuti havana zvavanogona kuita noupenyu hwavo.
2 Vamwe vanotya kuti kutadza kurera zvakanaka kwavabereki vavo kana kuti kutadza kudzidzisa zvakanaka kwavadzidzisi vavo kungadaro kwakavaita kuti vave noupenyu husingafadzi. Vangafunga kuti vakafanosarudzirwa kudzokorora zvikanganiso zvavabereki vavo, kuita maererano nezvakaipisisa zvavanonzwa vachida kuita, kuva vasina kutendeka kuna Jehovha—kungopfupikisa, kuita zvisarudzo zvakashata. Ndizvo zvinodzidzisa Bhaibheri here? Chaizvoizvo, kune vanhu vezvitendero vanoomerera pakuti Bhaibheri rinodzidzisa chimwe chinhu chakafanana neichi, dzidziso yokufanosarudzirwa nguva yemberi. Maererano nedzidziso iyi, Mwari akasarudza kare kare zvose zvichaitika muupenyu hwako.
3. Bhaibheri rine mashoko api anokurudzira pamusoro pemano edu okuzvisarudzira nguva yedu yemberi?
3 Mifungo yose iyi yakasiyana-siyana inotaura chinhu chimwe chakafanana: Hauna simba rokusarudza, hauna zvaunogona kuita nezvezvichaitika muupenyu hwako. Mashoko anoodza mwoyo, haasiri here, uye kuodzwa mwoyo kunowedzera chinetso chacho. Zvirevo 24:10 inoti: “Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, simba rako ishoma.” Zvisinei, tinokurudzirwa patinodzidza kuti, maererano neBhaibheri, tinogona ‘kushandira kuponeswa kwedu.’ (VaFiripi 2:12) Tingasimbisa sei kuvimba kwedu nedzidziso iyi yaMagwaro yakanaka?
Basa Ro“kuvaka” Ratinozviitira
4. Kunyange zvazvo 1 VaKorinte 3:10-15 ichitaura nezvokuvaka nezvinhu zvisingatsvi nemoto, izvi hazvirevi chii?
4 Imbofunga muenzaniso womuapostora Pauro unowanika pana 1 VaKorinte 3:10-15. Ipapo, anotaura nezvebasa rechiKristu rokuvaka, uye zvinorehwa nomuenzaniso wake zvinogona kushanda kuushumiri hwomukati nehwokunze. Anoreva here kuti kana mudzidzi achizopedzisira asarudza kunamata Jehovha ndokurarama maererano nechisarudzo chake ibasa revakamudzidzisa nokumurovedza? Kwete. Pauro aisimbisa kukosha kwokuti mudzidzisi aite basa rokuvaka rakanakisisa rinobvira. Asi sezvatakadzidza muganhuro rakapfuura, akanga asingatauri kuti mudzidziswa wacho kana kuti mudzidzi haana zvaanogona kuita nezvenhau yacho. Chokwadi, muenzaniso waPauro unosimbisa nezvebasa ratinoita mune vamwe, kwete kuzvivaka kwedu pachedu. Izvi zviri pachena nokuti Pauro anotaura nezvebasa rokuvaka rachero serinoparadzwa nepo muvaki wacho achiponeswa. Kunyange zvakadaro, Bhaibheri pane dzimwe nguva rinotaura nedimikira rakafanana nezvebasa ratinozviitira.
5. Magwaro api anoratidza kuti vaKristu vanofanira kuzviitira basa roku“vaka”?
5 Somuenzaniso, imbonzwa zvinotaura Judhasi 20, 21: “Imi vadikanwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere mumweya mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari.” Judhasi pano anoshandisa shoko rimwe chetero rechiGiriki ro‘kuvaka’ rakashandiswa naPauro muna 1 VaKorinte ganhuro rechitatu, asi pfungwa yake inoita seyokuti tizvivakire panheyo yokutenda kwedu. Pakunyora muenzaniso waJesu womurume wakavakira imba yake paruware, Ruka anoshandisa shoko rimwe chetero rechiGiriki re“nheyo” rinoshandiswa naPauro mumuenzaniso wake wokuvaka kwechiKristu. (Ruka 6:48, 49) Uyezve, Pauro anoshandisa kufungidzira kwokuvakirwa pa“nheyo” paanokurudzira vamwe vaKristu saye kuti vafambire mberi mumudzimu. Hungu, Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti tizviitire basa ro“kuvaka.”—VaEfeso 3:15-19; VaKorose 1:23; 2:7.
6. (a) Enzanisira kuti mudzidzi wechiKristu mumwe nomumwe anoitwa sei nebasa rakabatanidzwa rokuvaka. (b) Mudzidzi mumwe nomumwe ane mutoro wei?
6 Kuvaka muKristu ibasa romunhu mumwe here? Zvakanaka, fungidzira kuti wafunga kuvaka imba. Unoenda kumugadziri wemapurani kuti akugadzirire mapurani acho. Sezvaunoda kuzviitira basa rakawanda racho, unopinza basa muvaki kuti ashande newe nokukupa mazano enzira dzakanakisisa. Kana akavaka nheyo yakasimba, akakubetsera kunzwisisa mapurani acho, akakarakadza zvinhu zvakanakisisa zvokutenga, uye kutokudzidzisa zvakawanda nezvekuvaka, ungangobvuma kuti aita basa rakanaka. Asi zvakadini kana ukarega kuteerera zano rake, ukatenga zvinhu zvakachipa kana kuti zvisina kugadzirwa zvakanaka, uye kunyange kurega kutevedzera mapurani omugadziri wemapurani? Chokwadi haungapi mhaka muvaki wacho kana kuti mugadziri wemapurani kana imba yacho ikapunzika! Nenzira yakafanana, mudzidzi mumwe nomumwe wechiKristu anoitwa nebasa rakabatanidzwa rokuvaka. Jehovha ndiye mugadziri wemapurani mukuru. Anotsigira muKristu akatendeka anodzidzisa nokuvaka mudzidzi, somumwe we“vabati pamwe chete naMwari.” (1 VaKorinte 3:9) Asi mudzidzi wacho anobatanidzwawo. Pakupedzisira, ndiye anofanira kuzvionera upenyu hwake. (VaRoma 14:12) Kana achida kuva nemavara akaisvonaka echiKristu, anofanira kushanda zvakaoma kuti aawane, kuti ave maari.—2 Petro 1:5-8.
7. Vamwe vaKristu vanowana zvinetso zvei, uye chii chingavanyaradza?
7 Ipapoka, izvi zvinoreva here kuti zvaunozvarwa wakaita, zvakapoteredza, uye kugona kudzidzisa kwevadzidzisi vedu hazvina zvazvinoreva? Nyangwe. Shoko raMwari rinozivisa zvose izvozvi sezvinokosha uye zvinopesvedzera. Mamwe mafungiro okuita chivi, akashata takazvarwa nawo uye anogona kuva akaoma kubvisa. (Pisarema 51:5; VaRoma 5:12; 7:21-23) Kurovedza kwavabereki nezvakapoteredza pamusha zvinogona kupesvedzera zvikuru vana vaduku—zvakanaka kana kuti zvakashata. (Zvirevo 22:6; VaKorose 3:21) Jesu akapa mhosva vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha nemhaka yemigumisiro yakashata yakava nedzidziso yavo pane vamwe. (Mateo 23:13, 15) Nhasi, zvinhu zvakadaro zvinotitapura tose. Somuenzaniso, vamwe vanhu vaMwari vanowana zvinetso zvakaoma nemhaka yokurerwa zvakaoma. Ava vanoda mutsa wedu nokunzwira urombo. Uye vanogona kunyaradzwa nemashoko eBhaibheri okuti havana kufanosarudzirwa kudzokorora zvikanganiso zvevabereki vavo kana kuti kuva vasina kutendeka. Funga kuti mamwe madzimambo aJudha wekare anojekesa sei mufungo uyu.
Madzimambo aJudha—Akazvisarudzira
8. Baba vaJotami vakava muenzanisoi wakashata kwaari, asi akasarudzei?
8 Uziya akava mambo waJudha pazera duku remakore 16 uye akatonga kwemakore 52. Muyakawanda yenguva iyi, “akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose.” (2 Madzimambo 15:3) Jehovha akamukomborera nokukunda muhondo kunoshamisa kwakatevedzana. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti kubudirira kwakaita kuti Uziya azvikudze. Akazvitutumadza ndokupandukira Jehovha nokupisa zvinonhuwira paatari mutemberi, basa raifanira kuitwa nevapristi chete. Uziya akatsiurwa asi akangopindura nehasha. Ipapo akanyadziswa—akabatwa nemaperembudzi ndokumanikidzwa kugara oga upenyu hwake hwose. (2 Makoronike 26:16-23) Mwanakomana wake Jotami akaita sei kuzvose izvi? Jaya racho raigona kudai rakapesvedzerwa nyore nyore nababa varo uye raigona kudai rakavenga kururamisa kwaJehovha. Vanhu vose havo vangadai vakamupesvedzera zvakashata sezvo vainamata zvitendero zvisina kururama. (2 Madzimambo 15:4) Asi Jotami akazvisarudzira. “Akaita zvakarurama pamberi paJehovha.”—2 Makoronike 27:2.
9. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvakanaka zvakanga zvichipesvedzera Ahazi, asi upenyu hwake hwakazoguma sei?
9 Jotami akatonga kwemakore 16, achiramba akatendeka kuna Jehovha nguva yose iyoyo. Naizvozvo, mwanakomana wake Ahazi akanga ane muenzaniso wakaisvonaka wababa vakatendeka. Uye Ahazi aiva nevamwe vaimupesvedzera zvakanaka. Akanga akakomborerwa kurarama panguva iyo vaporofita vakatendeka Isaya, Hosea, uye Mika vaiporofita munyika yacho. Asi, haana kusarudza zvakanaka. “Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha, sababa vake Dhavhidhi.” Akaita zvifananidzo zvaBhaari ndokuzvinamata uye akatopisa vamwe vana vake mumoto yokubayira vamwari vechihedheni. Pasinei zvapo nokupesvedzera kwakanakisisa, akakundikana zvachose kuva mambo uye mushumiri waJehovha.—2 Makoronike 28:1-4.
10. Ahazi akanga ari baba vorudzii, asi mwanakomana wake Hezekia akasarudzei?
10 Kana tichitaura nezvokunamata kwakachena, zvakaoma kufungidzira baba vakashata kupfuura Ahazi. Zvisinei, mwanakomana wake Hezekia aisagona kuzvisarudzira baba vake! Vanakomana vaduku vakabayirwa naAhazi kuna Bhaari vangadaro vaiva vakoma vaHezekia. Ko zvakaitika zvakashata izvi zvakasarudzira Hezekia upenyu hwokusatendeka kuna Jehovha here? Mukupesana, Hezekia akava mumwe wamadzimambo makuru echokwadi mashomanene aJudha—munhu wakatendeka, wakachenjera, uye anodiwa. “Jehovha akava naye.” (2 Madzimambo 18:3-7) Kutaura chokwadi, pane chikonzero chokudavira kuti Hezekia aiva munyori akafuridzirwa wePisarema rechi119 achiri muchinda muduku. Kana zvakadaro, hazvina kuoma kuona chikonzero nei angava akanyora mashoko okuti: “Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa.” (Pisarema 119:28) Pasinei zvapo nezvinetso zvake zvinorwadza, Hezekia akabvumira Shoko raJehovha kuti rimutungamirire muupenyu. Pisarema 119:105 rinoti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” Hungu, Hezekia akazvisarudzira—zvakarurama.
11. (a) Pasinei zvapo nokupesvedzera kwakanaka kwababa vake, kupandukira Jehovha kwaManase kwakanga kwakashata zvakadini? (b) Manase akaita chisarudzoi pakanga pava kuda kuguma upenyu hwake, uye tingadzidzei machiri?
11 Zvisinei, nenzira inopesana, kune mumwe wamadzimambo aJudha akanakisisa kwakabva mumwe wevakaipisisa vacho. Mwanakomana waHezekia Manase akakurudzira kunamata zvidhori, kudavira midzimu, uye masimba masimba makuru zvisingaenzaniswi. Chinyorwa chacho chinoti “Jehovha akataura naManase navanhu vake,” zvimwe achishandisa vaporofita. (2 Makoronike 33:10) Maererano negamuchidzanwa revaJudha, Manase akaita kuti Isaya achekwe. (Enzanisa naVaHebheru 11:37.) Ichocho chingava chiri chokwadi kana kuti kwete, Manase akakundikana kuteerera kunyevera kwaMwari. Kutaura chokwadi, akaita kuti vamwe vana vake vapiswe vari vapenyu sezvibayiro, sezvakanga zvangoita sekuru vake Ahazi. Asi, murume uyu akaipa, atarisana nemiedzo yakakomba muupenyu gare gare, akapfidza ndokuchinja nzira dzake. (2 Makoronike 33:1-6, 11-20) Muenzaniso wake unotidzidzisa kuti munhu wakaita zvisarudzo zvakashata haasiri hake asingachachinjiki. Anogona kuchinja.
12. Amoni nomwanakomana wake Josia vakaita zvisarudzoi zvakasiyana zvine chokuita nokushumira Jehovha?
12 Mwanakomana waManase Amoni angadai akadzidza zvakawanda mukupfidza kwababa vake. Asi akaita zvisarudzo zvisina kururama. Chaizvoizvo Amoni “wakaramba achingowedzera kudarika kwake” kutozosvikira aurawa. Mwanakomana wake Josia akanga akasiyana zvinokurudzira. Sezviri pachena Josia akasarudza kudzidza mune zvakanga zvaitika kuna sekuru vake. Akatanga kutonga achingova hake nemakore masere bedzi. Paakanga achingova nemakore 16, akatanga kutsvaka Jehovha uye akazova mambo ane muenzaniso wakanaka, akatendeka. (2 Makoronike 33:20–34:5) Akasarudza—chisarudzo chakarurama.
13. (a) Tinodzidzei mumadzimambo echiJudha atafunda nezvawo? (b) Kurovedza kwavabereki kunokosha zvakadini?
13 Uku kunzvera kupfupi madzimambo manomwe echiJudha kunodzidzisa chidzidzo chinokosha. Muzvimwe zviitiko, madzimambo akaipisisa akava nevanakomana vakanakisisa uye, mukupesana, madzimambo akanakisisa akava nevanakomana vakaipisisa. (Enzanisa naMuparidzi 2:18-21.) Izvi hazvideredzi kukosha kwokurovedza kwavabereki. Vabereki vanorovedza vana vavo maererano nenzira yaJehovha zvirokwazvo vanopa vana vavo mukana wakanakisisa unobvira wokuva vashumiri vakatendeka vaJehovha. (Dheuteronomio 6:6, 7) Kunyange zvakadaro, vamwe vana, pasinei zvapo nenhamburiko dzakanakisisa dzevabereki vakatendeka, vanosarudza kutevera nzira isina kururama. Vamwe vana, pasinei zvapo nepesvedzero yakashatisisa yavabereki, vanosarudza kuda ndokunamata Jehovha. Vachikomborerwa naye, vanobudirira muupenyu hwavo. Pane dzimwe nguva, unomboshamisika kuti iwe uchaita sei here? Ipapo, imbofunga dzimwe vimbiso dzomunhu oga dzaJehovha dzokuti unogona kuita chisarudzo chakarurama!
Jehovha Anovimba Newe!
14. Tinoziva sei kuti Jehovha anonzwisisa zvatinogona nezvatisingagoni?
14 Jehovha anoona zvose. Zvirevo 15:3 inoti: “Meso aJehovha ari pose pose; achicherekedza vakaipa navakanaka.” Mambo Dhavhidhi akati nezvaJehovha: “Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, kusati kwava nechimwe chazvo.” (Pisarema 139:16) Nokudaro Jehovha anoziva zvinhu zvakaipa zvaunonzwa uchida kuita zvaunorwisana nazvo—ungava wakazvigara nhaka kana kuti wakazviwana somugumisiro wezvimwe zvinhu zvausingagoni kuchinja. Anonyatsonzwisisa matapurire azvakakuita. Anonzwisisa zvatinogona nezvatisingagoni zvitori nani kupfuura zvaunoita iwewe. Uye ane ngoni. Haambokariri kuti tiite zvakawanda kupfuura zvatinogona kunyatsoita.—Pisarema 103:13, 14.
15. (a) Vakakuvadzwa nemaune nevamwe vanowanepi nyaradzo? (b) Jehovha anobata mumwe nomumwe wedu zvakanaka nokutipa mutoro wei?
15 Ukuwo, Jehovha haationi sevanyajambwa vemigariro vasingagoni kuzvibetsera. Kana takambova nezviitiko zvakashata zvakapfuura, tinganyaradzwa nechokwadi chokuti Jehovha anovenga mufambiro wose iwowo woune unokuvadza. (Pisarema 11:5; VaRoma 12:19) Asi achatidzivirira here kana tikachinja ndokuita zvakashata tichiziva hedu? Chokwadika kwete. Shoko rake rinoti: “Munhu mumwe nomumwe achafanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5) Jehovha anobata zvakanaka chisikwa chake chimwe nechimwe chine mutoro wokuita zvakarurama ndokumunamata. Zvakaita sezvakaudzwa vaIsraeri naMosesi kuti: “Ndinodana kudenga napasi kukupupurirai nhasi, kuti ndaisa pamberi pako upenyu norufu, kuropafadzwa nokutukwa; naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako.” (Dheuteronomio 30:19) Jehovha anovimba kuti isuwo tinogona kusarudza zvakarurama. Tinoziva sei izvozvo?
16. Tinogona kubudirira sei mu‘kushandira kuponeswa kwedu’?
16 Cherekedza zvakanyora muapostora Pauro: “Naizvozvo, vanodiwa vangu, rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera, . . . nokuti Mwari ndiye uyo, ari kushanda mamuri kuti mude uye muite sezvinomufadza.” (VaFiripi 2:12, 13, NW) Shoko rapakuvamba rechiGiriki rakanzi ‘shandirai’ pano rinoreva kupedzisa chimwe chinhu. Nokudaro hapana mumwe wedu akasarudzirwa kuti akundikane kana kuti arege. Jehovha Mwari anofanira kuvimba kuti tinogona kupedzisa basa raakatipa kuti tiite—basa rinoita kuti tiponeswe—dai zvisina kudaro angadai asina kufuridzira mashoko akadaro. Asi tinobudirira sei? Hazviitwi nesimba redu. Dai tanga takasimba zvakakwana, pangasava nechikonzero choku“tya nokudedera.” Panzvimbo pezvo, Jehovha ‘anoshanda matiri,’ mudzimu wake mutsvene uchishanda mundangariro dzedu nemwoyo, uchitibetsera ‘kuda uye kuita sezvinomufadza.’ Nokubetsera kworudo ikoko, pane chikonzero chero chipi zvacho nei tisingafaniri kuita zvisarudzo zvakarurama muupenyu ndokurarama maererano nazvo here? Kwete!—Ruka 11:13.
17. Kuchinja kupi kwatinogona kuzviitira, uye Jehovha anotibetsera sei kuita izvozvo?
17 Pachava nemhinganidzo dzatichafanira kukurira—zvichida nguva yose yatararama tine miitiro yakashata nepesvedzero dzinokuvadza dzinogona kukanganisa kufunga kwedu. Kunyange zvakadaro, tichibetserwa nomudzimu waJehovha, tinogona kuzvikurira! Sokunyora kwakaita Pauro kuvaKristu vaiva muKorinte, Shoko raMwari rakasimba zvakaringanira kuputsa “nhare.” (2 VaKorinte 10:4) Kutaura chokwadi, Jehovha anogona kutibetsera kuchinja nokukurumidza. Shoko rake rinotikurudzira ku“bvis[a] munhu wekare” ndoku“fuk[a] munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” (VaEfeso 4:22-24) Mudzimu waJehovha unogona chaizvoizvo kutibetsera kuchinja zvakadaro here? Zvirokwazvo! Mudzimu waMwari unobereka zvibereko matiri—mavara akaisvonaka, anokosha ayo tose tinoda kutanga kuva nawo. Rokutanga raiwawa rudo.—VaGaratia 5:22, 23.
18. Munhu wose anofunga anonyatsokwanisa kusarudzei, uye izvi zvinofanira kutibetsera kusarudza kuitei?
18 Imomu mune chokwadi chikuru, chinosunungura. Jehovha Mwari ane rudo rwusingaganhurirwi, uye takaitwa mumufananidzo wake. (Genesi 1:26; 1 Johane 4:8) Nokudaro tinogona kusarudza kuda Jehovha. Uye rudo irworwo—kwete upenyu hwedu hwapakuvamba, kwete zvikanganiso zvedu zvatakaita, kwete mafungiro edu atakagara nhaka—ndirwo rwunokosha nokuda kwenguva yedu yemberi. Kuda Jehovha Mwari ndiko kwaidikanwa naAdhama naEvha kuti varambe vakatendeka muEdheni. Rudo rwakadaro ndirwo urwo mumwe nomumwe wedu anoda kuti tipukunyuke Armagedhoni ndokupfuura muedzo wokupedzisira pachaguma Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. (Zvakazarurwa 7:14; 20:5, 7-10) Tose zvedu, zvisinei nemamiriro edu ezvinhu, tinogona kutanga kuva nerudo rwakadaro. (Mateo 22:37; 1 VaKorinte 13:13) Ngativei vakatsunga kuda Jehovha uye kupfuurira kuva norudo irworwo nokusingaperi.
Unofungei?
◻ Mifungo ipi yakakurumbira inorwisana nedzidziso yakanaka yeBhaibheri pamusoro pomutoro womunhu?
◻ MuKristu mumwe nomumwe anofanira kuzviitira basa ripi rokuvaka?
◻ Mienzaniso yemadzimambo aJudha inoratidza sei kuti munhu mumwe nomumwe anozvisarudzira zvaanoda?
◻ Jehovha anotivimbisa sei kuti tinogona kuita zvisarudzo zvakarurama muupenyu, pasinei zvapo nepesvedzero dzakashata dzakatipoteredza?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Nguva yako yemberi inosarudzwa nezvaunozvarwa wakaita here?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Pasinei zvapo nomuenzaniso wakashata wababa vake, Mambo Josia akasarudza kunamata Mwari