RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvinonyadzisira—Zvinhu Zvinovaraidza Zvisingakuvadzi Here?
    Mukai!—2002 | July 8
    • Kufungidzira uchirara nomumwe munhu kunogona kukanganisa kunamata kwako Mwari. Ndosaka Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu . . . kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora, kuri kunamata zvidhori.”—VaKorose 3:5.

      Pano Pauro anobatanidza kushumba nokuchochora, kuri chishuvo chakasimba chokuda chimwe chinhu icho munhu asina.a Kuchochora rudzi rwokunamata zvidhori. Nemhaka yei? Nokuti uyo ari kuchochora anoda chinhu ichocho kukunda zvimwe zvose, kusanganisira Mwari. Zvinonyadzisira zvinosimudzira kuda chimwe chinhu icho munhu asina. “Unoda kurara nomumwe munhu. . . . Hapana chimwe chinouya mupfungwa dzako kusiya kwechauri kuda ichocho. . . . Tinonamata chinhu chatinochiva,” anodaro mumwe anonyora nezvechitendero.

  • Zvinonyadzisira—Zvinhu Zvinovaraidza Zvisingakuvadzi Here?
    Mukai!—2002 | July 8
    • a Pano Pauro akanga asiri kutaura nezvokuda kurara nomumwe munhu kwagara kuripo—kuda kurara nomunhu wawakaroorana naye.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe