Ganhuro 13
Tinozivikanwa Kupfurikidza Nomufambiro Wedu
TIRI kurarama munguva umo mipimo yetsika iyo yairemekedzwa kwenguva refu yakaraswa namapoka makuru orudzi rwomunhu. Marudzidziso mazhinjisa echiKristudhomu akaita zvimwe chetezvo, kupfurikidza nokushivirira kana kuti zvimwe nokutaura kuti nguva dzakasiyana uye zvinoyera zvezvizvarwa zvapakuvamba zvikuru hazvichashandi. Pamusoro pomugumisiro wacho, Samuel Miller, mutungamiriri weHarvard Divinity School, akati: “Chechi haitombodzori zvayo. Yakatora tsika yenguva yedu ndokuigamuchira.” Mugumisiro paupenyu hwaavo vaitarira kuchechi dzakadaro nokuda kwenhungamiro wave uchiparadza.
Mukupesana, pakukurukura Zvapupu zvaJehovha, L’Eglise de Montréal, magazini yevhiki nevhiki yedunhu rabhishopi mukuru weKaturike reMontreal, Canada, yakati: “Zvine mipimo inoshamisa yetsika.” Vadzidzisi vakawanda zvikuru vezvikoro, vashandirwi, uye vakuru vakuru vehurumende vanobvumirana naikoko. Chii chinoparira uyu mukurumbira?
Kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kunobatanidza zvakawanda zvikuru kupfuura kuomerera pachimiro chakati chezvitendero zvedzidziso nokupupura kuvamwe pamusoro pezvitendero izvozvi. ChiKristu chapakuvamba chaizivikanwa se“Nzira,” uye Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti rudzidziso rwechokwadi nhasi rwunofanira kuva nzira youpenyu. (Mabasa 9:2) Sezvakwakanga kwakaita muzvimwe zvinhu, zvisinei, Zvapupu zvomuzuva razvino uno hazvina kuwana pakarepo nzwisiso yakadzikama yeizvo ikoku kwaibatanidza.
“Unhu Kana Kuti Sungano—Ndechipi?”
Kunyange zvazvo vakatanga nezano rakanaka rapaMagwaro pamusoro pedikanwo yokuva vakafanana naKristu, simbiso iyo vamwe vaVadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vakapa ku“kukudziridzwa kwounhu,” sezvo vaikudana kudaro, yakaderedza mativi akati echiKristu chaichoicho. Vamwe vavo vairatidzika kuva vomurangariro wokuti kuva akapfava—uchiratidzika nguva dzose kuva ane mutsa uye akanaka, kutaura zvinyoronyoro, kudzivisa kuratidzirwa kupi nokupi kwokutsamwa, kurava Magwaro zuva nezuva—zvaizovimbisa kupinda kwavo mudenga. Asi ivava vakakanganwa idi rokuti Kristu akanga apa vateveri vake basa rokuti vaite.
Chinetso ichochi chakakurukurwa zvakasimba munyaya inoti “Unhu Kana Kuti Sungano—Ndechipi?” muchinyorwa chechiNgezi chaMay 1, 1926, cheNharireyomurindi.a Yakaratidza kuti nhamburiko dzokukudziridza “unhu hwakakwana” apo tinenge tiri munyama dzakaparira vamwe kurega mukuora mwoyo, asi panguva imwe cheteyo, kwakaparira chimiro chendangariro chokuva “mutsvene zvikurusa” muvamwe ndokuvasakisa kukanganwa runako rwechibayiro chaKristu. Pashure pokusimbisa kutenda muropa rakateurwa raKristu, nyaya yacho yakasimbisa ukoshi hwo‘kuita zvinhu’ mubasa rokushingaira raMwari kupa ufakazi hwokuti munhu akanga achironda nzira inofadza kuna Mwari. (2 Pet. 1:5-10) Panguva iyoyo, apo chakawanda chechiKristudhomu chakanga chichiri kuedzesera kuomerera kumipimo yeBhaibheri yetsika, iyi simbiso pamubato yakasimbisa musiyano pakati peZvapupu zvaJehovha nechiKristudhomu. Musiyano wacho wakava unotooneka zvikuru sezvo nhau dzetsika idzo dzakanga dzave kuva dzinozivikanwa navose dzaifanira kubatwa nadzo navose avo vaitaura kuti vaKristu.
“Murege Ufeve”
Mupimo wechiKristu pamusoro petsika dzevatano wakaoneswa kare kare mumutauro wakajeka muBhaibheri. “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kuitwa kwenyu vatsvene, kuti murege ufeve . . . Nokuti Mwari akatidana, kwete nokubvumirwa kwokusachena, asi pamusoro pokutsveneswa. Naizvozvo, ipapoka, munhu anoratidza ruzvidzo ari kuzvidza, kwete munhu, asi Mwari.” (1 VaT. 4:3-8, NW) “Roorano ngaikudzwe pakati pavose, uye huvato hweroorano huve husina kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaH. 13:4, NW) “Hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari? Musatsauswa. Zvifeve, . . . kana mhombwe, kana kuti varume vanochengeterwa zvinangwa zvisati zviri zvomuzvarirwo, kana kuti varume vanovata navarume . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”—1 VaK. 6:9, 10, NW.
MuNharireyomurindi, ngwariro yakakweverwa kuuyu mupimo nokuda kwavaKristu vechokwadi pakuvamba saNovember wa1879. Asi hauna kukurukurwa wakurukurwazve kana kuti muudzame sokunge ichochi chakanga chiri chinetso chikuru pakati paVadzidzi veBhaibheri vapakuvamba. Zvisinei, sezvo chimiro chendangariro chenyika chakava chamadiro zvikuru, ngwariro yakawedzerwa yakanangidzirwa kuichi chinodikanwa, zvikurukuru mumakore akapoteredza Hondo Yenyika II. Ikoku kwakanga kuchidikanwa nemhaka yokuti vamwe pakati peZvapupu zvaJehovha vakanga vari kugamuchira murangariro wokuti chero bedzi vakanga vakabatikana kupupura, kuregeredza kuduku mutsika dzevatano yakanga ingori chete nhau yomunhu oga. Ndokwechokwadi kuti Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1, 1935, yakanga yataura nenzira yakajeka kuti kutora rutivi muushumiri hwomumunda kwakanga kusingatenderi mufambiro wounzenza. Asi haasati ari munhu ari wose akashandisa zano racho zvakakomba. Naizvozvo, muchinyorwa chayo chechiNgezi chaMay 15, 1941, Nharireyomurindi yakakurukurazve nhau yacho, uye muudzame hwakati, munyaya ine musoro unoti “Zuva raNoa.” Yakaonesa kuti kusazvibata muvatano muzuva raNoa chakanga chiri chimwe chikonzero nei Mwari akaparadza nyika yenguva iyoyo, uye yakaratidza kuti izvo Mwari akaita panguva iyoyo zvakagadza muenzaniso wezvaaizoita muzuva redu. Mumutauro wakajeka yakanyevera kuti mubatiri anochengeta perero waMwari haangagoni kupa rutivi rwezuva rake kukuita kuda kwaShe uye ipapo, kana apedza, pashure pamaawa, kupinda mu“mabasa enyama.” (VaG. 5:17-21) Iyoyi yakateverwa, muNharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1942, neimwe nyaya iyo yakashurikidza mufambiro uyo wakanga usingatsinhirani nemipimo yetsika yeBhaibheri yavanhu vasati vapinda muroorano kana kuti vakapinda muroorano. Hapana munhu aifanira kugumisa kuti kugoverana mukuparidza pachena shoko roUmambo somumwe weZvapupu zvaJehovha kwaitendera kurarama kwounzenza. (1 VaK. 9:27) Pashure penguva yakati, matanho akatosimba zvikuru aizoitwa kudzivirira rucheno rwetsika rwesangano.
Vamwe avo panguva iyoyo vakanga vari kuratidzira chishuvo chokuva Zvapupu zvaJehovha vakanga vakurira munharaunda umo roorano yokuedza yakanga ichigamuchirwa, umo vatano pakati pavanhu vakavimbisana kuroorana yaishivirirwa, kana kuti umo vatano yokubvumirana pakati pavanhu vasina kuroorana pamutemo yairangarirwa seyomuzvarirwo. Vanyakuroorana vashomanene vakanga vachiedza kusaroora kana kuti kuroorwa. Vamwe vanhu, kunyange zvazvo vakanga vasina kuchatanurana, vakaparadzana nenzira yokusachenjera navakwanyina vavo. Kuti igovere nhungamiro inodikanwa, Nharireyomurindi, mukati mema1950, yakarangarira mamirire ezvinhu iwaya ose, yakakurukura mitoro yeroorano, yakasimbisa kurambidza kweBhaibheri ufeve, uye yakatsanangura chiri ufeve, kuitira kuti pasazova nokusanzwisisa.b—Mabasa 15:19, 20; 1 VaK. 6:18.
Munzvimbo umo vanhu vaivamba kusonganirana nesangano raJehovha vakanga vasiri kurangarira zvakakomba mipimo yetsika yeBhaibheri, ikoku kwakapiwa ngwariro chaiyo. Nokudaro, muna 1945, apo N. H. Knorr, purezidhendi wechitatu weWatch Tower Society, akanga ari muCosta Rica, akapa hurukuro pamusoro petsika dzechiKristu umo akati: “Mose zvenyu muri pano manheru ano muri kugara nomukadzi asi musina kuita kuti roorano yenyu inyoreswe pamutemo, ndiri kukupai zano. Endai kuChechi yeKaturike ndokunyoresa zita renyu somutezo, nemhaka yokuti ikoko munogona kuita zvinhu izvozvi. Asi iri isangano raMwari, uye hamugoni kuita zvinhu izvozvi muno.”
Kuvamba nema1960, apo ngochani dzakava dziri pachena zvikuru pamusoro pemiitiro yadzo, chechi dzakawanda dzakakurukura nhau yacho, ipapo dzakavagamuchira semitezo. Dzimwe chechi zvino dzinotogadza ngochani savafundisi. Kuti zvibetsere vanhu vapachokwadi avo vakanga vane mibvunzo pamusoro penhau idzodzi, zvinyorwa zveZvapupu zvaJehovha zvakakurukurawo nhau idzodzi. Asi pakati peZvapupu, pakanga pasitongorina mubvunzo upi noupi pamusoro pokuti ungochani hwaizorangarirwa sei. Zvokona neiko? Nemhaka yokuti hazvibati zvinodikanwa zveBhaibheri sokunge izvozvi zvingori mirangarirowo zvayo yavanhu veimwe nhambo. (1 VaT. 2:13) Zvinoitisa nomufaro fundo dzeBhaibheri ngochani kuti idzodzi dzigone kudzidza zvinodikanwa zvaJehovha, uye vanhu vakadaro vangapinda misangano yeZvapupu kuti vateerere, asi hapana munhu anopfuurira kuita ungochani anogona kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.—1 VaK. 6:9-11; Judha. 7.
Mumakore achangobva kupfuura aya kuvatana kunoitwa nepwere dzisina kuroora kana kuti kuroorwa kwakava kunozivikanwa navose munyika. Pwere dziri mumhuri dzeZvapupu zvaJehovha dzakanzwa dzvinyiriro yacho, uye dzimwe dzakavamba kugamuchira nzira dzenyika yakadzipoteredza. Sangano rakabata sei neaya mamirire ezvinhu? Nyaya dzakagadzirirwa kubetsera vabereki nepwere kurangarira zvinhu nenzira yapaMagwaro dzakabudiswa muNharireyomurindi neMukai! Mitambo yezvinoitika chaizvoizvo zvomuupenyu yakaratidzirwa pakokorodzano kubetsera munhu ari wose kuziva zvibereko zvokuramba mipimo yetsika yeBhaibheri uye betsero dzokuteerera mirayiro yaMwari. Mumwe weyokutanga yaiyoyi, wakaitwa muna 1969, wakanga une musoro unoti “Minzwa Nemisungo Zviri Munzira Yomunhu Anozvimirira.” Mabhuku chaiwo akagadzirwa kubetsera vanhu vaduku kunzwisisa uchenjeri hwezano reBhaibheri. Iwaya akabatanidza Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri (rakabudiswa muna 1976, muchiNgezi) uye Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda (rakabudiswa muna 1989 muchiNgezi). Vakuru vomunzvimbomo vakapa betsero yomudzimu yomunhu oga kuvanhu vamwe navamwe nokumhuri. Ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakataviridzwawo kupfurikidza nokudzingwa kwavatadzi vasingapfidzi.
Kuputsika kwenyika mutsika hakuna kutungamirira kumurangariro wamadiro zvikuru pakati peZvapupu zvaJehovha. Mukupesana, Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakaisa simbiso yakawedzerwa pakudikanwa kwokudzivisa kwete bedzi zviito zvevatano isati iri yapamutemo asiwo pesvedzero nemamirire ezvinhu izvo zvinoparadza mipimo yetsika. Mukati mamakumi matatu amakore akapfuura, wakagovera murayiridzo wokusimbisa vanhu vamwe navamwe kurwisana ne“zvivi zvapachivande” zvakadai sebonhora uye kuvangwadza kungozi yezvinhu zvoutere, nhevedzano dzemitambo yomuterevhizheni neredhiyo, uye nziyo dzine tapuro inoshatisa. Nokudaro, nepo tsika dzenyika dzave dzichiderera, idzo dzeZvapupu zvaJehovha dzave dzichikwirira.
Upenyu Hwemhuri Hunodzorwa Nemipimo Youmwari
Kuomerera zvakasimba kumupimo weBhaibheri wetsika dzevatano kwakabetsera zvikuru upenyu hwemhuri hweZvapupu zvaJehovha. Asi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha hakusati kuri vimbiso yokuti munhu haasati achizova nezvinetso zvomumba. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvinopwiswa kuti Shoko raMwari rinopa zano rakanakisisa zvikuru pamusoro penzira yokugonana nayo nezvinetso zvakadaro. Zvine gadziriro dzakawanda dzinowanikwa dzinoitwa nesangano kuzvibetsera kushandisa zano iroro; uye apo zvinorishandisa, migumisiro yacho, zvirokwazvo, inobetsera.
Pakuvamba sa1904, vhoriyamu yechitanhatu yeStudies in the Scriptures yakagovera kurukurirano huru yemitoro yeroorano nemisengwa yavabereki. Kubvira panguva iyoyo, mazana enyaya akabudiswa uye hurukuro dzakawanda dzakapiwa muungano iri yose yeZvapupu zvaJehovha kubetsera mutezo wemhuri mumwe nomumwe kunzwisisa basa rawo rakapiwa naMwari. Iyi dzidzo muupenyu hwemhuri hwakanaka haisati iriwo zvayo yavachangobva kuroorana asi igadziriro inopfuurira iyo inobatanidza ungano yose.—VaEf. 5:22–6:4; VaK. 3:18-21.
Barika Raizogamuchirwa Here?
Kunyange zvazvo tsika dzinotapura roorano noupenyu hwemhuri dzichisiyana munyika imwe neimwe, Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti mipimo inooneswa muBhaibheri inoshanda kwose kwose. Sezvo basa razvo rakatanga muAfrica muzana rino ramakore rechi20, Zvapupu zvakadzidzisa imomo, sezvazvinoita kwose kwose, kuti roorano yechiKristu inobvumira mukwanyina weroorano mumwe chete. (Mat. 19:4, 5; 1 VaK. 7:2; 1 Tim. 3:2) Bva, kwaiva namazana ayo akagamuchira kufumura kweBhaibheri kunamata zvidhori ndokugamuchira nomufaro izvo Zvapupu zvaJehovha zvaidzidzisa pamusoro poUmambo hwaMwari asi avo vakabhapatidzwa vasingaregi barika. Kururamisa aya mamirire ezvinhu, Nharireyomurindi yechiNgezi yaJanuary 15, 1947, yakasimbisa kuti chiKristu hachibvumiri barika, pasinei zvapo netsika yomunzvimbomo. Tsamba yakatumirwa kuungano yakazivisa vapi navapi vaitaura kuti Zvapupu zvaJehovha asi vakanga vari vapariki kuti mwedzi mitanhatu yakanga iri kubvumirwa kuti vatsinhiranise nhau dzavo dzeroorano nomupimo weBhaibheri. Ikoku kwakasimbiswa nehurukuro yakapiwa naHama Knorr mukati meshanyo kuAfrica gore rimwe chetero.
MuNigeria, makanga mune vanhu vakawanda venyika vakafanotaura kuti nhamburiko dzokuparadza barika muZvapupu zvaJehovha dzaizoreva kuzviparadza. Uye ndokwechokwadi kuti havasati vari vose vaiva vapariki avo vakanga vabhapatidzwa pakuvamba zvikuru seZvapupu vakaita chinjo dzinodikanwa kunyange muna 1947. Somuenzaniso, Asuquo Akpabio, mutariri anofambira, anorondedzera kuti chimwe Chapupu chaakanga achigara nacho kuIfiayong chakamumutsa pakati pousiku ndokurayira kuti achinje zvakanga zvaziviswa pamusoro pechinodikanwa chokuva nomudzimai mumwe. Nemhaka yokuti akaramba kuita saizvozvo, mugamuchiri wake akamubudisa panze mumvura yainaya zvikuru usiku ihwohwo.
Asi kuda Jehovha kwakapa vamwe simba rinodikanwa kuteerera mirayiro yake. Hevano vashomanene chete vavo. MuZaire mumwe murume uyo akanga ave ari zvose zviri zviviri muKaturike nomupariki akadzinga vaviri vavadzimai vake kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo kuendesa nyachide nemhaka yokuti akanga asati ari ‘mudzimai woupwere hwake’ wakanga uri muedzo wakakomba wokutenda kwake. (Zvir. 5:18) MuDahomey (zvino Benin) mumwe aichimbova muMethodist uyo akanga achiri ane vadzimai vashanu akakurira mhinganidzo dzapamutemo dzakaoma zvikuru kuti awane chatanuro dzaidikanwa kuti agone kukwanirisa nokuda kworubhapatidzo. Kunyange zvakadaro, iye akapfuurira kugovera vaichimbova vadzimai vake navana vavo, sezvakaita vamwe vakadzinga vadzimai vechipiri. Warigbani Whittington, wokuNigeria, akanga ari wechipiri wavadzimai vaviri vomurume wake. Apo akasarudza kuti kufadza Jehovha, Mwari wechokwadi, kwakanga kuri chinhu chinokosha zvikurusa kwaari, akatarisana nokutsamwa kwomurume wake uye ipapo kwemhuri yake amene. Murume wake akamurega achienda, pamwe chete navana vake vaviri, asi pasina betsero yezvemari—kwete kunyange yokufambisa. Bva, iye akati: ‘Hapana neimwe yebetsero dzokunyama dzandakasiya shure inogona kuenzaniswa nokufadza Jehovha.’
Zvakadiniko Nechatanuro?
Munyika dzokuMadokero barika harishandiswi zvikuru, asi zvimwe zvimiro zvendangariro zvinorwisana naMagwaro zvinotenderwa. Chimwe chaizvozvi ipfungwa yokuti kuri nani kuchatanura kupfuura kuva neroorano isingafadzi. Mumakore achangobva kupfuura aya vamwe veZvapupu zvaJehovha vakavamba kutevedzera uyu mudzimu, vachikumbira chatanuro pazvikonzero zvakadai so“kusawirirana.” Zvapupu zvakabata seiko naikoku? Nhimbe yakasimba yedzidzo pamusoro pomurangariro waJehovha wechatanuro inoitiswa nguva dzose nesangano kubetsera Zvapupu zvenguva refu pamwe chete namazana ezviuru ayo ari kuwedzerwa kwazviri gore rimwe nerimwe.
Nharireyomurindi yakanangidzira ngwariro kunhungamiro dzipi dzeBhaibheri? Inotevera, pakati pedzimwe: Muchinyorwa cheBhaibheri cheroorano yokutanga yavanhu, umwe hwomurume nomudzimai hunosimbiswa; icho chinoti: ‘Murume anofanira kunamatira kumudzimai wake, uye vanofanira kuva nyama imwe.’ (Gen. 2:24) Gare gare, muna Israeri, Mutemo wakarambidza upombwe ndokurayira rufu nokuda kwoupi noupi aihuita. (Dheut. 22:22-24) Chatanuro pazvikonzero zvisiri upombwe yaibvumirwa, asi bedzi ‘nemhaka yokuoma mwoyo kwavo,’ sokutsanangura kwakaita Jesu. (Mat. 19:7, 8) Jehovha airangarira sei muitiro wokuti munhu arase mukwanyina wake weroorano kuti aroore mumwe? Maraki 2:16 (NW), inoti: “Iye akavenga kuchatanura.” Bva, iye aibvumira avo vaiwana chatanuro kuramba vari muungano yaIsraeri. Imomo, kudai vaigamuchira kuranga kwaJehovha vanhu vake, mwoyo wavo wedombo pashure penguva yakati waitsiviwa nomwoyo wakapfava zvikuru, uyo waigona kuratidzira kuda zvapachokwadi nzira dzake.—Enzanisa naEzekieri 11:19, 20.
Nharireyomurindi yakataura kazhinji kazhinji kuti apo Jesu akanga achikurukura chatanuro sezvayaishandiswa muna Israeri wakare, iye akaratidza kuti mupimo wakakwirira zvikuru waifanira kutangwa pakati pavateveri vake. Iye akataura kuti kana munhu upi noupi akaramba mudzimai wake kunze kwechikonzero choufeve (por·neiʹa, “vatano isati iri yapamutemo”) ndokuroora mumwe, iye aizova achiita upombwe; uye kunyange kana asina kuroorazve, iye aizova achiitisa mudzimai wake upombwe. (Mat. 5:32; 19:9) Nokudaro, Nharireyomurindi yakaonesa kuti nokuda kwavaKristu chatanuro ipi neipi inhau yakakomba zvikuru kwazvo kupfuura zvayakanga yakaita muna Israeri. Nepo Magwaro asingarayiri kuti munhu ari wose anowana chatanuro adzingwe muungano, avo vanoitawo upombwe uye vari vasingapfidzi vanodzingwa neungano dzeZvapupu zvaJehovha.—1 VaK. 6:9, 10.
Chinjo huru dzakaitika mumakore achangobva kupfuura aya muzvimiro zvendangariro zvenyika pamusoro peroorano noupenyu hwemhuri. Pasinei zvapo naikoku, Zvapupu zvaJehovha zvakapfuurira kunamatira kumipimo yakagoverwa naMwari, Muvambi weroorano, seinooneswa muBhaibheri. Vachishandisa nhungamiro idzodzo, vakaedza kubetsera vanhu vane mwoyo wakatendeseka kugonana nemamirire ezvinhu akaoma umo vakawanda kwazvo vanozviwana vamene vari.
Somugumisiro, chinjo dzinoshamisa dzakaitwa muupenyu hwavakawanda avo vakagamuchira murayiridzo weBhaibheri kuZvapupu zvaJehovha. Varume avo vaichimbova varovi vavadzimai, varume vaisaita mabasa avo, varume vaigovera zvokunyama asi kwete mumurangariro nomumudzimu—zviuru zvakawanda zvavakadaro zvava varume vane rudo namadzibaba anosanotarisira mhuri dzavo. Vakadzi vakanga vari vanozvimirira nenzira inotyisa, vakadzi vairegeredza vana vavo uye vaisazvitarisira vamene kana kuti musha wavo—vakawanda vaivava vava vadzimai vanoremekedza umusoro ndokuronda nzira inovaparira kudiwa zvikuru navarume vavo navana. Pwere dzakanga dzisingateereri vabereki vadzo dzisinganyari navapandukiri venzanga yose zvayo, pwere dzakanga dzichiparadza upenyu hwadzo dzimene kupfurikidza nezvinhu zvadzakanga dzichiita uye nokudaro dzichiunza kurwadziwa mwoyo kuvabereki vadzo—dzakawanda dzaidzodzi dzakasvika pakuva nechinangwa choumwari muupenyu, uye ikoku kwakabetsera kuchinja unhu hwadzo.
Chokwadika, chinhu chinokosha mubudiriro mukati memhuri kutendeseka kune mumwe nomumwe. Kutendeseka kunokoshawo mune humwe ukama.
Chinodikanwa Chokutendeseka Chinosvika Kure Kwakadini?
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti kutendeseka kunodikanwa muchinhu chiri chose chazvinoita. Sehwaro hwomurangariro wazvo, zvinonongedzera kumagwaro akadai seanotevera: Jehovha amene ndi“Mwari wazvokwadi.” (Pis. 31:5) Pane rumwe rutivi, sokutaura kwakaita Jesu, Dhiyabhorosi ndiye “baba venhema.” (Joh. 8:44, NW) Nenzira inonzwisisika, ipapoka, pakati pezvinhu izvo Jehovha anovenga pane “rurimi runoreva nhema.” (Zvir. 6:16, 17) Shoko rake rinotiudza, kuti: “Zvino zvamabvisa nhema, taurai zvokwadi.” (VaEf. 4:25, NW) Uye vaKristu havafaniri kutaura zvokwadi bedzi asi, kufanana nomuapostora Pauro, vanofanira ku‘zvibata vamene nokutendeseka muzvinhu zvose.’ (VaH. 13:18) Hakuna nzvimbo dzoupenyu umo Zvapupu zvaJehovha zvinogona kushandisa nenzira yakafanira mimwe mipimo yakawanda.
Apo Jesu akashanyira musha womuteresi Zakeo, murume wacho akabvuma kuti miitiro yake yebhizimisi yakanga yave isina kufanira, uye iye akaita nhano dzokuripa aichimbova mabasa okupamba. (Ruka 19:8) Mumakore achangobva kupfuura aya, kuti vave nehana yakachena pamberi paMwari, vamwe vanhu vakavamba kusonganira neZvapupu zvaJehovha vakaita chiito chakafanana. Somuenzaniso, muSpain imwe mbavha yamakoko yakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza hana yayo yakavamba kuinetsa; naizvozvo yakadzorera zvinhu zvakabiwa kune aichimbova mushandirwi wayo nokuvavakidzani vayo, ipapo yakaendesa zvimwe zvinhu kumapurisa. Iyo yakadikanirwa kubhadhara muripo ndokubatira nguva pfupi mutorongo, asi zvino ine hana yakanaka. MuEngland, pashure pemwedzi miviri chete yefundo yeBhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha, yaichimbova mbavha yedhaimani yakazvipa imene kumapurisa, ayo akakatyamadzwa; akanga ave achiitsvaka kwemwedzi mitanhatu. Mukati memakore maviri nehafu ayo yakapedzera mutorongo, iyo yakafunda Bhaibheri nenzira yokushingaira ndokudzidza kugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navamwe. Pashure pokubudiswa kwayo yakazvipa imene nokuda kworubhapatidzo somumwe weZvapupu zvaJehovha.—VaEf. 4:28.
Mukurumbira weZvapupu zvaJehovha nokuda kwokutendeseka unosanozivikanwa. Vashandirwi vakaziva kuti Zvapupu hazvisati zviri zvisingazovabiri bedzi asi hazvisati zvichireva nhema kana kuti kuita kuti zvinyorwa zvive zvenhema panhungamiro yavashandirwi vazvo—aiwa, kwete kunyange kana zvikatyisidzirwa nokurasikirwa nebasa razvo. KuZvapupu zvaJehovha ukama hwakanaka naMwari hunokosha zvikuru kwazvo kupfuura tendero yomunhu upi noupi. Uye zvinoziva kuti, pasinei zvapo nokuti zviri kupi kana kuti zviri kuitei, “zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.”—VaH. 4:13; Zvir. 15:3.
MuItaly pepanhau rinonzi La Stampa rakati pamusoro peZvapupu zvaJehovha: “Izvo zvinoshandisa zvazvinoparidza . . . Mifungo yetsika yorudo nokuda kwomuvakidzani, kurambwa kwesimba, kusava namasimba masimba nokutendeseka kwomunhu oga (iyo nokuda kwavaKristu vazhinjisa iri ‘mitemo yeSvondo’ yakanaka bedzi nokuda kwokuparidzwa pachikuva) inopinda mumararamire azvo e‘zuva nezuva.’” Uye muUnited States, Louis Cassels, mupepeti wenhau worudzidziso weUnited Press International, Washington, D.C., akanyora, kuti: “Zvapupu zvinonamatira kuzvitendero zvazvo nokutendeka kukuru, kunyange apo kuita saizvozvo kunenge kune ngozi zvikuru.”
Chikonzero Nei Kubheja Kwave Kusiri Chinetso Pakati Pazvo
Munguva dzakapfuura, kutendeseka kwaiwanzobatanidzwa nokudisa kuita basa rakaoma. Kubheja, ndiko kuti, kubheja chitsama chakati chemari mukubheja mugumisiro womutambo kana kuti chimwe chiitiko, kwaizvidzwa nenzanga yose zvayo. Asi sezvo mudzimu woudyire, wokupfuma wakavamba kupararira muzana ramakore rechi20, kubheja—kwapamutemo nokusati kuri kwapamutemo—kwakava kwakapararira. Kunotsigirwa kwete bedzi namatsotsi asi kazhinji kazhinjiwo nechechi nehurumende dzenyika kuti vawane mari. Zvapupu zvaJehovha zvakabata sei neiyi chinjo yechimiro chendangariro munzanga? Pahwaro hwenheyo dzeBhaibheri.
Sezvave zvichioneswa muzvinyorwa zvazvo, hakuna murayiro wakananga muBhaibheri unoti, Haufaniri kubheja. Asi chibereko chokubheja chakaipa nguva dzose, uye ichi chibereko chakaora chakaratidzirwa neNharireyomurindi neMukai! kwehafu yezana ramakore. Kupfuurirazve, aya magazini akaratidza kuti kubheja muchimiro chipi nechipi kunobatanidza zvimiro zvendangariro izvo Bhaibheri rinonyevera pamusoro pazvo. Somuenzaniso, kuda mari: “Kuda mari ndiwo mavambo amarudzi ose ezvinhu zvinokuvadza.” (1 Tim. 6:10, NW) Uye udyire: “Uyewo haufaniri kupanga nenzira youdyire . . . chinhu chipi nechipi chiri chomunhu biyako.” (Dheut. 5:21, NW; enzanisa na1 VaKorinte 10:24.) Uyewo makaro: “Regai kusonganirana nomunhu upi noupi anonzi hama uyo ari . . . munhu ane makaro.” (1 VaK. 5:11, NW) Mukuwedzera, Bhaibheri rinonyevera pamusoro pokukumbira “Mhanza Yakanaka” sokunge kune rudzi rwakati rwesimba rinopfuura romuzvarirwo iro ringagona kupa nyasha. (Isa. 65:11, NW) Nemhaka yokuti zvinoshandisa idzi nyevero dzapaMagwaro, Zvapupu zvaJehovha zvinodzivisa zvakasimba kubheja. Uye kubvira muna 1976 zvakashandisa nhamburiko chaiyo yokudzivisa kuva noupi noupi pakati pazvo uyo ane basa rokunyika ringazvizivisa nenzira yakajeka sorutivi rwesangano rinobheja.
Kubheja hakuna kutongova chinetso chaichoicho pakati peZvapupu zvaJehovha. Zvinoziva kuti panzvimbo pokusimudzira mudzimu wemhindu vamwe vachikuvadzwa, Bhaibheri rinozvikurudzira kushanda namaoko azvo, kuva zvakatendeka mukutarisira zvakaronzeswa kwazviri, kuva zvine rupo, kugoverana naavo vanoshayiwa. (VaEf. 4:28; Ruka 16:10; VaR. 12:13; 1 Tim. 6:18) Ikoku kunozivikanwa nenzira iri nyore here navamwe vanobata nazvo? Hungu, zvikurukuru naavo vazvinobata navo mubhizimisi. Kwave kusiri kwechienzi kuti vashandi vokunyika vatsvake Zvapupu zvaJehovha savashandi nemhaka yokuti vanoziva nezvokutungamirirwa kwazvo nehana nokuvimbika. Vanoziva kuti ndirwo rudzidziso rweZvapupu urwo runozviita rudzi rwavanhu rwazviri.
Zvakadiniko Nefodya Nokushandiswa Zvisina Kufanira Kwemirimo?
Bhaibheri harisati richidudza fodya, uyewo haridudzi mimwe mirimo yakawanda iyo inoshandiswa zvisina kufanira muzuva redu. Asi rinogovera nhungamiro idzo dzakabetsera Zvapupu zvaJehovha kusarudza kuti inzirai yomufambiro yaizova inofadza kuna Mwari. Nokudaro, shure kure sa1895, apo Nharireyomurindi yakatsinhira pamusoro pokushandiswa kwefodya, yakanangidzira ngwariro kuna 2 VaKorinte 7:1 (NW), iyo inoti: “Naizvozvo, sezvo tine zvipikirwa izvozvi, vadiwa, ngatizvichenesei timene pachinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene mukutya Mwari.”
Kwamakore akawanda zano iroro rakaratidzika kuva rakakwana. Asi sezvo kambani dzefodya dzakashandisa kuzivisa kuita kuti kusvuta kukwezve, uye ipapo kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo “isati iri yapamutemo” kwakapararira, zvakawanda zvaidikanwa. Dzimwe nheyo dzeBhaibheri dzakasimbiswa: kuremekedza Jehovha, Mupi woupenyu (Mabasa 17:24, 25); kuda muvakidzani (Jak. 2:8), uye idi rokuti munhu asingadi munhu biyake haadi chaizvoizvo Mwari (1 Joh. 4:20); uyewo kuteerera vatongi vokunyika (Tito 3:1). Kwakaoneswa kuti shoko rechiGiriki phar·ma·kiʹa, iro rinoratidzira zvikurukuru “kushandiswa kwemirimo,” rakashandiswa navanyori veBhaibheri kunongedzera ku“muitiro wokushandisa midzimu” nemhaka yokushandiswa kwemirimo mumiitiro yokushandisa midzimu.—VaG. 5:20.
Shure muna 1946, magazini inonzi Consolation yakafumura muitiro wokunyengera kazhinji kazhinji wokutaura kunoitwa navanhu vanobhadharwa kunoshandiswa mukuziviswa kwemidzanga. Sezvo ufakazi hwesayenzi hwakawanika, mutsivi weConsolation, Mukai!, yakazivisawo chibvumikiso chokuti kushandiswa kwefodya kunoparira gomarara, hosha yemwoyo, kuvadziko kumwana asati aberekwa womukadzi ane pamuviri, uye kuvadziko kuvasati vari vasvuti avo vanogombedzerwa kufema mweya wakazadzwa noutsi, pamwe chete noufakazi hwokuti chikakananda chinopinda muropa. Ngwariro yakakweverwa kumugumisiro unodhakisa wembanje nokuufakazi hwokuti kushandiswa kwayo kunogona kuguma nokukuvadzwa kwouropi. Nenzira yakafanana ngozi dzakakomba dzemimwe mirimo inopinda muropa dzakakurukurwa dzakurukurwazve nokuda kwokubetserwa kwavaravi vezvinyorwa zveWatch Tower.
Kare kare masangano ehurumende asati abvuma pamusoro petambanuko yaanofanira kungwadza vanhu kukuvadziko inobva mukushandiswa kwefodya, Nharireyomurinidi yechiNgezi, muchinyorwa chayo chaMarch 1, 1935, yakajekesa kuti hakuna munhu uyo akanga ari mushandisi wefodya aigona kuva mutezo wavashandi vapadzimbahwe reWatch Tower Bible and Tract Society kana kuti kuva mumwe wavamiriri vayo vakagadzwa. Pashure pokunge vabatiri vose vari muungano dzeZvapupu zvaJehovha vagadzwa neSosaiti (iri gadziriro yakavamba muna 1938), Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1942, yakataura kuti kurambidzwa kwokushandiswa kwefodya kwaishandawo kuvabatiri vose vakagadzwa ivava. Mune dzimwe nharaunda makore akati akapfuura ikoku kusati kwashandiswa zvizere. Zvisinei, voruzhinji veZvapupu zvaJehovha vakagamuchira zvakanaka zano rapaMagwaro nomuenzaniso wakanaka waavo vanotungamirira pakati pavo.
Seimwe nhano yokufambira mberi mukushandiswa kunotsinhirana kwezano iroro reBhaibheri, hakuna vakanga vachiri vasvuti vakagamuchirwa nokuda kworubhapatidzo kubvira muna 1973 zvichienda mberi. Mukati memwedzi yakatevera, avo vakanga vachibatanidzwa nenzira yokushingaira mukugadzirwa kwefodya kana kuti mukutsigira kutengeswa kwefodya vakabetserwa kuziva kuti vaisagona kupfuurira kuita kudaro ndokugamuchirwa seZvapupu zvaJehovha. Zano reShoko raMwari rinofanira kushandiswa nguva dzose murutivi rwuri rwose rwoupenyu. Kushandiswa kwakadaro kwenheyo dzeBhaibheri kukushandiswa kwefodya, mbanje, uye inonzi mirimo inodhakisa kwakadzivirira Zvapupu. Nokushandiswa kwaMagwaro, zvakakwanisawo kubetsera zviuru zvakawanda zvavanhu zvaiva noupenyu hwakanga huchiparadzwa nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo.
Zvinwiwa Zvinodhaka Zvakasiyana Here?
Zvinyorwa zveWatch Tower hazvina kugamuchira murangariro wokuti kushandiswa kwezvinwiwa zvinodhaka ndokumwe cheteko nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Zvokona neiko? Izvo zvinotsanangura, kuti: Musiki anoziva nzira yatakaitwa nayo, uye Shoko rake rinobvumidza kushandiswa kune mwero kwezvinwiwa zvinodhaka. (Pis. 104:15; 1 Tim. 5:23) Asi Bhaibheri rinonyeverawo pamusoro po‘kunyanyonwisa,’ uye rinoshurikidza zvakasimba udhakwa.—Zvir. 23:20, 21, 29, 30; 1 VaK. 6:9, 10; VaEf. 5:18.
Nemhaka yokuti kunwiwa kusina mwero kwezvinwiwa zvinodhaka kwakanga kuchiparadza upenyu hwavanhu vakawanda, Charles Taze Russell amene akada kurega chose chose. Bva, iye akabvuma kuti Jesu akashandisa waini. Mukati mezana ramakore rechi19 norutivi rwapakuvamba rwezana ramakore rechi20, kwakanga kune kutsamwira kukuru kwavanhu kurambidzwa kwapamutemo kwedoro muUnited States. Nharireyomurindi yakaratidzira nokusununguka kunzwira urombo avo vakanga vachiedza kurwisa kuvadziko inobva mudoro, asi haina kukumbanira nhimbe yavo yokuita kuti mitemo yokurambidza iitwe. Zvisinei, magazini yacho yakanongedzera zvakasimba kukuvadziko inobva mukunyanyisa uye yaiwanzotaura kuti kwaizova kuri nani kudzivisa waini nedoro chose chose. Avo vainzwa kuti vaigona kushandisa doro nenzira ine mwero vakakurudzirwa kurangarira VaRoma 14:21 (NW), iyo inoti: “Kwakanaka kusadya nyama kana kuti kunwa waini kana kuti kuita chinhu chipi nechipi icho hama yako inogumburwa nacho.”
Zvisinei, muna 1930, apo mutungamiriri weAnti-Saloon League muUnited States akasvika pakutaura pachena kuti sangano rake raka“berekwa naMwari,” J. F. Rutherford, panguva iyoyo purezidhendi weWatch Tower Society, akashandisa nhambo yacho kupa hurukuro dzomuredhiyo achiratidza kuti kutaura kwakadaro kwaiva kuchera Mwari. Neiko? Nemhaka yokuti Shoko raMwari harirambidzi kushandiswa kwose kwewaini; nemhaka yokuti mitemo inorambidza yakanga isati iri kugumisa udhakwa, uhwo Mwari anoshurikidza; uye nemhaka yokuti mitemo yokurambidza, panzvimbo pezvo, yakanga yaparira kuita kwakaipa kwokuparadzirwa kwedoro kusati kuri kwapamutemo nokushatiswa kwehurumende.
Kushandiswa kwezvinwiwa zvinodhaka kana kuti kuzvirega kunorangarirwa senhau yomunhu oga pakati peZvapupu zvaJehovha. Asi zvinonamatira kuchinodikanwa chapaMagwaro chokuti vatariri vanofanira kuva “vane mwero mutsika.” Kutaura ikoko kunoshandurwa kubva mune·phaʹli·on wechiGiriki, iro rinoreva, chaizvoizvo kuti, ‘akapengenuka, anozvidzora; kurega waini, chose chose kana kuti zvimwe toti hedu pakushandiswa kwayo kusina mwero.’ Vabatiri vanoshumira, vanofanira kuva varume “vasinganwi waini zhinji.” (1 Tim. 3:2, 3, 8, NW) Naizvozvo, zviradza hazvikwanirisi nokuda kweropafadzo chaidzo dzebasa. Idi rokuti avo vanotungamirira pakati peZvapupu zvaJehovha vanogadza muenzaniso wakanaka rinovapa rusununguko rwokutaura mukubetsera vamwe vangave vachivimba nezvinwiwa zvinodhaka kuti vagonane nokuora mwoyo kana kuti, kutaura idi, vangafanira kuva varegi chose chose kuti varambe vakapengenuka. Ndeipi iri migumisiro yacho?
Somuenzaniso, mushumo wenhau wakabva kumaodzanyemba kwepakati peAfrica, unoti: “Kubva munhoroondo dzose, nharaunda dziya umo Zvapupu zvaJehovha zvakasimba zvikurusa pakati pevomuAfrica zvino inharaunda dzisina chinetso zvikuru kupfuura dzeavhareji. Zvirokwazvo zvave zvichishingaira mukurwisana navakuchidziri, uroyi, udhakwa namasimba masimba zvorudzi rupi norupi.”—The Northern News (Zambia).
Imwe nzira inokosha umo mufambiro weZvapupu zvaJehovha unosiyana nayo nouyo wenyika uri pamusoro po—
Kuremekedza Upenyu
Ruremekedzo rwakadaro rwakasimbiswa mukuzivikanwa kweidi rokuti upenyu chipo chinobva kuna Mwari. (Pis. 36:9; Mabasa 17:24, 25) Runobatanidza kuziva kuti kunyange upenyu hweasati aberekwa hunokosha mumeso aMwari. (Eks. 21:22-25; Pis. 139:1, 16) Runorangarira kuti “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira amene kuna Mwari.”—VaR. 14:12, NW.
Mutsinhirano neidzi nheyo dzeBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvakadzivisa nguva dzose muitiro wokubvisa pamuviri. Kuti igovere nhungamiro yakanaka kuvaravi vayo, magazini yeMukai! yakavabetsera kunzwisisa kuti rucheno ndichinodikanwa choumwari; yakakurukura muudzame zvishamiso zvomuitiro wokubereka pamwe chete nezvinhu zvemirangariro nezvomumuviri zvinobatanidzwa mukuberekwa kwomwana. Munguva yapashure peHondo Yenyika II, sezvo kubvisa pamuviri kwakava kunozivikanwa navose zvikuru, Nharireyomurindi yakaratidza nenzira yakajeka kuti uyu muitiro unopesana neShoko raMwari. Chichitaura zvakajeka, chinyorwa chechiNgezi chaDecember 15, 1969, chakati: “Kubvisa pamuviri kuti ungoparadza mwana asingadikanwi ndikumwe cheteko nokuuraya munhu.”
Chikonzero Nei Kuisirwa Ropa Kuchirambwa
Kuremekedza upenyu kunoratidzwa neZvapupu zvaJehovha kwakatapurawo chimiro chazvo chendangariro kukuisirwa ropa. Apo kuisirwa ropa kwakava chinetso chainangana nazvo, Nharireyomurindi yechiNgezi yaJuly 1, 1945, yakatsanangura muudzame murangariro wechiKristu pamusoro pokuyera kweropa.c Yakaratidza kuti ropa rezvose zviri zviviri remhuka neiro ravanhu raibatanidzwa mukurambidza kwaMwari uko kwakaitwa kuti kushande pana Noa navazukuru vake vose. (Gen 9:3-6) Yakaonesa kuti ichi chinodikanwa chakasimbiswazve muzana rokutanga ramakore mumurayiro wokuti vaKristu va‘rege ropa.’ (Mabasa 15:28, 29) Nyaya imwe cheteyo yakakujekesa muMagwaro kuti kushandiswa kwokubayira bedzi kweropa ndiko kwati kwambotenderwa naMwari, uye kuti sezvo zvibayiro zvemhuka zvaipiwa muMutemo waMosesi zvaideya kufananidzira chibayiro chaKristu, kuzvidza chinodikanwa chokuti vaKristu va‘rege ropa’ kwaizova ufakazi hwokusaremekedza kukuru chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Revh. 17:11, 12; VaH. 9:11-14, 22) Mutsinhirano nenzwisiso iyoyo yezvinhu, kuvambira muna 1961 vapi navapi vaifuratira chinodikanwa chaMwari, vaigamuchira kuisirwa ropa, uye vairatidzira chimiro chendangariro chokusapfidza vaidzingwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha.
Pakutanga, migumisiro yomumuviri yapashure yokuisirwa ropa haina kukurukurwa muzvinyorwa zveWatch Tower. Gare gare, apo mashoko akadaro akawanika, iwayowo akabudiswa—kwete sechikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichiramba kuisirwa ropa asi kuti zvisimbise kunzwisisa kwazvo kurambidza uko Mwari amene akanga aisa pakushandiswa kweropa. (Isa. 48:17) Nokuda kwechinangwa ichocho, muna 1961 bhukwana rakasanotsigirwa rinonzi Blood, Medicine and the Law of God rakabudiswa. Muna 1977 rimwe bhukwana rakadhindwa. Irori, rine musoro unoti Jehovah’s Witnesses and the Question of Blood, rakasimbisazve idi rokuti chimiro chinotorwa neZvapupu zvaJehovha ndechorudzidziso, chakavakirwa paizvo Bhaibheri rinotaura, uye hachitsamiri pangozi dzezvokurapa. Kumwe kuwiriraniswa nomusi kwenhau yacho kwakapiwa muna 1990 mubhurocha rinonzi How Can Blood Save Your Life? Zvichishandisa izvi zvinyorwa, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa nhamburiko huru kuti zviwane batira pamwe yavanachiremba nokuvabetsera kunzwisisa chimiro cheZvapupu. Zvisinei, kwamakore akawanda kushandiswa kwokuisirwa ropa kwakakosheswa zvikuru navanachiremba.
Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakaudza vanachiremba kuti zvakanga zvisingarambi kumwe kurapa nemhaka yorudzidziso, kuramba kuisirwa ropa kwakanga kusati kuri nyore. Kazhinji kazhinji, dzvinyiriro huru yakashandiswa paZvapupu nemhuri dzazvo kuti vatere kuwaiva panguva iyoyo muitiro wenguva dzose wokurapa. MuPuerto Rico, muna November wa1976, Ana Paz de Rosario aiva nemakore 45 okukura akabvuma kuvhiyiwa nokurapwa kwaidikanwa asi akakumbira kuti nemhaka yezvitendero zvake zvorudzidziso, ropa rirege kushandiswa. Kunyange zvazvo zvakadaro, aine murayiro wedare, mapurisa mashanu navakoti vatatu vakaenda kukamuri rake romuchipatara pashure papakati pousiku, vakamusungira pamubhedha, uye akaisirwa ropa nokumanikidza, mukupesana nezvido zvake neizvo zvomurume wake navana. Akakatyamadzwa ndokufa. Ichochi chakanga chisitongori chiitiko choga, uye makanga musati muri bedzi muPuerto Rico umo zvinokatyamadza zvakadaro zvakaitika.
MuDenmark, vabereki vari Zvapupu vakarondwa namapurisa muna 1975 nemhaka yokuti vakaramba kubvumira kuti kuisirwa ropa kumanikidzirwe pamwanakomana wavo muduku asi, panzvimbo pezvo, vakatsvaka kumwe kurapa. MuItaly, muna 1982, vanyakuroorana avo vakanga vatsvaka nenzira yorudo kurapwa munyika ina kwomwanasikana wavo airwara zvisingarapiki vakatongerwa makore 14 mutorongo papomero yokuponda pashure pokunge musikana wacho afa apo akanga achiisirwa kuisira kwakarayirwa nedare.
Kazhinji kazhinji, pamusoro pokuedza kumanikidza kuisira vana veZvapupu zvaJehovha, utsinye hukuru hwavanhu hwakanyandurwa nezvinobudisa nhau. Mune zvimwe zviitiko, kunyange pasina kutonga kwapamutemo apo vabereki vaigona kutaura, vatongi vakarayira kuti vana vazvo vaisirwe. Muzviitiko zvinopfuura 40 muCanada, zvisinei, vana vakaisirwa vakadzorerwa vafa kuvabereki vavo.
Havasati vari vanachiremba vose navatongi vanobvumirana neiyi mitoo yechisimba. Vashomanene vakavamba kukurudzira chimiro chendangariro chokubetsera zvikuru. Vanachiremba vakati vakashandisa unyanzvi hwavo kuti varape pasina ropa. Mukuita saizvozvo, vakawana ruzivo rwokuzviwanira rukuru mumarudzi ose okuvhiya kusina ropa. Kwakaratidzirwa zvishoma nezvishoma kuti marudzi ose okuvhiya aigona kuitwa nenzira inobudirira, pavose vari vaviri vakuru navacheche, pasina kuisirwa ropa.d
Kuti zvidzivise bonderano dzisiri madikanwa mumamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza, pakuvamba muma1960 Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kuita shanyo chaidzo kuna vanachiremba vazvo kuti zvikurukure chimiro chazvo nokuvagovera mabhuku akakodzera. Gare gare zvakakumbira kuti kutaura kwakanyorwa kuiswe mumafaira azvo omunhu oga ezvokurapwa kuchitaura kuti hapana kuisirwa ropa kwaifanira kuitwa kwazviri. Pakasvika ma1970, zvakakuita muitiro wenguva dzose kutakura kadhi rokuzivisa vanachiremba idi rokuti hapana ropa razvaifanira kuisirwa mumamirire ezvinhu api neapi. Pashure pokubvunza vanachiremba namagweta, rudzi rwekadhi racho rwakagadziridzwa kuriita kuti rive gwaro rapamutemo.
Kutsigira Zvapupu zvaJehovha muuku kutsunga kudzivisa kuisirwa kwazvo ropa, kubvisa kusanzwisisa kwavanachiremba nezvipatara, uye kutanga mudzimu wokubatira pamwe zvikuru pakati pamasangano ezvokurapa navarwere vari Zvapupu, Matare Okubata Nechipatara akatangwa panhungamiro yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Kubva pamashomanene amatare akadaro muna 1979, nhamba yawo yakakura kusvikira kuanopfuura 800 munyika dzinopfuura 70. Vakuru vakasarudzwa vakarovedzwa uye vari kugovera betsero yakadaro muNorth America, Far East, nyika huru dzeSouth Pacific, Europe, uye Latin America. Mukuwedzera kukutsanangura chimiro cheZvapupu zvaJehovha, ava vakuru vanozivisa vashandi vomuzvipatara idi rokuti kune zvimwe zvakanaka kupfuura kuisirwa kweropa. Mumamirire ezvinhu anoda betsero yokukurumidza vanobatsira mukuronga kubvunza pakati pavanachiremba vakatanga kuonana nomurwere navavhiyi vakatarisira zviitiko zvakafanana zveZvapupu pasina ropa. Uko kuri madikanwa, aya matare akashanyira kwete bedzi vashandi vapachipatara asiwo vatongi avo vakabatanidzwa muzviitiko umo zvipatara zvakatsvaka murayiro wedare nokuda kwokuisira.
Apo kuremekedza chitendero chazvo chorudzidziso pamusoro pokuyera kweropa kwakanga kusingagoni kuvimbiswa nemimwe mitoo, Zvapupu zvaJehovha, panhambo nenhambo, zvakaendesa vanachiremba nezvipatara kudare. Kazhinji kazhinji zvakatsvaka murayiro unodzivisa chete kana kuti mutemo. Mumakore achangobva kupfuura aya, zvisinei, zvakamhan’ara kuti zvakakuvadzwa navanachiremba nezvipatara zvakaita nenzira yechisimbwa. Muna 1990 Ontario Court of Appeal, muCanada, yakatsigira kumhan’ara kukuvadzwa kwakadaro nemhaka yokuti chiremba akanga afuratira kadhi raiva muchikwama chomurwere iro raitaura nenzira yakajeka kuti Chapupu chacho chaisazogamuchira kuisirwa ropa mumamirire ezvinhu api neapi. MuUnited States, kubvira muna 1985, kunenge gumi kwokumhan’ara kukuvadzwa kwakadaro kwakaitwa mumativi akasiyana-siyana enyika yacho, uye kazhinji kazhinji avo vaimhan’arirwa vakasarudza kupedza kunze kwedare nokuda kwechitsama chinodikanwa panzvimbo pokutarisana nebviro yokuti vatongi vangarayira zvakatowanda zvikuru mukuvadziko. Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga zvizere kuteerera kurambidza kwaMwari pamusoro pokushandiswa kweropa. Izvo zvingava hazvo zvarega kuendesa vanachiremba kudare, asi izvo zvichakuita pakunenge kuri madikanwa kuvaregedzesa kumanikidza paZvapupu kurapa kunosembura mutsika kwazviri.
Vanhu vari kuva vanoziva zvikuru kwazvo ngozi dziri mukuisirwa ropa. Ikoku, murutivi, kuri nemhaka yokutya AIDS. Zvapupu, zvisinei, zvinonyandurwa nechishuvo chapachokwadi chokufadza Mwari. Muna 1987 pepanhau rezvokurapa rezuva nezuva reFrance Le Quotidien du Médecin rakati: “Zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakarurama mukuramba kushandiswa kwezvinhu zvinogadzirwa neropa, nokuti ichokwadi kuti utachiona hwakati hunogona kupfuudzirwa neropa rinoisirwa.”
Chimiro chinotorwa neZvapupu zvaJehovha hachina kuvakirwa pazivo yakakwirira yezvokurapa inovambwa nazvo. Izvo zvinongova hazvo nechivimbo chokuti nzira yaJehovha yakarurama uye kuti ‘iye haasati achizonyima chinhu chipi nechipi chakanaka’ vabatiri vake vakavimbika. (Pis. 19:7, 11; 84:11) Kunyange kana Chapupu chikafanira kufa somugumisiro wokurasikirwa neropa—uye ikoku kwakaitika panhambo nenhambo—Zvapupu zvaJehovha zvine chivimbo chakazara chokuti Mwari haakanganwi vakatendeka vake asi achavadzorera kuupenyu kupfurikidza norumuko.—Mabasa 24:15.
Apo Vanhu Vamwe Navamwe Vanosarudza Kufuratira Mipimo yeBhaibheri
Mamiriyoni avanhu akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, asi havasati vari vose vavo vakava Zvapupu. Apo vanhu vakati vanodzidza mipimo yakakwirira iyo inoshanda, vanosarudza kuti irworwu harwusati rwuri rudzi rwoupenyu rwavanoda. Vose avo vanobhapatidzwa vanotanga kupiwa murayiridzo wakakwana mudzidziso dzehwaro dzeBhaibheri, uye pashure pacho (zvikurukuru kubvira muna 1967) vakuru vari muungano vanohwirudzura dzidziso dzakadaro neanoda kubhapatidzwa mumwe nomumwe. Nhamburiko iri yose inoitwa kuva nechokwadi chokuti avo vari kubhapatidzwa vanonzwisisa nenzira yakajeka kwete bedzi dzidziso asiwo izvo mufambiro wechiKristu unobatanidza. Zvisinei, zvakadiniko kana vamwe vaivava gare gare vakabvumira kuda nyika kuvanyengera kuti vapinde muchakaipa chakakomba?
Pakuvamba sa1904, mubhuku rinonzi The New Creation, ngwariro yakapiwa kudikanwo yokuita chiito chakafanira nokuda kwokusabvumira kushatiswa kweungano. Nzwisiso iyo Vadzidzi veBhaibheri vakanga vanayo panguva iyoyo yomuitiro wokubata nawo navatadzi sezvakarongwa pana Mateo 18:15-17 yakakurukurwa. Mutsinhirano naikoku, kwakanga kune, panhambo dzisati dziri dzenguva dzose, ‘kutonga kwechechi’ umo ufakazi hwechakaipa mumhaka dzakakomba hwaipiwa kuungano yose. Makore akati gare gare, Nharireyomurindi, muchinyorwa chayo chechiNgezi chaMay 15, 1944, yakahwirudzura nhau yacho nebetsero yeBhaibheri rose ndokuratidza kuti nhau dzakadaro dzinotapura ungano dzinofanira kutarisirwa nehama dzakavimbika dzakaronzeswa kutarisira ungano. (1 VaK. 5:1-13; enzanisa naDheuteronomio 21:18-21.) Ikoku kwakateverwa, muNharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1, 1952, nenyaya dzakasimbisa kwete bedzi muitiro wakafanira asi dikanwo yokuita chiito kuchengeta sangano rakachena. Kubvira panguva iyoyo, nhau yacho yakarangarirwa yarangarirwazve. Asi vavariro dzacho dzakaramba dziri dzimwe chetedzo nguva dzose: (1) kuchengeta sangano rakachena uye (2) kuroverera pamutadzi kudikanwa kworupfidzo rwapachokwadi, nomurangariro wokumuwanazve.
Muzana rokutanga ramakore, makanga mune vamwe vakasiya kutenda nokuda kwamararamire ounzenza. Vamwe vakatsauka nemhaka yedzidziso dzokuramba kutenda. (1 Joh. 2:19) Chinhu chimwe chetecho chinopfuurira kuitika pakati peZvapupu zvaJehovha muzana rino ramakore rechi20. Nenzira inosuruvarisa, munguva dzichangobva kupfuura idzi kwave kuri madikanwa kudzinga makumi ezviuru avatadzi vasingapfidzi gore rimwe nerimwe. Vakuru vakatanhamara vakabatanidzwa pakati pavo. Zvinodikanwa zvimwe chetezvo zvapaMagwaro zvinoshanda kuna vose. (Jak. 3:17) Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti kuchengeta sangano rakachena mutsika kunokosha nokuda kwokupfuurira kuva netendero yaJehovha.
Kupfeka Unhu Hutsva
Jesu akakurudzira vanhu kuva vakachena kwete bedzi kunze asiwo mukati. (Ruka 11:38-41) Iye akaratidza kuti zvinhu zvatinotaura nokuita kuratidzirwa kwezviri mumwoyo medu. (Mat. 15:18, 19) Sokutsanangura kwakaita muapostora Pauro, kana tikadzidziswa zvirokwazvo naKristu, ti‘chaitwa vatsva musimba rinonyandura ndangariro yedu’ uye ticha‘pfeka unhu hutsva, uhwo hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.’ (VaEf. 4:17-24) Avo vari kudzidziswa naKristu vanotsvaka kuwana “chimiro chimwe chetecho chendangariro icho Kristu Jesu akanga anacho” kuti vafunge nokuita sezvaaiita. (VaR. 15:5, NW) Mufambiro weZvapupu zvaJehovha savanhu vamwe navamwe kuratidzirwa kwoukuru uhwo vakaita ikoko chaizvoizvo.
Zvapupu zvaJehovha hazvitauri kuti mufambiro wazvo hauna chikanganiso. Asi ndezvapachokwadi mukuedza kwazvo kuva vatevedzeri vaKristu sezvo zvinowirirana nomupimo wakakwirira weBhaibheri womufambiro. Hazvirambi kuti kune vamwe vanhu vamwe navamwe vanoshandisa mipimo yakakwirira yetsika muupenyu hwavo. Asi kana zviri Zvapupu zvaJehovha, zvinozivikanwa nyore nyore kwete bedzi savanhu vamwe navamwe asiwo sesangano ramarudzi akawanda nemhaka yomufambiro unowirirana nemipimo yeBhaibheri. Zvinosundwa nezano rakafuridzirwa rakanyorwa pana 1 Petro 2:12 (NW), rinoti: “Chengetai mufambiro wenyu uri wakaisvonaka pakati pamarudzi, kuti . . . somugumisiro wamabasa enyu akaisvonaka ayo vari zvapupu zvinoona vagorumbidza Mwari.”
[Mashoko Omuzasi]
a MuNharireyomurindi yechiNgezi yaOctober 15, 1941, nhau yacho yakakurukurwa zvakare, muchimiro chakati pfupikiswei, pasi pomusoro unoti “Unhu Kana Kuti Perero—Ndechipi?”
b Nharireyomurindi yechiNgezi yaApril 15, 1951, yakarondedzera ufeve so“kuvatana kwokudisa kwomunhu asina kuroora kana kuti asina kuroorwa nomunhu ane mitezo yokubereka nayo yakasiyana.” Chinyorwa chaJanuary 1, 1952, chakawedzera kuti muMagwaro shoko racho ringagona kushandawo kuutere hwevatano hwomunhu akaroora kana kuti akaroorwa.
c Kurukurirano dzapakuvamba dzokuyera kweropa dzakaoneka muNharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1927, pamwe chete neNharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1, 1944, iyo yakadudza zvakananga kuisirwa ropa.
d Contemporary Surgery, March 1990, map. 45-9; The American Surgeon, June 1987, map. 350-6; Miami Medicine, January 1981, p. 25; New York State Journal of Medicine, October 15, 1972, map. 2524-7; The Journal of the American Medical Association, November 27, 1981, map. 2471-2; Cardiovascular News, February 1984, p. 5; Circulation, September 1984.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 172]
“Zvine mipimo inoshamisa yetsika”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 174]
Kwakambova nomubvunzo here pamusoro pokuti ungochani hwaizorangarirwa sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 175]
Kuputsika kwetsika dzenyika hakuna kuparira Zvapupu kuva zvinoita madiro zvikuru
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 176]
Vamwe vakaedza kuva Zvapupu vasingaregi barika
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 177]
Gadziriro yakasimba yokudzidzisa murangariro waJehovha wechatanuro
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 178]
Chinjo dzinoshamisa muupenyu hwavanhu
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 181]
Fodya—Aiwa!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 182]
Zvinwiwa zvinodhaka—nenzira ine mwero, kana zvichitongonwiwa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 183]
Vakatsunga zvakasimba kusagamuchira ropa
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 187]
Kudzinga—kuchengeta sangano rakachena mutsika
[Bhokisi riri papeji 173]
‘Kukudziridza unhu’—Chibereko Chacho Chakanga Chisina Kunaka Nguva Dzose
Mushumo wakabva kuDenmark: ‘Vakawanda, zvikurukuru pakati peshamwari dzakura, munhamburiko dzavo dzapachokwadi dzokupfeka unhu hwechiKristu, vakaedza kudzivisa chinhu chiri chose icho chaiva nechiratidzo chidukusa chokuva wenyika uye munzira iyoyi kuzviita vamene vakafanirwa zvikuru noUmambo hwokudenga. Kazhinji kazhinji, kwairangarirwa kuva kusina kukodzera kunyemwerera mukati memisangano, uye vakawanda vehama dzakura vaipfeka sutu nhema bedzi, shangu nhema, uye tai nhema. Vaigutsikana kazhinji kazhinji nokurarama upenyu hwakanyarara uye hune rugare munaShe. Vaidavira kuti kwakanga kwakakwana kuita misangano ndokurega ma“colporteur” achiparidza.’
[Bhokisi riri papeji 179]
Izvo Vamwe Vanoona muZvapupu
◆ “Münchner Merkur,” pepanhau reGermany, rakashuma pamusoro peZvapupu zvaJehovha, kuti: “Izvo varipiri vemitero vakatendeseka zvikurusa navanochengeta nguva zvikurusa muFederal Republic. Kuteerera kwazvo mitemo kunogona kuoneka munzira yazvinotyaira nayo pamwe chete nomumaidi outsotsi. . . . Izvo zvinoteerera avo vane chiremera (vabereki, vadzidzisi, hurumende). . . . Bhaibheri, hwaro hwezviito zvazvo zvose, ndiro rinozvitsigira.”
◆ Meya muLens, France, akati kuZvapupu pashure pokunge zvashandisa nhandare yomunzvimbomo nokuda kweimwe yekokorodzano dzazvo: “Zvandinoda ndezvokuti munochengeta mhiko dzenyu nezvibvumirano zvenyu, pamusoro pezvo, makachena, makarangwa, uye makarongwa. Ndinoda sangano renyu. Handidi nyongano, uye handidi vanhu vanofamba-famba vachisvibisa nokuputsa zvinhu.”
◆ Bhuku rinonzi “Voices From the Holocaust” rine nhoroondo dzakabva kumupukunyuki wePoland wemisasa yevasungwa yeAuschwitz neRavensbrück uyo akanyora, kuti: “Ndakaona vanhu avo vakava vakanaka zvikuru kwazvo uye vanhu avo vakava vane rutsuta chose chose. Boka rakaisvonakisisa zvakanga zviri Zvapupu zvaJehovha. Ndinoremekedza vanhu ivavo. . . . Vakaitira vamwe vanhu zvinhu zvinoshamisa. Vakabetsera vanorwara, vakagoverana chingwa chavo, uye vakapa munhu ari wose aiva pedyo navo nyaradzo yomudzimu. VaGerman vaivavenga nokuvaremekedza panguva imwe cheteyo. Ivo vaivapa basa rakaipisisa asi ivo vairigamuchira nomufaro.”