CHITSAUKO 5
Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
JESU paaiva panyika achiita basa rekuparidza akaratidza kuti “mufudzi akanaka.” (Joh. 10:11) Paakaona vanhu vakawanda vaimutevera “akasiririswa navo, nekuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira semakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Petro nevamwe vaapostora vakaona kuda kwaaiita vanhu. Jesu akanga akasiyana nekure nevafudzi vechiIsraeri avo vakanga vachiregeredza makwai uye vachiasiya akapararira achiziya nenzara panyaya dzekunamata! (Ezek. 34:7, 8) Madzidzisiro akanaka aJesu uye madiro aaita makwai zvekutosvika pakuafira, zvakadzidzisa vaapostora vake kuti vabatsire makwai anenge arasika kuti adzoke kuna Jehovha, ‘mufudzi nemutariri wemweya yawo.’—1 Pet. 2:25.
2 Mumwe musi paaitaura naPetro, Jesu akasimbisa kukosha kwekudyisa uye kufudza makwai. (Joh. 21:15-17) Petro akanzwisisa zvaakaudzwa nekuti pave paya, akazokurudzira vakuru vemuungano yechiKristu yepakutanga kuti: “Fudzai boka raMwari riri mumaoko enyu, muchishanda sevatariri, musingaiti zvekumanikidzwa asi zvichibva pamwoyo sezvinodiwa naMwari; musingazviiti nekuda pfuma, asi nemwoyo wese; musingazviiti madzishe evaya vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka.” (1 Pet. 5:1-3) Mashoko akataurwa naPetro anoshandawo kuvatariri muungano mazuva ano. Vakuru vanotevedzera Jesu nekufudza makwai nemwoyo wese uye vachizvidira, vachiatungamirira pakushumira Jehovha.—VaH. 13:7.
Vakuru vanotevedzera Jesu nekufudza makwai nemwoyo wese uye vachizvidira, vachiatungamirira pakushumira Jehovha
3 Tinofara chaizvo kuti muungano tine vafudzi vanoita izvi vakagadzwa nemweya mutsvene. Vane zvakawanda zvavanotibatsira. Semuenzaniso, vanotikurudzira uye vanowanira nguva mumwe nemumwe ari muungano. Vhiki rimwe nerimwe vanotidzidzisa pamisangano yeungano uye tese tinobva tasimbiswa pakunamata. (VaR. 12:8) Vanoshanda nesimba kuti vadzivirire ungano kuti isakanganiswa nevanhu vanenge vava kutsauka uye izvi zvinoita kuti tinzwe takachengeteka. (Isa. 32:2; Tito 1:9-11) Kugara vachiita basa rekuparidza kunotikurudzira kuti tirambewo tichiparidza mashoko akanaka mwedzi nemwedzi. (VaH. 13:15-17) Jehovha anoshandisa varume ava ‘vaakapa sezvipo’ kuti ungano isimbiswe.—VaEf. 4:8, 11, 12.
ZVINHU ZVINODIWA KUTI MUNHU AVE MUTARIRI
4 Kuti ungano inyatsotarisirwa zvakanaka, varume vanogadzwa kuti vave vatariri vanofanira kunge vaine zvinhu zvinodiwa zviri muShoko raMwari. Chinoita kuti vanzi vakagadzwa nemweya mutsvene ndechekuti vanenge vachiita zvinotaurwa neMagwaro. (Mab. 20:28) Ichokwadi kuti pane zvakawanda zvinodiwa neMagwaro kuti murume azova mutariri wechiKristu nekuti ibasa rinokosha. Asi hazvirevi hazvo kuti zvinodiwa zvacho zvakanyanyisa, nekuti murume anonyatsoda Jehovha uye anoda kushandiswa naye anogona kuzviita. Zvinofanira kuoneka nemunhu wese kuti vatariri vanhu vanoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri pazvinhu zvavanoita muupenyu hwavo.
Kuti ungano inyatsotarisirwa zvakanaka, varume vanogadzwa kuti vave vatariri vanofanira kunge vaine zvinhu zvinodiwa zviri muShoko raMwari
5 Muapostora Pauro akataura zvimwe zvinodiwa neMagwaro kuvatariri mutsamba yekutanga yaakanyorera Timoti uye yaakanyorera Tito. Pana 1 Timoti 3:1-7 anoti: “Kana murume achivavarira kuva mutariri, ari kuda basa rakanaka. Saka mutariri anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa, murume ane mudzimai mumwe chete, anoita zvinhu zvine mwero, ane pfungwa dzakanaka, akarongeka, anogamuchira vaenzi zvakanaka, anokwanisa kudzidzisa, asiri chidhakwa, asingaiti mhirizhonga, asi anonzwisisa, asingapopoti, asingakari mari, murume anotungamirira imba yake zvakanaka, ane vana vanozviisa pasi nemwoyo wese (nekuti kana murume asingagoni kutungamirira imba yake, angazotungamirira sei ungano yaMwari?), kwete murume achangobva kutendeuka, kuti arege kuzokurirwa nekuzvikudza, akapiwa mutongo wakafanana newaDhiyabhorosi. Anofanirawo kupupurirwa zvakanaka nevanhu vari kunze, kuti arege kuzvidzwa uye kupinda mumusungo waDhiyabhorosi.”
6 Pauro akanyorera Tito kuti: “Ndakakusiya muKrete kuti ugadzirise zvakanga zvisina kumira zvakanaka uye kuti ugadze vakuru muguta rimwe nerimwe, sezvandakakurayira kuti: kana paine murume asina chaanopomerwa, murume ane mudzimai mumwe chete, ane vana vanotenda vasingapomerwi kuti havazvibati kana kuti havateereri. Nekuti semuranda waMwari, mutariri anofanira kuva munhu asina chaanopomerwa, asina kuoma musoro, asingakurumidzi kushatirwa, asiri chidhakwa, asingaiti mhirizhonga, asingakari pfuma, asi anogamuchira vaenzi zvakanaka, anoda zvakanaka, ane pfungwa dzakanaka, akarurama, akavimbika, anozvidzora, anobatisisa mashoko akatendeka pakudzidzisa kwake, kuti akwanise kukurudzira achidzidzisa zvinhu zvakanaka uye kutsiura vaya vanopikisa.”—Tito 1:5-9.
7 Kunyange zvazvo zvinhu izvi zvinodiwa neMagwaro zvichiita sekunge zvakawandisa, varume vechiKristu havafaniri kuzeza kuti vave vatariri. Pavanova neunhu uhwu hwakanaka hunotarisirwa kune vatariri, zvichatokurudzira vamwe vari muungano kuti vatevedzerewo. Pauro akanyora kuti ‘varume vatakapiwa sezvipo’ basa ravo nderekuti “vatsvene varuramiswe kuti vaite basa rekushumira, muviri waKristu uvakwe, kusvikira tese tasvika pakubatana mukutenda uye muruzivo rwakarurama pamusoro peMwanakomana waMwari, tava munhu akakura zvakakwana, ane chimiro chakazara chaKristu.”—VaEf. 4:8, 12, 13.
8 Vatariri havasi tukomana kana kuti varume vachangotendeuka. Asi kuti vanhu vava neruzivo pakurarama sevaKristu, vanonzwisisa Bhaibheri, vanogona kushandisa Magwaro uye vanoda chaizvo ungano. Havatyi kutaura uye kutsiura munhu anenge achiita zvakaipa uye kuita izvi kunobatsira kuti ungano isakanganiswa. (Isa. 32:2) Vatariri vanoonekwa zviri nyore neungano yese kuti varume vakakura pakunamata uye vanhu vanoda nemwoyo wese makwai aMwari.
9 Vaya vanogadzwa kuti vave vatariri vanofanira kuratidza kuti vanoshandisa zvinotaurwa neMagwaro muupenyu hwavo. Kana aine mudzimai, mutariri anofanira kuita zvinotarisirwa kumuKristu anemba, zvakadai sekuva murume ane mudzimai mumwe chete uye anotungamirira imba yake zvakanaka. Kana mutariri aine vana vanotenda vasingapomerwi kuti havazvibati kana kuti havateereri, vamwe vari muungano vachanzwa vakasununguka kuuya kwaari kuti vapiwe mazano paupenyu hwemhuri kana kuti pakurarama kwechiKristu. Mutariri anofanirawo kuva asina chaanopomerwa uye anopupurirwa zvakanaka kunyange nevanhu vari kunze. Hapana mhosva ine musoro yaanofanira kupomerwa nekuti zvinokanganisa kuchena kweungano. Haafaniri kuva munhu anenge achangobva kutsiurwa nemhaka yechivi chikuru chaakaita. Vamwe vari muungano vanofanira kunzwa vachida kutevedzera zvakanaka zvaanoita uye vakasununguka kutarisirwa naye panyaya dzekunamata.—1 VaK. 11:1; 16:15, 16.
10 Varume vakadaro vanokodzera kuti vashumire muungano yechiKristu vachiita mabasa akafanana neevakuru vechiIsraeri avo vainzi vakanga ‘vakachenjera, vachinzwisisa, uye vaine neruzivo.’ (Dheut. 1:13) Varume ava vanhu vanotadzawo sesu, asi vanozivikanwa neungano uye nevanhu vemunharaunda sevanhu vanotya Mwari uye vava nenguva yakati rebei vachirarama zvinoenderana nezvinodiwa naMwari. Nemhaka yeizvi vanonzwa vakasununguka kutaura pamberi peungano.—VaR. 3:23.
11 Varume vanogadzwa sevatariri vanofanira kuva nemwero pazvinhu zvavanoita uye mabatiro avanoita vamwe. Havasi vanachandagwinyira. Muupenyu hwavo vanoratidza kuti vanozvidzora. Vanooneka kuti vane mwero pazvinhu zvakadai sekudya, kunwa uye zvinhu zvavanoita zvinovavaraidza. Vanozvidzora panyaya yekunwa doro uye havanwi zvinozoita kuti vapedzisire vava kunzi vanodhakwa kana kuti zvidhakwa. Munhu anenge adhakwa haakwanisi kuzvidzora uye haagoni kuzotarisira makwai muungano.
12 Kuti murume ave mutariri muungano anofanira kuva akarongeka. Izvi zvinooneka pakushambidzika kwake, zvinenge zvakaita musha wake uye maitiro aanoita zvinhu mazuva ese. Akaziva kuti pane basa rinoda kuitwa haaverengeri. Anoita zvinhu maererano nemitemo yaMwari.
13 Mutariri anofanira kuva munhu anonzwisisa. Anofanira kushanda akabatana nedare revakuru vachitsigirana. Haafaniri kuzviona seanoziva kudarika vamwe uye haafaniri kunyanya kuda kuudza vamwe zvekuita. Mukuru anozvininipisa anobvumawo pfungwa dzevamwe vakuru kwete kuvaona sevasingazivi. Vamwe vanogona kunge vaine humwe unhu hwakanaka kana kuti zvimwewo zvavanogona kumudarika. Mukuru anoratidza kuti anonzwisisa paanotsigira neMagwaro zvaanenge achitaura uye paanoedza kutevedzera zvaiitwa naJesu Kristu. (VaF. 2:2-8) Mukuru haafaniri kuva munhu anopopota kana anoita mhirizhonga asi anofanira kuremekedza vamwe achivaona sevakuru kumupfuura. Haafaniri kuva munhu akaoma musoro, achida kuti zvinhu zvigare zvichiitwa nenzira yaanoda. Anofanira kuva munhu asingakurumidzi kushatirwa uye anofanira kugarisana nevamwe zvakanaka.
14 Saizvozvowo, munhu anogadzwa semutariri muungano anofanira kuva nepfungwa dzakanaka. Izvi zvinoreva kuti anotanga afunga asati amhanyirira kuita zvimwe zvinhu. Anonzwisisa zvinotaurwa neMagwaro uye anogona kunyatsozvishandisa. Ane pfungwa dzakanaka, anobvuma mazano aanopiwa uye kutsiurwa. Anofanira kunge asina unyengeri.
15 Pauro akayeuchidza Tito kuti mutariri anofanira kuva munhu anoda zvakanaka. Anofanira kuva akarurama uye akavimbika. Izvi zvinooneka nemabatiro aanoita vamwe uye kutsigira kwaanoita zvinhu zvakanaka uye zvakarurama. Akazvipira nemwoyo wese kuna Jehovha uye anoramba achiita zvinodiwa naMwari kunyange zvinhu pazvinooma. Munhu ane chipfuva. Uyewo anogamuchira vaenzi zvakanaka, achishandisa zvinhu zvake kuti abatsire vamwe asingazogunun’uni.—Mab. 20:33-35.
16 Kuti mutariri anyatsoshumira ungano anofanira kunge achikwanisa kudzidzisa. Pauro akaudza Tito kuti, mutariri anofanira kubatisisa “mashoko akatendeka pakudzidzisa kwake, kuti akwanise kukurudzira achidzidzisa zvinhu zvakanaka uye kutsiura vaya vanopikisa.” (Tito 1:9) Anofanira kukurukura nenzira inoita kuti munhu ashandise pfungwa dzake. Anofanirawo kupa umboo, kuratidza mapinduriro atingaita vanhu vanopikisa, uye kushandisa Magwaro zvekuti vamwe vanonyatsoona kuti ichi ndicho chokwadi zvoita kuti vasimbiswe kutenda kwavo. Mutariri anofanira kuita izvi, pazvinenge zvakanaka kunyange pazvinenge zvakaoma. (2 Tim. 4:2) Anofanira kuva nemwoyo murefu paanenge achitsiura munhu anenge atadza kana kuti paanenge achibatsira munhu anenge asina chokwadi nezvinotaurwa neMagwaro ozomukurudzira kuti aite mabasa akanaka. Kugona kudzidzisa pane vanhu vakawanda kana kuti munhu mumwe chete chiratidzo chekuti mutariri ari kuita zvaanotarisirwa kuita.
17 Zvakakosha kuti vakuru vagare vachiita basa rekuparidza. Zvinofanira kuoneka nemaitiro avo pabasa iri kuti vari kuedza kutevedzera Jesu, uyo aikoshesa basa rekuparidza mashoko akanaka. Jesu aida vadzidzi vake achivabatsira kuti vanyatsogona kuparidza. (Mako 1:38; Ruka 8:1) Vakuru pavanoita basa rekuparidza kunyange zvazvo vaine mabasa akawanda ekuita, zvinobatsira kuti ungano ishingairewo pakuparidza. Uye vakuru pavanoparidza nemhuri dzavo kana kuti nevamwe vemuungano, zvichaita kuti ‘vakurudzirane.’—VaR. 1:11, 12.
18 Zvinhu zvese izvi zvinotarisirwa kuti mutariri aite zvingaita sekuti zvakawandisa. Chokwadi ndechekuti hapana mutariri anonyatsoita zvese izvi nemazvo. Asi hapafaniri kuva nemukuru akagadzwa muungano anobva anyatsotadza zviri pachena kuita chimwe chezvinhu izvi nekuti zvikadaro anenge asingachakodzeri. Vamwe vakuru vane humwe unhu hwakanaka kudarika vamwe uye vamwe vane zvimwe zvavanogona kudarika vamwe. Kusiyana uku kwevakuru kunoita kuti pave nedare revakuru rine unhu hwese hwakanaka hunodiwa pakutarisira ungano yaMwari.
19 Dare revakuru parinorumbidza kuti mumwe munhu agadzwe semutariri, rinofanira kuyeuka mashoko emuapostora Pauro ekuti: “Ndinoudza munhu wese ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga, asi kuti afunge zvinoratidza kuti ane pfungwa dzakanaka, mumwe nemumwe sekupiwa kwaakaitwa chiyero chekutenda naMwari.” (VaR. 12:3) Mukuru mumwe nemumwe anofanira kuzviona semudiki. Hapana anofanira kuzviona ‘seakanyanya kururama’ paanenge achiongorora kuti mumwe munhu anokodzera here. (Mup. 7:16) Dare revakuru rinofanira kuyeuka zvinhu zvinodiwa neMagwaro pavatariri pavanenge vachifunga nezvemunhu wavari kurumbidza kuti agadzwe. Asi havafaniri kubva vanyanya kuomesa. Vanofanira kuzivawo kuti iye munhuwo anotadza saivo, saka havafaniri kuita zveunyengeri kana kungofunga kuti haakodzeri pasina zvikonzero zvine musoro. Zvavanoita zvinofanira kuratidza kuti vanoremekedza mitemo yakarurama yaJehovha uye vari kuzviitira kuti ungano ibatsirwe. Vanotanga vanyengetera voita zvinoenderana nemweya mutsvene waMwari pavanenge vachiongorora munhu wavanenge vachirumbidza. Iri nderimwe basa guru ravanoita, uye vanofanira kuyeuka zvakataurwa naPauro kuti: “Usakurumidza kuisa maoko ako pamunhu; uye usabatanidzwa muzvivi zvevamwe; ramba wakachena.”—1 Tim. 5:21, 22.
CHIBEREKO CHEMWEYA
20 Varume vakagadzwa vanofanira kuratidza kuti vanotungamirirwa nemweya mutsvene uye vanoratidza chibereko chawo muupenyu hwavo. Pauro anotaura zvinhu 9 zvinoumba zvibereko zvemweya zvinoti “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, kuva akanaka, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Kuva nevakuru vakadai kunoita kuti hama dzinakidzwe nekunamata uye kunoita kuti ungano ibatane pakushumira Mwari. Mararamiro avo anoratidza kuti vakagadzwa nemweya mutsvene.—Mab. 20:28.
VAKURU VANOITA KUTI UNGANO IBATANE
21 Zvakakosha kuti vakuru vabatane kuti ungano ibatanewo. Vanogona kunge vaine unhu hwakasiyana-siyana, asi kana vakaremekedzana vachiteererana pavanenge vachikurukura zvichaita kuti varambe vakabatana kunyange kana vasiri kuwirirana pane zvimwe zvinhu. Mukuru mumwe nemumwe anofanira kubvuma zvinotaurwa nevamwe uye kutsigira zvinenge zvasarudzwa nedare revakuru chero bedzi pasina mutemo waMwari uri kutyorwa. Kubvuma zvinotaurwa nevamwe chiratidzo chekuti munhu ari kushandisa “uchenjeri hunobva kumusoro,” uhwo hune ‘rugare uye hunonzwisisa.’ (Jak. 3:17, 18) Hapana mukuru anofanira kuramba ongotaura vamwe vakanyarara kana kufunga kuti ari pamusoro pevamwe. Kana vakuru vakashanda vakabatana vanenge vari kushanda pamwe chete naJehovha uye zvinoita kuti ungano ifambe zvakanaka.—1 VaK., chits. 12; VaK. 2:19.
KUVAVARIRA KUTI UVE MUTARIRI
22 Varume vechiKristu vanofanira kuva nechido chekuti vave vatariri. (1 Tim. 3:1) Asi kuva mukuru kunoda kuti munhu ashande nesimba uye azvipire. Zvinoreva kuti anofanira kuwana nguva yekuti ashumire hama, achidzitarisira panyaya dzekunamata. Kuti uzova mutariri unofanira kunge uchiedza kuita zvinhu zviri muMagwaro zvinotarisirwa kuvatariri.
UPENYU HWEMUKURU KANA HUKACHINJA
23 Hama inenge yashumira yakatendeka kwemakore akawanda inogona kurwara, kuremara kana kuti kukwegura zvekutadza kuita mabasa ayo semutariri. Kunyange izvi zvikaitika, hama yacho inofanira kuramba ichiremekedzwa uye ichionekwa semukuru chero bedzi ichakagadzwa. Hapana chikonzero chekuti ichirega kuva mukuru nemhaka yekutadza kwayo kuita zvimwe zvinhu. Ichiri kufanira kupiwa ruremekedzo rwakapetwa kaviri serunopiwa vakuru vese vanoshanda nesimba pakufudza makwai.
24 Asi kana ikanzwa sekuti haichakwanisi kuramba iri mukuru nemhaka yezvachinja muupenyu hwayo, inogona kumbomira kushumira semukuru. (1 Pet. 5:2) Inofanira kuramba ichiremekedzwa. Ichiri kukwanisa kuita zvakawanda pakubatsira ungano kunyange zvazvo isingachaiti mabasa anopiwa vakuru.
MABASA EVATARIRI MUUNGANO
25 Vakuru vane mabasa akasiyana-siyana avanoita muungano. Kune murongi mudare revakuru, munyori, mutariri webasa, muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi, uye mutariri wemusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Vakawanda vanoshumira sevatariri vemapoka. Haisi nyaya yekuti kana nguva yakati yasvika vakuru vanofanira kuchinjwa mabasa avanoita. Asi kana hama ikatama, kana kuti isingachagoni kuita mabasa ayo nemhaka yeurwere kana kuti ikabviswa pakuva mukuru nekuti haichakodzeri, mumwe mukuru anosarudzwa kuti aite basa racho. Kana muungano musina vakuru vakawanda, mukuru anogona kuita mabasa maviri kana kupfuura kusvikira pava nevamwe vakuru.
26 Murongi mudare revakuru ndiye anenge ari sachigaro pamisangano yedare revakuru. Anofanira kuva munhu anozvininipisa paanenge achishanda nevamwe vakuru pakutarisira makwai aMwari. (VaR. 12:10; 1 Pet. 5:2, 3) Anofanira kuva munhu anogona kuronga uye kutungamirira zvakanaka.—VaR. 12:8.
27 Munyori ndiye anochengeta zvinyorwa zveungano uye anoita kuti vakuru vazive kana paine nyaya dzinokosha. Kana zvakakodzera, mumwe mukuru kana kuti mushumiri weungano akakodzera anogona kumubatsira.
28 Mutariri webasa ndiye anoona nezvebasa rekuparidza nezvimwe zvakarerekera ikoko. Anova nechokwadi chekuti ane boka raachashanyira kamwe chete pamwedzi pakupera kwevhiki. Muungano diki umo munenge muine mapoka mashoma, anogona kushanyira boka rimwe nerimwe kaviri pagore. Paanoshanyira boka, ndiye anoitisa musangano webasa remumunda, oshanda neboka racho pakuparidza, uye obatsira vaparidzi pakudzokera kunoona vanofarira uye zvidzidzo zveBhaibheri.
VATARIRI VEMAPOKA
29 Rimwe basa rinokosha rinoitwa nevakuru nderekuva mutariri weboka. Basa rake rinosanganisira (1) kushanda nesimba kuti munhu wese ari muboka iroro asimbe pakunamata; (2) kubatsira munhu wese ari muboka kuti agare achiita basa rekuparidza, ashingaire, uye anakidzwe nekuparidza; uye (3) kudzidzisawo vashumiri veungano vari muboka rake kuti vavavarire kupiwa mabasa muungano. Dare revakuru ndiro rinosarudza kuti ndedzipi hama dzinonyatsokodzera kuita mabasa aya.
30 Tichitarisa zvakaita basa racho, vatariri vemapoka vanofanira kunge vari vakuru kana zvichiita. Kana pasina vakuru, mushumiri weungano akakodzera anogona kuita basa racho kusvikira pazova nemukuru. Mushumiri weungano anenge achiita basa iri anonzi mushumiri weboka, nekuti haasi mutariri muungano. Anenge achishanda achibatsirwa nevakuru kuti aite basa rake.
31 Basa rinokosha rinoitwa nemutariri weboka nderekutungamirira pakuparidza. Vese vari muboka rake vachakurudzirwa pavanomuona achigara achienda kunoparidza, achishingaira uye achiratidza kuti ari kunakidzwa nekuparidza. Vaparidzi vanokurudzirwa nekushanda pamwe chete saka zvakakosha kuti mutariri weboka aronge purogiramu yekuparidza inokwaniswa nevakawanda muboka racho. (Ruka 10:1-16) Mutariri anofanira kuva nechokwadi chekuti nguva dzese ndima yekushanda yakakwana iripo. Kazhinji ndiye anoitisa musangano webasa remumunda uye kuronga kuti vaparidzi vachafamba sei. Kana akaziva kuti achange asipo, anofanira kuudza mumwe mukuru, mushumiri weungano uye kana vasipo oudza mumwe muparidzi anokwanisa kuti atarisire basa racho kuitira kuti vaparidzi vazoziva zvekuita.
32 Mutariri weboka anofanira kuronga pachine nguva kana mutariri webasa ava kuzoshanyira boka ravo. Anofanira kuudza vaparidzi vari muboka rake kuti vagadzirire kuzokurudzirwa uye kuzobatsirwa nekushanya kwemutariri webasa. Kana munhu wese ari muboka akaziva, zvichabatsira kuti atsigire urongwa hwacho.
33 Mapoka aya anofanira kugara ari madiki. Izvi zvinoitirwa kuti mutariri weboka anyatsoziva munhu wese ari muboka rake. Zvichaita kuti abatsire mumwe nemumwe ari muboka iroro. Achavabatsira kana paine zvavanoda uye achavakurudzira kuti vafarire kuparidza uye kupinda misangano. Anoitawo zvese zvaanogona kuti abatsire mumwe nemumwe kuti asimbe pakunamata. Anoshanyira vanenge vachirwara kana kuti vanenge vakaora mwoyo. Mashoko aachataura ekukurudzira anogona kubatsira mumwe munhu kuti awedzere kushingaira ovavarira kupiwa mabasa muungano uye otobatsirawo dzimwe hama. Mutariri weboka achapedza nguva yakawanda achibatsira vanhu vari muboka rake. Asi semukuru uye mufudzi, hazvirevi kuti haasisina basa nevamwe vari muungano. Anovabatsirawo nekuvakurudzira.—Mab. 20:17, 28.
34 Rimwe basa rinoitwa nemutariri weboka nderekutora mishumo yevaparidzi vemuboka rake panopera mwedzi. Mishumo yacho inobva yazopiwa munyori. Muparidzi mumwe nemumwe anogona kubatsira mutariri weboka nekukurumidza kuunza mushumo. Muparidzi anogona kuupa mutariri weboka panopera mwedzi kana kuti kuuisa mubhokisi rinoiswa mishumo riri muImba yeUmambo.
DARE REBASA REUNGANO
35 Pane mamwewo mabasa anoitwa neDare Rebasa Reungano, iro rinoumbwa nemurongi mudare revakuru, munyori uye mutariri webasa. Semuenzaniso, kana vaparidzi vakakumbira kuti hurukuro yemuchato kana kuti yemariro zviitirwe paImba yeUmambo, dare iri ndiro rinoona kuti rovabvumira here. Uyewo ndivo vanoona kuti vaparidzi varongwa mumapoka ekuparidza. Dare iri ndirozve rinobvumira vaparidzi vanenge vakumbira kuita upiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzese kana kuti mamwe mabasa. Dare iri rinoshanda richimiririra dare rese revakuru.
36 Hofisi yebazi ndiyo inopa mirayiridzo nezvemabasa anoitwa nehama idzi kusanganisira remuitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi, mutariri wemusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu, nemabasa anoitwa nevamwe vakuru.
37 Muungano imwe neimwe dare revakuru rine nguva yarinogara pasi richikurukura kuti zvinhu zviri kufamba sei pakunamata muungano yavo. Kunze kwemusangano wavanoita nemutariri wedunhu, vanoitawo mumwe musangano papera mwedzi mitatu aenda. Asi kana paine zvimwe zvinoda kukurumidzirwa, vakuru vanogona kuita mumwe musangano.
ZVIISE PASI PEVAKURU
38 Vakuru vanhu vanotadzawo sesu; asi tese tinokurudzirwa kuti tizviise pasi pavo nekuti Jehovha ndiye akaita urongwa uhwu. Vakuru ava vachazvidavirira kwaari pamusana pezvavanoita. Zvese zvavanoita vanenge vachimumiririra. VaHebheru 13:17 inoti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, uye zviisei pasi pavo, nekuti vari kukuchengetedzai sevanhu vachazozvidavirira, kuti vaite izvi nemufaro kwete vachirwadziwa, nekuti izvi zvingakukuvadzai.” Jehovha anoshandisa mweya wake kugadza munhu kana kumubvisa pakuva mutariri kana munhu wacho akatadza kuratidza zvibereko zvemweya mutsvene, uye kana upenyu hwake hwava kupesana nezvinotaurwa muMagwaro.
39 Tinoonga chaizvo basa rakaoma uye muenzaniso wevakuru veungano. Paainyorera ungano yevaTesaronika, Pauro akavakurudzira kuti: “Hama tinokukumbirai kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikudzidzisai; uye kuti muvape rukudzo rukuru murudo nekuda kwebasa ravo.” (1 VaT. 5:12, 13) Kushanda nesimba kunoita vatariri muungano ndiko kunoita kuti kunamata Mwari kunakidze. Pauro paakanyorerawo Timoti tsamba yekutanga, akamuudza kuti vanhu vari muungano vanofanira kuremekedza vatariri paakati: “Vakuru vanotungamirira zvakanaka vanofanira kunzi vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri, kunyanya vaya vanoshanda nesimba pakutaura nepakudzidzisa.”—1 Tim. 5:17.
MAMWE MABASA ANOITWA MUSANGANO
40 Dzimwe nguva, vamwe vakuru vanosarudzwa kuti vave nhengo dzeMapoka Ekushanyira Varwere. Vamwe vanoshanda muMatare Ekukurukura Nezvipatara uye vanoshanyira zvipatara navanachiremba vachivakurudzira kurapa Zvapupu zvaJehovha vachishandisa nzira dzisingashandiswi ropa. Vamwe vatariri vanobatsira kuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo neDzemagungano kana kuti kushanda muMatare Emagungano. Tese tinotenda chaizvo kushanda nesimba uye kuzvipira kunoita hama idzi. Zvechokwadi ‘tinoramba tichikoshesa vanhu vakadaro.’—VaF. 2:29.
MUTARIRI WEDUNHU
41 Dare Rinotungamirira rinoronga kuti pagadzwe vakuru vakakodzera kuti vave vatariri vematunhu. Vatariri vematunhu vanoudzwa nehofisi yebazi ungano dzavanofanira kushanyira uye vanowanzodzishanyira kaviri pagore. Vanopota vachishanyirawo mapiyona anenge ari kunzvimbo dziri kwadzo dzega. Vanoronga kuti vachatanga kushanyira ungano dzipi uye vodziudza pachine nguva kuti hama dzizonyatsobatsirwa nekushanya kwacho.
42 Murongi mudare revakuru ndiye anotungamirira pakuronga mafambiro achaita zvinhu pavhiki racho kuti hama dzese dzikurudzirwe. (VaR. 1:11, 12) Paanongonzwa kuti mutariri wedunhu ari kuuya, murongi anobva aronga nedzimwe hama kuti patsvagwe pekugara uye zvinhu zvichada kushandiswa nemutariri wedunhu nemudzimai wake. Anova nechokwadi chekuti vese vaziva nezveurongwa hwacho kusanganisira mutariri wedunhu wacho.
43 Mutariri wedunhu achataura nemurongi mudare revakuru nezvemarongerwo achaitwa misangano, uyewo misangano yebasa remumunda. Mirayiridzo yemarongero acho inogona kubva kumutariri wedunhu uye kuhofisi yebazi. Vanhu vese vanofanira kufanoudzwa nezvenguva nenzvimbo ichaitwa misangano yeungano, yemapiyona, yevakuru nevashumiri veungano uye misangano yebasa remumunda.
44 Masikati eChipiri, mutariri wedunhu anoongorora Zvinyorwa Zvevaparidzi Zveungano, mushumo wekupindwa kwemisangano, zvinyorwa zvendima nemaakaunzi. Izvi zvichamubatsira kuti azive paangada kubatsira ungano uye kuti angabatsira sei hama dzinotarisira zvinhu izvozvo. Murongi mudare revakuru anofanira kuona kuti mutariri wedunhu apiwa zvinhu izvi pachine nguva.
45 Mutariri wedunhu paanenge ashanyira ungano anotsvaga nguva yekuti ataure nehama imwe neimwe kana zvichikwanisika pangava pamisangano, pavanenge vachiparidza, panguva dzekudya kana kuti dzimwewo. Uyewo anoita musangano nevakuru nevashumiri veungano, achivakurudzira neMagwaro uye achivapa mazano ekuti vanyatsoita mabasa avo nemazvo pakufudza makwai. (Zvir. 27:23; Mab. 20:26-32; 1 Tim. 4:11-16) Anoitawo musangano nemapiyona kuti avakurudzire pabasa ravo uye kuvapa mazano kana vaine matambudziko avari kusangana nawo muushumiri.
46 Kana paine dzimwe nyaya dzinenge dzichida kukurukurwa, mutariri wedunhu achaedza kubatsira muvhiki racho. Kana vakatadza kudzipedza muvhiki iroro, anogona kubatsira vakuru kana kuti munhu wacho kuti azosara achitsvakurudza kuti Magwaro anoti kudii. Kana vachida rubatsiro kubva kuhofisi yebazi, mutariri wedunhu nevakuru vachafanira kunyatsodonongodza nyaya yacho.
47 Mutariri wedunhu paanenge achishanyira ungano anopinda misangano yeungano yevhiki iroro. Misangano yacho inogona kugadziridzwa zvichienderana nemirayiridzo inenge yabva kuhofisi yebazi. Achapa hurukuro dzinokurudzira, dzinosimbisa nekudzidzisa ungano. Anoedza chaizvo kuita kuti vanhu vade Jehovha, Jesu Kristu nesangano.
48 Chimwe chinangwa chekushanya kwemutariri wedunhu ndechekuti akurudzire vaparidzi kuti vashingaire pakuparidza uye kuvapa mazano anovabatsira. Vakawanda muungano vanogona kugadzirisa purogiramu dzavo kuti vawane nguva yakawanda yekuparidza vhiki iroro. Vamwe vanosarudza kuita upiyona hwebetsero mumwedzi iwoyo. Vese vanoda kuparidzira nemutariri wedunhu kana kuti nemudzimai wake vanogona kunyoresa. Kuenda nemutariri wedunhu kana kuti nemudzimai wake kuvanhu vatinodzidza navo Bhaibheri kana kuti kudzokera kune vakaratidza kufarira kunobatsira chaizvo. Kuwedzera kwauchaita nguva yekuti uparidze muvhiki iyi kuchaita kuti udzidze zvakawanda kune vamwe uye uchabatsirawo vamwe.—Zvir. 27:17.
49 Pagore panoitwa magungano edunhu maviri mudunhu rimwe nerimwe. Mutariri wedunhu ndiye anoona kuti zvinhu zviri kufamba sei pamagungano aya. Ndiye achagadza hama dzichatarisira gungano. Pachava nemutariri wegungano nemubatsiri wake. Vachashanda pamwe chete nemutariri wedunhu pakuronga gungano racho. Izvi zvichabatsira mutariri wedunhu kuti awane nguva yakawanda yekuona mafambiro ari kuita purogiramu yegungano. Mutariri wedunhu achatsvaga dzimwe hama dzinokodzera kuti dzishande mumadhipatimendi. Anorongawo kuti akaunzi dzedunhu dziongororwe panopera gungano rimwe nerimwe. Rimwe gungano redunhu richange riine mumiririri webazi. Mamwe matunhu anopinda gungano akapatsanurwa nekuti nzvimbo dzaanopindira dzinenge dziri diki kana kuti dziri kure.
50 Panopera mwedzi, mutariri wedunhu anotumira mushumo wake webasa remumunda kuhofisi yebazi. Kana akashandisa mari yake pazvekudya, pakufamba, pakubhadhara pekugara kana kuti zvimwewo zvine chekuita nebasa rake, uye ungano yaanenge achishanyira yotadza kubhadhara zvinhu izvi, anogona kuudza hofisi yebazi kuti imupe mari yacho. Vatariri vematunhu vanoziva kuti kana vakaisa zvinhu zvine chekuita neUmambo hwaJehovha pakutanga, zvimwe zvese zvavanoda vachazviwana sekuvimbisa kwakaita Jesu. (Ruka 12:31) Ungano dzinofanira kuziva kuti kugamuchira vatariri ava vanozvipira chikomborero chaicho!—3 Joh. 5-8.
DARE REBAZI
51 Pasi rese, hofisi yebazi yega yega yeZvapupu zvaJehovha ine vakuru vanokodzera vatatu kana vanodarika vanoshanda seDare Rebazi. Dare iri rinoona nezvebasa rekuparidza remunyika yacho kana kuti redzimwe nyika dzarinenge ranzi ritarisire. Hama imwe chete inoshanda semurongi muDare Rebazi.
52 Hama dziri muDare Rebazi dzinotarisira zvine chekuita neungano dzese dziri munyika yavanotarisira. Dare iri rinova nechokwadi chekuti mashoko akanaka eUmambo aparidzwa munharaunda yese yavanotarisira uye kuti ungano nematunhu zvarongwa nenzira inoita kuti vagone kuziva zviri kudiwa munyika yacho yese. Dare Rebazi rinoonawo nezvebasa rinoitwa nemamishinari, mapiyona chaiwo, enguva dzese neebetsero. Dare iri ndiro zvakare rinoronga magungano uye rinopa hama zvekuita kuitira kuti ‘zvinhu zvese zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.’—1 VaK. 14:40.
53 Kana paine nyika dzisina Dare Rebazi, panotsvagwa hama dzemunyika iyoyo kuti dzitarisire basa. Izvi zvinoita kuti basa ritarisirwe zvakanaka. Hama idzi dzinoona nezvezvinoitwa paMusha weBheteri, tsamba nemishumo, uyewo mabasa ekuparidza. Vakuru ava vanoshanda pamwe chete neDare Rebazi kuitira kuti zvinhu zvine chekuita neUmambo zvifambire mberi.
54 Hama idzi uye dziri muDare Rebazi dzinogadzwa neDare Rinotungamirira.
VAMIRIRIRI VEMAHOFISI MAKURU
55 Nguva nenguva, Dare Rinotungamirira rinoronga kuti hama dzakakodzera dzishanyire bazi rimwe nerimwe pasi rese. Hama inoita izvi inozivikanwa semumiririri wemahofisi makuru. Basa rake guru nderekukurudzira mhuri yeBheteri uye kubatsira Dare Rebazi kana paine mibvunzo kana matambudziko zvine chekuita nebasa rekuparidza. Hama iyi inoitawo musangano nevatariri vematunhu vanenge vasarudzwa uye pane dzimwe nguva nemamishinari anenge ari mundima. Kana vaine matambudziko vanokurukura naye, uye anovakurudzira pabasa ravo rinonyanya kukosha rekuparidza.
56 Mumiririri wemahofisi makuru anoda chaizvo kuziva zviri kuitwa mundima yebazi pabasa rekuparidza uye mamwe mabasa eungano. Kana nguva iripo, anogonawo kushanyira mahofisi eshanduro anenge asiri paBheteri. Paanoshanyira bazi, anoitawo basa rekuparidza.
Patinoramba tichizviisa pasi pevatariri vakagadzwa kuti vafudze makwai, tinoswededzwa pedyo neMusoro weungano, Kristu Jesu
KUTARISIRA NERUDO
57 Kutarisirwa zvakanaka kwatinoitwa nehama idzi dzakasimba pakunamata uye kushanda kwadzinoita nesimba kunotibatsira chaizvo. Patinoramba tichizviisa pasi pevatariri vakagadzwa kuti vafudze makwai, tinoswededzwa pedyo neMusoro weungano, Kristu Jesu. (1 VaK. 16:15-18; VaEf. 1:22, 23) Tikaita izvi, mweya waMwari uchazara muungano, uye Shoko raMwari richatungamirira basa pasi rese.—Pis. 119:105.