Uri Kudyira Patafura Ipi?
“Hamugoni kudyira ‘patafura yaJehovha’ napatafura yamadhemoni.”—1 VAKORINTE 10:21, NW.
1. Itafurai dzakaiswa pamberi pedu, uye inyeveroi iyo muapostora Pauro anopa pamusoro padzo?
AYA mashoko akafuridzirwa omuapostora Pauro anoratidza kuti tafura mbiri dzokufananidzira dzakaiswa pamberi porudzi rwomunhu. Tafura imwe neimwe inozivikanwa norudzi rwezvokudya zvokufananidzira zvakaiswa pairi, uye tose zvedu tiri kudyira paimwe kana kuti imwe yacho. Zvisinei, kana tichida kufadza Mwari, hatigoni kuva tichidyira patafura yake uye panguva imwe cheteyo tichicheura patafura yamadhemoni. Muapostora Pauro akanyevera, kuti: “Zvinhu izvo marudzi anobayira anobayira kumadhemoni, uye kwete kuna Mwari; uye handidi kuti muve vagoverani namadhemoni. Hamugoni kunwa mukombe waJehovha nomukombe wamadhemoni; hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ napatafura yamadhemoni.”—1 VaKorinte 10:20, 21, NW.
2. (a) Itafurai yaJehovha yaivapo mumazuva aIsraeri wakare, uye ndiani aigoverana muzvibayiro zveyananiso? (b) Kudyira patafura yaJehovha kunorevei nhasi?
2 Mashoko aPauro anotiyeuchidza nezvezvibayiro zvokuyananisa izvo vaIsraeri vakare vaipa muMutemo waJehovha. Atari yaMwari yainzi tafura, uye munhu aiunza mhuka kuzobayirwa aitaurwa kuva anoyanana naJehovha uye navaprista. Seiko? Chokutanga, Jehovha akagoverana muchibayiro nemhaka yokuti ropa raisaswa paatari yake uye mafuta aipedzwa namarimi aiva pasi. Chechipiri, muprista aigoverana mukuti iye (nemhuri yake) vaidya chityu chakagochwa nebandauko rorudyi remhuka yaibayirwa. Uye chechitatu, mupi aigoverana kupfurikidza nokudya yasara yayo. (Revhitiko 7:11-36) Nhasi, kudyira patafura yaJehovha kunoreva kuti tinomupa rudzi rwokunamata rwaanoda, sezvakaratidzirwa naJesu navaapostora vake. Kuti tiite ikoku, tinofanira kudya mumudzimu izvo Jehovha anogovera kupfurikidza neShoko rake nesangano. VaIsraeri, avo vakafarikanya kuyanana chaiko naJehovha patafura yake, vairambidzwa kupa zvibayiro kumadhemoni patafura yavo. VaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo “mamwe makwai” vari muchirambidzo chimwe chetecho choumwari.—Johane 10:16.
3. Munhu anogona sei kuva nemhaka yokudyira patafura yamadhemoni muzuva redu?
3 Munhu angagona sei kuva nemhaka yokudyira patafura yamadhemoni muzuva redu? Kupfurikidza nokubatira fariro dzechinhu chipi nechipi chinoshora Jehovha. Tafura yamadhemoni inobatanidza paradziro yose youdhemoni, iyo yakagadzirirwa kutsausa uye kutibvisa kuna Jehovha. Ndiani angada kudyisa mwoyo wake nendangariro chepfu yakadaro? VaKristu vechokwadi vanoramba kugoverana muzvibayiro izvo vanhu vazhinjisa nhasi vanopa kuvamwari vehondo nepfuma.—Mateo 6:24.
Kudzivisa “Tafura yaMadhemoni”
4. Mubvunzoi uyo tose zvedu takatarisana nawo, uye nei tingasada kudyira patafura yamadhemoni tichiziva?
4 Mubvunzo tose zvedu takatarisana nawo ndowokuti, Patafura ipi pandiri kudyira? Hatigoni kunzvenga idi rokuti tinosungirwa kudyira patafura imwe kana kuti imwe yacho. (Enzanisa naMateo 12:30.) Tingasada kudyira tichiziva patafura yamadhemoni. Kuita izvozvo kungatiparira kurasikirwa nenyasha dzaMwari wechokwadi bedzi uye mupenyu, Jehovha. Kuno rumwe rutivi, kudyira zvokudya patafura yaJehovha bedzi kunotungamirira kuupenyu hwedu husingaperi mumufarwa! (Johane 17:3) Pane chirevo chinoti zvinodya munhu zvinoita kuti ave zvaari. Munhu upi noupi, ipapoka, anoda kuramba ane utano hwakanaka hwomuviri nohwomudzimu anofanira kungwarira zvokudya zvake. Kufanana nezvokudya zvine mafuta akawandisa zvisingavaki muviri, kunyange zvazvo zvichigadzirwa zvinonaka nezvekuwedzera zvamakemikoro, hazvibetseri kuutano hwedu hwomuviri hunopfuurira, naizvozvo paradziro yenyika ino yakanatswa nepfungwa dzoudhemoni ndizvokudya zvisingavaki muviri zvokufananidzira zvakashata zvichashatisa ndangariro dzedu.
5. Tinogona sei kudzivisa kupinza dzidziso dzoudhemoni nhasi?
5 Muapostora Pauro akadeya kutaura kuti mukati mamazuva okupedzisira, vanhu vaizotsauswa ne“dzidziso dzamadhemoni.” (1 Timotio 4:1, NW) Dzidziso dzoudhemoni dzakadaro hadziwaniki bedzi muzvitendero zvenhema zvorudzidziso asi dzinoziviswawo zvakafara mudzimwe nzira. Somuenzaniso, tinofanira kukamuranisa uye kusanonzvera mabhuku namagazini izvo isu navana vedu tinorava, purogiramu dzeterevhizheni dzatinotarira, uye mitambo namafirimu zvatinotarira. (Zvirevo 14:15) Kana nokuda kwevaraidzo tichirava mabhuku enhau nefungidziro, anotanhamarisa masimba masimba asina mufungo, vatano isiri yapamutemo, kana kuti miitiro yamanenji here? Kana tichirava mabhuku asiri enhau yefungidziro kuti tigorairidzwa, anotsanangura uzivi kana kuti mararamire “asingawirirani naKristu” here? (VaKorose 2:8, NW) Fungidziro dzenhando dzinopiwa here, kana kuti kubatanidzwa mumasangano omunzanga enyika zvinotsigirwa here? Anosimudzira kutsunga kuva akapfuma zvikuru here? (1 Timotio 6:9) Chinyorwa chinogovera namanomano dzidziso dzinokamuranisa dzisina kufanana nedzaKristu here? Kana mhinduro iri hungu uye tichipfuurira kurava kana kuti kutarira zvinhu zvakadaro, tinozviisa mungozi yokudyira patafura yamadhemoni. Nhasi, kuna mazana ezviuru ezvinyorwa zvinosimudzira uzivi hwenyika zvinoratidzika kuva zvinodzidzisa kwazvo uye zvazvino. (Muparidzi 12:12) Asi hapana neimwe yeiyi paradziro iri itsva chaizvoizvo; uyewo haishandi nokuda kwebetsero yomunhu nevandudziko, sezvo izvo Satani akataura namanomano kuna Evha zvisina kushanda nokuda kwevandudziko yake.—2 VaKorinte 11:3.
6. Apo Satani anotikoka kuravidza zvokudya zvake zvisingavaki muviri zvoudhemoni, tinofanira, chaizvoizvo, kupindura sei?
6 Naizvozvo, apo Satani anotikoka kuzoravidza zvokudya zvake zvisingavaki muviri zvoudhemoni, tinofanira kupindura sei? Sezvakaita Jesu apo akaedzwa naSatani kuti ashandure matombo kuva chingwa. Jesu akapindura, kuti: “Kwakanyorwa kuchinzi: Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.” Uye apo Dhiabhorosi akapa Jesu “ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo” kana iye aizopfugama ndokuita chiito chokunamata kuna Satani, Jesu akapindura, kuti: “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.”—Mateo 4:3, 4, 8-10.
7. Neiko tiri kuzvinyengedza timene kana tichifunga kuti tinogona kudyira nokubudirira padzose dziri mbiri tafura yaJehovha netafura yamadhemoni?
7 Tafura yaJehovha uye tafura inowadzwa navavengi vake voudhemoni hadzitongogoni kuyananiswa! Haiwa, hungu, kwakaedzwa kare. Yeuka vaIsraeri vakare mumazuva omuporofita Eria. Vanhu vakati vainamata Jehovha, asi vaidavira kuti vamwe vamwari, vakadai saBhaari, vaivimbisa budiriro. Eria akasvika vanhu ndokuti: “Mucharamba muchifunga mifungo yakasiyana kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana Bhaari ari iye, muteverei.” Nenzira isingarambwi, vaIsraeri vakanga vachidzadzarika “kutanga negumbo rimwe ipapo nerimwe.” (1 Madzimambo 18:21; The Jerusalem Bible) Eria akadenha vaprista vaBhaari kuti vabvumikise umwari hwamwari wavo. Mwari aigona kuburutsa mwoto uchibva kudenga pachibayiro aizobvumikisa kuva Mwari wechokwadi. Pasinei hapo nenhamburiko huru, vaprista vaBhaari vakakundikana. Ipapo Eria akangonyengetera, kuti: “Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari.” Nokukurumidza mwoto wakabva kuna Jehovha uchibva kudenga nokupedza chibayiro chemhuka chakanyoroveswa nemvura. Vanyandurwa neratidziro inopwisa youmwari hwaJehovha, vanhu vakateerera Eria ndokuuraya vaporofita vose 450 vaBhaari. (1 Madzimambo 18:24-40) Naizvozvo nhasi, tinofanira kubvuma Jehovha saMwari wechokwadi ndokutendeukira nesimba kukudyira bedzi patafura yake kana tisati tatoita kudaro.
‘Muranda Akatendeka’ Anopereka Zvokudya Patafura yaJehovha
8. Murandai uyo Jesu akadeya kutaura kuti aizoshandisa kudyisa vadzidzi vake mumudzimu mukati mokuvapo kwake, uye chii chiri zivikano yomuranda wacho?
8 Ishe Jesu Kristu akadeya kutaura kuti mukati mokuvapo kwake “muranda wakatendeka, wakangwara” aizogovera zvokudya zvomudzimu nokuda kwavadzidzi vake: “Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.” (Mateo 24:45-47) Uyu muranda akabvumikisa kuva, kwete munhu mumwe upi noupi, asi boka ravaKristu vakazvitsaurira, vakazodzwa. Iri boka rakaisa patafura yaJehovha zvokudya zvakanakisisa zvavose vari vaviri vakasarira vakazodzwa ne“boka guru.” Zvino rinopfuura mamirioni mana, boka guru rakatsigira vakasarira vakazodzwa nokuda kwouchangamire hwapose hwaJehovha Mwari uye nokuda kwoUmambo hwake uhwo achatsvenesa nahwo zita rake dzvene.—Zvakazarurwa 7:9-17.
9. Chishandisoi icho boka romuranda rave richishandisa kugovera zvokudya zvomudzimu nokuda kweZvapupu zvaJehovha, uye madyo azvo omudzimu anorondedzerwa sei nenzira youporofita?
9 Iri boka romuranda akatendeka rave richishandisa Watch Tower Bible and Tract Society kugovera zvokudya zvomudzimu kuZvapupu zvose zvaJehovha. Nepo chiKristudhomu neyasara yetsika ino yezvinhu zviri kuziya nokuda kwokushaika kwezvokudya zvomudzimu zvinopa upenyu, vanhu vaJehovha vari pamadyo. (Amosi 8:11) Ikoku kuri mukuzadzikwa kwouporofita huri pana Isaya 25:6, hunoti: “Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo, wewaini yakagara pamasese yakasvinwa zvakanaka.” Sokuratidza kunoita Isa 25 ndima 7 ne 8, aya madyo achapfuurira nokusingaperi. Chikomborero chakadini nokuda kwavose vari musangano rinooneka raJehovha zvino, uye ikoku kuchapfuurira kuva chikomborero chakadini munguva yemberi!
Ngwarira Zvokudya Zvine Chepfu Zviri Patafura Yamadhemoni
10. (a) Rudzii rwezvokudya runopiwa neboka romuranda akaipa, uye chii chiri vavariro yavo? (b) Boka romuranda akaipa rinobata sei vaichimbova varanda biyavo?
10 Zvokudya zviri patafura yamadhemoni zvine chepfu. Rangarira, somuenzaniso, zvokudya zvinopiwa neboka romuranda akaipa navawi pakutenda. Hazvitsigiri kana kuti kuvaka; hazvina kunaka. Hazvigoni kudaro, nokuti vawi pakutenda vakarega kudyira patafura yaJehovha. Somuuyo, chipi kana chipi chavanga vatanga chohunhu hutsva chapera. Chinovasunda, hausi mudzimu mutsvene, asi kukasharara kwakaipa. Vakazadzwa nevavariro imwe bedzi—kurova vaichimbova varanda biyavo, sokudeya kutaura kwakaita Jesu.—Mateo 24:48, 49.
11. Chii icho C. T. Russell akanyora pamusoro pechisarudzo chomunhu chezvokudya zvomudzimu, uye akarondedzera sei avo vanosiya tafura yaJehovha?
11 Somuenzaniso, shure muna 1909, purezidhendi wapanguva iyeyo weWatch Tower Society, C. T. Russell, akanyora pamusoro paavo vakabva patafura yaJehovha ipapo ndokuvamba kubata zvisina kufanira vaichimbova varanda biyavo. Nharireyomurindi yechiNgezi yaOctober 1, 1909, yakati: “Vose vanozviparadzanisa vamene neSosaiti nebasa rayo, panzvimbo pokubudirira ivo vamene kana kuti kuvaka vamwe mukutenda uye zvibereko zvomudzimu, sezviri pachena vanoita zvakapesana—kuedza kuvadziko kuDonzo ravaimbobatira, uye, pasina kubata ngwariro, vanonyura zvishoma nezvishoma murima, vachizvikuvadza vamene bedzi navamwe vane mudzimu wokukakavara zvakafanana. . . . Kana vamwe vachifunga kuti vanogona kuwana zvokudya zvakanaka zvakafanana kana kuti zviri nani padzimwe tafura, kana kuti vanogona kubudisa zvakanaka zvakafanana kana kuti zviri nani vamene—ivava ngavatore nzira yavo. . . . Asi nepo tichidisa kuti vamwe vanofanira kuenda kupi nokupi uye munzvimbo iri yose kundowana zvokudya nechiedza kugutsikano yavo, nenzira inoshamisa, avo vanova vashori vedu vanotora nzira yakasiyana zvikuru. Panzvimbo pokutaura nechimiro chendangariro choushingi chenyika chokuti, ‘Ndawana chimwe chinhu chandinoda; chisarai!’ ivava vanoratidzira hasha, utsinye, ruvengo, gakava, ‘mabasa enyama uye aDhiabhorosi akadai saatisati tatongoziva vanhu venyika vachiratidzira. Vanoratidzika kuva vakazadzwa noupengo, chimbwamupengo chouSatani. Vamwe vavo vanotirova uye ipapo vanotaura kuti ndisu tarova. Vakagadzirira kutaura uye kunyora nhema dzinozvidzisa uye kuderera mutsika kuti vaite zvakaipa.”
12. (a) Vawi pakutenda vanorova sei varanda biyavo? (b) Neiko kune ngozi kudya nechiringa manyoro avawi pakutenda?
12 Hungu, vawi pakutenda vanobudisa mabhuku anotendeukira kuzvakaipa, hafu zvokwadi, uye nhema chaidzo. Vanotomira savarindiri pakokorodzano dzeZvapupu, vachiedza kubata vasingangwariri. Nokudaro, chingava chinhu chine ngozi kubvumira chiringa chedu kutisunda kudya manyoro akadaro kana kuti kuteerera kutuka kwavo! Nepo tingasakufunga kuva ngozi nokuda kwedu somunhu oga, ngozi inoramba iripo. Neiko? Kutanga, mamwe amabhuku avawi pakutenda anopa nhema kupfurikidza no“kunyengera mwoyo” uye “mashoko amanomano.” (VaRoma 16:17, 18; 2 Petro 2:3) Chii chaungakarira patafura yamadhemoni? Uye nepo vawi pakutenda vangapawo maidi akati, iwaya anowanzobviswa mumashoko akapoteredza nenharidzano yokubvisa vamwe patafura yaJehovha. Manyoro avo ose anongotsoropodza zvawo uye anoparadza! Hapana chinovaka.
13, 14. Ndezvipi zviri zvibereko zvavawi pakutenda neparadziro yavo?
13 Jesu akati: “Muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateo 7:16) Ndezvipi, zvino, zviri zvibereko zvavawi pakutenda nezvinyorwa zvavo? Zvinhu zvina zvinoratidzira paradziro yavo. (1) Uchenjeri. VaEfeso 4:14 inotaura kuti ivo “namano, kuti vatsause nokunyengera.” (2) Ungwaru hwokudada. (3) Kushaika kworudo. (4) Kusatendeseka muzvimiro zvakasiyana-siyana. Izvi ndizvo zvinhu zvimene zvinoumba zvokudya zviri patafura yamadhemoni, zvose zvakagadzirirwa kunetesa kutenda kwavanhu vaJehovha.
14 Uye pane rumwe rutivi. Kuchii uko vawi pakutenda vakadzokera? Muzvinoitika zvakawanda, vakapindazve murima rechiKristudhomu nedzidziso dzacho, dzakadai sechitendero chokuti vaKristu vose vanoenda kudenga. Uyezve, vakawanda zvikurusa havachatori chimiro chakasimba chapaMagwaro pamusoro peropa, kusatora rutivi, uye dikanwo yokupupurira pamusoro poUmambo hwaMwari. Isu, kunyanguvezvo, takanzvenga rima reBhabhironi Guru, uye hatitongodi kudzokera kwariri. (Zvakazarurwa 18:2, 4) Savabatiri vakavimbika vaJehovha, tingambodirei kudongorera paradziro inobudiswa naava varambi vetafura yaJehovha avo zvino vanorova namashoko avo vari kutibetsera kupinza “mashoko akarurama”?—2 Timotio 1:13.
15. Inheyoi yeBhaibheri inotibetsera kutora nzira yokuchenjera apo tinonzwa nezvepomero idzo vawi pakutenda vanoita?
15 Vamwe vangava vanobvunzisisa pamusoro pepomero idzo vawi pakutenda vanoita. Asi tinofanira kufunga zvakakomba nheyo iri pana Dheuteronomio 12:30, 31. Pano Jehovha kupfurikidza naMosesi akanyevera vaIsraeri pamusoro pechokudzivisa kana vangodzinga bedzi vagari vechihedheni veNyika Yakapikirwa. “Uchenjere kuti urege kunyengerwa kuzodzitevera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza vamwari vavo, uchiti: Ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo seiko? Neni ndichaitawo saizvozvo. Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo.” Hungu, Jehovha Mwari anoziva kuti chiringa chavanhu chinoshanda sei. Yeuka Evha, uyewo mudzimai waRoti! (Ruka 17:32; 1 Timotio 2:14) Tisatongoteerere izvo vawi pakutenda vari kutaura kana kuti kuita. Panzvimbo pezvo, ngatibatikanei kuvaka vanhu uye kudyira nokuvimbika patafura yaJehovha!
Tafura yaJehovha Bedzi Ichasara
16. (a) Chii chichaitika nokukurumidza kuna Satani, madhemoni ake, uye tafura yokufananidzira apo marudzi enyika ave achidyira? (b) Chii chichaitika kuvanhu vose vanopfuurira kudyira patafura yamadhemoni?
16 Nokukurumidza, dambudziko guru richatanga kamwe kamwe, richifamba nokukurumidza kumugumo mu“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14, 16, NW) Richasvika mugumo sezvo Jehovha anoparadza tsika ino yezvinhu netafura yokufananidzira apo marudzi avanhu ave achidyira. Jehovha achaparadzawo sangano rose risingaoneki raSatani Dhiabhorosi namapoka aro amadhemoni. Avo vakapfuurira kudya patafura yomudzimu yaSatani, tafura yamadhemoni, vachamanikidzirwa kupinda chidyo chaicho, aiwa, kwete savadyi, asi sezvokudya zvikuru—kuruparadziko rwavo!—Ona Ezekieri 39:4; Zvakazarurwa 19:17, 18.
17. Zvikomboreroi zvinouya kuavo vanodyira chose chose patafura yaJehovha?
17 Tafura yaJehovha bedzi ichasara. Avo vari kudyira nokuonga pairi vachachengetwa uye vacharopafadzwa kudyira ipapo nokusingaperi. Kuperevedza kwezvokudya kworudzi rupi norupi hakuzotongovatyisidzirizve. (Pisarema 67:6; 72:16) Vane utano hwakakwana vachabatira Jehovha Mwari muParadhiso! Pakupedzisira mashoko anonyandura aZvakazarurwa 21:4 achazadzikwa zvakaisvonaka: “Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” Nokushoora kwava chinhu chomunguva yakapfuura, uchangamire hwapose hwaJehovha Mwari huchatekeshera munzvimbo iri yose nokusingaperi sezvo nyasha dzoumwari dzisingagumi dzinodururwa parudzi rwomunhu rwakadzikinurwa runogara muParadhiso yapasi. Kuti tiwane iyi tuso, tose zvedu ngatitsungei kudyira chose chose patafura yaJehovha, iyo iri kufashukira nezvakanakisisa zvezvokudya zvomudzimu!
Waizopindura Sei?
◻ Tinogona sei kudzivisa kutsauswa nedzidziso dzoudhemoni?
◻ Neiko tisingagoni kudyira nokubudirira padzose dziri mbiri tafura yaJehovha netafura yamadhemoni?
◻ Rudzii rwezvokudya zvinopiwa navawi pakutenda?
◻ Neiko kune ngozi kuva nechiringa pamusoro pepomero dzavawi pakutenda?
◻ Ndezvipi zviri zvibereko zvavawi pakutenda?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Tafura yaJehovha iri kufashukira nezvakanakisisa zvezvokudya zvomudzimu