Wakakwaniriswa Kubatira Here?
“Kuva kwedu vakakwaniriswa zvakakwana kunobva kuna Mwari.”—2 VAKORINTE 3:5, “NW.”
1. Ungano yechiKristu haina nzvimbo yavanhu vorudzii?
JEHOVHA MWARI naJesu Kristu vashandi. Jesu akati: “Baba vangu vakaramba vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.” (Johane 5:17, NW) Mwari haasati achitendera vanhu vanoramba kushanda; uyewo tendero yake haisati iri paavo vanotsvaka mutoro kuti vawane simba pavamwe. Ungano yechiKristu haina nzvimbo yesimbe kana kuti yavane gwinyiro roudyire.—Mateo 20:25-27; 2 VaTesaronika 3:10.
2. Neiko zvino paine dikanwo huru yavarume vokutakura mutoro muungano yechiKristu?
2 Zvapupu zvaJehovha zvine ‘zvakawanda zvokuita mubasa raShe,’ zvikurukuru zvino apo vanhu vazhinji zvikuru vari kudirana ku“gomo” rokunamata kwechokwadi. (1 VaKorinte 15:58; Isaya 2:2-4) Kune kudikanwa kukuru kwavarume vakakwaniriswa mumudzimu kuti vatakure mutoro muungano. Vasingasundwi negwinyiro roudyire, varume vakadaro vanokudza Jehovha, kwete ivo vamene. (Zvirevo 8:13) Vanoziva kuti Mwari anovabetsera kukwanirisa nokuda kwemitoro yeungano, kunyange sezvo iye ‘achikwanirisa zvakakwana vashumiri vesungano itsva.’—2 VaKorinte 3:4-6.
3. Zvikurukuru, ndeipi iri mitoro yavakuru navabatiri vanoshumira?
3 Nhasi, sapakati pamaKristu apakuvamba, varume vanogadzwa nomudzimu mutsvene uye kupfurikidza negadziriro yesangano raJehovha kubatira savakuru navabatiri vanoshumira. (Mabasa 20:28; VaFiripi 1:1; Tito 1:5) Vakuru vanofudza boka raMwari mumudzimu, vachigovera tarisiro yokudzivirira. Ivo vanobetserwa navabatiri vanoshumira, vane mitoro isingabatanidzi zvakananga tarisiro yomudzimu. (1 Petro 5:2; enzanisa naMabasa 6:1-6.) Kufanana noMwanakomana waMwari, uyo akauya kuzoshumira, vagadzwi vakadaro vanoshuva kubatira vatendi biyavo. (Marko 10:45) Kana iwe uri murume wechiKristu, une mudzimu iwoyo here?
Zvikwaniriso Zvina Vose
4. Ndokupi zvikurukuru kwatinowana ndaza dzezvikwaniriso nokuda kwaavo vanoronzeswa mutoro weungano?
4 Zvikwaniriso zvaavo vanoronzeswa mutoro weungano zvakarongwa zvikurukuru nomuapostora Pauro pana 1 Timotio 3:1-10, 12, 13 naTito 1:5-9. Sezvatinorangarira izvi zvikwaniriso, zvimwe zvazvo zvinoshanda kuna vose vari vaviri vakuru navabatiri vanoshumira, hatifaniri kuzvirangarira mukuwirirana nemipimo yenyika. Panzvimbo pezvo, tinofanira kuzviona mumugariro wazvo womuzana rokutanga ramakore uye sezvinoshandisika pakati pavanhu vaJehovha. Kutsvitsa izvi zvinodikanwa hakusati kuchiraira kukwana, nokuti ipapo hakwaizova nomunhu anokwanirisa. (1 Johane 1:8) Asi kana uri murume wechiKristu, kana zvino uine mabasa eungano kana kuti kwete, huregerereiko kukamuranisa zvikwaniriso zvako zvomunhu oga?
5. Kuva asina chaanopomerwa kunorevei?
5 Asina chaanopomerwa; ane chipupuriro chakaisvonaka chinobva kuvanhu vari kunze; asina pomerwo. (1 Timotio 3:2, 7, 8, 10; Tito 1:6, 7) Apo vanogadzwa uye vachibatira, vabatiri vanoshumira navakuru vanofanira kuva vasina chavanopomerwa, ndiko kuti, vasina pomerwo uye vasina dikano ipi neipi yokutsiurwa nokuda kwepomero yakarurama yomufambiro usina kururama kana kuti dzidziso. Pomero dzenhema dzinoitwa ne“hama dzenhema” kana kuti vamwe hadzisati dzichiita kuti munhu ave nechaanopomerwa. Kusakwanirisa murume pakubatira muungano, pomero haifaniri kuva youpenzi, uye inofanira kubvumikiswa mutsinhirano nemipimo yapaMagwaro. (2 VaKorinte 11:26; 1 Timotio 5:19) Uyo anogadzwa muungano “anofanirawo kuva nechipupuriro chakaisvonaka chinobva kuvanhu vari kunze, kuti arege kuwira mukuzvidzwa nomusungo waDhiabhorosi.” Kana mumwe akaita chivi chakakomba munguva yakapfuura, iye angagona kugadzwa bedzi kana akararama zvokukanganwisa vanhu ruzvidzo rwupi norwupi ndokuzviitira amene zita rakanaka.
6. Kuva murume womudzimai mumwe kunorevei?
6 Murume womudzimai mumwe. (1 Timotio 3:2, 12; Tito 1:6) Ikoku hakusati kuchireva kuti varume vakaroora bedzi vanogona kuva vabatiri vanoshumira navakuru. Kana akaroora, kunyanguvezvo, murume anofanira kuva nomudzimai mumwe bedzi mupenyu ndokuva akatendeka kwaari. (VaHebheru 13:4) Kusafanana navarume vazhinji vakanga vasiri vechiKristu muzana ramakore rokutanga, iye haagoni kuva mupariki.a
7. (a) Ko izera rokunyama rinokwanirisa murume kuva mukuru here? (b) Chii chinobatanidzwa mukutungamirira imba nomutoo wakaisvonaka?
7 Anotungamirira imba yake nomutoo wakaisvonaka, ane vana vanozviisa pasi. (1 Timotio 3:4, 5, 12; Tito 1:6) Vamwe vanganzwa kuti vakuru vanofanira kuva naanenge makore 30 okukura, asika Bhaibheri harisati richigadza zera duku. Bva, munhu wacho anofanira kuita somunhu mukuru mupfungwa yomudzimu. Vabatiri vanoshumira navakuru vanofanira kuva vakura zvakakwana kuti vave navana. Kana akaroora, murume haazati achikwanirisa kana akashanda nenzira youmwari kune imwe nzvimbo asi ari mudzvinyiriri pamusha. Iye anofanira kuva akawana ruremekedzo nokuda kwokutungamirira imba yake mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri, uye nharidzano yake inofanira kuva yokuwana budiriro yomudzimu nomutezo uri wose wemhuri. Kazhinji kazhinji, mukuru ari baba anofanira kuva navana vaduku vane tsika dzakanaka “vanotenda.” Vangave vari kufambira mberi kutsauriro kuna Mwari kana kuti vakatobhapatidzwa seZvapupu zvaJehovha. Murume asingakwanisi kuvaka kutenda muvana vake sezvingabvira angasaita saizvozvo muvamwe.
8. Murume ane mhuri asati agona kuva mukuru, chii chaanofanira kudzidza kuita?
8 Murume ane mhuri asati agona kuva mukuru anokwanisa kugovera tarisiro yomudzimu muungano, iye anofanira kudzidza nzira yokutungamirira nayo imba yake amene. ‘Kana murume upi noupi asati achiziva matungamirirwe eimba yake amene, achatarisira sei ungano yaMwari?’ (1 Timotio 3:5) Chokwadika, murume angashorwa nomudzimai asingatendi. (Mateo 10:36; Ruka 12:52) Kana kuti mumwe wavana vake angava nemhaka yechivi chakakomba, kunyange zvazvo vamwe vari kuita zvakanaka mumudzimu. Zvisinei, kana murume wacho akaita zvose zvinogona kukarirwa, uye zvikurukuru kana akava nebudiriro yomudzimu navamwe mumba make, kurambwa kwenhungamiro yake yakaisvonaka nomutezo mumwe wemhuri hakusati kwaisazomukwanirisa zvako pakuva mubatiri anoshumira kana kuti mukuru.
9. Ingwariroi iyo mukuru kana kuti mubatiri anoshumira anofanira kushandisa pamusoro pezvinwiwa zvinodhaka?
9 Asati ari munwi anokakavara kana kuti asati achinwisa waini. (1 Timotio 3:3, 8; Tito 1:7) Mubatiri anoshumira kana kuti mukuru haafaniri kunyanyisa muzvinwiwa zvinodhaka. Kupindwa muropa nazvo kunogona kuguma nokurasikirwa nokudzora mifungo nemirangariro, kuchitungamirira kukakavadzano dzoudhakwa kana kuti rwisano. Haafaniri ‘kunwisa waini’ kana kuti kuva nomukurumbira wokuva munwi wenguva dzose kana kuti musiyadzasukwa. (Zvirevo 23:20, 21, 29-35) Kunosuruvarisa sei kana shanyo yokufudza ikashatiswa nokunyanyonwisa! Kana hama ichitongonwa, haifaniri kuita saizvozvo pakugoverana mumisangano, ushumiri, kana kuti rimwe basa rinoyera.—Revhitiko 10:8-11; Ezekieri 44:21.
10. Neiko vadi vemari naavo vana makaro emhindu yokusatendeseka vasati vachikwaniriswa kuva vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira?
10 Asati ari mudi wemari kana kuti ana makaro emhindu yokusatendeseka. (1 Timotio 3:3, 8; Tito 1:7) Vadi vemari vari mungozi yomudzimu, uye “vanhu vana makaro” havasati vachizogara nhaka Umambo hwaMwari. Nokudaro, varume vakadaro havakwanirise kuva vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira. (1 VaKorinte 6:9, 10; 1 Timotio 6:9, 10) Shoko guru rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kusatendeseka” rinoreva zvikurukuru kuti “kuzvidzisa,” uye shoko rinoshandurwa kuti “mhindu” rinonongedzera kurudzi rwupi norwupi rwemhindu kana kuti chimuko. (VaFiripi 1:21; 3:4-8) Chokwadika, murume ane chimiro chinoratidzira kuti iye aizobata “makwai” aMwari nenzira yokusatendeseka haakwanirisi nokuda kwomutoro weungano. (Ezekieri 34:7-10; Mabasa 20:33-35; Judhasi 16) Chinodikanwa chokungwarira mukuita rumbidzo chinosimbiswa apo tinoziva kuti murume, angogadzwa bedzi, angaronzeswa mari ndokuedzwa kuba imwe yemari yacho.—Johane 12:4-6.
11. Neiko “murume achangobva kutendeuka” asati achirumbidzwa nokuda kwomutoro weungano?
11 Asati ari achangobva kutendeuka; akaedzwa pamusoro poukodzeri. (1 Timotio 3:6, 10) Munhu achangobva kubhapatidzwa haana kuva nenguva yokubvumikisa kuti iye achatarisira nenzira yokutendeseka mabasa ake akagoverwa. Iye angashaiwa kunzwira urombo vanotambudzika kana kuti uchenjeri hunodikanwa hwokubetsera vanamati biyake uye iye angatozvidza vamwe. Naizvozvo, asati arumbidzwa somubatiri anoshumira uye zvikurukuru somukuru, murume anofanira “kuedzwa pamusoro poukodzeri” uye anofanira kupa ufakazi hwechisarudzo chakanaka noruvimbiko. Hapana nguva yakagadzwa inopiwa nokuda kwouku kuedza, uye vanhu vamwe navamwe vanosiana mumwero woukuru hwomudzimu. Asi vakuru havafaniri kukurumidza kurumbidza murume mutsva “kuti arege kuzozvikudza, atongwe naDhiabhorosi.” Regai murume wacho atange kuratidzira kuzvininipisa kwakafanana nokwaKristu.—VaFiripi 2:5-8.
Ngwariro Pavabatiri Vanoshumira
12. Ko zvinodikanwa zvakarongwa nokuda kwavabatiri vanoshumira zvinofanira kusvitswa navo bedzi here?
12 Zvinodikanwa zvakati zvakarongwa nokuda kwavabatiri vanoshumira. Bva, kana zvinodikanwa zvakadaro zvisina kusvitswawo navakuru, vaisazokwanirisa kubatira. Somurume wechiKristu, unokwanirisa mumativi aya here?
13. Kuva anokoshesa zvinhu kunorevei?
13 Anokoshesa zvinhu. (1 Timotio 3:8) Murume anokwanirisa kubatira somubatiri anoshumira haafaniri kurerutsa mutoro. Iye anofanira kuzvibata amene nomutoo une chiremera unowana ruremekedzo. Kunyange zvazvo kutsetsa kwapanhambo nenhambo kuchigamuchirika, iye haasati aizokwanirisa kana achiita nenzira youpenzi nguva dzose.
14. (a) Kusava namashoko maviri kune revoi? (b) Kuva nehana yakachena kunorairei?
14 Asina mashoko maviri; ane hana yakachena. (1 Timotio 3:8, 9) Vabatiri vanoshumira (navakuru) vanofanira kuva vapachokwadi, kwete kuita makuhwa kana kuti kunyengera. Sezvo vasati vachifanira kuva namashoko maviri, havafaniri kutaura nenzira yokunyengera chinhu chimwe kumunhu mumwe uye chakasiana zvikuru kumumwe. (Zvirevo 3:32; Jakobho 3:17) Ava varume vanofanirawo kuva vatsigiri vakavimbika vezvokwadi dzinoziviswa, “vaine chakavanzika chinoyera chokutenda nehana yakachena.” Pamberi paMwari, hana yomurume akadaro inofanira kupupurira kuti iye akarurama uye haasati achiita chinhu chipi nechipi chokusatendeseka kana kuti chinosvibisa. (VaRoma 9:1, NW; 2 VaKorinte 1:12; 4:2; 7:1) Hapana munhu anokwanirisa kubatira boka raMwari kutoti achiomerera kuzvokwadi nokunheyo dzoumwari.
Ngwariro PazvikwanirisoZvavakuru
15. Zvikwaniriso zvavanaani zvinorangarirwa zvino, uye izvozvi zvinobatanidzei zvikurukuru?
15 Zvikwaniriso zvakati zvinoshanda zvikurukuru kuvakuru ndokubata zvikuru nebasa ravo savafudzi navadzidzisi. Somurume wechiKristu, unosvitsa izvi zvinodikanwa here?
16. (a) Chii chinodikanwa kuva ane mwero mutsika? (b) Mukuru anogona sei kuchengeta kuzvidzora?
16 Ane mwero mutsika; anozvidzora. (1 Timotio 3:2; Tito 1:8) Mukuru anofanira kuva anozvidzora, kwete kuitwa muranda netsika dzakashata. Apo anotarisana nemiedzo, Mwari achamubetsera kuchengeta dzikamo kana akanyengetera sezvakaita wezvamapisarema, kuti: “Nhamo dzomwoyo wangu dzawanda; haiwa, ndibudisei panjodzi dziri pandiri.” (Pisarema 25:17, NW) Mutariri anofanirawo kunyengeterera mudzimu waMwari ndokuratidzira chibereko chawo, kubatanidza kuzvidzora. (Ruka 11:13; VaGaratia 5:22, 23) Kuramba achidzora mifungo, kutaura, uye zviito kunogonesa mukuru kudzivisa kunyanyisa sezvaanogovera nhungamiro yomudzimu nokuda kweungano.
17. Chii chinobatanidzwa mukuva nendangariro yakanaka?
17 Ane ndangariro yakanaka. (1 Timotio 3:2) Mukuru anofanira kuva ane mufungo, akachenjera, uye akangwara. Iye anofanira kuva ane donzo naanorangarira mukutaura nezviito. Kufunga kwake kwokuzvininipisa, kwakaterama kwakavakirwa pauchenjeri hwoumwari uye padzidziso dzakanaka dzeShoko raJehovha, raanofanira kuva mudzidzi waro anoshingaira.—VaRoma 12:3; Tito 2:1.
18. Kuva ane nhevedzano kunodei kumukuru?
18 Ane nhevedzano. (1 Timotio 3:2) Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano rinoshandurwa kuti “kurongeka zvakanaka” pana 1 Timotio 2:9. (NW) Naizvozvo mukuru anofanira kuva nomutoo wakafanira, wakasanorongwa zvakanaka woupenyu. Somuenzaniso, iye anofanira kuva anoita zvinhu panguva. Sezviri pachena maKristu omuzana rokutanga ramakore haana kuita kuchengeta zvinyorwa pfundo guru, uye mutariri nhasi haafaniri kuva mutarisiri wamaakaunzi ano unyanzvi kana kuti mabharani. Vabatiri vanoshumira vangatarisira zvinhu zvinodikanwa mumativi iwaya. Asi shoko rechiGiriki nokuda kwa“ane nhevedzano” rinogona kureva mufambiro wakanaka, uye zvamazvirokwazvo murume aisazokwanirisa kuva mukuru kana ari asingadzoreki kana kuti asina nhevedzano.—1 VaTesaronika 5:14; 2 VaTesaronika 3:6-12; Tito 1:10.
19. Nemhaka yokuti ane mutsa, chii icho mukuru anoita?
19 Ane mutsa. (1 Timotio 3:2; Tito 1:8) Mukuru ‘anotevera nzira yomutsa.’ (VaRoma 12:13; VaHebheru 13:2) Shoko rechiGiriki nokuda kwa“ane mutsa” chaizvoizvo rinoreva “anoda vaeni.” Nokudaro, mukuru ane mutsa anogamuchira vatsva kumisangano yechiKristu, achiratidza fariro imwe cheteyo muvarombo sezvaanoita muna vanobudirira mune zvokunyama. Iye ane mutsa kuna avo vanofamba mufariro dzechiKristu ndokuvaendesa panzira yavo “munzira yakafanira Mwari.” (3 Johane 5-8) Zvamazvirokwazvo, mukuru anoratidza mutsa zvikurukuru kuna vatendi biyake mukuwirirana nezvinodikanwa zvavo uye sezvinobvumira migariro yake.—Jakobho 2:14-17.
20. Mukuru anofanira kuva anokwaniriswa kudzidzisa munzirai?
20 Akakwaniriswa kudzidzisa. (1 Timotio 3:2) Mano omukuru somudzidzisi womudzimu haabvi muuchenjeri hwendangariro kana kuti uchenjeri hwenyika. (1 VaKorinte 2:1-5, 13) Anovapo nemhaka yokuti iye ari “kubata zvakasimba shoko rakatendeka pamusoro pounyanzvi hwake [kana kuti, mutoo] wokudzidzisa, kuti akwanise zvose zviri zviviri kupa zano kupfurikidza nokudzidzisa kwakanaka uye kutsiura avo vanopokanidza.” (Tito 1:9, NW; enzanisa naMabasa 20:18-21, 26, 27.) Iye anofanira kukwanisa ku‘rairidza nounyoro avo vasingadi.’ (2 Timotio 2:23-26) Kunyange kana mukuru asati ari mukurukuri wavose akanakisisa muungano, anofanira kuva mudzidzi akaisvonaka weShoko raMwari zvokuti ano unyanzvi hwakakwana kurairidza nokupa zano vatendi, avo vanofundawo Bhaibheri. (2 VaKorinte 11:6) Anofanira kukwanirisa kupa “dzidziso yakanaka” inobetsera mhuri navanhu vamwe navamwe kuronda upenyu hwoumwari.—Tito 2:1-10.
21. (a) Neiko kuchigona kutaurwa kuti mukuru haasati ari murovi? (b) Kuva ane mufungo kunorevei? (c) Kuva asingarwi kunorevei?
21 Asati ari murovi, asi ano mufungo, asingarwi. (1 Timotio 3:3; Tito 1:7) Achiva ano rugare, mukuru haazati achirova vanhu mumuviri kana kuti kuvashusha kupfurikidza nokuita tsinhiro dzokutuka kana kuti dzinorwadza. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:20.) (Tsinhiro ichangobva kududzwa yokuti iye “haasati ari munwi anokakavara” inoratidza kuti iye anodzivisa kushandiswa kusina kufanira kwezvinodhaka uko kazhinji kazhinji kunotungamirira kugakava.) Kuva “ane mufungo” (kana kuti, “kutera”), kwete kuva mudzvinyiriri uye akaoma kufadza, haaiti kuti nhau duku dzive huru. (1 VaKorinte 9:12; VaFiripi 4:5; 1 Petro 2:18) Sezvo mukuru asati ari anorwa, kana kuti anokakavara, iye anodzivisa nharo uye “haasati achikurumidza kutsamwa.”—Tito 3:2; Jakobho 1:19, 20.
22. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti mukuru haafaniri kuita zvaanoda?
22 Asati achiita zvaanoda. (Tito 1:7) Chaizvoizvo, ikoku kunoreva “kusazvifadza.” (Enzanisa na 2 Petro 2:10.) Mukuru haafaniri kuva anozvitutumadza asi anofanira kuva nomurangariro wokuzvininipisa wamano ake. Asingafungi kuti anobata zvinhu zviri nane kupfuura munhu upi noupiwo zvake, iye anogoverana nokuzvininipisa mutoro navamwe uye anokoshesa vapi zano vazhinji.—Numeri 11:26-29; Zvirevo 11:14; VaRoma 12:3, 16.
23. (a) Waizorondedzera sei “mudi worunako”? (b) Kuva akarurama kunorevei?
23 Mudi worunako; akarurama. (Tito 1:8) Kuti akwanirise somukuru, murume anofanira kuda runako ndokuva akarurama. Mudi worunako anoda zvakanaka mukuona kwaJehovha, anoita zviito zvomutsa nezvinobetsera, uye anoratidza kuonga nokuda kworunako rwavamwe. (Ruka 6:35; enzanisa naMabasa 9:36, 39; 1 Timotio 5:9, 10.) Kuva akarurama kunoreva kuwirirana nemitemo yaMwari nemipimo. Pakati pezvimwe zvinhu, murume akadaro haana rusaruro uye anochengeta zvinhu zvakarurama, zvakachena, uye zvakanaka mundangariro. (Ruka 1:6; VaFiripi 4:8, 9; Jakobho 2:1-9) Sezvo runako rwakasiana nokururama mukuti runopfuura zvinoda ruramisiro, mudi worunako anoita zvakawanda nokuda kwavamwe zvinopfuura zvinokarirwa kwaari.—Mateo 20:4, 13-15; VaRoma 5:7.
24. Kuva akavimbika kunorairei?
24 Akavimbika. (Tito 1:8) Murume anokwaniriswa kuva mukuru anochengeta kuzvipira kwakasimba kuna Mwari uye anoomerera kumitemo youmwari, pasinei hapo nokuti perero yake inoedzwa sei. Iye anoita izvo Jehovha anomukarira, uye ikoku kunobatanidza kubatira somuzivisi akatendeka woUmambo.—Mateo 24:14; Ruka 1:74, 75; Mabasa 5:29; 1 VaTesaronika 2:10.
Kusvitsa Zvikwaniriso
25. Zvikwaniriso zvichangobva kukurukurwa zvinodikanwa kuna vanaani, uye zvikwaniriso zvakadaro zvinogona sei kusvitswa?
25 Zvizhinjisa zvezvikwaniriso zvichangobva kukurukurwa zvinobatanidza zvinhu zvinodikanwa kuChapupu chiri chose chaJehovha uye zvinosvikika kupfurikidza nechikomborero chaMwari pafundo imwe neimwe yomunhu, nhamburiko, songaniro yakanaka, uye munyengetero. Vanhu vamwe navamwe vangava vakasimba mune zvimwe zvikwaniriso kupfuura mune zvimwe. Asi kusvikira kumwero uno mufungo, vabatiri vanoshumira navakuru vanofanira kusvitsa zvikwaniriso zvose nokuda kweropafadzo yavo chaiyo.
26. Neiko varume vechiKristu vachizviita vamene vanowanikwa nokuda kwomutoro weungano?
26 Vose veZvapupu zvaJehovha vanofanira kuda kuita chinhu chiri chose chinobvira mubasa raMwari. Uyu mudzimu unosunda varume vechiKristu kuzviita vamene vanowanika nokuda kwomutoro weungano. Ko iwe uri murume akazvitsaurira, akabhapatidzwa here? Kana zvakadaro, svasvavirira ndokuita nhamburiko iri yose kuti ukwanirise kubatira!
[Mashoko Omuzasi]
a Onawo Nharireyomurindi, yaSeptember 1, 1983, peji 29, pasi pomusoro muduku unoti “Chatanuro yapaMagwaro.”
Waizopindura Sei?
◻ Neiko zvino paine dikanwo huru yokuti varume vakabhapatidzwa vagamuchire mutoro weungano?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvikwaniriso zvinofanira kusvitswa navabatiri vanoshumira?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinodikanwa izvo vakuru vanofanira kusvitsa?
◻ Neiko mukuru achifanira kuziva nzira yokutungamirira nayo zvakanaka imba yake?
◻ Chii chinosunda varume vechiKristu kuzviita vamene vanowanikwa nokuda kwamabasa eungano?
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
Vakuru navabatiri vanoshumira vanofanira kutungamirira dzimba dzavo mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri