RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Budiriro—Pasinei Zvapo Nemiuyo Here?
    Nharireyomurindi—1988 | August 15
    • Nourombo hwakawanda, vanhu vazhinji vakatsvaka budiriro mune zvemari kusvikira pakurega chimwe chinhu chiri chose. Vamwe vanotendeukira kukusatendeseka kuti vawane iyoyi. Pakuva maKristu echokwadi, kunyanguvezvo, ivo vanofanira kuva vasiya ichi chimiro zvechigarire mushure kuti vawirirane nemipimo yakarurama yeBhaibheri.

      Zvisinei, kunyange mamwe maKristu anobatwa zvakare mukunangidzira nhamburiko panharidzano dzenyika. Ivo vangawira mumufambiro usiri wechiKristu kuti vawane budiriro. Vabereki vanoregeredza mhuri dzavo. Vanhu vamwe navamwe vanoregeredza basa ravo kuna Mwari. Chii chaunofunga kuti chingava muuyo pamusoro pegutsikano muupenyu nomufarwa?

      Richitingwadza kumuuyo wacho, Bhaibheri rinonyevera, richiti: “Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, . . . Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:9, 10.

  • Budiriro—Pasinei Zvapo Nemiuyo Here?
    Nharireyomurindi—1988 | August 15
    • Rudo rwepfuma nditenzi anoraira. Runoda nguva yavanhu, simba, uye mano; uye runobudisa kuzvipira kwoumwari. Irwo kazhinji kazhinji runonyengera vanhu kutsvaka kunyange pfuma huru zvikuru nomukurumbira wenyika, nokudaro kuchivaswededza kure nguva dzose nokutenda. Bhaibheri rinoti nomazvo: “Unoda sirvheri, haangagutswi nesirvheri, naiye unoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda.”—Muparidzi 5:10.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe