‘Kutorwa Kundosangana naShe’—Seiko?
KUENDA kumugumo wetsika yazvino yakaipa kunopfuurira nenzira isingachinjiki. Nokupfuura kweawa iri yose, miniti iri yose, sekondi iri yose, tinosvika zvinoitika zvinoshamisa zvakaporofitwa kare kare. Ko kutorwa ndichimwe chaizvozvi here? Kana kuri, kuchaitika rini uye seiko?
Shoko rokuti “kutorwa” harioneki muBhaibheri. Asi avo vanodavira mariri vanodudza mashoko omuapostora Pauro ari pana 1 VaTesaronika 4:17 sohwaro hwechitendero chavo. Ngatinzverei rugwaro irworwu mumashoko arwo akapoteredza. Pauro akanyora, kuti:
“Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasine tariro. Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari uchavauyisa pamwe chete naye. Nokuti ndinokuudzai neshoko ra[Jehovha, NW], kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pa[kuvapo, NW] kwaShe, hatingatongotangiri vakavata. Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.”—1 VaTesaronika 4:13-18.
Ungano yaiva muTesaronika yakanga iri itsva zvikuru apo Pauro akanyora tsamba yake yokutanga kumaKristu aivamo munenge muna 50 N.V. Mitezo yeungano yacho yaitambudzika kuti vamwe vechiverengero chayo vakanga “vavete.” Zvisinei, izvo Pauro akanyora zvakanyaradza vaTesaronika netariro yorumuko.
“Kuvapo” kwaKristu
Nepo aisimbisa kuti maKristu akatendeka akanga akafa panguva iyoyo aizomutswa, Pauro akatiwo: “Vapenyu, vakasara kusvikira pa[kuvapo] kwaShe, hatingatongotangiri vakavata.” (Ndima 15) Inokosha, zvamazvirokwazvo, inongedzero yomuapostora ku“kuvapo” kwaShe. Pano rugwaro rwomutauro wapakuvamba runoshandisa shoko rechiGiriki pa·rou·siʹan, iro rinoreva chaizvoizvo “kuva parutivi.”
Apo musoro wokumwe weHurumende unoshanyira nyika, misi yokuvapo kwawo imomo inowanzoziviswa. Ikoku kwave kuri kwechokwadi nezvokuvapo kwaShe Jesu Kristu. Nharireyomurindi yakapa nguva dzose ufakazi kuvadzidzi vakatendeseka vouporofita hweBhaibheri hwokuti kuvapo kwaJesu musimba roUmambo hwokudenga kwakavamba muna 1914. Zvinoitika chifo chegore iroro zvinopupurira kuvapo kusingaoneki kwaJesu. (Mateo 24:3-14) Naizvozvo kupfurikidza nokutaura kuti maKristu akati anorarama mukati mokuvapo kwaShe aizo“torwa pamwe chete navo mumakore kuti tichingamidze Ishe mudenga,” Pauro akareva kuti vapukunyuki ivavo vaizova vachisangana naKristu, kwete mumhepo yakapoteredza pasi, asi munzvimbo yokudenga isingaoneki umo Jesu anogara kurudyi rwaMwari. (VaHebheru 1:1-3) Asi ndivanaani?
“Israeri waMwari”
Magwaro anotaura zvakawanda pamusoro pavaIsraeri vokunyama uye anotaurawo nezva“Israeri waMwari” womudzimu. Vatendi vechiJudha naVamarudzi vaifanira kuumba chiverengero chakazara cheiri boka rinozodzwa nomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa. (VaGaratia 6:16, NW; VaRoma 11:25, 26; 1 Johane 2:20, 27) Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti hwerengedzo yaIsraeri womudzimu i 144 000, vose vavo vanoratidzirwa vane Gwaiana, Jesu Kristu, paGomo reZioni rokudenga. Pamwe chete naKristu, ivo vaizova madzimambo navaprista mudenga. (Zvakazarurwa 7:1-8; 14:1-4; 20:6) Vanobatanidzwa pakati pavo vaizova vanhu vamwe navamwe vaisonganirana neungano dzomuTesaronika nokune dzimwe nzvimbo, pasinei zvapo nomugariro wavo wedzinza kana kuti worudzi.—Mabasa 10:34, 35.
Mitezo yakatendeka ipi neipi yaIsraeri womudzimu isati yagona kugamuchira tuso yokudenga, yaizofanira kugoverana chinoitika chakati. Sezvo rufu rwaJesu padanda rokutambudzira rwakatangira rumuko rwake kuupenyu mumatenga, naizvozvo maKristu ane tariro yokudenga anofanira kufa asati agamuchira tuso yawo. (1 VaKorinte 15:35, 36) Ikoko kwaizova kwechokwadi nezvemitezo yaIsraeri womudzimu inorarama muzana rokutanga ramakore N.V. uye nezvavanhu vamwe navamwe vakadaro vari vapenyu nhasi.
Pashure pokududza “kuvapo kwaShe,” Pauro akanongedzera kunguva apo vaIsraeri vomudzimu vakatendeka vakanga vafa vaizogamuchira tuso yavo yokudenga. Iye akanyora, kuti: “Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.” (Ndima 16) Naizvozvo, apo bedzi kuvapo kwaJesu saMambo kwakavamba, taizokarira rumuko rwokudenga kutanga, rwuchivamba naavo vaIsraeri womudzimu vakanga vatofa savachengeti veperero. (1 VaKorinte 15:23) Ivo zvino vanobatira pamwe chete naJesu mudenga. Asi zvakadiniko nezvamaKristu akazodzwa mashomanene zvikuru achiri kurarama pasi pano? Anomirira kutorwa here?
“Kutorwa”—Seiko?
Pashure pokunongedzera kumaKristu akazodzwa akanga afa, Pauro akawedzera, kuti: “Zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti, tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.” (Ndima 17) “Vapenyu” vaizova avo vari vapenyu mukati mokuvapo kwaKristu. Ivo vaizo“torwa” kuti vasangane naShe Jesu. Somuchinoitika chamaKristu apakuvamba akatendeka, rufu somunhu rwuri madikanwa kuti abatanidzwe naKristu mudenga.—VaRoma 8:17, 35-39.
Mukunyorera maKristu omuKorinte, Pauro akati: “Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari, nokuora hakungagari nhaka yokusaora. Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika; hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo: nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa.” (1 VaKorinte 15:50-52) Pakufa mukutendeka mukati mokuvapo kwaKristu, mumwe nomumwe wavakasarira vaIsraeri womudzimu anogamuchira nokukurumidza tuso yake yokudenga. “Nokubwaira kweziso,” iye anomutswa sechisikwa chomudzimu uye “anotorwa” kuti asangane naJesu nokubatira somutongi biyake muUmambo hwamatenga. Asi zvakadiniko nezvavamwe vose vanonamata Jehovha? Sezvo mugumo wetsika ino yakaipa unosvika, ivo vachaendeswawo kudenga here?
Kupukunyuka—Asi Kwete kupfurikidza Nokutorwa
Sezvo kuvapo kwoumambo kwaJesu kwakavamba muna 1914, isu zvino tapinda chaizvo muiyi “nguva yomugumo” wenyika. (Dhanieri 12:4) Pauro akanyevera, kuti: “Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu; nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva ra[Jehovha, NW] rinosvika sembavha usiku. Kana vachiti, ‘Rugare, nokugarika’—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.” (1 VaTesaronika 5:1-3) Asi maKristu akasvinurira achapukunyuka. Seiko?
Danidziro yokuti “Rugare, nokugarika,” inotangira nhambo Jesu akadana kuti “dambudziko guru.” Richirondedzera “boka guru” ravakatendeka avo vane tariro yokurarama nokusingagumi muparadhiso yapasi, bhuku raZvakazarurwa rinoti: “Ivava ndivo vanobuda mudambudziko guru, uye ivo vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9, 14, NW; Ruka 23:43) Aiwa, yavo haisati iri kariro yokutorwa. Panzvimbo pezvo, ivo vane tariro yokupukunyuka pano chaipo pasi pano. Kuti vagadzirire nokuda kwako, vanofanira kuramba vakamuka mumudzimu. Unogona sei kuita ikoku ndokupukunyuka mugumo wetsika ino?
Unofanira ku‘svinurira ndokupfeka chidzitiro chechipfuva chokutenda norudo uye sengowani tariro yoruponeso.’ (1 VaTesaronika 5:6-8) Zvino yava nguva yokupa ngwariro kuShoko raMwari rouporofita, Bhaibheri. Sezvo nguva inopfuura kusvikira pamugumo wetsika ino, teerera zano raPauro: “Musazvidza kuporofita. Ivai nechokwadi chezvinhu zvose; batisisai chiri chakaisvonaka.” (1 VaTesaronika 5:20, 21, NW) Nokudaro Zvapupu zvaJehovha zvinokugamuchira kuHoro dzoUmambo dzazvo, uko unogona kugoverana nazvo mufundo youporofita hweBhaibheri namamwe mativi eShoko rakafuridzirwa raMwari.
Sezvaunokura muzivo yakarurama nokutenda, uchanzwisisa kushanda kwedonzo raJehovha Mwari rokubvisa muchisiko chapose pose vavengi vake ndokudzorera pasi kuparadhiso. Kupfurikidza nokushandisa kutenda, ungavawo pakati pavapukunyuki vedambudziko guru, uchiropafadzwa kugamuchira mamirioni achamutsirwa kuupenyu pasi pano. Uye uchava mufaro wakadini kurarama muUmambo hwaMwari musimba raJesu Kristu navatongi biyake, avo vachave ‘vatorwa kuti vasangane naShe’ kupfurikidza nokumutsirwa kuupenyu munzvimbo yokudenga!
Nokuda kworudzi rwomunhu rwose zvarwo runoteerera, ipapoka, chii chiri tariro yechokwadi yapaMagwaro? Haisati iri kutorwa. Panzvimbo pezvo, upenyu husingagumi pasi pano mukutonga kwoUmambo hwaMwari.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vapukunyuki vedambudziko guru vachagamuchira vanomutsirwa kuupenyu muparadhiso yapasi mukutonga kwaJesu naavo “vanoendeswa” kudenga