RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Rudzikinuro Runowirirana Nokuda Kwavose
    Nharireyomurindi—1991 | February 15
    • Rudzikinuro Runowirirana

      10. Neiko zvibairo zvemhuka zvaisagona kufukidza zvakakwana zvivi zvorudzi rwomunhu?

      10 Zvichangobva kududzwa zvinoratidzira kuti rudzikinuro runofanira kuva rwakaenzana neicho runotsiva, kana kuti runofukidza. Zvibairo zvemhuka izvo vanhu vokutenda kuvambira pana Abheri zvichienda mberi vakapa zvaisagona chaizvoizvo kufukidza zvivi zvavanhu, sezvo vanhu vari vakuru kuzvikara. (Pisarema 8:4-8) Nokudaro Pauro aigona kunyora kuti “ropa renzombe nerembudzi haritongogoni kubvisa zvivi.” Zvibairo zvakadaro zvaigona kubatira chete sechifukidzo chokufukidzira, kana kuti chomufananidziro, mukukarirwa kworudzikinuro rwaizouya.—VaHebheru 10:1-4.

      11, 12. (a) Neiko zviuru zvamamirioni avanhu zvaisafanira kufa nzufu dzezvibairo kufukidza kutadza kworudzi rwomunhu? (b) Ndiani oga aigona kubatira so“rudzikinuro runowirirana,” uye rufu rwake runobatira donzoi?

      11 Urwu rudzikinuro rwakadeya kufananidzirwa rwaifanira kuva rwakaenzana chaizvo naAdhama, sezvo chirango chorufu icho Mwari akashandisa nenzira yakarurama kuna Adhama chakaguma neshurikidzo yorudzi rwomunhu. “Vose vanofa muna Adhama,” inodaro 1 VaKorinte 15:22. Naizvozvo kwakanga kusati kuri madikanwa kuti zviuru zvamamirioni zvavanhu vamwe navamwe zvife nzufu dzezvibairo kuwirirana nomunhu mumwe nomumwe worudzi rwaAdhama. “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi.” (VaRoma 5:12, NW) Uye “sezvo rufu rwuri kupfurikidza nomunhu,” kununurwa kworudzi rwomunhu kwaigona kuuyawo “kupfurikidza nomunhu.”—1 VaKorinte 15:21, NW.

      12 Munhu aigona kuva rudzikinuro aifanira kuva munhu akakwana wenyama neropa—muenzani chaiye waAdhama. (VaRoma 5:14) Chisikwa chomudzimu kana kuti “Mwari munhu” chaisazodzikamisa chiyero cheruramisiro. Munhu akakwana bedzi, mumwe munhu asiri mutongero yorufu yaAdhama, aigona kupa “rudzikinuro runowirirana,” runowirirana zvakakwana naAdhama. (1 Timotio 2:6)a Kupfurikidza nokubaira nokuzvidira upenyu hwake, uyu “Adhama wokupedzisira” aigona kubhadhara mubairo wechivi wa“Adhama wokutanga.”—1 VaKorinte 15:45; VaRoma 6:23.

  • Rudzikinuro Runowirirana Nokuda Kwavose
    Nharireyomurindi—1991 | February 15
    • a Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano, an·tiʹly·tron, harina parinowanikazve muBhaibheri. Rinowirirana neshoko iro Jesu akashandisa nokuda kworudzikinuro (lyʹtron) pana Marko 10:45. Zvisinei, The New International Dictionary of New Testament Theology inoonesa kuti an·tiʹly·tron ‘anosimbisa mufungo wetsinhano.’ Nenzira yakafanira, New World Translation inorishandura kuti “rudzikinuro runowirirana.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe