Kuziva Mutoro Wokubereka Vana Munguva Ino Yomugumo
“Vanotungamirira vana nomutoo wakaisvonaka.”—1 TIMOTIO 3:12, NW.
1. Ndechipi chiri chishuvo chomuzvarirwo chavakadzi vazhinjisa, uye ichochi chinooneka sei pakuvamba muupenyu?
MUFARO wohubereki haurambwi. Kunzwa kwoumai ndokwomuzvarirwo, kunyange zvazvo kwakasimba zvikuru muvamwe vakadzi kupfuura muvamwe. Munyika dzakawanda dzokuMadokero, vakomana vaduku vanofarira zvikuru kutamba namatoyi emichina, nepo vasikana vaduku vachiwanzoda zvidhori, izvo vagadziri vamatoyi vanovavarira kuita kuti zvive chaizvoizvo sezvinobvira. Vasikana vazhinji vanongoraramira chete zuva apo ivo vachakwanisa kugumbatira, kwete chidhori, asi mwana wavo vamene mupenyu, anofara, anobwabwada.
Mifaro Nemitoro
2. Vabereki vanofanira kurangarira sei mucheche achangobva kuberekwa, uye ivo vanofanira kuva vakagadzirira kuitei?
2 Kuziva mutoro wokubereka vana kunoda kuti vabereki varangarire mwana achangobva kuberekwa kwete sechitambiso asi sechisikwa chino upenyu nenguva yemberi ivo vanozvidavirira kuMusiki. Apo ivo vanopinza mwana munyika, vabereki vanofanira kuva vagadzirira kugamuchira mutoro mukuru ndokugadziridza nenzira inowirirana. Ivo vari kutanga pagadziriro yokudyisa, kupfekedza, kutarisira utano, uye yedzidzo yamakore 20, nomuuyo wokugumisira usingagoni kudeya kutaurwa.
3. Neiko Zvirevo 23:24, 25 ichigona kushandiswa kuvabereki vazhinji vechiKristu?
3 Nomufaro, vabereki vazhinji zvikuru vechiKristu vakarera vana avo vakava vabatiri vakatendeka, vakazvitsaurira vaJehovha. Vamwe vakaona vana vavo vachikura ndokupinda mubasa renguva yakazara samapiona, vafundisi, kana kuti mitezo yemhuri yeBheteri. Nezvavabereki vakadaro kunogona zvirokwazvo kunzi: “Baba wowakarurama vachafara kwazvo; uye vakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, mai vakakubereka ngavafare kwazvo”!—Zvirevo 23:24, 25.
Zvitambudzo Zvavabereki
4, 5. (a) Chii chinodikanwa paMagwaro kuvakuru navabatiri vanoshumira vane vana? (b) Vamwe vana vakareva sei “nhamo” kuna baba wavo?
4 Asi ikoku hakuna kudaro nguva dzose, kunyange nokuda kwavakuru vane vana. Muapostora Pauro akanyora, achiti: “Mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete . . . unobata imba yake zvakanaka, una vana vanozviisa pasi nomugariro wose unokudzwa; (kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?)” Pauro akawedzera, kuti: “Vabatiri vanoshumira ngavave varume vomukadzi mumwe, vanotungamirira vana nomutoo wakaisvonaka nedzimba dzavo vamene.”—1 Timotio 3:2-5, 12, NW.
5 Chokwadika, vakuru navabatiri vanoshumiri vechiKristu havangagoni kuva nomutoro kana vana vavo, vava vezera, vakaramba kupfuurira kubatira Jehovha. Asi ivo vane mutoro nokuda kwavana vavo vaduku uye nokuda kwavana vakura vachiri kugara mumba mavo. Vakuru navabatiri vanoshumira vakarasikirwa namaropafadzo anokosha ebasa nemhaka yokuti vakava vanoregeredza kana kuti vakakundikana zvakakomba kusvitsa chinodikanwa chapaMagwaro cho“kutungamirira vana nedzimba dzavo vamene nomutoo wakaisvonaka.” Nokuda kwavakadaro, uye nokuda kwavamwe vazhinji, vana vavo vakavaunzira nhamo huru kupfuura mufaro. Chirevo chakabvumikisa kazhinji kazhinji sei kuva chechokwadi icho chinoti: “Mwanakomana benzi inhamo yababa vake!”—Zvirevo 19:13.
Hubaba Hwokuziva Mutoro
6. Mubvunzoi uyo varume vechiKristu vanofanira kuzvibvunza vamene?
6 Varume vose vechiKristu, vangave vane mitoro yeungano kana kuti kwete, vanofanira kurangarirawo muuyo uyo kutarisirwa kwavana vaduku kungagona kuva nawo paumudzimu hwomudzimai wavo. Kana mudzimai asina kusimba mumudzimu, mucheche, kana kuti chiverengero chakati chavacheche, chichatapura sei fundo yake yomunhu oga namabanza okugoverana mubasa rokuparidzira?
7. Chii chakaitika kuvamwe vadzimai vechiKristu, uye chii chinowanzova chisakiso chouyu mugariro?
7 Ko varume vanoziva here nguva dzose kuti kutarisirwa kwomucheche kana kuti mwana muduku kazhinji kazhinji kunodzivisa vadzimai vavo kuwana betsero yakazara muFundo yeBhuku yeUngano, misangano yapaHoro yoUmambo, magungano edunhu, uye kokorodzano dzoruwa? Mugariro wakadaro unogona kugara kwemwedzi, uye kunyange makore, apo mucheche anotevera mucheche. Ndokwomuzvarirwo kuti mutoro, muna ikoku, unowira zvikurukuru pana amai, panzvimbo papanababa. Pane dzimwe nguva kwakacherechedzwa kuti nepo vamwe varume vechiKristu vachifambira mberi mumudzimu, kunyange kusvikira pafundo rokugoverwa maropafadzo muungano, vadzimai vavo vanoneta mumudzimu. Neiko? Kazhinji kazhinji imhaka yokuti vana vavo vaduku vanodzivisa vadzimai kupa ngwariro pamisangano, kuita fundo huru yeBhaibheri, kana kuti kugoverana mumwero mukuru mubasa rokupupurira. Ko ubaba hunogona kunzi ndohwokuziva mutoro here kana huchibvumidza migariro yakadaro kuitika?
8. Madzibaba mazhinji anogoverana sei mutoro wokutarisira vana, nebetseroi kuvadzimai vavo?
8 Sezvineiwo, ikoku hakuna kudaro nguva dzose. Madzibaba echiKristu akawanda anoita unani hwawo kugoverana mutoro wokutarisira vana. Ivo vanotora mugove wavo wakazara mukuona kuti vana vavo vanoramba vakanyarara mukati memisangano yeungano. Kana mucheche wavo akatanga kuchema, kana kuti mwana wavo akava asingadzoreki, ivo vanotora dzoro ravo mukumubudisa kunze nokuda kwechirango chakafanira. Amai vanofanirireiko nguva dzose kuva munhu anofanira kurasikirwa namativi omusangano? Pamusha, varume vanorangarira vanobetsera vadzimai vavo notumabasa nomukuita kuti vana varare kuitira kuti murume nomudzimai vagogona kugara pasi kuti vape ngwariro chinyararire pazvinhu zvomudzimu.
9. Chii chinobvumikisa kuti vana havasi mhinganidzo nguva dzose?
9 Apo zvinhu zvinorongwa zvakafanira muungano, vanamai vaduku vane vacheche vanogona kugoverana mubasa roupiona hwebetsero. Vamwe vanotova mapiona enguva dzose. Naizvozvo vana nguva dzose havasati vari mhinganidzo. Vabereki vechiKristu vazhinji vanoratidza mudzimu wakaisvonaka woupiona.
Vasina Vana Asi Vanofara
10. Vamwe varoorani vakasarudzei, uye vakakomborerwa sei?
10 Vamwe varoorani vaduku vakasarudza kuramba vasina vana. Kunyange zvazvo vadzimai vaiva nemirangariro youmai yakasimba seiyo iri muvamwe vakadzi, ivo vakasarudza, mubvumirano navarume vavo, kurega kuva navana kuti vagozvipa vamene kukubatira Jehovha nguva yakazara. Vazhinji vavo vakabatira samapiona kana kuti vafundisi. Ivo vanogona zvino kutarira shure mumakore nokutenda. Zvirokwazvo, ivo havana kubereka vana vokunyama. Asi ivo vakabereka vadzidzi vatsva avo vakapfuurira kunamata Jehovha nokutendeka. Ava ‘vana vechokwadi mukutenda’ havasati vachizotongokanganwa vakavabetsera mukuvaunzira “shoko rezvokwadi.”—1 Timotio 1:2; VaEfeso 1:13; enzanisa na 1 VaKorinte 4:14, 17; 1 Johane 2:1.
11. (a) Ndokupi uko varoorani vazhinji vasina vana vari kubatira Jehovha, uye neiko ivo vasina kuzvidemba kupi nokupi? (b) Rugwaroi runogona kushandiswa kuvaroorani vose vakaramba vasina vana “nokuda kwoumambo”?
11 Varoorani vazhinji munyika yose avo vakarega mifaro youbereki vakakwanisa kubatira Jehovha mubasa redunhu, basa roruwa, kana kuti paBheteri. Ivava nenzira yakafanana vanotarira shure negutsikano muupenyu hwavo hwakapedzerwa mukubatira Jehovha nehama dzavo muaya maropafadzo chaiwo. Ivo havana kuzvidemba. Nepo vasina kuva nomufaro wokupinza vana munyika, ivo vakaita rutivi runokosha mukufambisira mberi fariro dzoUmambo mumativi avo akasiana-siana omubato. Nezvaava varoorani vose vakaramba vasina vana “nokuda kwoumambo,” rugwaro zvirokwazvo runoshanda urwo runoti: “Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.”—Mateo 19:12, NW; VaHebheru 6:10.
Nhau Yomunhu Oga
12. (a) Neiko kubereka vana kuri ropafadzo yechienzi? (b) Mukati menhamboi umo kubereka vana kwaiva mugove wakapiwa naMwari?
12 Sezvataona pamavambo ekurukurirano ino, kubereka vana chipo chaMwari. (Pisarema 127:3) Iropafadzo yechienzi iyo isingagoveranwi nezvisikwa zvomudzimu zvaJehovha. (Mateo 22:30) Kwave kune nguva apo kuberekwa kwavana kwakaumba rutivi rwebasa iro Jehovha akagovera kuvabatiri vake pasi pano. Ikoku kwakanga kwakadaro naAdhama naEvha. (Genesi 1:28) Kwakanga kuri kwechokwadi nezvavapukunyuki vaMafashamo. (Genesi 9:1) Jehovha akada kuti vanakomana vaIsraeri vanofanira kuva vazhinji kupfurikidza nokubereka vana.—Genesi 46:1-3; Eksodho 1:7, 20; Dheuteronomio 1:10.
13, 14. (a) Chii chinogona kutaurwa pamusoro pokubereka vana nhasi, uye itsoropodzoi ingava isina kufanira? (b) Nepo kubereka vana munguva ino yomugumo kuri nhau yomunhu oga, izanoi rinopiwa?
13 Nhasi, kubereka vana hakusati kuri nenzira yakananga rutivi rwebasa Jehovha akapa kuvanhu vake. Kunyanguvezvo, kuchiri ropafadzo iyo iye anopa kuvanhu vakaroora kana vachiida. Varoorani vechiKristu vanosarudza kutanga mhuri havafaniri, naizvozvo, kutsoropodzwa; uyewo varoorani vanorega kuva navana havafaniri.
14 Naizvozvo nhau yokubereka vana munguva ino yomugumo ndeyomunhu oga iyo varoorani vamwe navamwe vanofanira kuzvisarudzira vamene. Zvisinei, sezvo “nguva yasara yakatapudzwa,” varoorani vangaita zvakanaka kuyera nokungwarira uye nokunyengetera zvikonzero zvakanaka nezvakaipa zvokubereka vana munguva dzino. (1 VaKorinte 7:29, NW) Avo vanosarudza kuva navana vanofanira kuziva zvizere kwete bedzi mifaro iyo kubereka vana kunogona kuunza asiwo mitoro inobatanidzwa nezvinetso zvinogona kumuka nokuda kwavo navana vavanopinza munyika.
Apo Anenge Asina Kurongwa
15, 16. (a) Chimiroi chinofanira kudziviswa apo pamuviri pasingakarirwi panoitika, uye nei? (b) Mwana upi noupi anofanira kurangarirwa sei, kuchibatanidza mitoroi?
15 Vamwe vangati: ‘Zvose izvozvo zvakanaka zvikuru, asi zvakadiniko kana mwana akauya nenzira isingakarirwi?’ Uku kwakaitika kuvaroorani vazhinji avo vaiziva zvizere idi rokuti iyi haisati iri nguva yakanaka yokupinza vana munyika. Vamwe vavo vakanga vave vari mubasa renguva yakazara kwamakore. Vanofanira kurangarira seiko kusvika kwomuuyi mutsva asingakarirwi?
16 Ipapa ndipo apo hubereki hwokuziva mutoro hunoshanda. Chokwadi, pamuviri pangasakarirwa, asi mucheche anouya haagoni kurangarirwa saasingadikanwi navabereki vechiKristu. Chinjo dzipi kana dzipi kusvika kwake kungaparira muupenyu hwavo, ivo vanofanira zvamazvirokwazvo kusanzwa pfundepfunde kwaari. Pashure pokurangarira zvose, ivo vaiva nomutoro wokunambwa kwake. Zvino zvaavapo, ivo vanofanira kugamuchira mugariro wavo wakachinja, vachiziva kuti, nenzira yakati, “nguva nechinoitika chisingadeyi kuonekwa zvinowira” vanhu vose. (Muparidzi 9:11, NW) Nokudisa kana kuti kwete, ivo vakatora rutivi muchiito chokusika icho Jehovha Mwari ari Muvambi wacho. Ivo vanofanira kugamuchira mwana wavo somutoro unoyera ndokuita norudo mitoro yavo sa“vabereki muhumwe naShe.”—VaEfeso 6:1, NW.
“Itai Zvose Nezita raShe”
17. Izanoi iro muapostora Pauro akapa kuvaKorose, uye iri zano rinogona sei kuteverwa nhasi?
17 Pamberi chaipo pokuipa zano pazvinhu zvemhuri, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchionga Mwari Baba naye.” (VaKorose 3:17-21) Mugariro upi kana upi muKristu angazviwana amene ari mauri, iye anofanira kuva anoonga kuna Jehovha ndokushandisa mugariro wake ku“ita zvose nezita raShe.”
18, 19. (a) MaKristu asina kuroora navaroorani vasina vana vanogona sei “kuita chinhu chiri chose muzita raShe”? (b) Vabereki vechiKristu vanofanira kurangarira sei vana vavo, uye inharidzanoi yavanofanira kuzvigadzira vamene?
18 MuKristu akasarudza kuramba asina kuroora achashandisa rusununguko rwake, kwete nokuda kwokuzvigutsa, asi kushanda “nomwoyo wose sokuna Jehovha,” kana kuchibvira muchimiro chakati chebasa renguva yakazara. (VaKorose 3:23, NW; 1 VaKorinte 7:32) Nenzira yakafanana, varoorani vanosarudza kurega kuva navana havasati ‘vachizoshandisa [noudyire] nyika zvakazara’ asi vachapa basa roUmambo nzvimbo hurusa inobvira muupenyu hwavo.—1 VaKorinte 7:29-31.
19 Kana ari maKristu ane vana, anofanira kugamuchira ubereki hwawo nenzira yokuziva mutoro. Kure nokurangarira vana vavo semhinganidzo kukubatira Jehovha, iwo anofanira kuvarangarira somugove chaiwo. Ikoku kuchabatanidzei? Eya, apo muKristu akazvitsaurira anosangana nomumwe munhu anoratidza fariro muzvokwadi, anotanga fundo yeBhaibheri yapamusha yenguva dzose nomunhu iyeyo. Chichinge chatanga fundo yacho, Chapupu chinoshingaira zvikuru, chichidzokera vhiki pashure pevhiki nokuda kwokubetsera munhu anofarira kuita fambiro mberi yomudzimu. Hapana zvishoma zvinodikanwa muvana vomuKristu. Fundo yenguva dzose, yakasanofungwa yeBhaibheri, kutanga nokukurumidza sezvinobvira uye inoitwa pahwaro hwenguva dzose, inodikanwa kubetsera muduku kukura mumudzimu nokudzidza kuda Musiki wake. (2 Timotio 3:14, 15) Mukuwedzera, vabereki vachava vanongwarira kugadza muenzaniso wakanaka womufambiro wechiKristu mumusha, sezvavanoita chaizvo muHoro yoUmambo. Uye kwakunobvira ivo vachava nomutoro wokurovedza vana vavo mubasa romumunda. Neiyi nzira, mukuwedzera kukuparidzira kuvamwe vakuru, vabereki vachatsvaka, nebetsero yaJehovha, ku“ita vadzidzi” vavana vavo vamene.—Mateo 28:19, NW.
Vana Mukati Me“dambudziko Guru”
20. (a) Chii chiri mberi kwedu, uye Jesu akapa nyevero yezvitambudzoi? (b) Mashoko aJesu anei chokuita nokurera vana munguva yomugumo?
20 Pamberi pedu pane “dambudziko guru rakadai serisati rakamboitika chifo chapamavambo enyika kutozosvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, NW) Ichava nguva yakaomera vakuru navana zvakafanana. Muuporofita hwake pamusoro pemhedziso yetsika yazvino yezvinhu, Jesu akadeya kutaura kuti zvokwadi yechiKristu yaizoparadzanisa mhuri. Iye akati: “Mukoma uchaisa munun’una kurufu nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa.” (Marko 13:12) Sezvinooneka, kurera vana munguva yomugumo nguva dzose hakusati kwaizova mufaro zvawo. Kungagona kuunza chitambudzo, kuora mwoyo, uye kunyange ngozi, seizvo mashoko aJesu anokorwa pamusoro apa anoratidza.
21. (a) Vachirangarira nguva yemberi zvechokwadi, neiko vabereki vasingafaniri kuitira hanya zvisakafanira? (b) Ndeipi inogona kuva tariro yavo, nokuda kwavo vamene navana vavo?
21 Asi nepo vachiva vechokwadi pamusoro pezvitambudzo zviri mberi, avo vane vana vaduku havafaniri kuitira hanya zvisakafanira nguva yemberi. Kana ivo vamene vakaramba vakatendeka ndokuita unani hwavo kurera vana vavo “muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha,” vanogona kuva nechivimbo chokuti vana vavo vanoteerera vacharangarirwa zvakanaka. (VaEfeso 6:4, NW; enzanisa na 1 VaKorinte 7:14.) Sorutivi rwe“boka guru,” ivo navana vavo vaduku vanogona kukarira kupukunyuka “dambudziko guru.” Kana vana vakadaro vakakura kuva vabatiri vakatendeka vaJehovha, vachava vanoonga nokusingagumi kwaari kuti ivo vaiva navabereki vanoziva mutoro.—Zvakazarurwa 7:9, 14, NW; Zvirevo 4:1, 3, 10.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Igadziriroi yenguva refu inobatanidza kuberekwa kwomwana?
◻ Neiko vamwe vakuru navabatiri vanoshumira vakarasikirwa namaropafadzo avo?
◻ Zvinhui izvo murume wechiKristu anofanira kurangarira pamusoro pokuva kwomudzimai wake napamuviri?
◻ Chii chinobvumikisa kuti varoorani vechiKristu vanogona kuva vasina vana navanofara?
◻ Kuberekwa kwomwana kunofanira kurangarirwa sei navabereki, uye neiko ivo vasingafaniri kuva vanoitira hanya zvisakafanira nguva yemberi?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Madzibaba anogona kugoverana mutoro wokuchengeta vana vakanyarara mukati memisangano