Ganhuro 13
“Shoko raMwari Ibenyu”
Muganhuro rakapfuura, takaona kuti zano reBhaibheri rinogona kutibetsera kugadzikisa zvinetso ndokudzivisa mhosho. Uchenjeri husingatapurwi nenguva hwezano reBhaibheri ufakazi hwakasimba hwefuridzirwo. Bhaibheri iro rimene rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama.” (2 Timotio 3:16) Asi Bhaibheri rinoita zvinopfuura kutipa zano. SeShoko raMwari, rinochinja chaizvoizvo vanhu.
1-3. (a) Ko Bhaibheri rinosimbisa sei kudikanwa kwechinjo dzohunhu? (b) Ndichinoitikai chinoratidza simba reBhaibheri rokuchinja hunhu?
KO BHAIBHERI rinogona zvomenemene kuchinja vanhu here? Hungu, rinogona kunyange kuchinja hunhu hwavo. Rangarira iri zano rakanyorwa muBhaibheri, rinoti: “Imi munofanira kupfekenura hunhu hwekare uhwo hunowirirana nenzira yenyu yekare yomufambiro uye iyo iri kushatiswa mukuwirirana nokuchiva kwahwo kunonyengera; asi . . . imi munofanira kuitwa vatsva musimba rinovandudza ndangariro yenyu, uye munofanira kupfeka hunhu hutsva uhwo hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.”—VaEfeso 4:22-24.
2 Kunobvira here chaizvoizvo kupfeka hunhu hutsva? Hungu, kunobvira! Kutaura idi, kuva muKristu padzimwe nguva kunobatanidza gadziridzo huru chaidzo dzohunhu. (1 VaKorinte 6:9-11) Somuenzaniso, mumwe mukomana wokuMaodzanyemba kweAmerica akasiiwa ava nherera pazera ramakore mapfumbamwe. Achikura asina nhungamiro yavabereki, iye akava nezvinetso zvakakomba zvohunhu. Iye anoti: “Panguva yandakanga ndava namakore 18, ndakanga ndapindwa muropa chose chose nemirimo uye ndakanga ndatopedza nguva ndiri mutorongo nokuda kwokuba kuti nditsigire muitirowo.” Amainini vake, kunyange zvazvo zvakadaro, vakanga vari mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye pakupedzisira ivo vakakwanisa kumubetsera.
3 Iye anotsanangura, kuti: “Amainini vangu vakavamba kufunda neni Bhaibheri, uye pashure pemwedzi minomwe ndakakwanisa kurega tsika yemirimo.” Iye akagurawo ushamwari nedzaichimbova shamwari dzake ndokuita shamwari itsva pakati peZvapupu zvaJehovha. Anopfuurira, kuti: “Idzi shamwari itsva, pamwe chete nefundo yangu yenguva dzose yeBhaibheri, zvakandigonesa kuita fambiro mberi uye pakupedzisira kutsaurira upenyu hwangu kuti ndibatire Mwari.” Hungu, uyu aichimbova nyakupindwa muropa nemirimo uye mbavha akava muKristu anoshingaira, uye iyi chinjo huru yakaitwa kupfurikidza nesimba reBhaibheri. Zvamazvirokwazvo, sokureva kunoita muapostora Pauro, “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba.”—VaHebheru 4:12.
Vakachinja Kupfurikidza Nezivo
4, 5. Mukuwirirana naVaKorose 3:8-10, chii chinodikanwa nokuda kwokukudziridza hunhu hutsva?
4 Ko Bhaibheri rinochinja sei vanhu? Mhinduro inowanwa mune ichi chikamu chamashoko cheBhaibheri, chinoti: “Bvisai zvose kwamuri, hasha, kutsamwa, ushati, kutuka, uye kutaura kunonyangadza mumuromo menyu. Regai kureverana nhema. Pfekenurai hunhu hwekare nemiitiro yahwo, ndokuzvipfekedza mumene hunhu hutsva, uhwo huri kuvandudzwa kupfurikidza nezivo yakarurama mukuwirirana nomufananidzo woUyo akahusika.”—VaKorose 3:8-10.
5 Cherechedza rutivi runokosha rwunoitwa nezivo yakarurama yeBhaibheri. Bhaibheri rinotsanangura ari mavara atinoda kubvisa uye atinofanira kukudziridza. Zivo yakadaro inogona mairi iyo imene kuva nomuuyo une simba, sokuwana kwakaita murume muduku wokumaodzanyemba kweEurope. Iye akanga aine chinetso chaicho: hasha dzamasimba masimba. Achingunokura, airwa nguva dzose, uye seratidziro yamasimba masimba ake, iye akakumbanira mutambo wetsiva; asi akanga achiri asingagoni kudzora mugariro wake wamasimba masimba. Paaiveri muchiuto, akapinda muchinetso nokuda kwokurova murwi biyake. Pashure pokubva muchiuto, akaroora asi panguva iyeyo airova mudzimai wake. Mune kumwe kuitirana nharo kwemhuri, iye akatorova baba vake vamene, achivapunzira pasi. Zvamazvirokwazvo akanga ari murume muduku ane hasha, dzamasimba masimba!
6, 7. Ko zivo yakarurama yeBhaibheri yakabetsera sei jaya kumaodzanyemba kweEurope kuchinja hunhu hwaro?
6 Pakupedzisira, kunyange zvazvo zvakadaro, iye akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokunzwa zano rakadai serinotevera, rinoti: “Musadzorera chakashata nokuda kwechakashata kune munhu. . . . Kana kuchibvira, chero zvichitsamira kwamuri, ivai norugare navanhu vose. Musazvitsivire imi mumene, vadikanwa, asi mudziurire kutsamwa.” (VaRoma 12:17-19) Ikoku kwakamubetsera kuziva mashatire akanga akaita utera hwehasha dzake dzamasimba masimba. Iye akarega mutambo wetsiva, waakaziva kuti wakanga usingawirirani nohunhu hune rugare hwechiKristu. Asi akangazve achine rwisano chaiyoiyo nomugariro wake wamasimba masimba.
7 Zvisinei, akabetserwa kupfurikidza nokuwedzera kwake zivo yenheyo dzeBhaibheri. Ikoku kwakanatsa hana yake, iyowo yakaita basa kudzivisa chimiro chake chendangariro chokusatana kushatirwa. Pane imwe nguva, pashure pokunge aita fambiro mberi yakati mufundo dzake dzeBhaibheri, mweni akashatirwa ndokutaura mashoko okumuvirimira. Murume muduku wacho akanzwa hasha dzakarovedzeka dzichivhaira maari. Ipapo, akanzwa rimwe simba: pfungwa yamanyadzi; uye irori rakamudzivisa pakutera kuhasha dzake. Panzvimbo “pokutsiva chakaipa nechakaipa,” iro rakadzora mudzimu waro. Zvino, iye munhu akachinja, ane hunhu hutsva, nokuda kwezivo yakarurama inobva muBhaibheri.
Kusvika Pakuziva Mwari
8. (a) Ko hunhu hutsva hunoitwa mumufananidzo waani? (b) Zivo yakarurama inoumba hunhu hutsva inofanira kubatanidza zivo yaani?
8 Chokwadi, vanhu vazhinji vanoziva chinhu chakarurama chokuita, asi vanotera kuutera hwokunyama. Nomutoo wakajeka, kungova bedzi nezivo yakarurama yechakarurama nechisina kururama handizvo zvose zvinodikanwa. Chimwe chinhuwo chakabetsera vanhu vaviri varondedzerwa pamusoro apa kuchinja. Chakanga chiri chii? Chikamu chamashoko chanongedzerwa kwachiri pakuvamba chati: “Zvipfekedzei mumene hunhu hutsva, uhwo huri kuvandudzwa kupfurikidza nezivo yakarurama mukuwirirana nomufananidzo woUyo akahusika.” (VaKorose 3:10) Cherekedza kuti, kungofanana naAdhama akaitwa mumufananidzo waMwari, naizvozvo hunhu hutsva hunoitwa mumufananidzo waMwari. (Genesi 1:26) Naizvozvo, zivo yakarurama yakabetsera ava varume vaduku vaviri yaitofanira kubatanidza zivo yaMwari. Ikoku kunotiyeuchidza nezvamashoko aJesu, anoti: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyomumwe wamakatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3.
9. Ko zivo yaMwari inotibetsera sei kuchinja hunhu hwedu?
9 Ko zivo yaMwari inotibetsera sei kuchinja hunhu hwedu? Inotipa sundo yokuita kudaro. Apo tinosvika pakuziva Mwari kupfurikidza nefundo yedu yeBhaibheri, tinodzidza nezvamavara ake oumwari uye tinoona rudo rwaakatiratidzira. Ikoku kunotitungamirira kukumudawo. (1 Johane 4:19) Ipapo, tinogona kuteerera icho Jesu akataura kuti wakanga uri murairo wokutanga uye mukurusa: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nendangariro yako yose.” (Mateo 22:37) Kuda Mwari kunotiita tide kupfeka hunhu hutsva hunomufadza. Kunotiita tide kuva vanhu vakafanana naye zvikuru, pasinei hapo nokuti tingava vanoomerwa sei nokurwisa kuita kudaro.
Utera Hwakanamatira Zvikuru
10, 11. Ko zivo yakarurama yakabetsera sei mukadzi muduku wokuChamhembe kweAmerica kutanga kuchinja hunhu hwake?
10 Mune zvimwe zvinoitika, kurwisa zvamazvirokwazvo. Mumwe mukadzi muduku wokuChamhembe kweAmerica aitofanira kurwisa zvakasimba zvikuru kuchinja. Nyajambwa wokubatwa zvisina kufanira muvatano muuhwana, akakurira mumhuri yamasimba masimba uye pakupedzisira ndokutendeukira kumirimo. Mirimo yaidhura, kunyange zvazvo zvakadaro, naizvozvo akazvitengesa iye amene sehure kuripira muitiro wacho. Iye akanetsawo nokubira vachakairi uye akaguma nokupedzera nguva yakawanda mumatorongo nomumabhawa kupinda zvaaiita pamusha.
11 Apo Zvapupu zvaJehovha zvakasangana naye, iye akanga—pashure pokubvisa pamuviri kunoverengeka—ava amai vomwana asina baba. Kunyanguvezvo, iye akada zvaakanzwa kubva muBhaibheri ndokuvamba kurifunda. Nokukurumidza iye akanga ava kuvaka ukama hwake naMwari uye achiita gadziridzo muupenyu hwake.
12, 13. Rondedzera kuti zivo yakarurama, kana yangosimwa bedzi, inoita sei sesimba rokuchinja.
12 Zvisinei, kurwisa kwesimba kwakanga kuri mberi nokuti hunhu hwekare hwakanga hwakanamatira zvikuru. Pane imwe nhambo, akashatirirwa zano rakasanorongedzerwa, akarega kufunda Bhaibheri, ndokudzokerazve kunzira dzake dzisina kuchena. Asi haasati aigona kukanganwa zvokwadi yeBhaibheri yakanga yasimwa maari, uye anobvuma, kuti: “Panhambo nenhambo iri yose ndainzwa ndine mhaka, uye mashoko a 2 Petro 2:22 aimhanya mhanya mundangariro mangu: ‘Imbwa inodzokera kumarutsi ayo imene uye nguruve yakageza kumatope.’”
13 Pakupedzisira, iyi zivo yakamusunda kuita imwe nhamburiko yokutsunga. Iye anoti: “Ndakavamba kuzarurira Jehovha suo ndokunyengetera kazhinji kazhinji nokuda kwebetsero.” Panguva ino, hunhu hutsva hwakava hwakasimba zvakatsiga zvikuru, kunyange zvazvo iye akanga achiri anotofanira kurwisa zvakasimba. Pane imwe nguva, ari muchinhano choutera, akapinda muudhakwa noutere. Panguva ino, kunyange zvazvo zvakadaro, kuita kwake kwakaratidza kuti akanga ari kuchinja chaizvoizvo. Akazvisema amene ndokuti: “Ndakanyengetera zvikuru nokufunda kwazvo.” Pakupedzisira, Shoko raMwari rakashandisa simba muupenyu hwake zvokuti iye akava muKristu anoshingaira, anorarama upenyu hwakachena, hunoremekedzeka. Kwamakore anoverengeka zvino, ave ari munhu akasiana chose chose nomunhu akachinywa waaichimbova, akapindwa muropa nemirimo, anorarama nomutoo woupengo.
Vanhu Vakachinjwa neShoko raMwari
14, 15. (a) Isimbai rinobva kuna Mwari rinoshanda kupfurikidza neBhaibheri? (b) Ndaapi mamwe mavara amaKristu echokwadi nhasi?
14 Simba iro Bhaibheri rakashandisa muupenyu hwavanhu vanozvininipisa rinoratidza kuti iro rinopfuura zvikuru kungovawo zvaro bhuku romunhu. SeShoko rakafuridzirwa raMwari, ndiro mukoto wokushanda kwomudzimu waMwari. Mudzimu mumwe chetewo wakabvirisa manenji akaitwa naJesu unotibetsera nhasi kukurira mavara akashata ndokukudziridza hunhu hwechiKristu. Zvamazvirokwazvo, mavara ehwaro ayo maKristu anodikanirwa kukudziridza—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, tsitsi, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora—anonzi muBhaibheri “chibereko chomudzimu.”—VaGaratia 5:22, 23.
15 Nhasi, uyu mudzimu uri kushanda pasati pachingova bedzi pavanhu vashomanene asi pamamirioni aka“dzidziswa naJehovha” uye anofarikanya ‘rugare rwakawanda’ runobva kwaAri. (Isaya 54:13) Ndivanaaniko ivava? Jesu akapa nzira imwe yokuvaziva nayo, achiti: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana imi mune rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:35) Rudo rwechiKristu chibereko chomudzimu uye rutivi rukurusa rwohunhu hutsva hwomuKristu. Kune boka ripi neripi here ravanhu rinoratidza rudo nenzira iyo Jesu akataura?
16, 17. Nokora mashoko tsinhiro dzakati kuti dzamapepanhau dzinobetsera kuzivisa avo vari “vakadzidziswa naJehovha” uye avo vanofarikanya ‘rugare rwakawanda.’
16 Eya, teerera aya mashoko akanokorwa mutsamba yakanyorerwa kuNew Haven Register, pepanhau rokuChamhembe kweAmerica, anoti: “Kana wakashatiriswa kana kuti wakanyangadzwa [wakatsamwiswa], sezvandakaitwa, nokutendeutsa kwavo, unotofanira kuyemura tsauriro yavo, kunaka kwavo, muenzaniso wavo wakatanhamara wokuzvibata kwavanhu nokurarama kwakanaka.” Pepanhau reGermany Münchner Merkur rakanga richitaura nezveboka rimwe chetero apo iro rakati: “Ivo ndivo vanhu vakaisvotendeseka navanotera mitero panguva veFederal Republic ye[Germany]. Kuteerera kwavo mitemo kunogona kuonwa munzira yavanotyaira nayo motokari uyewo muzviverengero zvoutsotsi.”
17 Ko mapepanhau iwaya maviri aitaura pamusoro pavanaani? Boka rimwe chetero rakakurukurwa muHerald yeBuenos Aires, Argentina. Iri pepanhau rakati: “Zvapupu zvaJehovha zvakabvumikisa mumakore ose kuva vagari vemo vanoshanda nesimba, vanyoro, vane rutsuta uye vanotya Mwari vanodikanwa norudzi nomutoo uri pamhene.” Nzvero yamagariro avanhu yokuZambia yakabudiswa muAmerican Ethnologist inonongedzera kuboka rimwe chetero. Inoti: “Zvapupu zvaJehovha zvinowana rubudiriro rukuru kupinda mitezo yamamwe masangano mukuchengeta mibatanidzwa yakatsiga yeroorano.”
18, 19. Ko Zvapupu zvaJehovha muItaly nomuSouth Africa zvave zvichirondedzerwa sei?
18 Pepanhau La Stampa muItaly rakanga richitaurawo nezveZvapupu zvaJehovha apo iro rakati: “Izvo ndivo vagari vemo vanoisvovimbika munhu upi noupi angashuva kuva navo: havanzvengi mitero kana kuti kutsvaka kunzvenga mitemo isina kukodzera nokuda kwemhindu yazvo zvimene. Mipimo yetsika yorudo nokuda kwomuvakidzani, kuramba simba rechiremera, kusava namasimba masimba nokutendeseka kwomunhu oga (uko kumaKristu mazhinjisa kuri ‘mirau yeSvondo’ yakangonakira bedzi kuva inoparidzirwa pachikuva) zvinopinda mumararamire azvo e‘zuva nezuva.’”
19 Purofesa wapayunivhesiti yokuSouth Africa uyo akatambura rusarura ganda mumitemo yorudzi yenyika iyeyo anoidza Zvapupu zvaJehovha kuti “vanhu vakadzidziswa nemipimo yakakwirira yeBhaibheri kuva chaizvoizvo ‘vasingasaruri ruvara.’” Achitsanangura ikoku, iye akawedzera, kuti: “Hevano vanhu vanoona zviri vamwe mukati, kwete bedzi ruvara rweganda ravo. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoumba ukama bedzi hwechokwadi hwavanhu.”
20. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichitanhamara sezvakasiana?
20 Idzi tsinhiro dzinoratidza kuti kune mutumbi wavanhu vakazarurira mwoyo yavo kuBhaibheri uye avo mudzimu waMwari wave uchishanda pavari. Kunocherekedzwa kuti ivava ndivanhu vamwe chetevo avo vatazivisa kare savanoteerera murairo waJesu wokuparidza mashoko akanaka oUmambo kupota nyika. (Mateo 24:14) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichitanhamara muidzi nzira? Mumativi mazhinji izvo hazvina kusiana navamwe vanhu. Zvine utera humwe chetehwo hwokunyama, zvinetso zvimwe chetezvo zvomugariro wemari, uye zvinodikanwa zvikuru zvimwe chetezvo. Asi seboka, zvinoda Mwari, zvinofungisisa Bhaibheri, uye zvinorirega richishandisa simba muupenyu hwazvo.
21. Chii chinobvumikiswa neidi rokuti vanhu vakadai seZvapupu zvaJehovha vanogona kurarama munyika yanhasi izere noruvengo?
21 Mamirioni eZvapupu zvaJehovha anowanwa munyika dzinopfuura 200. Izvo zvinobatanidza vanhu vendudzi iri yose, mutauro, chimiro chenzanga zvinofungidzirika. Bva izvo iboka rakabatana, rine rugare, rouhama hwamarudzi ose. Izvo vagari vemo vakanaka venyika ipi kana ipi yavangave vachigara mairi, asi chinoisvokosha kupinda zvose, izvo vadzorwi voUmambo hwaMwari, uye izvo zvose zvinoshingaira zvikuru mukuzivisa vamwe mashoko akanaka oUmambo ihwohwo. Kunoshamisa zvechokwadi kuti munyika ino yakakamukana, izere noruvengo, boka rakadai seZvapupu zvaJehovha rinogona kutongovapo. Idi rokuti zviripo ufakazi hune simba hwokuti mudzimu waMwari uchiri kushanda pakati pavanhu. Uye chibvumikiso chokuti Bhaibheri zvamazvirokwazvo i“benyu uye rinoshandisa simba.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 177]
Bhaibheri rinochinja chaizvoizvo vanhu
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 181]
Zivo yaMwari inoita kuti munhu ade kuva akafanana naye