Tariro—Dziviriro Inokosha Munyika Isingafari
Mumwe mukomana muduku weKorea aida kubetsera amai vake kupwisa mudzidzi wokukoreji kuti kunokosha sei kuva netariro nokuda kwenguva yemberi. Achiyeuka muenzanisiro waakanga anzwa pamusangano wechiKristu, iye akabvunza mudzidzi wacho kana aizomubetsera kupedza chirahwe. Iye akabvuma. Iye akati: “Kwaiva nemhuri mbiri. Dzose dziri mbiri dzakanga dzine urombo zvikuru. Kwainaya zvikuru, uye matenga edzimba dzose dziri mbiri akanga achidzudza. Mhuri imwe yakasuruvara zvikuru, uye ivo vakanyunyuta zvikuru pamusoro pokudzudza kwacho. Asi imwe mhuri yaifara nokunakidzwa vachigadzira denga ravo. Neiko paiva nomusiano mukuru kwazvo pakati peidzi mhuri mbiri?” Afadzwa, mukadzi muduku akapindura kuti akanga asingazivi. “Eya,” mukomana akadaro, “mhuri yechipiri yaifara nemhaka yokuti vakanga vachangobva kugamuchira chiziviso chakabva kuhurumende yeguta chokuti vaizopiwa imba itsva. Naizvozvo vaiva netariro. Ndiwo wakanga uri musiano!”
CHIRAHWE chomukomana chinoenzanisira zvokwadi yakapfava: Tariro inochinja nzira yatinonzwa nayo pamusoro poupenyu, kazhinji kazhinji pasinei zvapo nemigariro yedu. Kufanana nemhuri mbiri dzaakarondedzera, vazhinjisa vedu tinofanira kutsungirira miedzo muupenyu—zvinetso zvoutano, kunetseka nezvemari, nyanduko dzemhuri, utsotsi, uye mimwe miedzo isingaverengeki nokushandiswa zvisakafanira. Kazhinji kazhinji, hatigoni kuita kuti zvinetso zvakadaro zviende sezvatisingagoni kuraira dutu kubuda munharaunda yedu. Naizvozvo tinganzwa takangaidzwa, tiri toga—mukupfupikisa, tisina betsero. Kuita kuti zvinhu zviipe zvikuru, tingave takadzidziswa muchechi kuti nguva yemberi haifadzi nokuda kwavatadzi vazhinjisa, kuti ingabatanidza kurangwa nokusingaperi.
Kwakataurwa kuti nzira yokuva nayo anoodzwa mwoyo kuva asina betsero kubatanidza kuva asina tariro. Asi tinogona kubvisa chaizvoizvo chimwe chezvinhu izvozvo; hapana navamwe vedu vanofanira kuva vasina tariro. Uye tariro imene ingava chombo chakanakisisa chokudzivisa nacho chimwe chinhu, mirangariro yokusava nebetsero. Kana tine tariro, tingatsungirira miedzo youpenyu nomwero wakati woruteramo negutsikano panzvimbo pokuparapatika munhamo chaiyo. Hungu, tariro idziviriro inokosha.
Kutaura kwakadaro kunokuparira kuva anopanikira here? Ko tariro ine simba kwazvo chaizvoizvo here zvokuti inoita musiano mukuru wakadaro? Uye ko tariro inovimbika inowanika kuno mumwe nomumwe wedu here?
Yakafanana Nengowani
Vezvokurapa vakavamba kuziva simba rinoshamisa retariro. Mupukunyuki weNazi Holocaust, nyanzvi yokuora mwoyo Dr. Shlomo Breznitz, akataura kuti muzvizhinjisa zvezvinetso zvoupenyu, “kuora mwoyo kunobva mududziro yedu yechitambudzo chazvo, kwete zvinetso zvimene. Tariro inoderedza dzvinyiriro yazvo.” Imwe nyaya muThe Journal of the American Medical Association yakataura kuti tariro “mushonga une simba.” Magazini yeAmerican Health yakashuma, kuti: “Kune mienzaniso yakawanda yavarwere, zvikurukuru varwere vekenza, vanova nechinjo yakamwe kamwe nokuda kwezvakaipa zvikuru apo chimwe chinhu chinovaita varasikirwe netariro—kana kuti vanovandudzika kamwe kamwe apo vanowana chimwe chinhu chitsva chokuraramira.”—Enzanisa naZvirevo 17:22.
Vadzidzi veBhaibheri vanguve vachiziva ukoshi hwetariro. Pana 1 VaTesaronika 5:8, muapostora Pauro akakurudzira maKristu, kuti: “Ngatisvinuke, takapfeka . . . ngowani ive tariro yoruponeso.” “Tariro yoruponeso” yakafanana sei nengowani?
Rangarira zvinoita ngowani. Murwi womunguva dzeBhaibheri aipfeka ngowani yendarira kana kuti simbi, yakaiswa pachikepesi chejira gobvu, makushe amakwai, kana kuti ganda. Iyi ngowani yaidzivirira musoro wake pamiseve inobhururuka, tsvimbo dzinomviririka, uye minondo inocheka yehondo. Sezvingabvira, ipapoka, varwi vashomanene vaizengurira kupfeka ngowani kana vaiva nayo. Zvisinei, kupfeka ngowani hakuna kureva kuti murwi akanga asingakundiki kana kuti iye aisanzwa chinhu apo musoro wake wairohwa; panzvimbo pezvo, ngowani yaingovimbisa zvayo kuti miseve mizhinjisa yairova ndokutsvedza panzvimbo pokuita kuvadziko inouraya.
Sezvo ngowani ichidzivirira musoro, naizvozvo tariro inodzivisa ndangariro. Tariro ingasatigonesa kudzinga njodzi imwe neimwe kana kuti mhinganidzo sokunge isiri chinhu. Asi tariro inodzivisira miseve yakadaro uye inobetsera kuva nechokwadi chokuti haisati ichibvumikisa kuva inouraya kuutano hwedu hwendangariro, hwemirangariro, kana kuti hwomudzimu.
Murume akatendeka Abrahama sezviri pachena aipfeka iyi ngowani yokufananidzira. Jehovha akamukumbira kubaira mwanakomana wake anodiwa, Isaka. (Genesi 22:1, 2) Kungadai kwakava kuri nyore sei kuti Abrahama aore mwoyo, kunzwa kungadai kwakasanomutungamirira kusateerera Mwari. Chii chakadzivirira ndangariro yake pamirangariro yakadaro? Tariro yakaita basa guru. Mukuwirirana naVaHebheru 11:19, “wakati Mwari unogona kumutsa [Isaka] kunyange kuvakafa.” Nenzira yakafanana, tariro yaJobho murumuko yakabetsera kudzivirira ndangariro yake pakukasharara, uko kungadai kwakamutungamirira kuti atuke Mwari. (Jobho 2:9, 10; 14:13-15) Jesu Kristu, mukutarisana norufu runorwadza, akawana simba nenyaradzo mutariro yake inofadza yenguva yemberi. (VaHebheru 12:2) Chivimbo chokuti Mwari haasati achizotongoita chakaipa, haasati achizotongokundikana kuzadzika shoko rake, hwaro hwetariro yechokwadi.—VaHebheru 11:1.
Hwaro Hwetariro Yechokwadi
Kufanana nokutenda, tariro yechokwadi yakavakirwa paidi, zvomene, zvokwadi. Ikoku kungashamisa vamwe. Mumwe munyori akati, “vanhu vazhinjisa vanoratidzika kuva vanofunga kuti tariro chinongova zvacho chimiro choupenzi chokuramba zvokwadi.” Bva, tariro yechokwadi hakusati kuri kuva netariro kusina chokwadi, chitendero chisingafadzi chokuti tichawana chipi kana chipi chatinoda kana kuti chokuti chinhu chiduku chiri chose chichava chakaisvonaka. Zvomene inogumisa nyengedzo idzodzo dzinonyengera.—Muparidzi 9:11.
Tariro chaiyoiyo yakasiana. Inobva muzivo, kwete muzvishuvo. Rangarira mhuri yechipiri muchirahwe chadudzwa pakuvamba. Itariroi yavangadai vakava nayo kudai hurumende yavo yakanga yave ine mukurumbira wakashata wokurega zvipikirwa zvayo? Panzvimbo pezvo, chipikirwa kubatanidza chivimbo choruvimbiko rwayo zvaigona kupa mhuri yacho hwaro hwakasimba hwetariro.
Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvine tariro yakasanobatanidzwa nehurumende—Umambo hwaMwari. Umambo ihwohwu huri pakati pamene peShoko reBhaibheri. Kwamamireniyumu hwave huri manyuko etariro nokuda kwavakadzi navarume, vakadai saAbrahama. (VaHebheru 11:10) Mwari anopikira kuti kupfurikidza noUmambo hwake, achagumisa tsika yenyika yekare yakaipa ino ndokupinza itsva. (VaRoma 8:20-22; 2 Petro 3:13) Iyi tariro yoUmambo ichaiyoiyo, kwete chiroto. Manyuko ayo—Jehovha Mwari, Changamire Ishe wechisiko chose—anovimbika chose chose, pasina kukatutsira. Tinongodikanirwa bedzi kunzvera chisiko chinooneka chaMwari kuti tione kuti iye aripo uye ane simba rakakwana kuzadzika zvipikirwa zvake zvose. (VaRoma 1:20) Tinongodikanirwa bedzi kukamuranisa chinyorwa chokubata kwake norudzi rwomunhu kuti tione kuti shoko rake haritongoregi kuzadzikwa.—Isaya 55:11.
Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, vazhinjisa vanotaura kuva maKristu vakarasikirwa netariro yechokwadi. Mufundisi Paul Tillich akati mumharidzo yakabudiswa misi ichangobva kupfuura iyi: “MaKristu [apakuvamba] akadzidza kumirira mugumo. Asi pashoma napashoma akarega kumirira. . . . Kariro yomugariro mutsva wezvinhu pasi pano yakaneta, kunyange zvazvo munhu akainyengeterera muMunyengetero waShe uri wose—Kuda kwenyu kuitwe pasi pano sezvakunoitwa mudenga!”
Ingwavaira yakadini! Mamirioni, kunyange mabhirioni, avanhu anoda zvikuru tariro haana, bva inowanika nyore nyore kwavari imomo chaimo mumaBhaibheri avo vamene. Tarira chibereko chinosiririsa! Pasina tariro yakanaka yokudzivirira nayo ndangariro dzavo, kunomboshamisa here kuti “mugariro wendangariro usingabvumirwi” unoodza mwoyo, wakatungamirira vakawanda kwazvo kushatisa nyika noutere namasimba masimba zvakapararira? (VaRoma 1:28, NW) Kunokosha kuti tisatongowire mumusungo mumwe chetewo. Panzvimbo pokurasa ngowani yetariro, nguva dzose tinodikanirwa kuisimbisa.
Nzira Yokuvaka Nayo Tariro Yako
Nzira yakanakisisa yokuvaka nayo tariro kucherechedza manyuko ayo, Jehovha Mwari. Funda Shoko rake, Bhaibheri, nokushingaira. VaRoma 15:4 inoti: “Zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.”
Uyezve, tinofanira kuva nechokwadi chokuti tariro yedu yenguva yemberi haisati ichingova zvayo murangariro usina kujeka. Tinofanira kuiita kuti ive chaiyoiyo mundangariro dzedu. Ko iwe unokarira kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano here? Ungada here kusangana navadiwa vako vakafa apo vanomutswa pasi pano? Kana zvakadaro, unozvifananidza umene here urimo panguva iyoyo? Somuenzaniso, Isaya 65:21, 22 inotaura nezvomumwe nomumwe achivaka imba yake amene uye ipapo kuigara. Unogona here kutsinzina meso ako ndokuzvifungidzira umene uchishanda padenga remba yako itsva, uchiroverera buranga rokupedzisira? Imbofunga zvako nezvokutarira makakupoteredza pamiuyo yokuronga kwako kwose nomubato. Kunzwika kunofadza kwokuvaka kunoderera; unoongorora nyika sezvo mimvuri yamasikati inoifukidza. Kamuferefere kanoita kuti miti ivheye zvinyoronyoro uye kanokutonhodza pakupisa kwebasa rako. Kuseka kwavana, kwakavhenganiswa norwiyo rweshiri, kunosvika nzeve dzako. Kurukurirano yavadiwa vako inokwira ichibva muimba iri pasi.
Kuisa muchiono nguva inofadza yakadaro haisati iri fungidziro isina maturo; panzvimbo pezvo, ifungisiso pamusoro pouporofita hune chokwadi chokuzadzika. (2 VaKorinte 4:18) Kana kariro yacho iri chaiyoiyo zvikuru kwauri, tariro yako ichava yakasimba zvikuru yokuti uchavamo. Tariro yakasimba, iri pachena yakadaro ichakudzivirira pakunzwa uchi“nyadziswa namashoko akanaka,” uko kungakuita kuti unzvenge mugove wokuigoverana navamwe. (VaRoma 1:16, NW) Mukupesana, uchada ku‘ganza netariro’ sezvakaita muapostora Pauro, kupfurikidza nokuigoverana nechivimbo navamwe.—VaHebheru 3:6.
Kune zvinopfuura nguva yemberi isingagumi izvo tariro inopa. Kune manyuko etariro munguva inowo. Seiko? Wezvehurumende weRoma wezana ramakore rechishanu N.V. ainzi Cassiodorus akati: “Iye anogamuchira tariro munguva yemberi anobetsera anoziva betsero yakatoitika.” Mashoko okuchenjera! Inyaradzo yakadini yatichawana muzvipikirwa zvezvikomborero zvomunguva yemberi kana tisingagoni kunzwisisa zvikomborero zvazvino uno?
Munyengetero unovakawo tariro iko zvino. Kunze kwokunyengeterera nguva yemberi refu, tinofanira kunyengeterera zvinodikanwa zvedu zvazvino. Tingakarira ndokunyengeterera ukama hwakavandudzwa nemitezo yemhuri namaKristu biyedu, nokuda kwechokudya chedu chinotevera chomudzimu, kunyange nokuda kwezvinodikanwa zvedu zvokunyama kuti zvigoverwe. (Pisarema 25:4; Mateo 6:11) Kuisa tariro dzakadaro mumaoko aJehovha kuchatibetsera kutsungirira zuva nezuva. (Pisarema 55:22) Sezvo tinotsungirira, tsungiriro yedu imene ichasimbisawo ngowani yetariro.—VaRoma 5:3-5.
Kuva Nomurangariro Une Tariro Wavanhu
Kufunga kwakaipa kwakafanana nengura pangowani yetariro. Kunoparadza, uye pashoma napashoma kungagona kuita kuti ngowani ive isina maturo. Wati wadzidza kuziva kufunga kwakaipa nokukurwisa? Usanyengedzwa nomurangariro wakaipa wokuti chimiro chendangariro chokupanikira, chokutsoropodza, chokusava netariro ndichimwe chetecho noungwaru. Zvomenemene, kufunga kwakaipa kunoraira zvishomanene zvavakangwara.
Kuri nyore zvikuru kuva nechimiro chendangariro chisina tariro pamusoro pavanhu biyedu. Vamwe, nemhaka yezvinoitika zvinorwadza munguva yakapfuura, vanoora mwoyo pamusoro pokugamuchira betsero kana kuti nyaradzo inobva kuvanhu. “Tsuro haiponi rutsva kaviri” ndiko kutaura kwavo. Vangatozengurira kuenda kuvakuru vechiKristu nokuda kworubatsiro nezvinetso zvavo.
Bhaibheri rinotibetsera kuva nomurangariro wakadzikama zvikuru wavanhu. Chokwadi, hakusi kuchenjera kuisa tariro dzedu dzose muvanhu. (Pisarema 146:3, 4) Asi muungano yechiKristu, vakuru vanobatira se“zvipo muvarume” zvinobva kuna Jehovha. (VaEfeso 4:8, 11, NW) Ivo maKristu anongwarira, ane ruzivo rwokuzviwanira avo vanoda zvapachokwadi kuva “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.”—Isaya 32:2.
Vamwe vakawanda vari muungano yechiKristu vanoitirawo hanya zvikuru kuva manyuko etariro. Imbofunga zvako nezvokuti mazana mangani ezviuru avo ari kubatira zvino savanamai, vanababa, hanzvadzi, hama, uye vana kuavo vakarasikirwa nemhuri dzavo vamene; funga nezvokuti ndivamwe vakawanda sei vari kushanda seshamwari “iripo inonamatira kupfuura hama” kuavo vari munhamo.—Zvirevo 18:24; Marko 10:30.
Kana wakanyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero, usarasikirwa netariro. Iye angave akatokupindura; kungava nomukuru kana kuti mumwe muKristu akakura mumudzimu uyo akagadzirira iko zvino kukubetsera kana ukazivisa chinodikanwa chako. Tariro yakadzikama muvanhu inotidzivirira pakubva kumunhu ari wose nokuzviparadzanisa timene, uko kunogona kutungamirira kumufambiro woudyire, usingashandi.—Zvirevo 18:1.
Uyezve, kana tine chinetso nomuKristu biyedu, hatidikanirwi kuchisvika nechimiro chendangariro chisina tariro, chakaipa. Pashure pokurangarira zvose, “rudo . . . rune tariro pazvose.” (1 VaKorinte 13:4-7) Edza kutarira kuhama dzechiKristu nehanzvadzi sezvinoita Jehovha—netariro. Nangidzira ngwariro pamavara adzo akanaka, dzivimbe, uye iva anodisa kupedza zvinetso. Tariro yakadaro inotidzivirira parwisano nekakavadzano, izvo zvisingabetseri munhu.
Usatongotere kukusava netariro kwenyika ino yekare iri kufa. Tariro iripo—yezvose zviri zviviri nguva yedu yemberi isingaperi uye nokuda kwomushonga wezvakawanda zvezvinetso zvapedyo. Uchabata tariro here? Akapfeka tariro yoruponeso kufanana nengowani inodzivirira, hapana mubatiri waJehovha asina betsero zvirokwazvo—hazvinei hazvo nokuti migariro yacho yakakomba sei. Kana tisingairegi isu timene, hapana chinhu chiri mudenga kana kuti pasi pano chinogona kutora tariro Jehovha akatipa.—Enzanisa naVaRoma 8:38, 39.