‘Ramba Uchifamba Uri Pamwe naKristu’
“Naizvozvo, sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe naye.”—VAKOROSE 2:6, NW.
1, 2. (a) Bhaibheri rinorondedzera sei upenyu hwebasa rokutendeka raEnoki kuna Jehovha? (b) Jehovha akatibatsira sei kufamba naye, seizvo VaKorose 2:6, 7 inoratidza?
WAKAMBOTARISA kakomana kachifamba nababa vako here? Mwana muduku wacho anotevedzera mafambiro ose ababa vake, chiso chake chichipenya nokuyemura; baba vacho vanomubatsira, chiso chavo pachavo chakajeka norudo nokutendera. Nenzira yakakodzera, Jehovha anoshandisa rondedzero yakadaro chaizvo kurondedzera upenyu hwokumubatira nokutendeka. Somuenzaniso, Shoko raMwari rinotaura kuti murume akatendeka Enoki “akafamba naMwari” wechokwadi.—Genesi 5:24; 6:9.
2 Seizvo chaizvo baba vanorangarira vaizobatsira mwanakomana wavo muduku kufamba navo, Jehovha akatipa yamuro yakanakisisa inobvira. Akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kupasi. Munhanho yose youpenyu hwake hwose pasi pano, Jesu Kristu akaratidzira zvakakwana Baba vake vokudenga. (Johane 14:9, 10; VaHebheru 1:3) Nokudaro kuti tifambe naMwari, tinofanira kufamba naJesu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, rambai muchifamba muri pamwe naye, makadzika midzi uye muchivakwa maari uye muchidzikamiswa pakutenda, sokudzidziswa kwamakaitwa muchifashukira nokutenda mukuonga.”—VaKorose 2:6, 7, NW.
3. Maererano naVaKorose 2:6, 7, neiko tichigona kutaura kuti kune zvakawanda mukufamba pamwe naKristu kupfuura kungobhabhatidzwa?
3 Nemhaka yokuti vanoda kufamba pamwe naKristu, vachiedza kutevera makwara ake akakwana, vadzidzi veBhaibheri vane mwoyo yakatendeseka vanobhabhatidzwa. (Ruka 3:21; VaHebheru 10:7-9) Munyika yose, muna 1997 moga, vanopfuura 375 000 vakatora nhano iyi inokosha—avhareji yavanopfuura 1 000 zuva rimwe nerimwe. Wedzero iyi inofadza! Zvisinei, mashoko aPauro akanyorwa pana VaKorose 2:6, 7 anoratidza kuti pane zvakawanda zvinobatanidzwa mukufamba pamwe naKristu kupfuura kungobhabhatidzwa. Chiito chechiGiriki chinoshandurwa kuti, “rambai muchifamba” chinorondedzera chiito chinofanira kupfuurira, chinofambira mberi. Uyezve, Pauro anowedzera kuti kufamba naKristu kunobatanidza zvinhu zvina: kudzika midzi muna Kristu, kuvakwa maari, kudzikamiswa pakutenda, uye kufashukira mukuonga. Ngatirangarirei kutaura kumwe nokumwe ndokuona kubetsera kwakunotiita kupfuurira kufamba pamwe naKristu.
Waka‘dzika Midzi Muna Kristu’ Here?
4. Ku‘dzika midzi muna Kristu’ kunorevei?
4 Kutanga, Pauro anonyora kuti, tinofanira ku‘dzika midzi muna Kristu.’ (Enzanisa naMateo 13:20, 21.) Munhu anogona sei kushandira kuva akadzika midzi muna Kristu? Eya, midzi yomuti haioneki, asi inokosha kumuti wacho—inoupa dzikamo nokuugovera zvokudya. Nenzira yakafanana, muenzaniso waKristu nedzidziso zvinotitapura kutanga nenzira isingaoneki, zvichirovererwa mupfungwa nomumwoyo medu. Imomo zvinopa zvokudya nokutisimbisa. Apo tinozvibvumira kudzora kufunga kwedu, zviito zvedu, uye zvisarudzo zvedu, tinosundwa kutsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha.—1 Petro 2:21.
5. Tinogona sei ku“panga” zvokudya zvomudzimu?
5 Jesu aida zivo yaibva kuna Mwari. Akatoifananidza nezvokudya. (Mateo 4:4) Chokwadi, muMharidzo yake yapaGomo, akanokora mashoko ka21 mumabhuku masere akasiyana-siyana eMagwaro echiHebheru. Kuti titevere muenzaniso wake, tinofanira kuita seizvo muapostora Petro anokurudzira—“kupanga” zvokudya zvomudzimu “savacheche vachangoberekwa.” (1 Petro 2:2) Apo mucheche achangoberekwa anopanga zvokudya, haasiyi mubvunzo pamusoro pokupanga kwake kukuru. Kana panguva ino tisinganzwi nenzira iyoyo pamusoro pezvokudya zvomudzimu, mashoko aPetro anotikurudzira “kupanga” chinodikanwa ichocho. Seiko? Nheyo inowanwa paPisarema 34:8 ingabatsira inoti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha wakanaka.” Kana nguva dzose tichi“ravira” Shoko raJehovha, Bhaibheri, zvichida kurava chikamu charo zuva rimwe nerimwe, tichaona kuti rinodyisa mumudzimu uye rakanaka. Pashure penguva yakati, kuripanga kwedu kuchakura.
6. Neiko kuchikosha kufungisisa pane zvatinorava?
6 Zvisinei, kunokosha kuseredza zvokudya zvakanaka pashure pokunge tazvimedza bedzi. Nokudaro tinofanira kufungisisa pane zvatinorava. (Pisarema 77:11, 12) Somuenzaniso, sezvatinorava bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama, ganhuro rimwe nerimwe rinokosha zvikuru kana tikamira ndokuzvibvunza kuti: ‘Rutivii rwounhu hwaKristu rwandinoona munhoroondo iyi, uye ndinogona sei kurwutevedzera muupenyu hwangu?’ Kufungisisa nenzira yakadaro kuchatigonesa kushandisa zvatinodzidza. Ipapo, apo tinotarisana nechisarudzo, tingazvibvunza icho Jesu angadai akaita. Kana tikaita chisarudzo chedu nenzira inowirirana, tinopa ufakazi hwokuva takadzika midzi zvechokwadi muna Kristu.
7. Ndoupi unofanira kuva murangariro wedu wezvokudya zvomudzimu zvikukutu?
7 Pauro anotikurudzirawo kudya “zvokudya zvikukutu,” zvokwadi dzakadzama dzeShoko raMwari. (VaHebheru 5:14) Kurava Bhaibheri rose kungava vavariro yedu yokutanga munhau iyi. Ipapo pane misoro yefundo yakananga zvikuru, yakadai sechibayiro chorudzikinuro chaKristu, sungano dzakasiyana-siyana dzakaitwa naJehovha navanhu vake, kana kuti mamwe mashoko ouporofita ari muBhaibheri. Kune mashoko akawanda achatibatsira kupinza ndokuseredza zvokudya zvomudzimu zvikukutu zvakadaro. Ivavariroi yokupinza zivo yakadaro? Haisati iri yokutipa chikonzero chokuganza, asi kuvaka kuda kwedu Jehovha ndokutiswededza pedyo naye. (1 VaKorinte 8:1; Jakobho 4:8) Kana tikapinza zivo iyi nokudisa, kuishandisa kwatiri timene, uye kuishandisa kubatsira vamwe, tichave tichitevedzera Kristu zvechokwadi. Ikoku kuchatibatsira kudzika midzi zvakafanira maari.
Uri ‘Kuvakwa Muna Kristu’ Here?
8. Ku‘vakwa muna Kristu’ kunorevei?
8 Nokuda kworutivi runotevera rwokufamba pamwe naKristu, Pauro anochinja nokukurumidza achibva kumufananidzo wakajeka achienda kune mumwe—achibva kune uya womuti achienda kune uya wechivako. Apo tinofunga nezvechivako chiri kuvakwa, hatifungi nezvefandesheni bedzi asiwo chivako chikuru chinokwira mudenga chichioneka zvakajeka, kupfurikidza nebasa rakaoma rakawanda. Nenzira yakafanana, tinofanira kuita basa rakaoma rakawanda kuvaka mavara nemiitiro zvakafanana nezvaKristu. Basa rakaoma rakadaro hariitwi risingacherechedzwi, kunyange seizvo Pauro akanyorera Timotio kuti: ‘Kupfuurira mberi kwako ngakuonekwe navanhu vose.’ (1 Timotio 4:15; Mateo 5:16) Ndaapi ari mabasa echiKristu anotivaka?
9. (a) Kuti titevedzere Kristu muushumiri hwedu, ndedzipi dziri vavariro dzinoshanda dzatingagadza? (b) Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti tifarikanye ushumiri hwedu?
9 Jesu akatigovera kuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Akagadza muenzaniso wakakwana, achipupura noushingi uye nenzira inobudirira. Chokwadika, hatisati tichizotongoita zvakanaka sezvaakaita. Zvisinei, muapostora Petro anotigadzira vavariro iyi: “Itai Kristu mutsvene mumwoyo menyu ave Ishe; mugare makazvigadzira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu, asi muchiita nounyoro nokutya.” (1 Petro 3:15) Kana usinganzwi kuti wa“kazvigadzira kupindura” usapera mwoyo. Gadza vavariro dzine mufungo dzichakubetsera kufambira mberi zvishoma nezvishoma kumupimo iwoyo. Kugadzirira pachine nguva mberi kuchakugonesa kusiyanisa mharidzo yako kana kuti kubatanidza rugwaro kana kuti maviri. Ungagadza vavariro dzokugovera mabhuku eBhaibheri akawanda, kuita shanyo dzedzokerero dzakawanda, kana kuti kutanga fundo yeBhaibheri. Simbiso haifaniri kuva iri pauwandu chose chose—somunhamba yamaawa, zvinogoverwa, kana kuti fundo—asi pakunaka. Kugadza vavariro dzine mufungo nokuvavarira kudzisvika kunogona kutibatsira kufarikanya kuzvipa kwedu muushumiri. Ndizvo izvo Jehovha anoda—kuti timubatire “nomufaro.”—Pisarema 100:2; enzanisa na2 VaKorinte 9:7.
10. Ndeapi mamwe mabasa echiKristu atinofanira kuita, uye iwaya anotibatsira sei?
10 Panewo mabasa atinoita muungano anotivaka muna Kristu. Rinokosha zvikurusa nderokuratidzira rudo mumwe nomumwe, nokuti ichi ndicho chiratidzo chinozivisa vaKristu vechokwadi. (Johane 13:34, 35) Patinenge tichiri kufunda, vakawanda vedu tinobatanidzwa nomudzidzisi wedu, sezvo kuri kwomuzvarirwo bedzi. Zvisinei, tingagona here zvino kutevera zano raPauro rokuti “mukuriswe” kupfurikidza nokusvika pakuziva vamwe vari muungano? (2 VaKorinte 6:13) Vakuruwo vanoda rudo rwedu nokuonga. Kupfurikidza nokubatira pamwe navo, tichitsvaka nokugamuchira zano ravo raMagwaro, tichaita kuti basa ravo rakaoma zvikuru kudaro rive nyore. (VaHebheru 13:17) Panguva imwe cheteyo, ikoku kuchabatsira kuvakwa kwedu muna Kristu.
11. Murangariroi chaiwoiwo worubhabhatidzo watinofanira kuva nawo?
11 Rubhabhatidzo inhambo inofadza! Zvisinei, hatifaniri kukarira nguva yose youpenyu pashure pacho kuva inofadza zvakaenzana. Rutivi rukuru rwokuvakwa kwedu muna Kristu runobatanidza ku“famba bedzi nomurayiro iwoyu.” (VaFiripi 3:16) Ikoko hakurevi mararamiro asingafadzi, anofinha. Kunongoreva kufambira mberi nenzira yakananga—namamwe mashoko, kuvaka miitiro yomudzimu yakanaka ndokuomerera kwairi zuva nezuva, gore negore. Yeuka, “unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.”—Mateo 24:13.
Waka“dzikamiswa Mukutenda” Here?
12. Ku“dzikamiswa pakutenda” kunorevei?
12 Muchikamu chake chamashoko chechitatu achirondedzera kufamba kwedu pamwe naKristu, Pauro anotikurudzira ku“dzikamiswa mukutenda.” Imwe shanduro inorava kuti, “kusimbiswa pakutenda,” nokuti shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro rinogona kureva “kusimbisa, kuvimbisa, uye kuita chisingachinji pamutemo.” Sezvatinokura muzivo, tinopiwa zvimwe zvikonzero zvekuona kuti kutenda kwedu muna Jehovha Mwari kwakasimba uye, kutaura idi, kwakasimbiswa pamutemo. Mugumisiro wacho kuwedzera mukudzikamiswa kwedu. Kunova kwakaomera nenzira inowedzera nyika yaSatani kutitsausa. Ikoku kunotiyeuchidza nezvezano raPauro rokuti “ngatipfuurirei kuti tive vakuru.” (VaHebheru 6:1, NW) Kukura nedzikamo zvinofamba pamwe chete.
13, 14. (a) VaKristu vomuzana rokutanga ramakore vapaKorose vakatarisana netyisidziroi kudzikamo yavo? (b) Chii icho muapostora Pauro angave akaitira hanya?
13 VaKristu vomuzana rokutanga ramakore muKorose vakatarisana netyisidziro kudzikamo yavo. Pauro akanyevera kuti: “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.” (VaKorose 2:8) Pauro aisada kuti VaKorose, vakanga vava vadzorwi “muushe hwoMwanakomana worudo” rwaMwari vabviswe, vatsauswe kubva mumugariro wavo womudzimu wakakomborerwa. (VaKorose 1:13) Kutsauswa nenzirai? Pauro akanongedzera ku[“uzivi,” NW] nguva bedzi iri shoko rinooneka muBhaibheri. Akanga achitaura nezvevazivi vechiGiriki, vakadai saPlato naSocrates here? Kunyange zvazvo ivava vakatyisidzira vaKristu vechokwadi, mumazuva iwayo, shoko rokuti “uzivi” raishandiswa zvakafara. Raiwanzonongedzera kumapoka akawanda nemifungo yakasiyana-siyana yamapoka avanhu—kunyange vorudzidziso. Somuenzaniso, vaJudha vomuzana rokutanga ramakore vakadai saJosephus naPhilo vakadana rudzidziso rwavo vamene kuti uzivi—zvichida kuwedzera kufadza kwarwo.
14 Umwe uzivi uhwo Pauro angave akaitira hanya hwaiva hworudzi rworudzidziso. Gare gare muganhuro rimwe chetero retsamba yake kuvaKorose, akataura kuavo vaidzidzisa kuti, “Usabata, kana kuravira, kana kugunzva,” nenzira iyoyo achinongedzera kumativi oMutemo waMosesi awo akagumiswa norufu rwaKristu. (VaRoma 10:4) Pamwe chete nouzivi hwechihedheni, pesvedzero dzakanga dzichishanda idzo dzakatyisidzira umudzimu hweungano. (VaKorose 2:20-22) Pauro akanyevera nezvouzivi uhwo hwaiva rutivi rwe“zvokuvamba zvenyika.” Murayiradzo wenhema wakadaro wakavambwa navanhu.
15. Tinogona sei kudzivisa kutsauswa nokufunga kusiri kwaMagwaro kwatinowanzotarisana nako?
15 Kutsigirwa kwemifungo nokufunga kwomunhu kusina kuvakirwa zvakasimba paShoko raMwari kunogona kutyisidzira dzikamo yechiKristu. Isu nhasi tinofanira kungwarira tyisidziro dzakadaro. Muapostora Johane akakurudzira kuti: “Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya, kuti muone kana yakabva kuna Mwari.” (1 Johane 4:1) Nokudaro kana wokuchikoro biyako akaedza kukupwisa kuti kurarama maererano nezvinodikanwa naMwari kwava kwechinyakare, kana kuti muvakidzani akakupesvedzera kugamuchira murangariro wokudisa zvenyika, kana kuti mushandi biyako akakudzvinyirira namanomano kuputsa hana yako yakarovedzwa neBhaibheri, kana kuti kunyange kana mutendi biyako akataura nenzwi rakakomba, akataura tsinhiro dzokutsoropodza, dzakaipa pamusoro pavamwe vari muungano dzakavakirwa pamurangariro wake pachake, usangogamuchira zvavanotaura. Bvisa zvisingatsinhirani neShoko raMwari. Sezvatinoita kudaro, tichachengeta dzikamo yedu sezvatinofamba pamwe naKristu.
“Muchifashukira Nokutenda Mukuonga”
16. Ndorwupi rutivi rwechina rwokufamba pamwe naKristu, uye mubvunzoi watingabvunza?
16 Rutivi rwechina rwokufamba pamwe naKristu urwo Pauro anodudza nderwokuti ti“fashukir[e] nokutenda mukuonga.” (VaKorose 2:7, NW) Shoko rokuti ku“fashukira” rinotiyeuchidza rwizi rwuri kufashukira mumahombekombe arwo. Ikoku kunokarakadza kuti nokuda kwedu savaKristu, kutenda kwedu kunofanira kuva chinhu chinopfuurira kana kuti chomuitiro. Mumwe nomumwe wedu angasanobvunza kuti, ‘Ndinoonga here?’
17. (a) Neiko kunganzi tose tine zvakawanda zvokuonga, kunyange mukati menguva dzakaoma? (b) Zvipoi zvinobva kuna Jehovha zvaunonzwa uchionga zvikuru?
17 Chaizvoizvo, tose tine chikonzero chakakwana chokufashukira nokuonga Jehovha mazuva ose. Kunyange munguva dzakaipisisa, pangava nezvimwe zvinhu zvakapfava zvinogovera nguva dzorusununguko. Shamwari inoratidza kunzwira urombo. Mudiwa anogovera mashoko anokurudzira. Kuzorora kwousiku kwakanaka kunobvumikisa kuva kunodzorerazve simba. Zvokudya zvinonaka zvinonyaradza marwadzo enzara. Rwiyo rweshiri, kuseka kwomwana, kupenya kwedenga rebhuruu, mhepo inozorodza—zvose izvozvi nezvakawanda ungazviwana muzuva rimwe. Kuri nyore zvikuru bedzi kurerutsa zvipo zvakadai. Zvose hazvina kufanirwa nokuti mazvita here? Zvose zvinobva kuna Jehovha, Kunobva “zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Uye akatipa zvipo zvinoita kuti izvi zvive zviduku—upenyu chaihwo, somuenzaniso. (Pisarema 36:9) Uyezve, akatipa mukana wokurarama nokusingaperi. Kuti agovere ichi chipo, Jehovha akaita chibayiro chikurusa kupfurikidza nokutumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, ai“mufadza.”—Zvirevo 8:30; Johane 3:16.
18. Tingazviratidza sei kuva vanoonga kuna Jehovha
18 Ndeechokwadi sei, ipapo, mashoko owezvamapisarema anoti: “Zvakanaka kuonga Jehovha.” (Pisarema 92:1) Nenzira yakafanana, Pauro akayeuchidza vaKristu vomuTesaronika kuti: “vongai pazvinhu zvose.” (1 VaTesaronika 5:18; VaEfeso 5:20; VaKorose 3:15) Mumwe nomumwe wedu angasarudza kuva anoonga zvikuru. Minyengetero yedu haifaniri kuva bedzi nemikumbiro kuna Mwari pamusoro pezvinodikanwa zvedu. Izvi zvakaisvonaka munzvimbo yazvo. Asi chimbofungidzira kuva neshamwari inongotaura newe bedzi apo inenge ichida chimwe chinhu kwauri! Nokudaro kuregererei kunyengetera kuna Jehovha kungoonga nokumurumbidza? Minyengetero yakadaro inofanira kumufadza sei apo anotarira panyika ino isingaongi! Betsero yechipiri ndeyokuti minyengetero yakadaro ingatibatsira kunangidzira ngwariro pamativi akanaka oupenyu, ichitiyeuchidza nezvekukomborerwa kwatakaitwa chaizvoizvo.
19. Mutauro waPauro uri pana VaKorose 2:6, 7 unokarakadza sei kuti tose tingapfuurira kuvandudza mukufamba naKristu?
19 Hakushamisi here kuti inhungamiro youchenjeri huru sei inowanwa mundima imwe yeShoko raMwari? Zano raPauro rokupfuurira kufamba naKristu chimwe chinhu icho mumwe nomumwe wedu anofanira kurangarira zvikuru. Ngatitsungei ipapo ku‘dzika midzi muna Kristu,’ ku“vakwa maari,” ku“dzikamiswa pakutenda,” uye ‘kufashukira nokutenda mukuonga.’ Zano rakadaro rinokosha zvikuru kuavo vachangobva kubhabhatidzwa. Asi rinoshanda kwatiri tose. Funga nezvekudzika kunoramba kuchiita mudzi mukuru uye kukwira mudenga kunoramba kuchiita chivako chiri kuvakwa. Nokudaro kufamba kwedu naKristu hakumbogumi. Pane mukana wakakwana wokukura. Jehovha achatibatsira ndokutikomborera, nokuti anoda kuti tirambe tichifambawo naye uye noMwanakomana wake anodiwa nokusingagumi.
Waizopindura Sei?
◻ Chii chinobatanidzwa mukufamba pamwe naKristu?
◻ Ku‘dzika midzi muna Kristu’ kunorevei?
◻ Tinga‘vakwa muna Kristu’ sei?
◻ Neiko kuchikosha ku“dzikamiswa pakutenda”?
◻ Zvikonzeroi zvatinazvo zvoku‘fashukira nokutenda mukuonga’?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Midzi yomuti ingasaoneka, asi inogovera zvokudya kumuti wacho nokuutsigisa zvakasimba