-
Jehovha AchakutsigiraNharireyomurindi—2015 | December 15
-
-
13. Tinofanira kuona sei mazano atinopiwa nevamwe?
13 Hatisi kurarama munguva yekuti vamwe vaKristu vanokwanisa kushandisa “zvipo zvokurapa” kuti vatiporese. Asi dzimwe hama dzinenge dzichifunga kuti dziri kubatsira, dzingapa mazano panyaya dzeutano dzisina kumbokumbirwa. Ichokwadi kuti mumwe munhu anogona kupa mamwewo mazano anoshanda. Pauro akaitawo izvozvo Timoti paakanga achirwara nemudumbu, zvichida nemhaka yemvura isina kuchena.a (Verenga 1 Timoti 5:23.) Asi izvozvo zvakasiyana nekunyengetedza mumwe muKristu kuita zvimwe zvinhu zvingatodaro zvichimukuvadza, zvakadai sokushandisa mumwe mushonga, kurapwa neimwe nzira kana kuti kumuudza zvekuita panyaya dzekudya. Dzimwe nguva vamwe vanonyengetedza vamwe vachiti: ‘Nhingi wangu aiva nechirwere chakadaro, akanwa chakati . . . akabva apora.’ Pasinei nekuti munhu ari kutotaura nechido chekutibatsira, tinofanira kuziva kuti kunyange mishonga inoshandiswa nevakawanda inogona kutikuvadza.—Verenga Zvirevo 27:12.
-
-
Jehovha AchakutsigiraNharireyomurindi—2015 | December 15
-
-
a Bhuku rinonzi The Origins and Ancient History of Wine rinoti: “Zvakaonekwa kuti utachiona hwetyphoid nehumwewo hunokonzera zvirwere zvinouraya, hunobva hwangofa kana hukasanganiswa newaini.”
-