Vamwe Vanobvuma Zano Rako Here?
ZANO rakakodzera rinopiwa zvakanaka rinowana migumisiro yakanaka nguva dzose. Ichokwadi here? Hachisi! Zano rakatonakisisa chairo rinopiwa nevanogona kupa mazano rinowanzofuratirwa kana kuti kurambwa wani.—Zvirevo 29:19.
Izvi zvakaitika Jehovha paakapa Kaini zano, akanga ava kuvenga munun’una wake, Abheri. (Genesi 4:3-5) Achiziva ngozi yazvaizoparira Kaini, Mwari akati kwaari: “Watsamwireiko? Chiso chako chakawunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.”—Genesi 4:6, 7.
Saka Jehovha akafananidza chivi nemhuka yamirira kusvetukira Kaini dai akaramba ane daka nomunun’una wake. (Enzanisa naJakobho 1:14, 15.) Nguva yakanga ichiripo yokuti Kaini achinje mafungire ake, kuti a“it[e] zvakanaka” panzvimbo pokuronda nzira ine ngwavaira. Zvinosuruvarisa kuti Kaini haana kuteerera. Akaramba zano raJehovha, zvikazoguma zvakashata.
Vamwe vanovenga uye vanoramba chero rudzi rwupi zvarwo rwezano. (Zvirevo 1:22-30) Kuti kurambwa kwezano racho ingadaro iri mhaka yeanopa zano wacho here? (Jobho 38:2) Iwe unopa zano unoita kuti zviomere vamwe kuribvuma here? Kusakwana kwevanhu kunoita kuti izvozvo zvive ngozi chaiyoiyo. Asi ungaita kuti izvozvo zvisambobvira zvaitika nokutevera nheyo dzeBhaibheri nokungwarira. Ngatimboonei dzimwe dzacho.
‘Ruramisa Nomwoyo Wounyoro’
“Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomwoyo wounyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwawo.” (VaGaratia 6:1) Saka muapostora Pauro akaratidza kuti “vomweya” vanofanira kuedza kururamisa muKristu ano“batwa pane kumwe kudarika.” Dzimwe nguva zvinoita sokuti vasinganyanyokwanisa vacho ndivo vanonyanyoda kupa zano. Saka, usanyanyokurumidza kupa vamwe zano. (Zvirevo 10:19; Jakobho 1:19; 3:1) Kunyanya vakuru veungano ndivo vanokwanisa mumudzimu kuita izvi. Ichokwadi kuti chero muKristu upi zvake akura anofanira kunyevera kana akaona hama kana hanzvadzi ichipinda mungozi.
Kana ukapa zano kana kuti kutsiura, iva nechokwadi chokuti zvaunotaura ndezveuchenjeri hwaMwari, kwete zvinodzidziswa nevanhu uye uzivi. (VaKorose 2:8) Ita somubiki akangwarira anova nechokwadi chokuti zvokubikisa zvose zvinoshandiswa zvakanaka uye hazvina chinhu chero chipi zvacho chingava nechepfu. Iva nechokwadi chokuti zano rako rinotsigirwa zvakasimba neShoko raMwari uye kwete chete nemafungiro ako wega. (2 Timotio 3:16, 17) Ukaita izvi, ungava nechokwadi chokuti zano rako harina munhu warinozokuvadza.
Zano rinopiwa kuti u“dzose” anotadza, kwete kuti umumanikidzire kuchinja asingadi. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “dzosa” rinowirirana neshoko rine chokuita nokudzorerazve pfupa raminyuka kuitira kudzivisa kuramba uchikuvara. Maererano nemunyori weduramashoko W. E. Vine, rinorevawo “kudiwa kwokushivirira nokutsungirira pazvinenge zvichiitwa.” Fungidzira rupfave nounyanzvi zvinodiwa kuti udzivise kuparira kurwadziwa kusina kufanira. Zvakangofanana, munhu anopa zano anofanira kungwarira zvikuru kuitira kuti adzivise kukuvadza ari kupiwa zano wacho. Izvi zvakatooma zvikuru kana mumwe munhu akaita zano rokukumbira. Kana usina kukumbirwa kupa zano, zvinoda unyanzvi hwakatokura nokuziva matauriro.
Haufi waka“ruramisa” munhu chero upi zvake kana uchimuvenga. Kuti udzivise kuita izvi, yeuka kudikanwa kwokuratidza “mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Kana chiremba asingashiviriri uye asingabati zvakanaka varwere, murwere angarega kuteerera zano rake ndokusazombodzokazve kuzorapwa.
Izvi hazvirevi kuti zano harifaniri kuva rakasimba. Jesu Kristu akanga akasimba paaipa zano ungano nomwe dzomuruwa rweAsia. (Zvakazarurwa 1:4; 3:1-22) Akadzipa zano rakananga ravaifanira kunzwa ndokushandisa. Asi kusimba kwaJesu nguva dzose kwakanga kwakaenzana nemavara akadai setsitsi nemutsa, achiratidza zvinoitwa naBaba vake vokudenga.—Pisarema 23:1-6; Johane 10:7-15.
Ipa Zano Nenyasha
“Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Munyu unogona kuwedzera kunaka kwezvokudya, uchiita kuti zvinake. Kana zano rako richizobvumwa, rinofanira kupiwa ‘nenyasha, rakarungwa nomunyu.’ Zvisinei, kunyange pane zvokubikisa zvakanakisisa, zvokudya zvinogona kusagadzirwa zvakanaka kana kuti kungoiswa mundiro zvakaita murwi usingafadzi. Izvozvo hazvimboiti kuti mumwe munhu anzwe ava kuda kudya. Zvakatooma kumedza zvokudya zvishomanene zvisinganaki.
Paunopa zano, zvinokosha kusarudza mashoko akarurama. Murume akachenjera Soromoni akati: “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana nematamba endarama mumidziyo yesirivheri.” (Zvirevo 25:11) Zvimwe angava aifunga nezvemudziyo wakavezwa zvakaisvonaka wesirivha une maapuro endarama akavezererwa pauri zvakaisvonaka. Ungafadza maziso sei, uye ungada sei kuupiwa sechipo! Zvakangofanana, mashoko akanyatsosarudzwa, ane nyasha anogona kunakidza chaizvo kune munhu wauri kuedza kubatsira.—Muparidzi 12:9, 10.
Zvakapesana naizvozvo, “shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Mashoko asina kufanira anogona nyore nyore kuguma nokurwadziwa nehasha panzvimbo pokufarirwa. Chokwadi ndechokuti, haasiri chete mashoko asina kusarudzwa zvakanaka angaita kuti munhu arambe zano rakanaka rinokosha asiwo inzwi risina kunaka. Kupa zano munzira isiri younyanzvi, yokusanzwira urombo kungava kunokuvadza sokurwisa munhu nechombo. “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo,” inodaro Zvirevo 12:18. Nei uchitaura usina kufunga ndokuita kuti zviomere mumwe munhu kuti ateerere zano?—Zvirevo 12:15.
Sokutaura kwakaita Soromoni, shoko rezano rinofanira ku“taurwa nenguva yakafanira.” Kufunga nezvenguva kunokosha zvikuru kana zano richizobudirira! Zviri pachena kuti mumwe munhu angasanakirwa nezvokudya kana achinzwa asingadi kudya. Zvimwe achangobva kudya zvokudya zvakawanda, kana kuti angava achirwara. Kumanikidzira mumwe munhu asingadi kudya kuti adye hakusi kuchenjera uye hakufadzi.
Ipa Zano Nomwoyo Unozvininipisa
“Zadzisai mufaro wangu,. . . musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.” (VaFiripi 2:2-4) Kana uri munhu anopa zano zvakanaka, uchakurudzirwa ne‘kufarira’ kugara zvakanaka kwevamwe. Ucharatidzawo “mwoyo unozvininipisa” pakubata nehama nehanzvadzi dzomudzimu, uchiona vamwe sevakuru kwauri. Izvozvo zvinorevei?
Mwoyo unozvininipisa uchakudzivisa kuva nepfungwa dzokupfuura vamwe. Hapana nomumwe wedu ane chikonzero chokunzwa sokuti mukuru kupfuura vamwe vaanotenda navo. Tose zvedu tinombokanganisa nguva nenguva. Sezvausingagoni kuziva zviri pamwoyo, zvinokosha zvikuru kuti usatonga mafungire emunhu wauri kupa zano. Angasava nepfungwa dzakashata uye angava asiri kuziva nezvemafungire akashata kana kuti zviito zvipi nezvipi. Kunyange kana ari kuti zivei hake kuti haasi kuwirirana nezvinodiwa naMwari, hapana mubvunzo kuti achaona zviri nyore kugamuchira zano kana rikapiwa nokuzvininipisa nekufarira chaiko kugara kwake zvakanaka mumudzimu.
Fungidzira kuti waizonzwa sei kudai wakanga wakokwa kuzodya asi akakukoka wacho akasakufarira, akakuzvidza! Zvechokwadi waisazombonakirwa nezvokudya zvacho. Chokwadi, “zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, pakuti ave nenzombe yakakodzwa, pane mbengo.” (Zvirevo 15:17) Zvakangofanana, kunyange zano rakanakisisa ringaoma kubvuma kana anopa zano wacho achiratidza kusada munhu waari kupa zano kana kuti kumutarisira pasi nokumunyadzisa. Zvisinei, rudo, kuremekedzana, nokuvimba zvichaita kuti zano rive nyore kupa nokubvuma.—VaKorose 3:14.
Zano Rakagamuchirwa
Muporofita Natani akaratidza mwoyo wokuzvininipisa paakapa Mambo Dhavhidhi zano. Kuda nokuremekedza Dhavhidhi zvaioneka mune zvakataura Natani nezvaakaita. Natani akatanga nomuenzaniso wairatidza kuti ainzwisisa kuti zvingangoomera Dhavhidhi kuteerera zano. (2 Samueri 12:1-4) Muporofita wacho akaonga kuda kwaDhavhidhi kururamisira nokururama, kunyange zvazvo kwakanga kusina kuoneka pane zvaakaita naBhati-shebha. (2 Samueri 11:2-27) Pakasimbiswa pfungwa yomufananidzo wacho, mhinduro yaibva pamwoyo yaDhavhidhi yakanga iri yokuti: “Ndatadzira Jehovha.” (2 Samueri 12:7-13) Kusiyana naKaini, asina kuteerera Jehovha, Dhavhidhi akabvuma kururamiswa achizvininipisa.
Hapana mubvunzo kuti Jehovha akatungamirira Natani, achifunga nezvokusakwana kwaDhavhidhi uyewo kuti zvimwe aisazobvuma. Natani akaita nounyanzvi hwakakura uye zviri pachena kuti aiona Dhavhidhi seaimupfuura nemhaka yenzvimbo yaDhavhidhi samambo akagadzwa waJehovha. Kana une nzvimbo yechiremera chakati, ungapa zano rakafanira, asi ringava rakaoma kuribvuma kana ukatadza kuratidza mwoyo unozvininipisa.
Natani akaruramisa Dhavhidhi nounyoro. Mashoko omuporofita wacho akanga ane nyasha uye akanyatsogadzirirwa kuitira kuti Dhavhidhi aite nenzira yaizoita kuti zvimunakire zvikuru. Natani haana kuita zvaakaita nemhaka yezvaaifarira somunhu oga, uye haana kuedzesera kuva mukuru kuna Dhavhidhi mutsika kana mumudzimu. Muenzaniso wakanaka sei wokutaura mashoko akarurama nenzira yakakodzera! Kana ukaita nenzira yakafanana, zvingangoita kuti vamwe vachabvuma zano rako.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kufanana nezvokudya zvinovaka muviri, zano rako rinofanira kuva rakanaka
[Mufananidzo uri papeji 23]
Unoita kuti zano rako rifadze semaapuro endarama ari mumidziyo yesirivha here?
[Mufananidzo uri papeji 24]
Muporofita Natani akaonga kuda kwaDhavhidhi kururama nokururamisira