Kubatira Nokuvimbika Nesangano raJehovha
“Kana munhu akavimbika muchaita nokuvimbika.”—2 SAMUERI 22:26, NW.
1, 2. Mimwe mienzanisoi yekuvimbika iyo tose zvedu tinogona kuona muungano?
MAMWE manheru mumwe mukuru anogadzirira hurukuro yemusangano wechiKristu. Angada kurega ndokuzorora; panzvimbo pezvo, anoramba achishanda, achitsvaka mienzaniso yomuMagwaro ichabaya mwoyo ndokukurudzira boka. Pausiku hwemusangano, vabereki vaviri vakaneta vari muungano imwe cheteyo vaizofarikanya manheru vari pamusha; panzvimbo pezvo, vanoita kuti vana vavo vagadzirire ndokuenda kumusangano. Pashure pomusangano, boka revaKristu rinokurukura hurukuro yomukuru. Imwe hanzvadzi inonzwa ichida kutaura kuti hama imwe cheteyo yakamboitadzira; panzvimbo pezvo, inotaura nembavarira pamusoro pezvinhu zvayataura. Unoona here chinhu chakafanana chiri mune izvi zviitiko?
2 Chinhu chakafanana ichocho kuvimbika. Mukuru anoshanda nokuvimbika kuti abatire boka raMwari; vabereki vanopinda misangano yeungano nokuvimbika; hanzvadzi inotsigira vakuru nokuvimbika. (VaHebheru 10:24, 25; 13:17; 1 Petro 5:2) Hongu, mumativi ose oupenyu, tinoona vanhu vaMwari vakatsunga kubatira sangano raJehovha nokuvimbika.
3. Nei zvichikosha kwazvo kuti tirambe takavimbika kusangano raJehovha rapasi?
3 Jehovha paanotarira nyika ino yakaipa, anoona kuvimbika kushoma zvikuru. (Mika 7:2) Mwoyo wake unofanira kufadzwa sei paanoona kuvimbika kwevanhu vake! Hongu, kuvimbika kwako kunomufadza. Zvisinei, kunoshatirisa Satani, mupanduki wapakuvamba, uye kunoita kuti zvioneke kuti anoreva nhema. (Zvirevo 27:11; Johane 8:44) Karira kuti Satani achaedza kuita kuti usavimbike kuna Jehovha nesangano Rake rapasi. Ngatirangarirei dzimwe nzira idzo Satani anoita nadzo izvozvi. Tikaita kudaro tinogona kuona zviri nani kuti tinogona sei kuramba takavimbika kusvikira kugumumo.—2 VaKorinte 2:11.
Kunyanyotarisisa Kusakwana Kunogona Kukanganisa Kuvimbika
4. (a) Nei zviri nyore kuva nemurangariro wakaipa weavo vane chiremera? (b) Kora akabvumikisa sei kuva asina kuvimbika kusangano raJehovha?
4 Kana hama ichivimbwa, mhosho dzayo dzinganyanyooneka. Zviri nyore sei kutsoropodza ‘uswa huri muziso rehama yako uchifuratira danda riri mune rako’! (Mateo 7:1-5) Kufungisisa nezvemhosho, kunyange zvakadaro, kunogona kukonzera kusavimbika. Kuenzanisira, rangarira musiyano waiva pakati paKora naDhavhidhi. Kora aivimbwa zvikuru, uye sezvinobvira akanga akavimbika kwemakore akawanda, asi akava negwinyiro. Akasvika pakuvenga chiremera chaMosesi naAroni, vakoma vake vokutanga. Kunyange zvazvo Mosesi aiva munhu munyoro zvikurusa, Kora sezviri pachena akavamba kumutarira nemeso okutsoropodza. Angangodaro akaona mhosho dzaMosesi. Mhosho idzodzo, zvisinei, hadzina kururamisa kusavimbika kwaKora kusangano raJehovha. Akaparadzwa muungano.—Numeri 12:3; 16:11, 31-33.
5. Nei Dhavhidhi angave akanzwa aedzwa kupandukira Sauro?
5 Dhavhidhi, kune rimwe divi, akabatira ari pasi paMambo Sauro. Aichimbova mambo akanaka, Sauro akanga anyatsoipa. Dhavhidhi aida kutenda, kutsungirira, uye kunyange ungwaru kuti apone pakurwisa kwaSauro kwegodo. Bva, apo Dhavhidhi akava nomukana wokudzorera, akataura kuti ‘zvaisava nomufungo, mukuona kwaJehovha,’ kuti aite chiito chokusavimbika mukurwisana neuyo Jehovha akanga azodza.—1 Samueri 26:11.
6. Kunyange zvazvo kana tikaona kuneta neutera muvakuru, chii chatisingambofaniri kuita?
6 Apo vamwe vari kutitungamirira vanoratidzika kuva vari kukanganisa mukuita zvisarudzo, kutaura nemashoko ehasha, kana kuti pavanoratidzika kunge vari kuita chizivano, togunun’una, zvichida tichikonzera chimiro chendangariro chokushora muungano here? Ticharega kuenda kumisangano yechiKristu sechiito chokusabvumirana here? Zvechokwadi hatidaro! Kufanana naDhavhidhi, hatimbobvumiri mhosho dzomumwe kutisunda kuva vanhu vasina kuvimbika kuna Jehovha nesangano rake!—Pisarema 119:165.
7. Mimwe miitiroi yakaipa yaiva mutembere yaiva muJerusarema, uye Jesu akanzwa sei pamusoro paizvozvi?
7 Muenzaniso mukurusa wavanhu wokuvimbika aiva Jesu Kristu, anorondedzerwa nenzira youporofita se“akavimbika” waJehovha. (Pisarema 16:10, NW) Kusashandiswa zvakanaka kwetembere yaiva muJerusarema kunofanira kuve kwakaita kuti kuvimbika kunetse. Jesu aiziva kuti basa romuprista mukuru nezvibayiro zvaifanofananidzira ushumiri hwake nerufu rwechibayiro, uye aiziva kuti zvaikosha sei kuti vanhu vadzidze kubva mune izvozvi. Naizvozvo aive akazadzwa nehasha dzakarurama apo akaona kuti tembere yakanga yave “bako ramakororo.” Nechiremera chaakapiwa naMwari, akaita matanho okuichenesa kaviri.a—Mateo 21:12, 13; Johane 2:15-17.
8. (a) Jesu akaratidza sei kuvimbika kugadziriro yetembere? (b) Tinogona sei kuratidza kuti tinoonga kunamata Jehovha nesangano rake rakachena?
8 Zvisinei, Jesu akatsigira gadziriro yetembere nokuvimbika. Kubvira pauduku, akapinda mitambo patembere uye aiwanzodzidzisa ikoko. Akatobhadhara mutero wetembere—kunyange zvazvo akanga asina musengwa wokuita kudaro. (Mateo 17:24-27) Jesu akarumbidza chirikadzi yaiva murombo nokuda kwokuisa “zvose zvaaifanira kurarama nazvo” muchivigiro chetembere. Nokukurumidza pashure pezvo, Jehovha akaramba tembere iyoyo zvechigarire. Asi kutozosvikira panguva iyoyo, Jesu akanga akavimbika kwairi. (Marko 12:41-44; Mateo 23:38) Sangano raMwari rapasi nhasi rakakura zvikuru kupfuura tsika yechiJudha netembere yayo. Sezvinobvumwa, harina kukwana; ndokusaka gadziridzo dzichiitwa pane dzimwe nguva. Asi harisekwi nokuda kwoushati, uyewo Jehovha Mwari haasati ava pedyo nokuritsiva. Hatimbofaniri kubvumira kusakwana kupi nokupi kwatinoona mukati maro kutishatirisa kana kuti kutisunda kuva nechimiro chendangariro chokutsoropodza, chakaipa. Panzvimbo pezvo, ngatitevedzerei kuvimbika kwaJesu Kristu.—1 Petro 2:21.
Kusakwana Kwedu
9, 10. (a) Tsika yezvinhu yaSatani inoshatisa sei kusakwana kwedu kuitira kuti tinyengerwe kuva vanhu vasina kuvimbika? (b) Munhu anenge aita chivi chakakomba anofanira kuitei?
9 Satani anoedzawo kutsigira kusavimbika kupfurikidza nokushandisa kusakwana kwedu. Tsika yake yezvinhu inoshandisa utera hwedu, ichitiedza kuita zvakaipa mumeso aJehovha. Nenzira inosuruvarisa, gore rimwe nerimwe zviuru zvinoita unzenza. Vamwe vanowedzera kusavimbika kupfurikidza nokurarama upenyu huviri, vachiramba vari munzira yokuita zvakashata asi vachinyepedzera kuva vaKristu vakatendeka. Mukupindura nyaya dzaitaura nezvenhau iyi dzaiva mu“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” mumagazini yeMukai!, mumwe mukadzi muduku akanyora kuti: “Nyaya dzacho dzaiva nezvinhu zvakaitika muupenyu hwangu.” Pachivande, akanga aita ushamwari nepwere dzisingadi Jehovha. Mugumisiro wacho? Anonyora kuti: “Upenyu hwangu hwakava hwakaipa zvikuru, uye ndakaita unzenza ndokutsiurwa. Ukama hwangu naJehovha hwakakuvadzwa, uye vabereki vangu nevakuru vakanga vasisandivimbe.”b
10 Uyu mukadzi muduku akawana betsero kubva kuvakuru ndokudzokera kubasa rakavimbika raJehovha. Nenzira inosuruvarisa, kunyange zvakadaro, vazhinji vanotambura migumisiro yakaipisisa, uye vamwe havatombodzoki kuungano. Zviri nani sei kuvimbika ndokuramba kuedzwa mune iyi nyika yakaipa! Teerera nyevero dzemagazini eNharireyomurindi neMukai! pamusoro penhau dzakadai seshamwari dzenyika nevaraidzo yakaipa. Usatomboita mufambiro usina kuvimbika. Asi kana ukaita kudaro, usamboedzesere kuita zvausiri. (Pisarema 26:4) Panzvimbo pezvo, tsvaka rubatsiro. Ndokusaka vabereki vechiKristu nevakuru varipo.—Jakobho 5:14.
11. Nei zvingave zvakaipa kuzvirangarira setakaipa zvisina tariro, uye muenzanisoi weBhaibheri unogona kutibatsira kugadzirisa murangariro wedu?
11 Kusakwana kwedu kungatiise mungozi mune imwe nzira. Vamwe vanoita chiito chokusavimbika vanorega kuedza kufadza Jehovha. Yeuka, Dhavhidhi akaita zvivi zvakakomba zvikuru. Bva, nguva refu pashure porufu rwaDhavhidhi, Jehovha akamuyeuka somubatiri akatendeka. (VaHebheru 11:32; 12:1) Nei? Nemhaka yekuti haana kumborega kuedza kufadza Jehovha. Zvirevo 24:16 inoti: “Munhu wakarurama ungawa kanomwe, achisimukazve; asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.” Zvechokwadi, kana tikatanga kuita zvivi zviduku—hongu tichidzokorora—nemhaka yeutera hwakati hwatiri kurwisana nahwo, tingave vakarurama mumeso aJehovha kana tikaramba tichi“simuka”—ndiko kuti, kupfidza zvapachokwadi ndokumutsidzira basa rokuvimbika.—Enzanisa na2 VaKorinte 2:7.
Ngwarira Kusavimbika Kusingaoneki Zviri Nyore!
12. Muchiitiko chavaFarise, murangariro wakaoma, wokuda mutemo wakatungamirira sei kuva vasina kuvimbika?
12 Kusavimbika kunouyawo nenzira isingaoneki zviri nyore. Kungatoita sokuvimbika! Somuenzaniso, vaFarise vemuzuva raJesu sezvinobvira vaifunga kuti vakanga vakavimbika zvinoshamisa.c Asi vakakundikana kuona musiyano waiva pakati pokuvimbika nomunhu anochengeta zvikuru mitemo yavanhu, nokuti vakanga vakaoma uye vaitonga nehasha. (Enzanisa naMuparidzi 7:16.) Pakadaro vakanga vasina kuvimbika—kuvanhu vavaifanira kunge vachibatira, kurevo yeMutemo wavaitaura kuti vaidzidzisa, uye kuna Jehovha pachake. Jesu, mukupesana, akanga akavimbika kurevo yeMutemo, uyo wakanga wakavakirwa parudo. Nokudaro akavaka ndokukurudzira vanhu, kungofanana nezvakanga zvafanotaurwa nouporofita hwaitaura nezvaMesiya.—Isaya 42:3; 50:4; 61:1, 2.
13. (a) Vabereki vechiKristu vangava sei vasina kuvimbika? (b) Nei vabereki vachifanira kudzivisa kuva vane hasha zvikuru, vanotsoropodza, kana kuti vasina kunanga mukuranga vana vavo?
13 VaKristu vane chiremera vanobatsirwa zvikuru nemuenzaniso waJesu munhau iyoyi. Somuenzaniso, vabereki vakavimbika vanoziva kuti vanofanira kuranga vana vavo. (Zvirevo 13:24) Bva vanova nechokwadi chokuti havanetsi vana vavo nechirango chehasha chinopiwa nekutsamwa kana kuti nekutsoropodza kwenguva dzose. Vana vanorangarira kuti havambogoni kufadza vabereki vavo kana kuti vanorangarira kuti kunamata kwevabereki vavo kunenge kunongovaita chete kuti vave vanhu vanowanira mhaka uye vanotsoropodza vangaodzwa mwoyo zvikuru uye, somugumisiro, vanopedzisira vasisatende.—VaKorose 3:21.
14. Vafudzi vechiKristu vangabvumikiswa sei kuva vakavimbika kuboka ravanobatira?
14 Nenzira yakafanana, vakuru vechiKristu nevatariri vanofambira vanopa ngwariro kuzvinetso nengozi izvo boka rinotarisana nazvo. Savafudzi vakavimbika, vanopa zano apo rinenge richidiwa, vachiva nechokwadi chokuti vane maidi ose pakutanga uye vachivakira nokungwarira zvavanotaura paBhaibheri nezvinyorwa zveSosaiti. (Pisarema 119:105; Zvirevo 18:13) Vanozivawo, kuti makwai anotsamira pavari nokuda kwokuvakwa nokudyiswa mumudzimu. Naizvozvo vanotsvaka kutevedzera Jesu Kristu, Mufudzi Akaisvonaka. Vanoshumira makwai nokuvimbika vhiki pashure pevhiki mumisangano yechiKristu—vasingaaodzi mwoyo asi, panzvimbo pezvo, vachiavaka nokuasimbisa mukutenda.—Mateo 20:28; VaEfeso 4:11, 12; VaHebheru 13:20, 21.
15. Vamwe vaiva muzana rokutanga ramakore vakaratidza sei kuti vakanga vavimba nezvavakanga vasingafaniri kuvimba nazvo?
15 Kumwe kusavimbika kusingaoneki zviri nyore kuvimba nezvatisingafaniri kuvimba nazvo. Kuvimbika kwechokwadi mupfungwa yeBhaibheri hakubvumiri kuti tivimbe nechimwe chinhu kupfuura kuvimbika kwedu kuna Jehovha Mwari. VaJudha vazhinji muzana rokutanga ramakore vakaomerera kuMutemo waMosesi nekutsika yezvinhu yechiJudha. Bva nguva yaJehovha yakanga yasvika yokuti abvise chikomborero chake parudzi irworwo rwaipandukira kuenda kurudzi rwevaIsraeri vomudzimu. Vashomanene zvikuru bedzi vakanga vakavimbika kuna Jehovha vakagamuchira iyi chinjo huru. Kunyange pakati pavaKristu vechokwadi, vamwe vaitendeukira kuchiJudha vaisimbirira pakudzokera “kune zvokuvamba zvisina simba” zveMutemo waMosesi, uyo wakanga wazadzikwa muna Kristu.—VaGaratia 4:9; 5:6-12; VaFiripi 3:2, 3.
16. Vabatiri vaJehovha vakavimbika vanoita sei kana zvinhu zvachinjwa?
16 Mukupesana, vanhu vaJehovha munguva dzazvino uno vakazvibvumikisa kuva vakavimbika munguva dzekuchinja. Sezvo chiedza chechokwadi chakaziviswa chinopfuurira kujeka, gadziridzo dzinoitwa. (Zvirevo 4:18) Munguva pfupi yakapfuura, “muranda wakatendeka, wakangwara” akatibatsira kunatsa kunzwisisa kwedu shoko rokuti “chizvarwa” rinoshandiswa pana Mateo 24:34, (NW), uye kuziva nguva yokutongwa kwe“makwai” uye kwe“mbudzi” kunodudzwa pana Mateo 25:31-46, pamwe chete nekurangarira kwedu mamwe marudzi ebasa rehurumende. (Mateo 24:45) Pasina mubvunzo vamwe vakaramba kutenda vaizove vakafara kudai Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakanga zvasimbirira kunzwisiso yakapfuura yenhau dzakadaro ndokuramba kufambira mberi. Hapana chinhu chorudzi irworwo chakaitika. Nei? Vanhu vaJehovha vakavimbika.
17. Vadiwa vangaedza sei kutenda kwedu padzimwe nguva?
17 Nhau yekuvimbika nezvatisingafaniri kuvimba nazvo ingatitapura somunhu oga, kunyange zvakadaro. Apo shamwari inodiwa kana kuti kunyange mutezo wemhuri unosarudza nzira inoputsa nheyo dzeBhaibheri, tinganzwa kuti tiri kushaya wokuvimba naye. Sezvinobvumwa, tinganzwa takavimbika kumitezo yemhuri. Asi hatimbofaniri kuvimba navo zvikuru kupfuura kuvimbika kwedu kuna Jehovha! (Enzanisa na1 Samueri 23:16-18.) Hatifaniriwo kubatsira vaiti vezvakashata kuti vavanze chivi chakakomba kana kuti kuvatsigira mukurwisana navakuru avo vari kuedza ku‘vagadzirisa nounyoro.’ (VaGaratia 6:1) Kuita kudaro kungava kusavimbika kuna Jehovha, sangano rake, uye kumudiwa. Pashure pezvose, kudzivisa mutadzi kuwana chirango chaanofanira kupiwa, kunyatsovhariridza rudo rwaJehovha kuti rwusamusvike. (VaHebheru 12:5-7) Yeukawo, kuti “mavanga anotemwa neshamwari angatendwa.” (Zvirevo 27:6) Nenzira yakajeka, zano rorudo rakavakirwa paShoko raMwari ringakuvadza kudada kwemudiwa anotadza, asi pakupedzisira richaponesa upenyu!
Kuvimbika Kunopfuurira Pasinei Zvapo Nechitambudzo
18, 19. (a) Ahabhi aidei kuna Nabhoti, uye Nabhoti akarambirei? (b) Kuvimbika kwaNabhoti kwakanga kwakafanirwa here? Tsanangura.
18 Pane dzimwe nguva kudenha kwaSatani pakuvimbika kwedu kwakananga. Rangarira chakaitika chaNabhoti. Apo Mambo Ahabhi akamumanikidza kutengesa munda wake wemizambiringa, akapindura kuti: “Jehovha ngaandidzivise, ndirege kukupai nhaka yamadzibaba angu.” (1 Madzimambo 21:3) Nabhoti akanga asiri kusindimara; akanga ari kuva munhu akavimbika. Mutemo waMosesi wairayira kuti hakuna muIsraeri aifanira kutengesa nyika yaiva nhaka zvachose. (Revhitiko 25:23-28) Nabhoti zvechokwadi aiziva kuti uyu mambo anotyisa aigona kumuurayisa, nokuti Ahabhi akanga atomboita kuti mudzimai wake, Jezebheri, auraye vaporofita vaJehovha vakawanda! Bva Nabhoti haana kuchinja.—1 Madzimambo 18:4.
19 Kuvimbika pane dzimwe nguva kunoparira. Jezebheri, nebetsero yevarume “vakaisvoipa,” akaita kuti Nabhoti aurayirwe mhosva yaakanga asina kupara. Somugumisiro, iye nevanakomana vake vakaurawa. (1 Madzimambo 21:7-16; 2 Madzimambo 9:26) Izvozvo zvinoreva here kuti kuvimbika kwaNabhoti kwakanga kusiri kwechokwadi? Kwete! Nabhoti ari pakati pavarume navakadzi vakawanda vakatendeka ‘vanorarama’ muyeuko yaJehovha zvino chaiye, vakarara vakachengeteka muguva kutozosvikira nguva yerumuko.—Ruka 20:38; Mabasa 24:15.
20. Tariro inogona sei kutibatsira kuchengeta kuvimbika kwedu?
20 Chipikirwa chimwe chetecho chinopa vimbiso kuvakavimbika vaJehovha nhasi. Tinoziva kuti kuvimbika kwedu kungaite kuti tirasikirwe zvikuru munyika ino. Jesu Kristu akabhadhara kuvimbika kwake noupenyu hwake, uye akaudza vateveri vake kuti vaisazobatwa zvakanaka. (Johane 15:20) Sezvo tariro yake yomunguva yemberi yakamutsigira, tinotsigirwawo neyedu. (VaHebheru 12:2) Naizvozvo tinogona kuramba takavimbika mukutarisana nerudzi rwuri rwose rwechitambudzo.
21. Jehovha anopa vakavimbika vake vimbisoi?
21 Chokwadi, vashomanene zvikuru vedu nhasi vanotambura kurwisa kwakadaro kwakananga kunobva pakuvimbika kwedu. Asi vanhu vaMwari vangatarisana zvikuru nechitambudzo chikuru mugumo usati wauya. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuva vakavimbika? Kupfurikidza nokuvimbika zvino. Jehovha akatipa basa guru—kuparidza nokudzidzisa nezveUmambo hwake. Ngatirambei tichiita iri basa rinokosha nokuvimbika. (1 VaKorinte 15:58) Kana tikarega kubvumira kusakwana kwomunhu kutibira kuvimbika kwedu kusangano raJehovha uye kana tikadzivisa kusavimbika kusingaoneki zviri nyore kwakadai sokuvimba nezvatisingafaniri kuvimba nazvo, ipapo tichava vakagadzirira zvikuru kuita kuti kuvimbika kwedu kuedzwe zvakakomba zvikuru. Muchiitiko chipi nechipi, nguva dzose ngativei nechokwadi chokuti Jehovha akavimbika nenzira isingakundikani kuvabatiri vake vakavimbika. (2 Samueri 22:26) Hongu, acharinda vakavimbika vake!—Pisarema 97:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Jesu akanga akashinga kurwisa bhizimisi rakadaro raipa vanhu mari. Maererano nemumwe wezvenhau, mutero wetembere waifanira kuripwa nemari chaiyo yekare yechiJudha. Vanhu vazhinji vaishanyira tembere nokudaro vaifanira kuchinja mari yavo kuitira kuti vabhadhare mutero. Vachinji vemari vaibvumirwa kuchaja mari chaiyo, uye izvozvi zvakaita kuti vawane zvitsama zvikuru zvemari.
b Ona Mukai! yaJanuary 8, 1993; January 8, 1994; uye February 8, 1994.
c Boka ravo rakabva kune revaHasidhi, boka rakamuka mazana amakore apakuvamba kuti rirwise pesvedzero yechiGiriki. VaHasidhi vakatora zita ravo mushoko rechiHebheru rokuti chasi·dhimʹ, rinoreva kuti “vakavimbika” kana kuti “vatsvene.” Zvichida vairangarira kuti magwaro anodudza nezve“vakavimbika” vaJehovha aishanda kwavari munzira chaiyo. (Pisarema 50:5, NW) Ivo, nevaFarise vakazovatevera, vakazvigadza pachavo, kuti vadzivirire zvaitaura Mutemo.
Ungapindura Sei?
◻ Tinogona sei kudzivisa kuti kusakwana kwevamwe kutiite vanhu vasina kuvimbika?
◻ Kusakwana kwedu kungatitungamirira kuita mufambiro usina kuvimbika munzirai?
◻ Tinogona sei kudzivisa kuda kuva vanhu vasina kuvimbika?
◻ Chii chichatibatsira kuchengeta kuvimbika kwedu kunyange munguva dzechitambudzo?
[Bhokisi riri papeji 9]
Kubatira Nokuvimbika paBheteri
“Zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira zvine mirayiro yazvo.” Akanyora kudaro muapostora Pauro. (1 VaKorinte 14:40) Pauro aiziva kuti kuti ungano ishande, paifanira kuva ne“mirayiro,” yekurongeka. Nenzira yakafanana nhasi, vakuru vanofanira kuita zvisarudzo pamusoro penhau dzinoshanda, dzakadai sokugovera mitezo yeungano kumapoka akasiyana-siyana efundo yebhuku, kuronga misangano yebasa romumunda, uye kutarisa kufukidzwa kunenge kuchiitwa ndima. Gadziriro dzakadaro pane dzimwe nguva dzinopa miedzo yokuvimbika. Haisi mirayiro yakafuridzirwa naMwari, uye havasi vose vanoifarira.
Unozviwana zvichinetsa here, padzimwe nguva, kuvimbika kune dzimwe gadziriro dzinoshanda dzinoitwa muungano yechiKristu? Kana zvakadaro, ungawana muenzaniso weBheteri uchibatsira. Zita rokuti Bheteri, shoko rechiHebheru rinoreva kuti “Imba yaMwari,” rinopiwa kumapazu ose 104 eWatch Tower Society, kubatanidza dzimbahwe reUnited States.* Vazvipiri vanogara nokushanda pazvivako zveBheteri vanoda kuti nzvimbo idzodzi dziratidzire rukudzo nokutya Jehovha. Izvozvi zvinoda kuvimbika kwemunhu mumwe nomumwe.
Vanoshanyira Bheteri vanowanzotsinhira pamusoro pekurongeka nekuchena kwavanoona ikoko. Vashandi vacho vakarongeka uye vanofara; kutaura kwavo netsika, uye kunyange chitarisiko zvinoratidzira hana dzechiKristu dzakakura, dzakadzidziswa neBhaibheri. Mitezo yose yemhuri yeBheteri inotsigira nokuvimbika mipimo yeShoko raMwari.
Mukuwedzera, Mutumbi Unodzora unovagovera bhukwana rine musoro unoti Dwelling Together in Unity, iro rinonyatsoronga gadziriro dzinoshanda dzinodiwa nokuda kwemhuri yakadaro yakakura kuti ishande pamwe chete zvakanaka. (Pisarema 133:1) Somuenzaniso, rine zvinhu zvine chokuita nemakamuri, zvokudya, utsanana, kupfeka nekutsvinda, uye dzimwe nhau dzakafanana. Mitezo yemhuri yeBheteri inotsigira nokuvimbika uye inonamatira kugadziriro dzakadaro, kunyange kana zvavanoda somunhu oga zvisingawirirane naizvozvo. Vanorangarira bhuku iri, kwete semitemo yakawandisa yorumano, asi senhungamiro dzinoshanda dzakagadzirirwa kutsigira chinzwano netsinhirano. Vatariri vakavimbika mukutsigira iyi miitiro yakavakirwa muBhaibheri, uye vanoishandisa nenzira inoshanda kuti vatsigire ndokukurudzira mhuri yeBheteri kuronda basa ravo rinoyera reBheteri.
* Izvi zvivako zvefekitari, hofisi, uye nzvimbo dzokugara hadzitsivi tembere huru yomudzimu yaMwari, kana kuti imba. Tembere yaMwari yomudzimu igadziriro yake yekunamata kwakachena. (Mika 4:1) Sezvo dzakadaro, hadzina kuganhurirwa kuchivako chipi nechipi chiri pasi pano.
[Bhokisi riri papeji 10]
Munhu Anoda Kuvimbika neAnoda Mutemo Wakanyorwa
Kare muna 1916 Encyclopædia of Religion and Ethics yakataura kuti “uyu musiyano uri pakati peanoda kuvimbika neanoda mutemo wakanyorwa ungawanwa nguva dzose uye munzvimbo dzose.” Yakatsanangura kuti: “Kune anoda mutemo wakanyorwa uyo anoita zvaanzi aite, haaputsi mutemo; anochengeta kutenda kusvikira kushoko rakanyorwa uye rinogona kuverengwa. Kune anoda kuvimbika uyo anoita izvozvi asi anogona . . . kuvimbwa naye zvikuru, anofunga nezvebasa rake, anofunga maererano nerevo yedonzo rinoda kuitwa.” Gare gare, bhuku rimwe chetero rakati: “Kuva akavimbika kunopfuura zvikuru kuchengeta mutemo. . . . Munhu akavimbika anosiyaniswa nemunhu anochengeta mutemo semunhu anobatira nomwoyo wose nendangariro . . . Haazvibvumiri kupara zvivi achiziva, nokuregeredza, kana kuti asingazivi.”