Nei Uchifanira Kuita Zvaunovimbisa?
“VHOTERAI munhu asingavimbisi zvakawanda; ndiye asingazonyanyi kukuodzai mwoyo,” akadaro mushakabvu aimbopa mazano kumutungamiriri weimwe nyika Bernard Baruch. Munyika yanhasi zvinoita sekuti kuvimbisa kunoitwa kuti kugotyorwa. Dzingave mhiko dzekuroorana, zvibvumirano zvebhizimisi, kana kuti kuvimbisa kupedza nguva yakawanda nevana. Zvisingawanzoteererwi ndezvinorehwa nemashoko anozivikanwa nevakawanda okuti, “Kuti unzi munhu kunge uchiita zvaunovimbisa.”
Chokwadika, vanhu vakawanda havambodi kuita zvavanovimbisa. Vamwe vanokurumidza kuvimbisa zvavasingazokwanisi kuita kana kuti vanotyora vimbiso yavo nemhaka bedzi yokuti ndizvo zviri nyore kuita.
Chokwadi, kuita zvawakavimbisa kunogona kuva kwakaoma kana migariro isingafanooneki ikamuka. Asi kutyora zvawakavimbisa kunokuvadza zvikuru here? Unofanira kukoshesa zvaunovimbisa here? Kutarira zvishoma muenzaniso waJehovha Mwari kuchatibatsira kuona kuti nei tichifanira kukoshesa nhau iyi.
Jehovha Anozadzika Zvaakapikira
Tinonamata Mwari ane zita rine chokuita nekuzadzika kwezvaakapikira. Munguva dzeBhaibheri zita kakawanda raitaura zvakaita munhu wacho. Izvi ndizvo zvakaitawo zita raJehovha, rinoreva kuti “Anoparira Kuvapo.” Saka zita raMwari rinobatanidza pfungwa yokuti Mwari achazadzika zvaakapikira nokuita zvinangwa zvake.
Maererano nezita rake, Jehovha akaita zvose zvaakapikira rudzi rwekare rwaIsraeri. Maererano nezvaakapikira izvi, Mambo Soromoni akabvuma kuti: “Jehovha ngaakudzwe, wakapa vanhu vake kuzorora, sezvaakatipikira zvose; hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona, izvo zvaakatipikira nomuromo waMosesi muranda wake.”—1 Madzimambo 8:56.
Jehovha akavimbika zviya zvokuti muapostora Pauro aigona kuti: “Nokuti Mwari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakanga asina mukuru kwaari waangapika naye.” (VaHebheru 6:13) Hungu, Zita raJehovha naiye pachake imhiko yokuti haazoregi kuita zvaanopikira, kunyange kana zvikaita kuti arasikirwe zvikuru. (VaRoma 8:32) Chokwadi chokuti Jehovha anoita zvaakapikira chinotipa tariro yakasimba iri chibatiso pamweya yedu, kana kuti upenyu.—VaHebheru 6:19.
Zvakapikirwa naJehovha Neramangwana Redu
Tariro yedu, kutenda kwedu, uye upenyu hwedu chaihwo zvinotsamira pakuzadzika kwezvakapikirwa naJehovha. Tine tariro ipi? “[Mwari] sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13) Magwaro anotipawo hwaro hwekutenda kuti “kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Uye tinogona kuva nechokwadi kuti kune chimwe chinhu chinopfuura upenyu huripo zvino. Zvechokwadi, chinonzi naJohane “chipikirwa chaakatipikira, ndihwo upenyu husingaperi.” (1 Johane 2:25) Asi zvakapikirwa naJehovha zviri muShoko rake hazvingorevi zvichaitika mune ramangwana. Zvinoita kuti upenyu hwedu hwezuva nezuva iye zvino hureve chimwe chinhu.
Munyori wepisarema akaimba kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, . . . uchanzwawo kudanidzira kwavo.” (Pisarema 145:18, 19) Mwari anotisimbisirawo kuti “vanoziya anovapa simba; unoshaiwa simba unomuwedzera simba rake.” (Isaya 40:29) Uye zvinonyaradza sei kuziva kuti ‘Mwari haangatenderi kuti tiidzwe kupfuura patinogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye achatipawo nzira yokubuda nayo’! (1 VaKorinte 10:13) Kana isu semunhu oga takaona kuzadzika kwechimwe chezvakapikirwa izvi, tinoziva kuti Jehovha anogona kuvimbwa zvakakwana. Tichifunga nezvekubatsirwa kwatinoitwa nezvizhinji zvakapikirwa naMwari nokuzviita, tinofanira kuona sei zvatinomuvimbisa?
