RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 3/8 pp. 29-31
  • Kuronga Mhuri Murangariro wechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuronga Mhuri Murangariro wechiKristu
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mutoro Wakapiwa naMwari
  • Kudzora Kubereka
  • Ndiani Anofanira Kusarudza Ukuru Hwemhuri?
    Mukai!—1996
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Vana “Inhaka Inobva Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Kuziva Mutoro Wokubereka Vana Munguva Ino Yomugumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 3/8 pp. 29-31

Kuronga Mhuri Murangariro wechiKristu

PAMUSANGANO Wechiverengero Chavagari Vapasi Wenyika wokutanga, muna 1974, marudzi 140 akasangana akazivisa kuti vanyakuroorana vose “vane maruramiro ehwaro okusarudza norusununguko uye nomutoo wokuzvidavirira chiverengero uye kutaramutswa kwavana vavo uye kuva namashoko, dzidzo, uye mitoo yokuita kudaro.”

Vakawanda vanorangarira chisarudzo ichocho kuva chakanaka. Chokwadi, Mwari akaudza Adhama naEvha, uye gare gare mhuri yaNoa, kuva “vanobereka uye kuva vazhinji ndokuzadza pasi,” asi hakuna murairo wakadaro wakapiwa kumaKristu. (Genesi 1:28, NW; Genesi 9:1) Magwaro haakurudziri vanyakuroorana vechiKristu kuti vave navana kana kuti kuvaudza kuti vasave navana. Vaviri vakaroorana vangazvisarudzira vamene kana vangava navana kana kuti kwete uye, kana vakaronga nokuda kwavana, vachava navangani uye apo vachava navo.

Mutoro Wakapiwa naMwari

Wacherekedza here, kunyange zvakadaro, kuti kutaura kwoMusangano Wechiverengero Chavagari Vapasi Wenyika kwakati vanyakuroorana vanofanira kusarudza “nomutoo wokuzvidavirira chiverengero nokutaramutswa kwavana vavo”? Iyi nheyo yomutoro iriwo mutsinhirano neBhaibheri. Vabereki vechiKristu vanoziva kuti kunyange zvazvo vana vari chipo chinokosha chinobva kuna Mwari, mutoro wakati unouya pamwe chete nechipo.

Kutanga, pane mutoro wokutarisira vana muzvinhu zvenyama. Bhaibheri rinoti: “Zvirokwazvo kana munhu upi noupi asingagoveri avo vari vake amene, uye zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kupfuura munhu asina kutenda.”—1 Timotio 5:8, NW.

Kugovera mhuri yako kunobatanidza zvinopfuura kungoisa bedzi zvokudya patafura uye kuripira zvikwereti, kunyange zvazvo ikoku kuchiwanzova basa guru mariri rimene. Vanyakuroorana vechiKristu vane mutoro, mukuronga ukuru hwemhuri yavo, vanorangarira garikano yomuviri yaamai pamwe chete nokunzwa kwavo kwemirangariro, ndangariro, uye mudzimu. Kutarisira mwana kunobatanidza nguva yakawanda, uye apo mucheche anotevera mucheche, vanamai vanowanzorasikirwa nerisati riri zororo ravo bedzi, nhandaro, kuenderera mberi kwomunhu oga, uye kubatanidzwa mumibato yechiKristu asiwo utano hwavo hwomuviri nomudzimu.

Vabereki vechiKristu vane mutoro vanorangarirawo zvinodikanwa zvavana vavo. The State of the World’s Population 1991 inoti: “Vana vanoberekerwa mumhuri huru, vakasanobatana mukutaramutswa vanotofanira kukwikwidzana nehanzvadzikomana nehanzvadzisikana nokuda kwezvokudya, zvipfeko nechidakadaka chavabereki. Vanotapurwawo zvikuru nezvirwere. Kana ava vana vakapukunyuka gore ravo rouhwana rokutapurika, kukura kwavo kune bviro huru yokusakura uye kuenderera mberi kwavo kwoungwaru kunokuvadzwa. Kariro dzaava vana muupenyu hwomukuru dzinoderedzwa zvikurukuru.” Ikoku, chokwadika, hakusati kuchidaro mumhuri dzose huru, asi ndechimwe chinhu icho vanyakuroorana vechiKristu vanofanira kurangarira pakuronga chiverengero chavana vavachava navo.

