Bhuku reBhaibheri Nhamba 53—2 VaTesaronika
Munyori: Pauro
Nzvimbo Yakanyorerwa: Korinte
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 51 C.E.
1. Chii chinoratidzira nguva nenzvimbo zvokunyora, uye chii chakasunda tsamba yechipiri kuvaTesaronika?
TSAMBA yechipiri yomuapostora Pauro kuvaTesaronika yakatevera nokukurumidza yokutanga. Tinoziva kuti yakanyorwa nokukurumidza pashure petsamba yokutanga, uyewo muguta rimwe chetero reKorinte, nokuti hama dzimwe chetedzo, Sirvhano naTimotio, zvakare dzinokumbanira Pauro mukukwazisa ungano iri kuTesaronika. Vose vakanga vari vabatiri vanofambira veungano yechiKristu yapakuvamba, uye hakuna chinyorwa chokuti vose vari vatatu vakava pamwe chete zvakare pashure peiyi songaniro muKorinte. (2 VaT. 1:1; Mabasa 18:5, 18) Musoro wenhau norudzi rwekurukurirano yacho zvinoratidzira kuti Pauro akanzwa kudikanwa kwokukurumidza kwokururamisa ungano pakarepo pamusoro pechikanganiso icho yakanga yawira machiri.
2. Chii chinopupurira uchokwadi hwaVaTesaronika Wechipiri?
2 Uchokwadi hwetsamba yacho hunopupurirwa zvakangofanana chaizvo nouchokwadi hwaVaTesaronika Wokutanga. Inonokorwawo mashoko naIrenaeus (zana ramakore rechipiri C.E.) pamwe chete nevamwe vanyori vapakuvamba, kubatanidza Justin Martyr (wezana ramakore rechipiriwo), uyo sezviri pachena anonongedzera kuna 2 VaTesaronika 2:3, (NW) pakunyora nezve“munhu wokusateerera mutemo [chivi].” Inooneka mundaza dzamanyoro dzapakuvamba dzimwe chetedzo saVaTesaronika Wokutanga. Kunyange zvazvo zvino isiri muChester Beatty Papyrus Nha. 2 (P46), zvirokwazvo yakanga iri inodokuva iri mumaviri okutanga amapeji manomwe asirimo pashure paVaTesaronika Wokutanga.
3, 4. (a) Chinetsoi chakanga chamuka muungano yeTesaronika? (b) Tsamba yacho yakanyorwa rini uye kupi, uye chii icho Pauro akatsvaka kuita kupfurikidza nayo?
3 Chii chakanga chiri chinangwa cheiyi tsamba? Kubva muzano iro Pauro akapa vaTesaronika, tinodzidza kuti vamwe muungano vakanga vari kutaura kuti kuvapo kwaShe kwakanga kuri pedyo, kuti ava vafungidziri vakanga vachiparidza nenzira yokushingaira iyi rondedzero yavo, uye kuti vakanga vachiparira kunyanduka kusiri kuduku muungano. Kunoratidzika kuti vamwe vakanga vachitoshandisa ikoku sepembedzo yokusashanda kuti vazvigovere vamene. (2 VaT. 3:11) Mutsamba yake yokutanga, Pauro akanga aita nongedzero kukuvapo kwaShe, uye pasina panikiro apo ava vafungidziri vakanzwa tsamba yacho ichiraviwa, vakakurumidza kumonyanisa mashoko aPauro ndokuisa maari revo dzakanga dzisina kutongorongwa. Kunobvirawo kuti tsamba yainzi nenzira isina kururama ndeyaPauro yakadudzirwa seyairatidzira kuti “zuva ra[Jehovha, NW] ratosvika.”—2:1, 2.
4 Kunoratidzika kuti Pauro akanga agamuchira mushumo pamusoro peaya mamirire ezvinhu, zvimwe uchibva kumunhu akaendesa tsamba yake yokutanga kuungano yacho, uye naizvozvo aizova anodisa kururamisa kufunga kwehama dzake idzo aiva nechidakadaka chakakura zvakadaro nokuda kwadzo. Naizvozvo mugore ra51 C.E., Pauro, musonganirano neshamwari dzake mbiri, akatumira tsamba ari Korinte kuungano yaiva muTesaronika. Mukuwedzera kukururamisa murangariro usina kururama pamusoro pokuvapo kwaKristu, Pauro anopa kurudziro inodziya youshamwari yokumira vakasimba muzvokwadi.
ZVIRI MUBHUKU RAVATESARONIKA RECHIPIRI
5. Pauro neshamwari dzake vanoonga Mwari nokuda kwechii, ivimbisoi yavanopa, uye vanonyengetererei?
5 Kuratidzirwa kwaShe Jesu (1:1-12). Pauro neshamwari dzake vanoonga Mwari nemhaka yokukura kwakaisvonaka kwokutenda kwavaTesaronika uye rudo rwavo kune mumwe nomumwe. Kutsungirira kwavo nokutenda muzvitambudzo chibvumikiso chokutonga kwakarurama kwaMwari kwokuti vanorangarirwa kuva vakafanirwa noUmambo. Mwari uchatsiva dambudziko kuavo vanoriitira ungano, uye achapa zororo kuavo vanotambura. Ikoku kuchava “pakuonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake . . . kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake.” (1:7, 10) Pauro neshamwari dzake nguva dzose vanonyengeterera vaTesaronika, kuti Mwari agovarangarira kuva vakafanirwa nokudana Kwake uye kuti zita raShe Jesu rigorumbidzwa mavari uye ivo muumwe naye.
6. Chii chinofanira kuuya zuva raJehovha risati rasvika, uye seiko?
6 Kuramba kutenda kuchauya kuvapo kwaJesu kusati (2:1-12). Hama hadzifaniri kunyandurwa neshoko ripi neripi rokuti zuva raJehovha rasvika. “Harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa.” Zvino vanoziva “chinodzivisa,” asi chakavanzika chouku kusateerera mutemo chave kutoshanda. Apo ichi chinodzivisa chinobviswa, “ipapo iye usakarurama uchaonekwa, iye uchaurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuonekwa kwokuuya kwake.” Kuvapo kweasingateereri mutemo kuri maererano nokushanda kwaSatani namabasa ane simba nokunyengera, uye Mwari ari kubvumidza kushanda kwechikanganiso kuti kuende kuavo vasina kugamuchira kuda zvokwadi kuti vagosvika pakudavira nhema.—2:3, 6, 8.
7. Hama dzingamira sei dzakasimba ndokuwana dziviriro kuwakaipa?
7 Mirai makasimba mukutenda (2:13–3:18). Pauro anopfuurira, kuti: “Tinofanira kuonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwa vaShe, nokuti Mwari wakakusanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muutsvene hwomweya nokutenda zvokwadi.” Nechinangwa ichochi mashoko akanaka akaziviswa kwavari. Hama dzinofanira naizvozvo kumira dzakasimba ndokuchengeta kubata kwadzo magamuchidzanwa adzakadzidziswa, kuti Jesu Kristu naBaba, avo vakapa nenzira yorudo nyaradzo isingaperi netariro, vagoita kuti “[vasimbe] pamabasa ose namashoko ose akanaka.” (2:13, 17) Pauro anokumbira minyengetero yavo, “kuti shoko raShe ripfuure, rikudzwe.” (3:1) Ishe, uyo akatendeka, achavasimbisa ndokuvadzivirira pane wakaipa, uye munyengetero waPauro kuti Ishe apfuurire kutungamirira mwoyo yavo nenzira inobudirira mukuda Mwari uye mukutsungirira nokuda kwaKristu.
8. Izanoi rakasimba rinopiwa, uye ndomupi umo Pauro neboka rake vakagadza muenzaniso?
8 Zano rakasimba rinotevera: “Zvino, hama dzangu, tinokurayirai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirayiro yamakapiwa nesu.” (3:6) Muapostora anovayeuchidza nezvomuenzaniso uyo boka rake ravafundisi rakapa, vachishanda usiku namasikati kuti vasavaremedza, zvokuti vaikwanisa kupa murayiro, wokuti: “Kana munhu achiramba kubate basa, ngaarege kudyawo.” Asi zvino vanonzwa kuti vakati kuti vasina nhevedzano havasi kushanda uye vanopindira mune zvavamwe. Ivava vanofanira kuwana zvokudya zvavo vamene.—2 VaT. 3:10; 1 VaT. 4:11.
9. Pauro anotaurei pamusoro pokuita zvakarurama nokunyadzisa vasingateereri, uye anogumisa sei tsamba yake?
9 Hama hadzifaniri kuneta mukuita zvakarurama. Asi kana mumwe wadzo asingateereri tsamba yaPauro, ungano inofanira kumunyadzisa kupfurikidza nokumuisa chiratidzo uye kusasonganiranazve naye, panguva imwe cheteyo ichimurayira sehama. Pauro anotaura munyengetero wokuti Ishe worugare agovapa “rugare misi yose nemitoo yose,” uye anogumisa tsamba yake nekwaziso noruoko rwake amene.—2 VaT. 3:16.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
10. Ndedzipi dziri dzimwe dzedzidziso huru nenheyo zvinofukidzwa mutsamba yaVaTesaronika Yechipiri?
10 Iyi tsamba pfupi yakafuridzirwa kuvaTesaronika inobata nemhatsa huru yezvokwadi yechiKristu, yose iyo inobetsera nokuda kwokurangarira. Rangarira dzidziso dzehwaro dzinotevera nenheyo zvinofukidzwa: Jehovha ndiMwari woruponeso, uye anotsvenesa kupfurikidza nomudzimu nokutenda muzvokwadi (2:13); muKristu anofanira kutsungirira kutambura kuti arangarirwe kuva akafanirwa noUmambo hwaMwari (1:4, 5); vaKristu vanofanira kuunganidzwa pamwe chete kunaShe Jesu Kristu pakuvapo kwake (2:1); Jehovha achaunza rutongeso rwakarurama paavo vasingateereri mashoko akanaka (1:5-8); avo vanodanwa vacharumbidzwa muumwe naKristu Jesu, maererano nomutsa usakafanirwa waMwari (1:12); vanodanwa kupfurikidza nokuparidzirwa kwamashoko akanaka (2:14); kutenda ndechinodikanwa chinokosha (1:3, 4, 10, 11; 2:13; 3:2); kwakafanira kushanda nokuda kwokuzvigovera umene muushumiri; kana munhu asingashandi, iye angava simbe ndokutanga kupindira muzvinhu zvisina chokuita naye (3:8-12); kuda Mwari kunobatanidzwa netsungiriro (3:5). Ipfuma yakadini yamashoko anovaka inogona kuwanwa mutsamba imwe pfupi yakafuridzirwa!
11. Mashokoi anokosha nevimbiso zvinopiwa pamusoro poUmambo?
11 Mutsamba ino Pauro akaratidza kuitira hanya kukuru garikano yomudzimu yehama dzake muTesaronika uye chinzwano nebudiriro zveungano. Akavaruramisa pamusoro penguva yezuva raJehovha, achiratidza kuti “munhu [wokusateerera mutemo, NW]” anofanira kutanga kuoneka, kugara pasi mu“tembere yaMwari, achizviita Mwari.” Zvisinei, avo va“nonzi vakafanirwa noushe hwaMwari” vangava nechivimbo chakakwana chokuti Ishe Jesu munguva yakafanira acharatidzwa achibva mudenga, achitsiva mumwoto unopfuta “kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero.”—2:3, 4; 1:5, 10.