CHIDZIDZO 15
Kutarisika Zvakanaka
KUTARISIKA kwako kunotaura zvakawanda nezvako. Kunyange zvazvo Jehovha achiona zvakaita mwoyo, vanhu vanowanzoguma vafunga zvavanofunga kubva pa“zvinoonekwa nemaziso.” (1 Sam. 16:7, NW) Kana wakashambidzika, wakapfeka zvakanaka, pamwe vamwe vachaona vega kuti unozviremekedza, uye vachada kukuteerera. Kupfeka kwako zvakanaka kuchaonesa zvakanaka sangano raunomiririra uye kucharatidza vateereri vako zvinodiwa naMwari waunonamata.
Nungamiro Yokutevera. Bhaibheri hariisi mitemo yakawanda pamusoro pechitarisiko chomunhu. Asi rinopa nhungamiro ine mwero inogona kutibatsira kusarudza zvakanaka. Chinokosha pane zvose izvi ndechokuti tinoita “zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.” (1 VaK. 10:31) Inhungamiro ipi inoshanda ine chokuita nechitarisiko chedu?
Chokutanga, Bhaibheri rinotikurudzira kuva vakachena, muviri wedu uye mbatya dzedu. PaMutemo wake kuvaIsraeri vekare, Jehovha akaronga zvinodiwa pamusoro porucheno. Somuenzaniso, vapristi pavaiva pajana, vaifanira kushamba nokugeza nguo dzavo panguva dzakatarwa. (Revh. 16:4, 24, 26, 28) VaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi, asi nhungamiro iri mauri ichiri kushanda. (Joh. 13:10; Zvak. 19:8) Zvikurukuru kana tichienda kunzvimbo yatinonamatira kana kuti tichiita basa romumunda, muviri wedu, chifemo chedu, uye mbatya dzedu zvinofanira kuva zvakachena zvokuti vamwe havazotisemi. Vaya vanopa hurukuro kana kuti kuva pamienzaniso pamberi peungano vanofanira kuita muenzaniso wakanaka pane izvi. Kuchenjerera chitarisiko chedu zvinoratidza kuremekedza Jehovha nesangano rake.
Chechipiri, Bhaibheri rinotirayira kuva nomwero uye kuva nepfungwa dzakanaka. Muapostora Pauro akakurudzira vakadzi ku“shong[a] . . . vane mwero nokunaka kwepfungwa, kwete nemagadzirirwo okuruka bvudzi nendarama kana nemaparera kana nguo dzinodhura kwazvo, asi nenzira inokodzera vakadzi vanoti vanotya Mwari.” (1 Tim. 2:9, 10) Kuva nomwero uye pfungwa dzakanaka zvinhu zvinokoshawo pakupfeka uye kushambidzika kwevarume.
Munhu ane mwero ane hanya nokusagumbura vamwe pasina chikonzero uye haadi zvake kuzvionesa pasina chikonzero. Kunaka kwepfungwa kunoguma nokuchenjerera, kana kuti kufunga zvakanaka. Munhu anoratidza zvinhu izvi ane mwero pamusana pokuremekedza kwake zvinodiwa naMwari. Kuratidza unhu uhwu hakurevi kuti hatichapfeki zvinoyemurika asi kunotibatsirawo kuti tive vanhu vane mwero pachitarisiko chedu torega kupfeka nokutsvinda zvokunyanyisa. (1 Joh. 2:16) Tingave tiri panzvimbo yokunamatira kana kuti tichiita ushumiri, kana kuti kuita mamwe mabasa, tinoda kushandisa izvozvi. Kunyange kupfeka kwedu kweimwewo nguva kunofanira kuratidza kuva nomwero uye kunaka kwepfungwa. Kuchikoro kana kuti kwatinoshanda, kuchave nemikana yokuparidzira zvisina kurongwa. Kunyange tingave tisina kupfeka sezvataizoita pakupinda misangano, kokorodzano uye magungano, tinofanira kupfeka zvakatsvinda, zvakachena uye zvine mwero.
Chokwadi ndechokuti tose hatipfeki zvakafanana. Uye hatitarisirwi kuti tidaro. Vanhu vanofarira zvinhu zvakasiyana uye izvi zvakakodzera kwazvo. Asi nhungamiro yeBhaibheri inofanira kushandiswa nguva dzose.
Muapostora Petro akaratidza kuti chinotokosha kupfuura magadzirirwo ebvudzi nezvipfeko zvokunze zvipfeko zvo“munhu akavanzika wemwoyo.” (1 Pet. 3:3, 4) Kana mwoyo yedu yakazara norudo, mufaro, rugare, mutsa, uye kutenda kune hwaro hwakasimba, izvi zvichava kwatiri zvipfeko zvinokosha zvinorumbidza Mwari zvechokwadi.
Chechitatu, Bhaibheri rinotikurudzira kufunga nezvokuti tinotarisika zvakanaka here. Pana 1 Timoti 2:9, panotaura nezve“nguo dzakagadzirwa zvakanaka.” Kunyange zvazvo muapostora Pauro akanga achitaura nezvezvipfeko zvevakadzi, izvozvo zvinoshandawo kuvarume. Chimwe chinhu chakagadzirwa zvakanaka chakatsvinda uye chinotarisika zvakanaka. Tingave tine zvakawanda zvokunyama kana kuti kwete, tinogona kutarisika zvakanaka.
Chimwe chezvinhu zvokutanga pakutarisika zvakanaka chinoonekwa nevamwe ibvudzi redu. Rinofanira kugadzirwa zvakanaka. Magadziriro anoita vanhu bvudzi ravo anoenderana netsika dzomunharaunda uye zvatakagara nhaka. Pana 1 VaKorinde 11:14, 15 tinonyeverwa nomuapostora Pauro nezvezvitaera zvebvudzi, zvakatonyorwa pachifungwa nezvezvinhu zvose izvi. Zvisinei kana chitaera chebvudzi chichiratidza kuti mukadzi ari kuedza kuva munhurume kana kuti murume ari kuedza kuva munhukadzi, izvi hazvipindirani nezviri muBhaibheri.—Dheut. 22:5.
Kuvarume, kutarisika zvakatsvinda kungasanganisira kugusa ndebvu zvakanaka. Munzvimbo dzinoonwa usopo—ndebvu dzepamusoro pomuromo—sohunoremekedzwa, vose vanohuchengeta vanofanira kuhuchengeta hwakadimburirwa zvakanaka.
Chechina, chitarisiko chedu hachifaniri kuratidza kuti tinoda nyika nenzira dzayo. Muapostora Johani akabayira zanhi achiti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.” (1 Joh. 2:15-17) Nyika ino inozivikanwa nokunyanyoda zvokutadza. Pane zvimwe zvacho Johani anotaura nezvokuchiva kwenyama inotadza, uye kushamisira nezvinhu zvoupenyu zvaunazvo. Magwaro anotaurawo nezvesimba rokupandukira, kana kuti kusateerera chiremera. (Zvir. 17:11; VaEf. 2:2) Zvido izvi nounhu hwakadai zvinowanzoratidzwa nemapfekero anoita vanhu nokugadzira bvudzi ravo. Saka chitarisiko chavo chingasava chine mwero, asi chounzenza, chokushamisira, choupfende, chouchapa kana kuti chouyanga. Sevashumiri vaJehovha, hatitevedzeri zvitaera zvinoratidza nzira dzisiri dzechiKristu dzakadaro.
Pane kutevedzera nyika, zvingava nani sei kuti uyemure varume nevakadzi vane muenzaniso wakanaka pakunamata Mwari vari muungano yechiKristu pakupfeka nokugadzira bvudzi! Varume vaduku vanoda kuzova vakurukuri vavose rimwe zuva vanogona kutarira mapfekero eavo vanotova vakurukuri vanokwanisa kupa hurukuro dzavose. Vose vanogona kudzidza pamuenzaniso wakanaka unoitwa nevanhu vamwe nevamwe vave vachiita ushumiri kwemakore akawanda.—1 Tim. 4:12; 1 Pet. 5:2, 3.
Chechishanu, pakusarudza zvakakodzera, tinofanira kufunga kuti “kunyange Kristu haana kuzvifadza.” (VaR. 15:3) Chaidiwa zvikuru naJesu kwaiva kuita zvaidiwa naMwari. Kubatsira vamwe kwaivawo panzvimbo yokutanga kwaari panzvimbo pezvinhu zvaizomunakira. Kana totaura nezvezvimwe zvitayera zvokupfeka nokugadzira bvudzi, kana pane chingatiita kuti tisagamuchirwe nevanhu vatiri kushumira zvino, tinofanira kuitei? Kutevedzera kuzvininipisa kwakaratidzwa naKristu kungatibatsira kusarudza nokuchenjera. Muapostora Pauro akataura zvazvinofanira kuva achiti: “Hatipi chisakiso chokugumbuka munzira ipi neipi.” (2 VaK. 6:3) Pamusana peizvozvo tingarega magadzirirwo ebvudzi kana zvimwe zvipfeko zvingaita kuti vanhu vatiri kuda kupupurira varambe.
Mamiriro. Kutarisika zvakanaka isu pachedu kunosanganisira chimiro chakakodzera. Chokwadi ndechokuti hatimiri zvakafanana, uye hatiedzi kufanana neimwe nzira yakati. Zvisinei, zvinokosha kuziva kuti maererano neBhaibheri, kumira wakati twasu kunopa pfungwa yokuva nechiremera uye chivimbo. (Revh. 26:13; Ruka 21:28) Zvisinei, hama kana hanzvadzi ingasagona kumira yakatwasuka kana kuti ingada kuzendamira chimwe chinhu kuti izvitsigire. Izvi zvingakonzerwa nokunge yaishanda yakakotama kwemakore kana kuti noukweguru, kana kuremara. Asi vaya vanokwanisa kudaro, zvinokurudzirwa kumira wakatwasuka paunenge uchitaura nevamwe kuti usaratidze sokuti hauna shungu navo kana kuti uri kuvateterera. Uyewo, kunyange zvazvo zvisina kuipa kuti mukurukuri pane imwe nguva aise maoko ake papodhiyamu, pfungwa yakanaka ingapiwa kuvateereri kana akasazendamira papodhiyamu.
Zvishandiso Zvakatsvinda. Hachisi chitarisiko chedu choga chinofanira kuva chakachena uye chakarongeka, asi zvatinoshandisa muushumiri zvinofanira kuva zvakachena zvakatsvinda.
Funga nezveBhaibheri rako. Hazvibviri kuti tose tiwane Bhaibheri idzva kana ratinaro rasakara. Zvisinei, hazvinei kuti tagara neBhaibheri redu kwenguva yakareba sei, rinofanira kupa uchapupu hwokuti rave richitarisirwa zvakanaka.
Pane nzira dzakawanda dzokurongedza nadzo bhegi rokuenda naro muuchapupu, asi rinofanira kuva rakarongedzwa zvakanaka. Wakamboona mapepa achidonha muBhaibheri apo muparidzi aigadzirira kuverengera saimba rugwaro rwakati kana kuti zvimwe hama payaipa hurukuro kuungano here? Hazvina kukuvhiringidza kuteerera here? Kana mapepa anochengeterwa muBhaibheri achizovhiringidza, zvingada kuti uachengetere kune imwe nzvimbo kuti chokushandisa chako chive chakarongeka. Zivawo kuti kuisa Bhaibheri kana mamwe mabhuku ane chokuita naMwari pasi kunoonekwa sokuzvidza kwazvo mune dzimwe tsika.
Kutarisika zvakanaka ngakuve kunokosha kwatiri. Kunochinjawo zvinofungwa nevamwe pamusoro pedu. Asi kupfuura zvose tinokukoshesa nokuti tinoda ku“shongedz[a] dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.”—Tito 2:10.