-
Dzidza Uye Dzidzisa Tsika dzechiKristuNharireyomurindi—2002 | June 15
-
-
13. (a) Bhaibheri rinotibatsira sei panyaya yetsika? (b) Ipa pfungwa huru yezano riri pana 1 VaTesaronika 4:3-7.
13 Tsika dzine zvadzinoitawo pane vamwe vanhu. Unogona kuona izvozvo kubva mumienzaniso iri muShoko raMwari inoratidza kukosha kwokushandisa mitemo yetsika dzinodiwa naMwari nemigumisiro yokusaishandisa. (Genesi 39:1-9, 21; Joshua 7:1-25) Unogona kuonawo zano rakananga retsika rakadai seiri: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kutsveneswa kwenyu, kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba sezvinoitawo mamwe marudzi iwayo asingazivi Mwari; kuti parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake munhau iyi, . . . nokuti Mwari akatidana, asingarangariri kusachena, asi maererano noutsvene.”—1 VaTesaronika 4:3-7.
14. Chii chaungazvibvunza maererano nezano riri pana 1 VaTesaronika 4:3-7?
14 Anenge munhu wose anogona kuona kubva mundima iyi kuti unzenza hunotyora tsika dzechiKristu. Zvisinei, pane zvakawanda zvaunogona kunzwisisa kubva mundima iyi. Mamwe magwaro anopa nzira dzokudzidza nokufungisisa zvakati wandei, zvichiita kuti upedzisire wava kuanzwisisa zviri nani. Somuenzaniso, ungafungisisa zvairehwa naPauro paakati kuita ufeve kunogona kuita kuti munhu asvike “pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake munhau iyi.” Ikodzero dzipi dzinotaurwawo apa, uye kudzinzwisisa zviri nani kungakupa sei rimwe simba rokuramba uine tsika dzechiKristu? Ko zvaunowana pakutsvakurudza kwakadaro zvichawedzera kukushongedza sei kudzidzisa vamwe nokuvabatsira kukudza Mwari?
-
-
Dzidza Uye Dzidzisa Tsika dzechiKristuNharireyomurindi—2002 | June 15
-
-
16, 17. (a) Ungawanepi mashoko anojekesa kodzero dzinotaurwa pana 1 VaTesaronika 4:6? (b) Ufeve hunopindira pakodzero dzevamwe munzira dzipi?
16 Ngatitore muenzaniso wataurwa pamusoro apa, wa1 VaTesaronika 4:3-7. Pakamuka mubvunzo une chokuita nekodzero. Kodzero dzaani? Uye kodzero idzodzo dzingapindirwa sei? Nezvishandiso zvokudzidza zvataurwa, ungangowana mashoko anoverengeka anojekesa ndima idzi, kunyange kodzero dzakataurwa naPauro. Unogona kuverenga mashoko akadaro muInsight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, mapeji 863-4; Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?, peji 145; Nharireyomurindi, November 15, 1989, peji 31.
17 Ukaramba uchidzidza, uchaona kuti mabhuku iwayo anoratidza kuti mashoko aPauro ndeechokwadi sei. Munhu anoita ufeve anotadzira Mwari uye anogona kubatwa nechirwere. (1 VaKorinde 6:18, 19; VaHebheru 13:4) Murume anoita ufeve anopindira pakodzero dzakasiyana-siyana dzomukadzi waanoita naye chivi. Anoita kuti ave asina kuchena mutsika uye asave nehana yakanaka. Kana asina kuroorwa, anopindira pakodzero yake yokuroorwa ari mhandara uye kodzero yeachazova murume wake yokutarisira kumuwana ari mhandara. Anorwadzisa vabereki vomukadzi uyu nomurume wake kana akaroorwa. Murume nzenza uyu anokanganisa kodzero yemhuri yake pachake yokuva nomukurumbira wetsika dzakachena. Kana ari nhengo yeungano yechiKristu, anoizvidzisa, achikanganisa mukurumbira wayo.—1 VaKorinde 5:1.
18. Unobatsirwa sei nokudzidza Bhaibheri maererano netsika dzechiKristu?
18 Mashoko akadaro pamusoro pekodzero haabatsiri kuti ndima iyoyo ikujekere here? Kudzidza kwakadaro kunokosha zvechokwadi. Sezvaunoramba uchidzidza, uri kuzvidzidzisa. Kunzwisisa kwako kururama nesimba zveshoko raMwari kunokura. Unosimbisa kutsunga kwako kuramba uine tsika dzechiKristu pasinei nokuti miedzo ipi inomuka. Uye funga kuti unogona kuva mudzidzisi anobatsira zvikuru sei! Somuenzaniso paunenge uchidzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri, unogona kuita kuti vanzwisise 1 VaTesaronika 4:3-7, uchiwedzera kunzwisisa kwavo nokukoshesa tsika dzechiKristu. Nokudaro, kudzidza kwako kunogona kukubatsira iwe nevamwe vakawanda kukudza Mwari. Uye pano tangotaura muenzaniso mumwe chete, unobva mutsamba yaPauro kuvaTesaronika. Kune mamwe mativi akawanda etsika dzechiKristu, uyewo mimwe mienzaniso yakawanda yomuBhaibheri nemazano, zvaunogona kudzidza, kushandisa, uye kudzidzisa.
-