Nzira Bedzi Inoenda Kuupenyu Husingaperi
“Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu.”—JOHANE 14:6.
1, 2. Jesu akaenzanisa nzira inoenda kuupenyu husingaperi nechii, uye muenzaniso wake unorevei?
MUMHARIDZO yake yakakurumbira yepaGomo, Jesu anoenzanisa nzira inoenda kuupenyu husingaperi nomugwagwa unopindwa nomunhu napasuo. Cherekedza kuti Jesu anosimbisa kuti nzira iyi inoenda kuupenyu haisi nyore, achiti: “Pindai nesuo rakamanikana; nokuti suo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu [husingaperi], vanoiwana vashoma.”—Mateo 7:13, 14.
2 Unonzwisisa zvinoreva muenzaniso uyu here? Hauratidzi here kuti kune mugwagwa mumwe bedzi, kana kuti nzira, inoenda kuupenyu uye kuti ichada kuti isu titeererese kuti tidzivise kutsauka munzira iyoyo inoenda kuupenyu? Saka, iyi nzira bedzi inoenda kuupenyu husingaperi chii?
Basa raJesu Kristu
3, 4. (a) Bhaibheri rinoratidza sei basa raJesu rinokosha pakuponeswa kwedu? (b) Ndirini Mwari paakatanga kuratidza kuti vanhu vaigona kuva noupenyu husingaperi?
3 Zvakajeka kuti, Jesu ane basa rinokosha rine chokuita nenzira iyoyo, sokuzivisa kwakaita muapostora wake Petro kuti: “Hakuna kuponeswa kune mumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga [kunze kweraJesu], rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” (Mabasa 4:12) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akazivisa kuti: “Chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaRoma 6:23) Jesu pachake akazivisa kuti nzira bedzi inoenda kuupenyu husingaperi ndiye, nokuti akazivisa kuti: “Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu.”—Johane 14:6.
4 Saka zvinokosha kuti tigamuchire basa raJesu mukuita kuti upenyu husingaperi hubvire. Naizvozvo, ngatinyatsoongororai basa rake. Unoziva here kuti ndirini Jehovha Mwari paakaratidza kuti vanhu vaigona kuva noupenyu husingaperi, Adhama atadza? Adhama achangotadza. Zvino ngationgororei kuti gadziriro yokuti Jesu Kristu ave Muponesi wavanhu yakatanga kuziviswa sei.
Mbeu Yakavimbiswa
5. Tingaziva sei nyoka yakanyengera Evha?
5 Jehovha Mwari akazivisa Muponesi akavimbiswa nomutauro wokufananidzira. Akaita izvi paakapa mutongo ku“nyoka” yakanga yataura naEvha uye yakanga yamuedza kuti asateerera Mwari nokudya muchero wakarambidzwa. (Genesi 3:1-5) Chokwadi, nyoka iyoyo yakanga isiri nyoka chaiyoiyo. Chaiva chisikwa chomudzimu chine simba chinoziviswa muBhaibheri se“nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi, naSatani.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani akashandisa mhuka iyi yakaderera somuromo wake kuti anyengedze Evha. Saka, achipa Satani mutongo, Mwari akati kwaari: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yake. Iyo [mbeu yomukadzi] ichakupwanya musoro uye iwe uchaipwanya chitsitsinho.”—Genesi 3:15, NW.
6, 7. (a) Mukadzi anobereka “mbeu” ndiani? (b) Mbeu yakavimbiswa ndiani, uye inoitei?
6 Uyu “mukadzi” anovengwa, kana kuti kuzvondwa naSatani ndiani? Kungoita se“Nyoka yekare” inoziviswa muna Zvakazarurwa chitsauko 12, ndizvo zvinoitwawo mukadzi uyu anovengwa naSatani. Cherekedza mundima 1 kuti anonzi “akashongedzwa nezuva, akamira pamwedzi, uye ane nyeredzi gumi nembiri dziri pamusoro wake.” Mukadzi uyu anomirira sangano raMwari rokudenga rengirozi dzakatendeka, uye “mwanarume” waanobereka anomirira Umambo hwaMwari, huna Jesu Kristu anotonga saMambo.—Zvakazarurwa 12:1-5, The Jerusalem Bible.
7 Saka, “mbeu,” kana kuti mwana, womukadzi, anodudzwa pana Genesi 3:15, achapwanya Satani “musoro,” achimuuraya ndiani? Ndiye akatumwa naMwari kubva kudenga kuti aberekwe nemhandara nenzira inoshamisa, hungu, munhu Jesu. (Mateo 1:18-23; Johane 6:38) Zva Chitsauko 12 chaZvakazarurwa chinoratidza kuti soMutongi wokudenga akamutswa, Mbeu iyi, Jesu Kristu, yaizotungamirira pakukunda Satani uye yaizotanga “ushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake,” sokutaura kunoita Zvakazarurwa 12:10.
8. (a) Mwari akapa chinhu chipi chitsva maererano nechinangwa chake chokutanga? (b) Ndivanaani vanoumba hurumende itsva yaMwari?
8 Saka Umambo uhu huri mumaoko aJesu Kristu chinhu chitsva icho Mwari akapa maererano nechinangwa chake chokutanga chokuti vanhu vave noupenyu husingaperi pasi pano. Satani apanduka, Jehovha akakurumidza kuita chiito kuti abvise zvakaipa zvose zvinoparirwa nouipi achishandisa iyi hurumende itsva yoUmambo. Paaiva pasi pano Jesu akazivisa kuti aisazova oga muhurumende iyi. (Ruka 22:28-30) Vamwe vaifanira kusarudzwa muvanhu, uye ivava vaizobatana naye kudenga kuti vatonge vose, uye vaibva vazova rumwe rutivi rwembeu yomukadzi. (VaGaratia 3:16, 29) MuBhaibheri nhamba yaava vanotonga pamwe naJesu—vose vanotorwa pavanhu vanotadza pasi pano—inopiwa se144 000.—Zvakazarurwa 14:1-3.
9. (a) Nei Jesu aifanira kuoneka pasi pano somunhu? (b) Jesu akabvisa sei mabasa aDhiyabhorosi?
9 Zvisinei, Umambo ihwohwo husati hwatanga kutonga, zvaikosha kuti rutivi rukuru rwembeu, Jesu Kristu, ruoneke pasi pano. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti akanga agadzwa naJehovha Mwari saIye anofanira kuti “aparadze [kana kuti kubvisa] mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johane 3:8) Pamabasa aSatani pakanga pane kunyengedza kwake Adhama kuti atadze, kwakaita kuti vana vose vaAdhama vatongerwe chivi norufu. (VaRoma 5:12) Jesu akabvisa iri basa raDhiyabhorosi nokupa upenyu Hwake serudzikinuro. Saka akapa chikonzero chokusunungurwa kwavanhu muchirango chechivi norufu ndokuvhura nzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Mateo 20:28; VaRoma 3:24; VaEfeso 1:7.
Zvinoitwa Norudzikinuro
10. Jesu naAdhama vakanga vakafanana sei?
10 Upenyu hwaJesu zvahwakatamisirwa mudumbu romukadzi kubva kudenga, akaberekwa ari munhu akakwana, asina kusvibiswa nechivi chaAdhama. Aikwanisa kudai akararama nokusingaperi pasi pano. Nenzira yakafanana, Adhama akasikwa ari munhu akakwana ane tarisiro yokuva noupenyu husingaperi pasi pano. Muapostora Pauro aifunga nezvekufanana kwaiva kwakaita varume vaviri ava paakanyora kuti: “Munhu wokutanga, Adhama, wakaitwa munhu mupenyu; Adhama wokupedzisira [Jesu Kristu] wakaitwa mweya, unopa upenyu. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri wakabva kudenga.”—1 VaKorinte 15:45, 47.
11. (a) Adhama naJesu vakatapura sei vanhu? (b) Tinofanira kuona sei chibayiro chaJesu?
11 Kufanana kwevaviri ava—varume vaviri bedzi vakakwana vakafamba pasi pano—kunosimbiswa nokuzivisa kweBhaibheri kuti Jesu “wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro [runoenzanirana, NW] rwavose.” (1 Timotio 2:6) Jesu aiva akaenzana nani? Chokwadika, naAdhama paakanga achiri munhu akakwana! Chivi chaAdhama wokutanga chakaguma nokuita kuti mhuri yose yavanhu itongerwe rufu. Chibayiro cha“Adhama wokupedzisira” chinogovera chikonzero chokununurwa muchivi nomurufu, kuitira kuti tigone kurarama nokusingaperi. Chibayiro chaJesu chinokosha zvakadini! Muapostora Petro akati: “Hamuna kudzikinurwa nezvinoora, nesirivheri kana ndarama.” Panzvimbo paizvozvo, Petro akatsanangura kuti: “Asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risina ruvara.”—1 Petro 1:18, 19.
12. Bhaibheri rinorondedzera sei kubviswa kwomutongo wedu werufu?
12 Bhaibheri rinorondedzera zvakaisvonaka nzira ichabviswa nayo mutongo werufu kumhuri yavanhu, richiti: “Kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe [kwaAdhama], kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe [upenyu hwose hwaJesu hwokutendeka, huchiguma nokufa kwake] chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe [Adhama], saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe [Jesu].”—VaRoma 5:18, 19.
Tarisiro Ine Mbiri
13. Nei vakawanda vachinzwa sezvavanoita pamusoro pokurarama nokusingaperi?
13 Iyi gadziriro yaMwari inofanira kutiita kuti tifare kwazvo! Haufadzwi here kuti Muponesi akagoverwa? Pavakabvunzwa kuti, “Munofadzwa here netarisiro yokurarama nokusingaperi?” mune kumwe kuongorora kwakaitwa nerimwe pepanhau muguta guru reAmerica, zvinoshamisa kuti 67,4 muzana yevakapindura vakapindura kuti, “Aiwa.” Nei vakati vakanga vasingadi kurarama nokusingaperi? Zviri pachena kuti nemhaka yokuti upenyu pasi pano hwava nematambudziko akawandisa. Mumwe munhu akati, “Handinakidzwi nepfungwa yokuratidzika ndava namakore 200.”
14. Nei kurarama nokusingaperi kuchizova mufaro wakakwana?
14 Asi, Bhaibheri harisi kutaura nezvokurarama nokusingaperi munyika ine vanhu vanotambura nechirwere, kukwegura, nemamwe matambudziko. Aiwa, nokuti soMutongi woUmambo hwaMwari, Jesu achabvisa matambudziko ose akadaro anoparirwa naSatani. Maererano neBhaibheri, Umambo hwaMwari “huchaputsanya nokuparadza” hurumende dzose dzenyika ino dzinodzvinyirira. (Dhanieri 2:44) Panguva iyoyo, mumhinduro yomunyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake, “kuda” kwaMwari “kuchaitwa panyika sezvakuri kuitwa kudenga.” (Mateo 6:9, 10, Today’s English Version) Munyika itsva yaMwari, pasi pabviswa uipi hwose, kubetsera kwerudzikinuro rwaJesu kuchashandiswa zvakazara. Hungu, vose vanokwanisa vachadzorerwa kuutano hwakakwana!
15, 16. Zvinhu zvichave zvakamira sei munyika itsva yaMwari?
15 Kuvanhu vanenge vava kurarama munyika itsva yaMwari, ndima yeBhaibheri iyi ichashanda: “Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; uchadzokera kumazuva ouduku hwake.” (Jobho 33:25) Imwe vimbiso yeBhaibheri ichaitikawo ndeyokuti: “Meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba.”—Isaya 35:5, 6.
16 Chimbofunga: Pasinei zvapo nezera redu panguva iyoyo, tingava tine makore 80, 800 kana kuti kutopfuura, miviri yedu icharamba ine utano hwakanakisisa. Zvichava sezvinovimbiswa neBhaibheri kuti: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.” Panguva iyoyo vimbiso iyi ichaitikawo: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 21:3, 4.
17. Tingatarisira kuti vanhu vachaitei munyika itsva yaMwari?
17 Munyika iyoyo itsva, tichakwanisa kushandisa uropi hwedu hunoshamisa nenzira iyo Musiki wedu aida kuti tiite paakahusika hune simba rokudzidza risina muganhu. Chokwadi, chimbofungidzira zvinhu zvinoshamisa zvatinogona kuita! Kunyange vanhu vasina kukwana vakaita zvose zvatinoona zvakatipota kubva muzvinhu zviri pasi pano—nhare dzinotakurika, gudzanzwi, zviringazuva, zviovha, makombiyuta, ndege, hungu, zvese zvaungafunga nezvazvo. Hapana nechimwe chazvo chakaitwa nezvinhu zvavakaunza kubva kune imwe nzvimbo iri kure muchisiko chose. Zvatine upenyu husingagumi mberi kwedu, kukwanisa kuita zvinhu muParadhiso yapasi iri kuuya kuchava kusina muganhu!—Isaya 65:21-25.
18. Nei upenyu husingazombofinhi munyika itsva yaMwari?
18 Uyewo upenyu hahuzofinhi. Kunyange iko zvino tinotarisira kudya kwedu kunotevera, nyange zvazvo takadya makumi ezviuru ezvokudya. Kana tava vanhu vakakwana, tichanakirwa zvakatonyanya nezvibereko zvepasi riri Paradhiso. (Isaya 25:6) Uye tichafara nokusingaperi kutarisira mhuka dzakawanda dzapasi nokunakidzwa nokunyura kwezuva raro, makomo aro, nzizi dzaro, nemipata yaro zvinonakidza. Zvechokwadi, upenyu hahuzombofinhi munyika itsva yaMwari!—Pisarema 145:16.
Kuita Zvinodiwa naMwari
19. Nei zvichinzwisisika kudavira kuti pane zvinodiwa kuti tigamuchire chipo chaMwari choupenyu?
19 Ungatarisira kugamuchira chipo chaMwari chakaisvonaka choupenyu husingaperi muParadhiso iwe pasina chawaita here? Hazvinzwisisikiwo here kuti Mwari angada chimwe chinhu? Zvechokwadi zvine musoro. Chaizvoizvo, Mwari haangotikandiri chipo chacho. Anotitambidza, asi tinofanira kutambanudza ruoko ndokuchitora. Hungu, tinofanira kuita chimwe chinhu. Ungabvunza mubvunzo wakabvunzwa Jesu nejaya raiva mutongi: “Ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” Kana kuti ungaronga mubvunzo wacho nenzira iyo muchengeti wejeri wokuFiripi akabvunza nayo muapostora Pauro: “Ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”—Mateo 19:16; Mabasa 16:30.
20. Chii chinokosha chinodiwa kuti tive noupenyu husingaperi?
20 Usiku hwakatangira zuva raakafa, Jesu akaratidza chinokosha chinodiwa paakati achinyengetera kuna Baba vake vokudenga: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Hachisi chinhu chinonzwisisika here kuti tizive Jehovha, akaita kuti upenyu husingaperi hubvire, nokuziva akatifira, Jesu Kristu? Asi, pane zvakawanda zvinodiwa kupfuura kungoziva.
21. Tinoratidza sei kuti tiri kuita zvinodiwa nokutenda?
21 Bhaibheri rinotiwo: “Unotenda kuMwanakomana, une upenyu husingaperi.” Rinozowedzera kuti: “Usingateereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.” (Johane 3:36) Ungaratidza kuti uri kutenda Mwanakomana nokuchinja upenyu hwako uye kuita kuti huwirirane nokuda kwaMwari. Unofanira kuramba nzira ipi neipi yakaipa yaungava wave uchitevera ndokuita zvinofadza Mwari. Unofanira kuita zvakarayirwa nomuapostora Petro kuti: “Naizvozvo, tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dzisvike.”—Mabasa 3:19.
22. Zviito zvipi zvinobatanidzwa pakutevera makwara aJesu?
22 Ngatisambokanganwai kuti tinogona kuwana upenyu husingaperi nokuratidza kutenda Jesu chete. (Johane 6:40; 14:6) Tinoratidza kuti tinotenda Jesu noku‘nyatsotevera makwara ake.’ (1 Petro 2:21) Chii chinobatanidzwa mukuita izvozvo? Achinyengetera kuna Mwari, Jesu akati: “Tarirai, ndauya . . . kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.” (VaHebheru 10:7) Zvinokosha kutevedzera Jesu pakubvuma kuita kuda kwaMwari nokutsaurira upenyu hwako kuna Jehovha. Wadaro unofanira kuratidza kuzvitsaurira ikoko nokubhabhatidzwa mumvura; Jesuwo akazvipa kuti abhabhatidzwe. (Ruka 3:21, 22) Kuita matanho akadaro kunonzwisisika chaizvo. Muapostora Pauro akanyora kuti “rudo rwaKristu runotimanikidza.” (2 VaKorinte 5:14, 15) Munzira ipi? Rudo rwakaita kuti Jesu atipe upenyu hwake. Izvozvo hazvifaniri kutimanikidza kuratidza kutenda maari here? Hungu, zvinofanira kutimanikidza kuti titevere muenzaniso wake worudo wokuzvipa kuti abetsere vamwe. Kristu akararamira kuita kuda kwaMwari; tinofanira kuita zvakafanana, tisingachazviraramiri.
23. (a) Vaya vanogamuchira upenyu vanofanira kuwedzerwa pachii? (b) Chii chinodiwa kune avo vari muungano yechiKristu?
23 Hakusiriko kupera kwenhau yacho. Bhaibheri rinotaura kuti 3 000 pavakabhabhatidzwa paPendekosti ya33 C.E., “vakawedzerwa.” Kuwedzerwa pachii? “Vakatsungirira pakudzidzisa kwavaapostora, napakuyanana kwavo,” Ruka anotsanangura kudaro. (Mabasa 2:41, 42) Hungu, vaiungana kuti vafunde Bhaibheri nokushamwaridzana uye nokudaro vakawedzerwa, kana kuti vakava vamwe veungano yechiKristu. VaKristu vokutanga vaipinda misangano nguva dzose kuti varayiridzwe mumudzimu. (VaHebheru 10:25) Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoitawo izvi, uye zvingada kukukurudzira kuti upinde nazvo misangano iyi.
24. “Upenyu chaihwo” chii, uye huchawanikwa sei uye rini?
24 Mamiriyoni zvino ari kutevera mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu. Kuramba uri pamugwagwa uyu kunotoda kuita zvokutotamburira chaizvo! (Mateo 7:13, 14) Pauro akaratidza izvi pakukumbira kwaakaita nomwoyo wose kuti: “Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa kwahuri.” Kurwa uku kunodiwa kuti u“batisise upenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:12, 19) Upenyu ihwohwo hahusi upenyu hwatinahwo zvino hwemarwadzo nokutambura hwatakaparirwa nechivi chaAdhama. Panzvimbo pezvo, upenyu munyika itsva yaMwari, huchakurumidza kuwanikwa apo vose vanoda Jehovha Mwari noMwanakomana wake vachashandisirwa chibayiro chorudzikinuro chaKristu kana gadziriro ino yezvinhu yabviswa. Tose zvedu ngatisarudzei upenyu—“upenyu chaihwo”—upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari ine mbiri.
Ungapindura Sei?
◻ Nyoka, mukadzi, nembeu zviri pana Genesi 3:15 ndivanaani?
◻ Jesu aiva akaenzana sei naAdhama, uye rudzikinuro rwakaita kuti chii chibvire?
◻ Chii chaungatarisira chichaita kuti nyika itsva yaMwari ikufadze kwazvo?
◻ Tinofanira kuita zvii zvinodiwa kuti tigare munyika itsva yaMwari?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Jesu ndiye nzira bedzi inoenda kuupenyu husina mugumo, kuvaduku nevakuru
[Mufananidzo uri papeji 11]
Nguva yaMwari yakwana, vakura vachavazve nesimba rouduku