Vabereki vechiKristu vane musengwa wokutarisira vana vavo mumudzimu, sokuraira kunoita Bhaibheri, kuti: “Imi, madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu, asi pfuurirai kuvarera muchirango nokutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4, NW.

Emeka, muKristu anodzidzisa mutemo muNigeria, ave akaroora kwegore rimwe uye haasiri muchimbichimbi kuti ave baba wemhuri huru. “Mudzimai wangu neni takakurukura kuti vana vangani vatichava navo. Takarangarira kuva navashanu asi takasarudza vatatu. Gare gare takagumisa kuti vaviri vangava vari nani. Kwakaoma kurera vana mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri. Mutoro mukuru.”

Vanyakuroorana vechiKristu vakati vakasarudza kusava navana kuti vapire nguva yavo yose kukubatira Mwari. Mumwe mufundisi muAfrica uyo akabvumirana nomurume wake kuti varambe vasina vana, akati: “Handinzwi kuti ndakanyimwa kupfurikidza nokusabereka vana. Kunyange zvazvo murume wangu neni tisina kuwana mifaro yohubereki, upenyu hwedu hwave huzere nemimwe mifaro. Kupfurikidza nokuva takabatikana mukubetsera vamwe kudzidza zvokwadi yeBhaibheri, tine vana vomudzimu mumativi akawanda enyika. Tinovada, uye vanotida. Pane chisungo chaicho pakati pedu. Nechikonzero chakanaka, muapostora Pauro akazvifananidza amene naamai vanorera nokuda kworudo rwake rukuru nokuda kwaavo vaakabetsera mumudzimu.”—1 VaTesaronika 2:7, 8.

Kudzora Kubereka

Bhaibheri rinoshora kudzivisa kubereka here? Aiwa, haridaro. Chisarudzo chinosiirwa vanyakuroorana. Kana vaviri vakaroorana vakasarudza havo kushandisa kudzora kubereka, chisarudzo chavo chezvinodzivisa kubereka inhau yavo vamene. Zvisinei, mutoo wokudzora kubereka vanyakuroorana vechiKristu vanosarudza unofanira kudzorwa noruremekedzo rwoutsvene hwoupenyu. Bhaibheri zvarinoratidza kuti upenyu hwomunhu hunovambira pakunamba, maKristu angadzivisa mitoo yokudzora kubereka inopfupfudza mimba, kana kuti inogumisa upenyu, hwomwana ari kukura.—Pisarema 139:16; enzanisa Eksodho 21:22, 23; Jeremia 1:5.

Naizvozvo vanyakuroorana nomutoo wakakodzera vangaita zvisarudzo zvakasiana pakureva nezvekuronga mhuri. Vamwe vangasarudza kuganhurira chiverengero chavana vavachava navo. Vamwe, vachishandisa mutoo wakati wechinodzora kubereka, vangasarudza havo kusatongova navana. Mitoo yakawanda yokudzora kubereka inowanika, mumwe nomumwe nebetsero dzawo uye dzisiri betsero. Mukusarudza kuti ndoupi mutoo wakanakisisa nokuda kwavo, vanyakuroorana vanofanira kuyeuka kuti mimwe mitoo inoshanda zvikuru kupfuura mimwe. Vanofanirawo kubvunza pamusoro pemiuyo yokushandisa inobvira. Vanachiremba namakiriniki okuronga mhuri vakashongedzerwa kupa pangiro pamusoro pemitoo yokudzora kubereka uye kubetsera vaviri vakaroorana kuti vasarudze mumwe unokwanirisa zvakanakisisa zvinodikanwa zvavo.

Chisarudzo icho vanyakuroorana vanoita chokuva navana vakawanda, vashomanene, kana kuti kusava navo inhau yavo vamene. Icho chisarudzo chinokoshawo chine miuyo inobatanidza zvakawanda. Vanyakuroorana vangava vakachenjera kurangarira nhau nomutoo wokungwarira uye mumunyengetero.

[Bhokisi riri papejis 30, 31]

Mitoo Yakakurumbira Yokudzora Kubereka

Kutena

Muvarume: Muitiro wokuvhiya wakapfava unoitwa apo kucheka kuduku kunoitwa muhomwe yamachende uye machubhu anotakura urume anochekwa.

Muvakadzi: Muitiro wokuvhiya umo machubhu eFallopian anosungwa kana kuti anochekwa kudzivisa zai kuti ripfuure ndokupinda muchibereko.

Betsero: Pamitoo yose yokudzora kubereka, kutena ndiko kunoshanda zvikurusa.

Dzisiri Betsero: Kunogona kuva kwechigarire. Muvose vari vaviri varume navakadzi, kuvhiiwa kwakadzorera ruzvaro, asi ikoku hakugoni kuvimbiswa.a

Mapiritsi Okudzora Kubereka

Iwaya anobatanidza piritsi duku rinodzivisa bedzi kukura kwamazai. Anoshanda kuti adzongonyedze mwero yamahormone enguva dzose omukadzi kuti adzivise zai kukura uye kuva rinobudiswa.b

Betsero: Anobudirira zvikuru mukudzivisa mimba.

Dzisiri Betsero: Pane miuyo yomuviri yokuashandisa, asi iyoyi mishoma nokuda kwavasingasvuti vane utano vari pasi pezera ramakore 40.

Diaphragm neSpermicide

Diaphragm kapu yerabha yakaurungana pamusoro inotatamurirwa pagango rinochinjika. Pashure pokuzora jeri inouraya urume kana kuti kirimu (mushonga unouraya urume) mukapu, kapu yacho inopinzwa musikarudzi kuti ikwane mumuromo wechibereko.

Betsero: Chimiro chakakotsekana, chinovimbika chokudzora kubereka pachinoshandiswa zvakanaka.

Dzisiri Betsero: Inofanira kushandiswa nguva iri yose apo vaviri vanova nevatano. Unyanzvi hunodikanwa kuisa kapu yacho nomutoo wakakodzera, uye inofanira kuiswa pamberi pevatano ndokusiiwamo maawa matanhatu kusvikira kumasere pashure pacho.

Cervical Cap

Chinhu chakafanana chepurasitiki kana kuti cherabha chiri chiduku zvikuru kupfuura diaphragm. Kufanana nediaphragm, chinoiswa pamuromo wechibereko asi chinokwana zvakanaka zvikuru uye chinoda kirimu shomanene yomushonga unouraya urume kana kuti jeri.

Betsero: Kapu yakaenzana nediaphragm mukubudirira, uye inogona kuramba iri munzvimbo kwamaawa 48. Mushonga unouraya urume haudikanirwi kuzorwa pavatano inodzokororwa.

Dzisiri Betsero: Chakaoma zvikuru kuisa kupinda diaphragm, uye kuisa pamuromo wechibereko kunofanira kunzverwa pamberi napashure pechiito chimwe nechimwe chevatano. Zvirwere zvechibereko kana kuti zvomuromo wechibereko ingozi dzinobvira. Kapu inofanira kupfekwa bedzi navakadzi vane kunzverwa kwenguva dzose kwePap.

Sponge

Chipanji chepolyurethane chine mushonga unoraya urume chinopinzwa musikarudzi kuti chifukidze muromo wechibereko, nokudaro chichiumba mhinganidzo inooneka neyamakemikoro kuurume. Chinoraswa pashure pokushandiswa.

Betsero: Chipanji chinogona kusiiwa chiri munzvimbo kusvikira kumaawa 24 uye chinoshanda kana vatano ikadzokororwa mukati menguva iyoyo.

Dzisiri Betsero: Kutapurwa kwakati uye zvinoitika zvishomanene zvetoxic shock syndrome zvinoshumwa.

The Intrauterine Device

Inonziwo IUD, rupu, kana kuti coil, ichi chinhu chesimbi kana kuti chepurasitiki chinoiswa muchibereko. Nepo pasina huchokwadi hwamashandire achinoita zvomenemene, vanachiremba vanodavira kuti chinodzivirira kubereka munzira dzinoverengeka. Imwe yeidzi nzira zvimwe kudzivisa zai rakaberekeswa kuzvibatanidza rimene nechidziro chechibereko.

Betsero: Mutoo unobudirira wokudzora kubereka.

Dzisiri Betsero: Pane dzimwe nguva unoguma nokubuda ropa kana marwadzo, uye pane dzimwe nguva kushanda kwawo kungafanana nokupfupfudzika pamuviri.c

Makondomu

Rabha inopinzwa chirema kudzivisa urume kupinda musikarudzi.

Betsero: Mutoo wakakotsekana, unobudirira wokudzora kubereka. Unoderedza banza rokupfuuridzirwa kwehosha dzinopfuudzwa muvatano, kubatanidza AIDS.

Dzisiri Betsero: Haudiwi navamwe nemhaka yokuti kushandiswa kwawo kunoda kudzongonyedzwa kwevatano.

Kuvhomora

Kuvhomorwa kwechirema musikarudzi pamberi chaipo pokubudisa urume.

Betsero: Hakudi ndyiko, gadziriro, kana kuti chinhu chokunze.

Dzisiri Betsero: Hakugutsi muvatano, kunoda kuzvidzora kukuru, uye hakuvimbiki zvikuru.

Rhythm Method

Vaviri vakaroorana vanorega vatano mukati mamazuva ari munhambo yokuva kumwedzi kwomukadzi ayo anenge asingatani kunamba mimba.

Betsero: Wakakotsekana, hauna miuyo yokuushandisa inokuvadza, haudi chiito panguva yevatano.

Dzisiri Betsero: Hausiri mutoo unobudirira zvikuru wokudzivisa mimba kutoti vaviri vakaroorana vakatsunga zvikuru kusava navana uye vachisanonamatira kumirairidzo yomuitiro wacho.

Hormonal Implant

Mutoo mutsva zvikurusa wokudzivisa kunamba pakudzora kubereka, nhevedzano yamasilicon cylinder maduku inoiswa pasi peganda romuhapwa yomukadzi. Kusvikira kumakore mashanu, iwaya anopinzwa nguva dzose chitsama chiduku zvikuru chehormone muropa. Mukati meiyi nguva akadzivirirwa pamimba.

Betsero: Unobudirira zvikuru. Kubereka kunogona kudzorerwa kupfurikidza nokubvisa chakaisirwa.

Dzisiri Betsero: Ishomanene. Kufanana nepiritsi (piritsi duku) rinodzora kubereka reprogestin-only. Apo zvinoiswa zveprogestin-only zvinodzora zvinoshandiswa, mimba zvimwe inodzivirirwa nomutoo wokupfupfudzika.d

[Mashoko Omuzasi]

a Kurukurirano yokuti kutena kunowirirana nenheyo dzechiKristu here inowanwa muNharireyomurindi yaOctober 1, 1985, peji 31.

b Kurukurirano yokuti mapiritsi okudzora kubereka anodzivisa sei kubereka inowanwa muNharireyomurindi yaJune 15, 1989, peji 29.

c Kurukurirano yokuti IUD inowirirana here nenheyo dzechiKristu inowanwa muNharireyomurindi yechiNgezi yaMay 15, 1979, mapeji 30-1.

d Kurukurirano yamashandire anoita mapiritsi okudzora kubereka kuti adzivise kubereka inowanwa muNharireyomurindi yaJune 15, 1989, peji 29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe