RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chii Chichakubatsira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • Chii Chichakubatsira Kuramba Uchidzidza Bhaibheri?

      Kudzidza Bhaibheri kune mibayiro yakawanda. Asi pane pazvinomboti omei. Pamwe pacho unogona kumbozvibvunza kuti, “Ndichazvikwanisa here kuramba ndichidzidza Bhaibheri?” Zvakanakirei kuti uite zvese zvaunogona kuti urambe uchidzidza? Ungaita sei kuti urambe uchidzidza pasinei nezvaungasangana nazvo?

      1. Nei kudzidza Bhaibheri kuchikosha?

      “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Bhaibheri rinokosha nekuti rinokuudza kuti Mwari anofungei nezvako uye anokuona sei. Rinokupa zvese, ruzivo, uchenjeri hwechokwadi, netariro. Asi chikuru ndechekuti rinokubatsira kuti uve shamwari yaJehovha. Paunodzidza Bhaibheri, unenge uchibvumira simba raro kuti rishande muupenyu hwako.

      2. Nei zvakakosha kuti tiremekedze chokwadi chiri muBhaibheri?

      Chokwadi chiri muBhaibheri chakafanana nepfuma inokosha. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti, “tenga chokwadi uye usambochitengesa.” (Zvirevo 23:23) Kana tikagara tichiyeuka kuti chokwadi chiri muBhaibheri chinokosha, tichashanda nesimba kuti tiridzidze, kunyange kana paine zvipingamupinyi.—Verengai Zvirevo 2:4, 5.

      3. Jehovha anogona kukubatsira sei kuti urambe uchidzidza?

      Sezvo ari Shamwari yako uye Musiki wemasimbaose, Jehovha anoda kukubatsira kuti udzidze nezvake. Anogona kukupa “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.” (Verengai VaFiripi 2:13.) Saka panguva yaunenge uchinzwa nungo dzekudzidza kana kuti uchizeza kushandisa zvaunodzidza, anogona kukubatsira. Paunenge uchisangana nezvipingamupinyi kana kuti paunopikiswa, anogona kukupa simba rekutsungirira. Gara uchinyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuramba uchidzidza Bhaibheri.—1 VaTesaronika 5:17.

      WEDZERA KUONGORORA

      Ona mazano achakubatsira kuramba uchidzidza Bhaibheri pasinei nekuwandirwa nezvekuita kana kupikiswa. Uchaonawo kuti Jehovha achakubatsira sei kuti urambe uchidzidza Bhaibheri.

      4. Kudzidza Bhaibheri ngakuve pekutanga muupenyu hwako

      Dzimwe nguva tinogona kuwandirwa nezvekuita muupenyu zvekuti tinogona kufunga kuti hatina nguva yakakwana yekudzidza Bhaibheri. Chii chingakubatsira? Verengai VaFiripi 1:10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Unofunga kuti ndezvipi zvaungati ndizvo “zvinokosha kupfuura zvimwe” muupenyu?

      • Ungaita sei kuti kudzidza Bhaibheri kuve pekutanga muupenyu?

      A. Mifananidzo: Gaba riri kuiswa matombo nejecha. 1. Murwi wejecha nemurwi wematombo. 2. Gaba rine jecha. 3. Matombo makuru ari pamusoro pejecha uye mamwe adonha pasi nekuti haasi kukwana. B. Mifananidzo: 1. Murwi wejecha nematombo wakafanana newekutanga. 2. Gaba rimwe chete iroro raiswa matombo makuru. 3. Jecha ranyatsopinda rakawanda, rikazadza gaba racho. Jecha shoma razosara riri pasi.
      1. Kana ukazadza gaba nejecha, wozoedza kuisa matombo, matombo acho haazokwane

      2. Kana ukatanga nekuisa matombo, jecha rakawanda rinokwanisa kuzopinda. Saka paunoisawo “zvinokosha kupfuura zvimwe” pekutanga muupenyu hwako, unokwanisa kuzviita uchisara uine nguva yekuitawo zvimwe zvinhu

      Kudzidza Bhaibheri kunotibatsira kuziva kuti tinoda kutungamirirwa naMwari uye kumunamata. Verengai Mateu 5:3, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

      • Kana kudzidza Bhaibheri kukava pekutanga muupenyu hwedu zvinotibatsira sei?

      5. Usadzokera shure paunopikiswa

      Dzimwe nguva vamwe vanogona kukushora kuti urege kudzidza Bhaibheri. Chimboona zvakaitika kumurume anonzi Francesco. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Haana Kuneta (5:22)

      Mufananidzo uri kubva pavhidhiyo inonzi “Haana Kuneta.” Francesco anosiyana neshamwari dzake pashure pekudziudza kuti haachada kushamwaridzana nadzo.
      • Muvhidhiyo iyi, hama neshamwari dzaFrancesco dzakaita sei paakadziudza zvaaidzidza?

      • Kusadzokera shure kwakazobatsira sei?

      Verengai 2 Timoti 2:24, 25, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Hama neshamwari dzako dziri kuona sei zvauri kudzidza?

      • Maererano nezvataverenga mumavhesi aya, unofanira kupindura sei munhu anenge achipikisa kudzidza kwauri kuita Bhaibheri? Nei uchidaro?

      6. Vimba naJehovha kuti akubatsire

      Patinoramba tichiswedera pedyo naJehovha, chido chedu chekumufadza chinowedzerawo. Asi dzimwe nguva zvinogona kutiomera kuti tichinje zvimwe zvinhu muupenyu hwedu kuti timufadze. Kana izvozvo zviri kuitika kwauri, usaneta. Jehovha achakubatsira. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

      VHIDHIYO: Jehovha Anotibatsira Kuchinja Upenyu (3:56)

      • Muvhidhiyo iyi, Jim akachinja sei upenyu hwake kuti afadze Jehovha?

      • Ndezvipi zvawafarira pane zvaakaita?

      Verengai VaHebheru 11:6, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

      • Jehovha achaitirei vaya “vanomutsvaga nemwoyo wese,” vanoita zvese zvavanogona kuti vamuzive uye vamufadze?

      • Maererano nevhesi iyi, Jehovha anonzwa sei paanoona zvese zvaunoedza kuita kuti udzidze Bhaibheri?

      VAMWE VANOTI: “Uri kuzvinetserei nekudzidza Bhaibheri?”

      • Ungavapindura sei?

      PFUPISO

      Kunyange zvazvo zvisiri nyore nguva dzese, kudzidza Bhaibheri kunogona kuita kuti uzorarama nekusingaperi uchifara. Ramba uchivimba naJehovha, uye achakupa mubayiro.

      Kudzokorora

      • Nei uchikoshesa chokwadi chiri muBhaibheri?

      • Ungava sei “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe”?

      • Nei uchifanira kukumbira Jehovha kuti akubatsire kuramba uchidzidza Bhaibheri?

      Edza Izvi

      WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

      Dzidza mazano 4 akabatsira vanhu vakawanda kushandisa nguva yavo zvakanaka.

      “Zvaungaita Kuti Ushandise Nguva Zvakanaka” (Mukai!, March 2014)

      Ona kuti Jehovha akabatsira sei mumwe mukadzi aiva nemurume akanga asingafariri kunamata kwaaiita Mwari.

      Jehovha Anotipa Simba Rekutakura Mutoro Wedu (5:05)

      Ona kuti mumwe murume akabatsirwa sei nekutsungirira kwakaita mudzimai wake.

      Ndakaongorora Chokwadi Sezvinoita Magweta (6:30)

      Dzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha zvinopomerwa kuti zvinopunza dzimba dzevanhu. Asi ichokwadi here?

      “Zvapupu zvaJehovha Zvinoparadza Mhuri Here Kana Kuti Zvinodzivaka?” (Nyaya iri paIndaneti)

  • Ramba Uchivandudza Manamatiro Ako
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
    • 3. Jehovha achakubatsira sei kuti urambe uchivandudza manamatiro ako?

      Bhaibheri rinoti: “Mwari . . . achapedzisa kukudzidzisai. Achakutsigisai, achakusimbisai, uye achaita kuti mumire makasimba.” (1 Petro 5:10) Tese tinosangana nemiedzo. Asi Jehovha anotipa zvinodiwa kuti tikwanise kuikurira. (Pisarema 139:23, 24) Anovimbisa kukupa chido nesimba zvekuti urambe uchimushumira.—Verengai VaFiripi 2:13.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe