Jehovha—Mwari Anozivisa Zvakavanzika
“Kudenga kuna Mwari unozivisa zvakavanzika.”—DHANIERI 2:28.
1, 2. (a) Jehovha anosiyana sei neMuvengi wake mukuru? (b) Vanhu vanoratidzira sei musiyano iwoyu?
JEHOVHA, Mwari mukurusa uye ane rudo wechisiko chose, Musiki mumwe bedzi, ndiMwari weuchenjeri neruramisiro. Haana chikonzero chokuvanza kuzivikanwa kwake, mabasa ake, kana kuti madonzo ake. Panguva yake pachake uye nokusarudza kwake pachake, anozvizivisa. Munzira iyoyi anosiyana neMuvengi wake, Satani Dhiyabhorosi, uyo anoedza kuvanza kuzivikanwa kwake kwechokwadi nevavariro.
2 Sezvo Jehovha naSatani vakasiyana, ndizvo zvakaitawo vanamati vavo. Vanotungamirirwa naSatani vanoita ujarijari nekunyengera. Vanoedza kuzviratidza sevakanaka, nepo vachiita mabasa erima. Vakristu veKorinte vakaudzwa kusashamiswa neidi irori. “Nokuti vakadaro vaapostora venhema, vanobata nokunyengera, vanozvishandura vachizviita vaapostora vaKristu. Naizvozvi hazvishamisi; nokuti kunyange naSataniwo unozvishandura achizviita somutumwa wechiedza.” (2 VaKorinte 11:13, 14) Vakristu, kune rumwe rutivi, vanotarira kuna Kristu seMutungamiriri wavo. Achiri pasi pano akaratidzira zvakakwana unhu hwaBaba vake, Jehovha Mwari. (VaHebheru 1:1-3) Nokudaro, kupfurikidza nokutevera Kristu, Vakristu vari kutevedzera Jehovha, Mwari wechokwadi, asina kuvanzika, uye wechiedza. Ivowo havafaniri kuvanza kuzivikanwa kwavo, mabasa avo, kana kuti madonzo avo.—VaEfeso 4:17-19; 5:1, 2.
3. Tinogona sei kubvumikisa kuva nhema kutaura kwekuti vanhu vanova Zvapupu zvaJehovha vanomanikidzwa kupinda “sekete rakavanzika”?
3 Panguva dzaanoziva kuva dzakanakisisa, Jehovha anozivisa udzame pamusoro pemadonzo ake uye pamusoro penguva yemberi yakambenge isingazivikanwe nevanhu. Mupfungwa iyoyi ndiMwari anozivisa zvakavanzika. Nokudaro, vanhu vanoda kumubatira vanokokwa—hungu vanokurudzirwa—kudzidza mashoko akadaro akaziviswa. Kumwe kunzverwa kwemuna 1994 kweZvapupu zvinopfuura 145 000 mune imwe nyika yemuEurope kwakazivisa kuti, paavhareji, mumwe nomumwe wavo akaongorora pachake dzidziso dzeZvapupu zvaJehovha kwemakore matatu asati asarudza kuva Chapupu. Vakazvisarudzira vasingamanikidzwe. Uye vanoramba vakasununguka kuzvisarudzira nokuita zvavanoda. Somuenzaniso, nemhaka yekuti vashomanene vakasvika pakusabvumirana nemipimo yakakwirira yetsika nokuda kwaVakristu, ivava gare gare vakasarudza kuti havachada kuramba vari Zvapupu. Zvinofadza, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti mukati memakore mashanu apfuura, vakawanda zvikuru veava vaichimbova Zvapupu vakaita matanho okumutsidzira kusangana kwavo uye mubato seZvapupu.
4. Chii chisingafaniri kugumbura Vakristu vakatendeka, uye nei chisingafaniri kudaro?
4 Chokwadika, havasi vose vaichimbova Zvapupu vanodzoka, uye pakati pavo pane vamwe vaichimbova nenzvimbo dzaivimbwa mukati meungano yeChikristu. Izvozvi hazvifaniri kushamisa, nokuti kunyange mumwe wevateveri vaJesu vapedyo zvikurusa, muapostora Judhasi, akatsauka. (Mateo 26:14-16, 20-25) Asi ichochi chikonzero chekugumburwa nacho pamusoro peChikristu chimene here? Izvozvi zvinokanganisa kubudirira kuri kuita Zvapupu zvaJehovha mukupfuuridzira mubato wazvo wekudzidzisa here? Nyangwe, kungofanana nechiito chokusatendeseka chaJudhasi Iskarioti chisina kumisa madonzo aMwari.
Ndewemasimba Ose asi Ane Rudo
5. Tinoziva sei kuti Jehovha naJesu vanoda vanhu, uye vakaratidzira sei kuda ikoku?
5 Jehovha ndiMwari werudo. Anoitira hanya vanhu. (1 Johane 4:7-11) Pasinei zvapo nenzvimbo yake yakakwirira, anofadzwa nekuita vanhu shamwari dzake. Tinorava nezvemumwe wevabatiri vake vekare, kuti: “Abhrahama wakatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi [shamwari, NW] yaMwari.” (Jakobho 2:23; 2 Makoronike 20:7; Isaya 41:8) Sezvo vanhu vanoshamwaridzana vachigoverana zvinhu zvisingafaniri kuzivikanwa nevanhu vose, kana kuti zvakavanzika, ndizvo zvinoitawo Jehovha neshamwari dzake. Munhau iyoyi Jesu akatevedzera Baba vake, nekuti akashamwaridzana nevadzidzi vake ndokugoverana navo zvakavanzika. “Handichakuidziyi varanda,” akavaudza kudaro, “nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai [shamwari, NW]; nokuti zvose zvandakanzwa kuna Baba vangu, ndakakuzivisai izvo.” (Johane 15:15) Mashoko asingazivikanwi nevamwe, kana kuti “zvakavanzika,” anogoveranwa naJehovha, Mwanakomana wake, neshamwari dzavo anovabatanidza muchisungo chisingaputsiki cherudo nekuzvipira.—VaKorose 3:14.
6. Nei Jehovha asingafaniri kuvanza vavariro dzake?
6 Zvinoreva zita rokuti Jehovha, “Anosakisa Kuvapo,” zvinoratidzira kukwanisa kwake kuva chose chose chaanoda kuva kuti aite donzo rake. Kusafanana navanhu, Jehovha haafaniri kuvanza vavariro dzake nemhaka yekutya kuti vamwe vangakwanisa kumupinganidza mukudziita. Haatombokundikani zvake, naizvozvo anozivisa pachena muShoko rake, Bhaibheri, zvizhinji zvaari kuronga kuita. Anopikira kuti: “Shoko rangu . . . haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:11.
7. (a) Jehovha akafanotaurei muEdheni, uye Satani akabvumikisa sei Mwari kuva wechokwadi? (b) Nheyo iri pana 2 VaKorinte 13:8 inogarova yechokwadi sei?
7 Chinguvana pashure pokupandukira kwemuEdheni, Jehovha akazivisa nokupfupikisa mugumisiro wokupedzisira wegakava riri kupfuurira pakati pake neMuvengi wake, Satani. Mbeu yaMwari yakapikirwa yaizokuvadzwa zvinorwadza, asi zvisingauraye, nepo Satani pakupedzisira aizokuvadzwa zvinouraya. (Genesi 3:15) Muna 33 C.E., Dhiyabhorosi chaizvoizvo akakuvadza Mbeu, Kristu Jesu, kupfurikidza nokukonzera rufu rwake. Neiyi nzira, Satani akazadzika Rugwaro uye mukuita kudaro akabvumikisa Jehovha kuva Mwari wechokwadi, kunyange zvazvo izvozvi zvirokwazvo zvaisava vavariro yaSatani. Kuvenga kwake chokwadi nekururama, pamwe chete nekudada kwake, chimiro chendangariro chokusapfidza, zvakamupinza mukuita chaizvo izvo Mwari akanga afanotaura kuti aizoita. Hungu, kuvashori vose vechokwadi, kunyange Satani pachake, nheyo ino ndeyechokwadi: “Hatigoni kuita chinhu chinopesana nezvokwadi, asi chinobatsira zvokwadi.”—2 VaKorinte 13:8.
8, 9. (a) Satani anozivei, asi kuziva ikoku kunopinza mungozi kuitwa kwemadonzo aJehovha here? (b) Inyeveroi yakajeka iyo vashori vaJehovha vanofuratira, uye nei?
8 Sezvo Umambo hwaMwari hwakagadzwa zvisingaoneki muna 1914, Zvakazarurwa 12:12 yakashanda: “Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” Asi, kuziva kuti nguva yake ipfupi kunoita kuti Satani achinje nzira yake here? Kungave kubvuma kwaSatani kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi uye kuti seMutongi Mukuru, iye oga ndiye akafanirwa nekunamatwa. Zvisinei, Dhiyabhorosi haasi kuda kubvuma kukundwa, kunyange zvazvo achiziva.
9 Jehovha anozivisa pachena zvichaitika Kristu paanouya kuzotonga tsika yenyika yaSatani. (Mateo 24:29-31; 25:31-46) Munhau iyoyi, Shoko rake rinozivisa pamusoro pevatongi venyika kuti: “Kana vachiti, Rugare, nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba.” (1 VaTesaronika 5:3) Vanotevera kutungamirira kwaSatani vanofuratira nyevero iyoyi yakajeka. Vanopofumadzwa nemhaka yemwoyo yavo yakaipa, uye izvozvi zvinovadzivisa kupfidza nzira yavo yakaipa uye kuchinja mazano avo nemaitiro zvinoedza kupesana nemadonzo aJehovha.
10. (a) 1 VaTesaronika 5:3 ingave yakazadzikwa kusvikira kutambanukoi, asi vanhu vaJehovha vanofanira kuita sei? (b) Nei vanhu vasina kutenda vangashinga zvikuru mune ramangwana mukushora vanhu vaMwari?
10 Zvikurukuru kubvira muna 1986, apo Gore Rerugare Renyika Dzakawanda rakaziviswa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, nyika yave yakazara nekutaura pamusoro perugare nechengeteko. Matanho chaiwo akaitwa munhamburiko yokuwana rugare rwenyika, sezviri pachena nebudiriro yakati. Ndiko kuzadzika kwose kwouporofita ihwohwu here, kana kuti tinogona kukarira chiziviso cheramangwana chinoshamisa cherudzi rwakati here? Jehovha achajekesa nhau iyoyo munguva yake yakafanira. Munguva ino, ngatirambei takamuka mumudzimu, tichi“tarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari.” (2 Petro 3:12) Sezvo nguva inoramba ichipfuura nekumwe kutaurwa kwerugare nechengeteko, vamwe vanhu vanoziva nezvenyevero iyoyi, asi vanosarudza kuifuratira, vangave vanozvidza zvikuru mukufungidzira kuti Jehovha haasi kuzozadzika shoko rake, kana kuti haagoni. (Enzanisa naMuparidzi 8:11-13; 2 Petro 3:3, 4.) Asi Vakristu vechokwadi vanoziva kuti Jehovha achaita donzo rake!
Kuremekedza Kwakafanira Vanhu avo Jehovha Anoshandisa
11. Dhanieri naJosefa vakadzidzei pamusoro paJehovha?
11 Apo Mambo Nebhukadhinezari, mutongi weUmambo Hutsva hweBhabhironi, akarota zvinhu zvaitambudza zvaakanga asingagoni kuyeuka, akakumbira betsero. Vaprista vake, vaiti vemapipi, uye vaiti vemashiripiti vaisagonawo kumuudza chiroto chake kana kuti kutsanangura zvachaireva. Muranda waMwari Dhanieri, zvisinei, akakwanisa kuita kudaro, kunyange zvazvo akabvuma nokudisa kuti kuziviswa kwechiroto nezvachaireva kwaisava mugumisiro weuchenjeri hwake. Dhanieri akati: “Kudenga kuna Mwari unozivisa zvakavanzika; ndiye wakazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira.” (Dhanieri 2:1-30) Mazana amakore anoverengeka izvozvo zvisati zvaitika, Josefa, mumwe muporofita waMwari, akanga awana nenzira yakafanana kuti Jehovha Muzivisi wezvakavanzika.—Genesi 40:8-22; Amosi 3:7, 8.
12, 13. (a) Ndiani aive muporofita mukurusa waMwari, uye nei uchipindura kudaro? (b) Ndivanaani nhasi vanobatira se“vachengeti vezvakavanzika zvaMwari,” uye tinofanira kuvarangarira sei?
12 Muporofita mukurusa waJehovha akabatira pasi pano aiva Jesu. (Mabasa 3:19-24) Pauro akatsanangura kuti: “Mwari wakataura kare kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji, zvino pakupedzisira kwamazuva ano wakataura kwatiri muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika.”—VaHebheru 1:1, 2.
13 Jehovha akataura neVakristu vapakuvamba kupfurikidza neMwanakomana wake, Jesu, uyo akavazivisa zvakavanzika zvaMwari. Jesu akavaudza kuti: “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari.” (Ruka 8:10) Pauro gare gare akataura nezveVakristu vakazodzwa sevaiva “varanda vaKristu, vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.” (1 VaKorinte 4:1) Nhasi, Vakristu vakazodzwa vanopfuurira kubatira savakadaro, vachiumba boka romuranda akatendeka uye akachenjera iro rinogovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira kupfurikidza noMutumbi Unodzora waro. (Mateo 24:45-47) Kana tichiremekedza zvikuru vaporofita vaMwari vakafuridzirwa vemazuva akapfuura, uye zvikurukuru Mwanakomana waMwari, hatifaniriwo here kuremekedza munhu anomiririra uyo Jehovha ari kushandisa nhasi mukuzivisa mashoko eBhaibheri anokosha kwazvo nokuda kwavanhu vake munguva dzino dzakaoma?—2 Timotio 3:1-5, 13.
Kuva Asina Kuvanzika Kana Kuti Akavanzika?
14. VaKristu vanoramba vachiita mibato yavo zvakavanzika riini, nenzira iyoyo vachitevera muenzaniso waani?
14 Kusavanzika kwaJehovha mukuzivisa zvinhu kunoreva here kuti Vakristu vanofanira kuzivisa chinhu chiri chose chavanoziva nguva dzose uye mumamiriro ose ezvinhu? Eya, Vakristu vanotevera zano raJesu kuvaapostora vake roku“chenjera senyoka uye kururama senjiva.” (Mateo 10:16) Kana vakaudzwa kuti havagoni kunamata Mwari sezvinoda hana dzavo, Vakristu vanopfuurira “kuteerera Mwari,” nokuti vanoziva kuti hakuna munhu anomiririra ane kodzero yekuganhurira kunamatwa kwaJehovha. (Mabasa 5:29) Jesu pachake akaratidzira kukodzera kweizvozvi. Tinorava kuti: “Shure kwaizvozvo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuuraya. Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedyo. Ipapo Jesu akati kwavari [vanun’una vake vaisatenda]: . . . Kwirai kumutambo imi; ini handitindokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo. Wakati areva izvozvo kwavari, akagara Garirea. Zvino vanun’una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.”—Johane 7:1, 2, 6, 8-10.
Kuudza Kana Kuti Kusaudza?
15. Josefa akaratidzira sei kuti kuchengeta chakavanzika pane dzimwe nguva chinhu chine rudo chokuita?
15 Mune zvimwe zviitiko, kuchengeta nhau yakavanzika hakusi bedzi kuchenjera asiwo kuva nerudo. Somuenzaniso, Josefa, baba vokurera vaJesu, akaita sei apo akaziva kuti mwenga wake wakavimbiswa, Maria, aiva “nemimba noMweya Mutsvene”? Tinorava kuti: “Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu wakarurama, asingadi kumunyadzisa, wakafunga kumurega chinyararire.” (Mateo 1:18, 19) (Kutsveyamiswa kwemashoko ndekwedu.) Kwaizova kusava nomutsa sei kumunyadzisa pazere vanhu!
16. Mutoroi uyo vakuru, pamwe chete nemimwe mitezo yose yeungano, vanawo pamusoro pezvinhu zvakavanzika?
16 Zvinhu zvakavanzika zvingagona kukonzera kunyadziswa kana kuti marwadzo hazvifaniri kuziviswa kuvanhu vasina mvumo. Vakuru veChikristu vanorangarira izvozvi apo vanofanira kupa zano romunhu oga kana kuti nyaradzo kuVakristu biyavo kana kuti sezvinobvira kunyange kuvaranga nokuda kwokutadzira Jehovha zvakakomba. Kubata nhau idzodzi nenzira yemuMagwaro kuri madikanwa; kuzivisa udzame hwakavanzika kune avo vasingabatanidzwe hakusi madikanwa uye hakusi kwerudo. Zvirokwazvo, mitezo yeungano yeChikristu haizoedzi kuwana mashoko akavanzika kubva kuvakuru asi vacharemekedza mutoro wevakuru wekuchengeta zvakavanzika zvisingazivikanwi. Zvirevo 25:9 inoti: “Rangana nowokwako pamusoro pemhaka iri pakati penyu, asi usareurura zvakavanzika zvomumwe.”
17. Muzviitiko zvizhinjisa nei Vakristu vachichengeta zvinhu zvakavanzika zvisingazivikanwi, asi nei vasingagoni kuita kudaro nguva dzose?
17 Nheyo iyoyi inovawo yechokwadi mukati memhuri kana kuti pakati peshamwari dzapedyo. Kuchengeta dzimwe nhau dzakavanzika kunokosha nokuda kwokudzivisa kusanzwisisana nekusashamwaridzana. “Mhepo inobva kumusoro inouyisa mvura; saizvozvo rurimi rune makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.” (Zvirevo 25:23) Chokwadika, kuvimbika kuna Jehovha nemipimo yake yakarurama, pamwe chete nokuda vanhu vanotadza, panhambo nenhambo kungada kuudza vabereki, vakuru veChikristu, kana kuti vamwe vane mvumo kunyange zvinhu zvakavanzika.a Asi muzviitiko zvizhinjisa, Vakristu vanovanza zvakavanzika zvemunhu oga zvevamwe, vachizvichengeta sezvavanochengeta zvavo.
18. Mavarai matatu eChikristu anogona kutibetsera kusarudza chatinofanira kutaura uye chatisingafaniri kutaura?
18 Mukupfupikisa, Mukristu anotevedzera Jehovha kupfurikidza nokuchengeta dzimwe nhau dzakavanzika pazvinenge zviri madikanwa, achidzizivisa bedzi pazvinenge zvakakodzera. Mukusarudza chaanofanira kutaura nechaasingafaniri kutaura, anodzorwa nekuzvininipisa, kutenda, uye rudo. Kuzvininipisa kunomudzivisa pakukatutsira kukosha kwake, achiedza kuorora vamwe zvichida kupfurikidza nekuvaudza chinhu chiri chose chaanoziva kana kuti kupfurikidza nekuvanyomba nezvakavanzika zvaasingagoni kutaura. Kutenda Shoko raJehovha neungano yeChikristu kunomusunda kuparidza mashoko eBhaibheri akagoverwa naMwari achingwarira kutaura zvinhu zvingagumbura vamwe pakuvamba. Hungu, rudo runomusunda kutaura pachena zvinhu zvinorumbidza Mwari uye izvo vanhu vanofanira kuziva kuitira kuti vawane upenyu. Kana zviri zvinhu zvakavanzika zvomunhu oga, kune rumwe rutivi, anochengeta, achiziva kuti muzviitiko zvizhinjisa kuzvizivisa kungaenzana nekuratidza kushayikwa kwerudo.
19. Chiitoi chinobetsera kuzivisa Vakristu vechokwadi, uye chinoguma nei?
19 Uyu mutoo wakadzikama unobetsera kuzivisa Vakristu vechokwadi. Havavanzi kuzivikanwa kwaMwari kupfurikidza nokusashandisa zita rake, kana kuti mudzidziso yeUtatu yakavanzika, isingatsanangurike. Vamwari vasingazivikanwi ndeverudzidziso rwenhema, kwete rwechokwadi. (Ona Mabasa 17:22, 23.) Zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha zvinoonga zvirokwazvo ropafadzo yokuva “vachengeti vezvakavanzika zvaMwari.” Kupfurikidza nokuzivisa vamwe zvakavanzika izvozvi, vanobetsera kuwana vane mwoyo yakatendeseka kuti vatsvake ushamwari hwaJehovha.—1 VaKorinte 4:1; 14:22-25; Zekaria 8:23; Maraki 3:18.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Usagoverana Muzvivi Zvavamwe” muNharireyomurindi, June 1, 1986.
Ungapindura Sei?
◻ Nei Jehovha asingafaniri kuvanza vavariro dzake?
◻ Jehovha anozivisa zvakavanzika zvake kuna vanaani?
◻ Vakristu vane mutoroi pamusoro pezvinhu zvakavanzika?
◻ Mavarai matatu achabetsera Vakristu kuziva chekutaura uye chekusataura?
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Jehovha anozivisa zvakavanzika kupfurikidza neShoko rake