Kuita Zvatakavimbisa Mwari
Pasina mubvunzo kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari ndicho chinhu chinonyanyokosha chatingagona kuvimbisa. Nekuita iri danho, tinoratidza kuti tinoda kushumira Jehovha nokusingaperi. Kunyange zvazvo mitemo yaMwari isingaremi, zvingasava nyore nguva dzose kuita zvaanoda, sezvo tichirarama mugadziriro iyi yezvinhu yakaipa. (2 Timotio 3:12; 1 Johane 5:3) Asi kana tango‘isa ruoko rwedu pabadza’ uye tava vashumiri vaJehovha vakazvitsaurira uye vadzidzi veMwanakomana wake, Jesu Kristu, hatimbofaniri kutarira shure kuzvinhu zvenyika zvatakasiya.—Ruka 9:62.
Patinonyengetera kuna Jehovha, tinganzwa tichida kumuvimbisa kuti tichaita zvose zvatinogona kuti tikunde patakaneta, kuvandudza unhu hwechiKristu, kana kuti kuwedzera basa rakati ratinoitira Mwari. Chii chichatigonesa kuti tiite zvatinenge tavimbisa izvi?—Enzanisa naMuparidzi 5:2-5.
Kuvimbisa kwechokwadi kunobva mumwoyo uyewo mupfungwa. Naizvozvo, ngatitsigirei zvatinovimbisa Jehovha nekuzarura mwoyo yedu kwaari mumunyengetero, tichitaura nokutendeseka zvatinotya, zvatinoda, uye patakaneta. Kunyengeterera zvatinovimbisa kuchasimbisa chisarudzo chedu chokuzviita. Tinogona kuona zvatinovimbisa Mwari sezvikwereti. Kana zvikwereti zvakakura, mubhadharo unofanira kuitwa zvishoma nezvishoma. Saizvozvowo, zvinhu zvakawanda zvatinovimbisa Jehovha zvinoda nguva kuti tizviite. Asi tikagaromupa zvatinogona, tinoratidza kuti tinoreva zvatinotaura, uye achatikomborera zvakafanira.
Tinogona kuratidza kuti tinokoshesa zvatinovimbisa nokugara tichinyengetera nezvazvo, zvichida zuva nezuva. Izvi zvicharatidza Baba vedu vokudenga kuti tiri kurevesa. Zvichatiyeuchidzawo nguva dzose. Dhavhidhi akatisiira muenzaniso wakanaka une chokuita neizvi. Murwiyo, akateterera Jehovha kuti: “Inzwai kuchema kwangu, Mwari; teererai munyengetero wangu. . . . Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.”—Pisarema 61:1, 8.
Kuita Zvatinovimbisa Kunoumba Chivimbo
Kana zvatinovimbisa Mwari zvisingafaniri kurerutswa, saizvozvowo hatifaniri kurerutsa zvatinovimbisa vaKristu vatinonamata navo. Hatifaniri kusiyanisa zvatinoitira Jehovha nezvatinoitira hama dzedu. (Enzanisa na1 Johane 4:20.) MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akati: “Asi shoko renyu rive: Hungu, hungu; kwete, kwete.” (Mateo 5:37) Kuva nechokwadi chekuti shoko redu rinovimbwa nguva dzose ndeimwe nzira yoku‘itira zvakanaka vane ukama nesu mukutenda.’ (VaGaratia 6:10) Vimbiso yose yatinoita inoumba chivimbo.
Zvakaipira kutadza kuita zvaunovimbisa zvinowanzooneka kana mari ichibatanidzwa. Kungave kudzorera chikwereti, kuita rimwe basa, kana kuita chibvumirano chebhizimisi, muKristu anofanira kuita zvaakavimbisa. Izvi zvinofadza Mwari uye zvinosimbisa kuvimbana kunokosha zvikuru kana hama dzichizo“gara pamwe chete norugare.”—Pisarema 133:1.
Zvisinei, kutadza kuita maererano nezvibvumirano kunogona kukuvadza ungano uyewo vanhu vanobatanidzwa zvakananga. Mumwe mutariri anofambira anoti: “Kukakavadzana nenyaya dzebhizimisi—kakawanda kunoparirwa nezvibvumirano izvo mumwe anobatanidzwa anofunga kuti hazvina kuremekedza—kazhinji kacho kunozozivikanwa nevanhu vose. Somugumisiro, hama dzinoparadzaniswa, uye mugariro muHoro yoUmambo ungabva washata zvikuru.” Zvinokosha sei kunyatsofunga nezvechibvumirano chipi nechipi chatinoita kwava kunyorerana nhau yacho pasi!a
Kungwarira kunodiwawo pakutengesa zvinhu zvinodhura kana kuti kurumbidza zvirongwa zvebhizimisi, kunyanya kana tirisu tinozobatsirwa nechirongwa chacho. Saizvozvowo tinofanira kungwarira kuti tisawedzeredza kubatsira kunoita zvimwe zvinhu kana kuti zvinhu zveutano kana kuti kuvimbisa kuti zvirongwa zvakati zvichabatsira munhu izvo zvisiri zvechokwadi. Rudo runofanira kutiita kuti titsanangurire vaKristu zvakakwana ngozi dzinobatanidzwa. (VaRoma 12:10) Sezvo hama dzakawanda dzine ruzivo rushoma panyaya dzebhizimisi, dzingavimba nemazano edu nemhaka bedzi yokuti tine ukama nadzo mukutenda. Zvinosuruvarisa zvikuru sei kana kuvimba uku kukakanganiswa!
SavaKristu, hatingadi kuita miitiro yebhizimisi isina kutendeseka kana kuti isinei nezvinofarirwa nevamwe zvakarurama. (VaEfeso 2:2, 3; VaHebheru 13:18) Kuti tifarirwe naJehovha se‘vaenzi mutende rake,’ tinofanira kuva vakatendeseka. ‘Kunyange kana tichinge tapika zvinotiipira, hatichinji.’—Pisarema 15:1, 4.
Mutongi Jefta waIsraeri akaita mhiko yekuti kana Mwari aizoita kuti akunde vaAmoni, aizomupa munhu wekutanga aizomutambira adzoka kubva kuhondo sechipiriso chinopiswa. Munhu iyeye akazova mwana mumwe chete waJefta, asi haana kurega kuita zvaakanga ataura. Mwanasikana wake abvuma nemwoyo wose, akamupa zvachose kuti aite basa panzvimbo tsvene yaMwari—pasina mubvunzo chibayiro chairwadza uye chaida zvinhu zvakawanda munzira dzakasiyana-siyana.—Vatongi 11:30-40.
Kunyanya vatariri veungano vane mutoro wekuita maererano nezvavanobvumirana. Maererano na1 Timotio 3:2, mutariri anofanira kuva “munhu usina chaangapomerwa.” Uku kushandurwa kweshoko rechiGiriki rinoreva kuti “asingagoni kubatwa, asingagoni kupiwa mhosva, asingapomereki.” Zvinoreva “kwete chete kuti munhu wacho ane mukurumbira wakanaka, asi kuti akafanirwa nawo.” (A Linguistic Key to the Greek New Testament) Sezvo mutariri achifanira kuva asina chaangapomerwa, zvaanovimbisa zvinofanira kuva zvinovimbika nguva dzose.
Dzimwe Nzira Dzekuita Nadzo Zvatinovimbisa
Tinofanira kuona sei zvatinovimbisa vanhu vasiri vaKristu vatisinganamati navo? “Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu,” akadaro Jesu, “kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” (Mateo 5:16) Nekuratidza kuti tinoita zvatinotaura, tingaita kuti vamwe vade shoko redu rechiKristu. Pasinei nekuderera kwetsika yekutendeseka munyika yose, vanhu vazhinji vachiri kukoshesa kuperera. Kuita zvatinovimbisa imwe nzira yokuratidza nayo kuti tinoda Mwari nomuvakidzani uye kuti tikwezve vanoda zvakarurama.—Mateo 22:36-39; VaRoma 15:2.
Mugore rebasa ra1998, Zvapupu zvaJehovha zvakapedza maawa anopfuura bhiriyoni zvichizivisa vanhu vose mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateo 24:14) Kumwe kuparidzira uku kungave kwakawira pamatsi kana tisina kuita zvatakataura mune zvebhizimisi kana kuti mudzimwe nhau. Sezvo tichimirira Mwari anotaura chokwadi, vanhu vanotitarisira nenzira yakarurama kuti tive vakatendeseka. Nekuva vakavimbika uye vakatendeseka, tino“shongedz[a] dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.”—Tito 2:10.
Muushumiri hwedu, tine mikana yekuita zvatinotaura apo tinodzokera kundoshanyira vanofarira shoko roUmambo. Kana tikati tichadzoka, tinofanira kuita izvozvo. Kudzokera sezvatakavimbisa inzira ‘yokuitira munhu wakafanira zvakanaka.’ (Zvirevo 3:27) Imwe hanzvadzi yakatsanangura nhau yacho ichiti: “Panguva dzinoverengeka, ndakasangana nevanhu vanofarira vaiti chimwe Chapupu chainge chavimbisa kudzoka asi hachina kudaro. Chokwadi, ndinoziva kuti vanasaimba vangadaro vaisava pamba kana kuti migariro yakaita kuti zvisaita kudzokera. Asi handingadi kuti munhu upi noupi ataure izvozvo nezvangu, saka ndinoita zvose zvandinogona kuti ndiwane munhu ari pamba zvakare. Ndinodavira kuti kana ndikagumbusa mumwe munhu, hazvizoratidziki zvakanaka kuna Jehovha uye kuhama dzangu dzose.”
Mune zvimwe zviitiko, tingasada kudzokera nemhaka yokuti tinogumisa kuti munhu wacho haafariri chaizvoizvo. Hanzvadzi iyoyo inotsanangura kuti: “Handiedzi kuyera kukura kwokufarira. Ruzivo rwangu rwebasa rwakandidzidzisa kuti zvaunoona pakutanga kakawanda kacho hazvisirizvo. Saka ndinoedza kuva nechivimbo, ndichiona munhu ega ega seanogona kuva hama kana kuti hanzvadzi.”
Muushumiri hwechiKristu uye mudzimwe nharaunda, tinoda kuratidza kuti shoko redu rinogona kuvimbwa. Chokwadi, muromo hauzarirwi nerwizi. Murume akachenjera akati: “Vanhu vazhinji vanowana munhu unovaitira chinhu chakanaka, asi ndiani ungawana munhu wakatendeka?” (Zvirevo 20:6) Kana tikatsunga, tinogona kuva vakatendeka uye vechokwadi kushoko redu.
Zvikomborero Zvizhinji Kubva Kuna Mwari
Kuvimbisa zvenhema uchiziva kusatendeseka, kwakafanana nekunyora cheki uchiziva kuti kubhanga hakuna mari yakakwana. Asi mibayiro nezvikomborero zvakadini zvatinowana pamusana pokuita zvatinovimbisa! Chimwe chikomborero chekuita zvatinovimbisa ihana yakanaka. (Enzanisa naMabasa 24:16.) Panzvimbo pokunetseka nokunzwa tisingabetseri, tinonzwa tichigutsikana uye tine rugare. Uyezve, nokuita zvatinotaura, tinoitawo kuti ungano ive norugare, zvinotsamira pakuvimbana. “Shoko” redu “razvokwadi” rinotiratidzawo savashumiri vaMwari anotaura chokwadi.—2 VaKorinte 6:3, 4, 7.
Jehovha akavimbika kushoko rake, uye anovenga “rurimi runoreva nhema.” (Zvirevo 6:16, 17) Nekutevedzera Baba vedu vokudenga, tinoswedera pedyo navo. Saka, zvechokwadi, tine chikonzero chakanaka chekuita zvatinovimbisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti: “Nyoreranai Pasi!” iri muMukai! yechiNgezi yaFebruary 8, 1983, mapeji 13-15.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jefta akaita zvaakavimbisa, kunyange zvazvo kuita izvi kwairwadza
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kana wakavimbisa kudzoka, nyatsogadzirira kuti uite izvozvo