RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    • 9 Vaya vanogadzwa kuti vave vatariri vanofanira kuratidza kuti vanoshandisa zvinotaurwa neMagwaro muupenyu hwavo. Kana aine mudzimai, mutariri anofanira kuita zvinotarisirwa kumuKristu anemba, zvakadai sekuva murume ane mudzimai mumwe chete uye anotungamirira imba yake zvakanaka. Kana mutariri aine vana vanotenda vasingapomerwi kuti havazvibati kana kuti havateereri, vamwe vari muungano vachanzwa vakasununguka kuuya kwaari kuti vapiwe mazano paupenyu hwemhuri kana kuti pakurarama kwechiKristu. Mutariri anofanirawo kuva asina chaanopomerwa uye anopupurirwa zvakanaka kunyange nevanhu vari kunze. Hapana mhosva ine musoro yaanofanira kupomerwa nekuti zvinokanganisa kuchena kweungano. Haafaniri kuva munhu anenge achangobva kutsiurwa nemhaka yechivi chikuru chaakaita. Vamwe vari muungano vanofanira kunzwa vachida kutevedzera zvakanaka zvaanoita uye vakasununguka kutarisirwa naye panyaya dzekunamata.—1 VaK. 11:1; 16:15, 16.

      10 Varume vakadaro vanokodzera kuti vashumire muungano yechiKristu vachiita mabasa akafanana neevakuru vechiIsraeri avo vainzi vakanga ‘vakachenjera, vachinzwisisa, uye vaine neruzivo.’ (Dheut. 1:13) Varume ava vanhu vanotadzawo sesu, asi vanozivikanwa neungano uye nevanhu vemunharaunda sevanhu vanotya Mwari uye vava nenguva yakati rebei vachirarama zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Nemhaka yeizvi vanonzwa vakasununguka kutaura pamberi peungano.—VaR. 3:23.

  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    • 11 Varume vanogadzwa sevatariri vanofanira kuva nemwero pazvinhu zvavanoita uye mabatiro avanoita vamwe. Havasi vanachandagwinyira. Muupenyu hwavo vanoratidza kuti vanozvidzora. Vanooneka kuti vane mwero pazvinhu zvakadai sekudya, kunwa uye zvinhu zvavanoita zvinovavaraidza. Vanozvidzora panyaya yekunwa doro uye havanwi zvinozoita kuti vapedzisire vava kunzi vanodhakwa kana kuti zvidhakwa. Munhu anenge adhakwa haakwanisi kuzvidzora uye haagoni kuzotarisira makwai muungano.

      12 Kuti murume ave mutariri muungano anofanira kuva akarongeka. Izvi zvinooneka pakushambidzika kwake, zvinenge zvakaita musha wake uye maitiro aanoita zvinhu mazuva ese. Akaziva kuti pane basa rinoda kuitwa haaverengeri. Anoita zvinhu maererano nemitemo yaMwari.

  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    • 14 Saizvozvowo, munhu anogadzwa semutariri muungano anofanira kuva nepfungwa dzakanaka. Izvi zvinoreva kuti anotanga afunga asati amhanyirira kuita zvimwe zvinhu. Anonzwisisa zvinotaurwa neMagwaro uye anogona kunyatsozvishandisa. Ane pfungwa dzakanaka, anobvuma mazano aanopiwa uye kutsiurwa. Anofanira kunge asina unyengeri.

  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    • 15 Pauro akayeuchidza Tito kuti mutariri anofanira kuva munhu anoda zvakanaka. Anofanira kuva akarurama uye akavimbika. Izvi zvinooneka nemabatiro aanoita vamwe uye kutsigira kwaanoita zvinhu zvakanaka uye zvakarurama. Akazvipira nemwoyo wese kuna Jehovha uye anoramba achiita zvinodiwa naMwari kunyange zvinhu pazvinooma. Munhu ane chipfuva. Uyewo anogamuchira vaenzi zvakanaka, achishandisa zvinhu zvake kuti abatsire vamwe asingazogunun’uni.—Mab. 20:33-35.

      16 Kuti mutariri anyatsoshumira ungano anofanira kunge achikwanisa kudzidzisa. Pauro akaudza Tito kuti, mutariri anofanira kubatisisa “mashoko akatendeka pakudzidzisa kwake, kuti akwanise kukurudzira achidzidzisa zvinhu zvakanaka uye kutsiura vaya vanopikisa.” (Tito 1:9) Anofanira kukurukura nenzira inoita kuti munhu ashandise pfungwa dzake. Anofanirawo kupa umboo, kuratidza mapinduriro atingaita vanhu vanopikisa, uye kushandisa Magwaro zvekuti vamwe vanonyatsoona kuti ichi ndicho chokwadi zvoita kuti vasimbiswe kutenda kwavo. Mutariri anofanira kuita izvi, pazvinenge zvakanaka kunyange pazvinenge zvakaoma. (2 Tim. 4:2) Anofanira kuva nemwoyo murefu paanenge achitsiura munhu anenge atadza kana kuti paanenge achibatsira munhu anenge asina chokwadi nezvinotaurwa neMagwaro ozomukurudzira kuti aite mabasa akanaka. Kugona kudzidzisa pane vanhu vakawanda kana kuti munhu mumwe chete chiratidzo chekuti mutariri ari kuita zvaanotarisirwa kuita.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe