Vana ‘Vanochengeteswa’—Muitiro Wacho Ndowouchenjeri Here?
“SEZVAUNOZIVA, Daniel, ndine vana vakawanda,” yakadaro hama yokunyama yaDaniel. “Naizvozvo ndasarudza kuparadzira vamwe vavo pakati pehama dzokunyama.” Achinongedzera kumusikana muduku uyo iye akanga auya naye, hama yokunyama yacho yakati: “Uyu ndowako.”
“Mazviita,” akadaro Daniel. Bva, nechomukati, iye akagomera. Iye aiva navana vakakwana vake amene uye akanga asingadi kana kuti asingadikanirwi kuva navamwe vapi navapi. Asi mukuwirirana netsika yomunzvimbomo, kuramba kupiwa kwacho kungadai kwakarangarirwa sechitadzo chakakomba—hakufungiki! Daniel zvino akava nomumwe mwanasikana wokutarisira.
Munyika zhinji dziri kusimukira, zvikurukuru muAfrica, hakusati kuri kusingazivikanwi navose kuti vabereki vachengetese vana vavo kuhama dzokunyama kana kuti shamwari kwemwedzi, makore—uye pane dzimwe nguva kusvikira kunguva isingazivikanwi. Tsika yacho inganzwika kuva yechienzi kunzeve dzokuMadokero, asi munheyo kwakafanana nomuitiro wokutumira vana kumabhodhingi kana kuti misasa yomuzhezha yenguva refu. Chii, kunyanguvezvo, chiri seri kwetsika yokuchengetesa vana? Muitiro wokuchenjera here?
Chikonzero Nei Vachichengetesa Vana Vavo
Kunyange zvazvo zvinokosha zvamagamuchidzanwa zviri kuchinja, kuweAfrica, vana havasi chose chose chinhu chavabereki. Panzvimbo pezvo, ivo ndevemhuri yakakura. Vanatete, vanababamukuru, navanababamuduku, vanasekuru, uye vamwe vose vanofungwa kuva vane maruramiro nechiremera pavaduku. Chimwe chirevo cheWest Africa chinoti: “Mumwe munhu anobereka, asi vazhinji vanotarisira mwana.”
Somuuyo, apo migariro ine ngozi inomuka, zvakadai sorufu rwavabereki vomwana, hama dzokunyama dzakagadzirira uye dzinodisa kutora muduku afirwa. Chikonzero chikuru chokuchengetesa vana kuhama dzokunyama, zvisinei, kazhinji kazhinji ndechemari. Apo imwe mhuri inenge ino urombo uye vana vari vazhinji, vabereki vangarangarira kuti mumwe kana kuti vanopfuura vavaduku achabetserwa kupfurikidza nokugara nehama dzokunyama dziri nani. Ivo vanorangarira kuti hama yokunyama ichakuwana kuri nyore zvikuru kuwana mari yechikoro, zvokupfeka, mushonga, uye zvokudya. Naizvozvo hakusi kushaikwa kworudo rwavabereki asi, panzvimbo pezvo, chishuvo chokugovera zvakanakisisa nokuda kwavana vavo icho chinosunda vamwe vabereki kuva chengetesa kuvamwe.
Chimwe chikonzero chishuvo chokuti vana vawane dzidzo yakanaka. Zvichida chikoro chapedyosa chiri kure nomusha wemhuri. Sezvo kungave kwakaoma kana kuti kusingabviriri mhuri yose kutama, vabereki vangarangarira kuti kungava kwakanakisisa kutumira mwana wavo kuhama dzokunyama dzinogara pedyo nechikoro.
Hama dzokunyama dzinowanzova dzinofara kugamuchira ava vana. Pakati pezvimwe zvinhu, mumwe muromo wokudyisa unorevawo mamwe maoko maviri okuita basa rapamusha pamba. Uye vabereki pane dzimwe nguva vanobetsera nendyiko kupfurikidza nokutumira mari kana kuti zvokudya.
Zvinhu Zvokurangarira
Nepo kuri chokwadi kuti kungava nebetsero dzakati dzedzidzo nedzokunyama mukuchengetesa mwana kuvamwe, kune zvimwe zvinhu zvinofanirwa nerangariro yokungwarira. Kutanga, mwana achachinjira sei kuvachengeti vake vatsva, uye ivo vachachinjira sei kumwana? Pane dzimwe nguva gadziriro dzakadaro dzinoshanda zvakanaka, uye vabereki vatsva vanoita ukama hwakasimba, hworudo navana vavo vokurera. Somuenzaniso, mumwe mukuru wechiKristu womuSierra Leone akatora muzukuru wake akafirwa. Paakabvunzwa makore gare gare pamusoro pomwanakomana wake wokurera, iye akapindura, kuti: “Handirangariri Desmond kuva mwana wokurera—iye mwanakomana wangu. Iye inyama yangu neropa.”
Havasi vose, zvisinei, vanorangarira vana vavo vokurera neiyi nzira. Kuenzanisira, murimwe guta reWest Africa makanga mune chimurenga. Mabara akanga achivhiririka. “Kurumidzai!” akadanidzira mumwe mukadzi wapamba kuvaduku vake vaviri: “Arthur, vanda pasi pomubhedha! Iwe, Sorie, tarira napawindo uye tiudze chiri kuitika!” Arthur akanga ari mwana wake wokubereka, asi Sorie, mwana wokurera, kana kuti muchengetwi.
Kunozivikanwa navose kuti kubatwa kwakanaka kunopiwa kuvana vokubereka vari mumhuri. Somuuyo, betsero dzinodikanwa zvikuru dzokunyama dzinowanzokundikana kuitika. Kazhinji kazhinji zvikuru kwazvo vachengetwi vanonyanyoshandiswa, vanonyimwa dzidzo, uye ndivo vokupedzisira mumutsetse kugamuchira zvipfeko pamwe chete netarisiro yokurapa neyamazino. Mumwe mufundisi uyo akashanda muAfrica kwamakore anopfuura 23 akati: “Vachengetwi nguva dzose vanodokuva vana vakaderera.”
Rimwe pfundo rokurangarira: Apo mwana anobva pamusha, kazhinji kazhinji pane kuvadziko dzendangariro. Ndangariro dzavana nomwoyo zvinotapurika uye hazvitani kutapurwa. Kuvambira paucheche ivo vanoshuva nyaradzo nechengeteko zvoukama hwapedyo navabereki vavo. Kuti vana vabviswe pamusha pavo kuti vaende ndokugara navaenzi chaivoivo kunogona kuva kwakaoma zvikuru.
MuSierra Leone mumwe mukadzi anonzi Comfort akaendeswa kundogara nehama yake yokunyama pazera ramakore mapfumbamwe okukura. Iye anoyeuka, kuti: “Makore andakapedza ndisi pamusha akanga akaoma zvikuru. Ndakashuva mhuri yangu zvikuru—zvikurukuru hanzvadzi dzangu navanun’una. Kwakanga kwakaita sokunge ivo vakandibvisa pandakanga ndichifanira kuva ndokundiisa kwandakanga ndisingafaniri kuva. Kunyange zvazvo hama yangu yokunyama yakandibata zvakanaka zvikuru, handaigona kumbotaura kwairi norusununguko sezvandaigona kuita kuna amai vangu ndimene. . . . Hazvinei hazvo nokuti mugariro wedu unova wakaoma sei, handisati ndichizotongotumira vana vangu kunogara nomumwe munhuwo zvake.”
Francis, weWest Africa uyo akakurirawo mutarisiro yokurerwa, aiva neizvi zvokutaura: “Ndinozvidemba kusatongova ndakakwanisa kukudziridza ukama hwapedyo naamai vangu chaivoivo. Nenzira yakati, ndinorangarira kuti isu tose tiri vaviri takapotsa chimwe chinhu chinokosha.”
Zvinodikanwa Zvomudzimu Zviya Zvinokosha
Chinhu chinokosha zvikurusa chazvose, zvisinei, igarikano yomwana yomudzimu. Uye Mwari muuchenjeri hwake anoraira kuti vabereki vamene vatarisire zvinodikanwa zvomudzimu zvavana vavo. Achiraira vabereki vechiIsraeri, zano raMwari raiva iri: “Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Muapostora Pauro akaraidza zvakafanana madzibaba echiKristu, achiti: “Regai kutsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW.
Asi mwana anogona sei kurerwa “muchirango nokutungamira ndangariro kwaJehovha” kana iye akatumirwa kundogara nehama dzokunyama dzisingatendi? Kuona zviri pedyo sei, ipapoka, kurega fariro dzomudzimu dzomwana nokuda kwebetsero dzokunyama kana kuti dzedzidzo!
Zvakadiniko nokutumira mwana kundogara navatendi biyako? Nepo kuri nani pakuvachengetesa kuvasingatendi, munzira dzakawanda ikokuwo hakudikanwi. Mwana angave achingofanira kugonana nechinjo huru dzokufambidzana, dzemifungo, uye dzendangariro. Vamwe vana vakava vanoora mwoyo kana kuti vakava vanyajambwa kuusindimari nesonganiro yakashata. Vamwe vakarasikirwa nokuongwa kwose kwezvinhu zvomudzimu.
Seizvo vabereki vanosanoziva, kunoda unyanzvi, shiviriro, uye nguva yakawanda kuroverera mumwana rudo nokuda kwaJehovha. Kana basa rakadaro rakaomera vabereki vokubereka vomwana, avo vanosanomuziva kuvambira pakuberekwa, kunofanira kuva kunoomera sei varoorani kurera mwana asiri wavo vamene! Sezvo upenyu husingaperi hwomwana hungava mungozi, vabereki vanofanira nenzira yakakomba uye nokunyengetera kurangarira kana kuchengetesa mwana kwakafanira ngozi.
Kunyanguvezvo, vabereki vechiKristu vanofanira kuzvisarudzira vamene kuti vachaita sei zano ra 1 Timotio 5:8, rinoti: “Asi kana munhu asingachengeti wokwake, zvikuru weimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” Kana ivo pachavo vasingakwanisi kugovera zvinodikanwa zvokunyama zvomwana, vanofanira kuona kuti zvinodikanwa zvomudzimu zvomwana wavo zvinosvitswa nenzira yakanakisisa inobvira mumigariro yacho.
Wezvamapisarema akanyora, kuti: “Vana chipo chinobva kuna Mwari; ivo ituso yake.” (Pis. 127:3, The Living Bible) Naizvozvo idai vaduku venyu, uye vachengetei vari pedyo nemi. Vadei, uye vaitei kuti vakudei. Vabetserei kuva varume navakadzi vomudzimu, nokuti kuita saizvozvo kuchaguma nechikomborero chavo chisingaperi. Zvichida iwe uchakwanisa kuti, sezvakaita Johane nezvavana vake vomudzimu: “Handino mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.”—3 Johane 4.