Kubereka Vana Pakati Pavanhu vaMwari
“Jehovha . . . ngaakuwedzerei rune chiuru.”—DHEUTERONOMIO 1:11.
1. Bhaibheri rinotaura sei nezvokubereka vana?
“TARIRAI! Vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubairo waanopa. Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya. Uno mufaro iye murume une gomba rizere navo.” Tinorava kudaro paPisarema 127:3-5. Hungu, kubereka vana iropafadzo inoshamisa iyo Musiki Jehovha akapa vaviri vokutanga vohunhu navazukuru vavo.—Genesi 1:28.
Kubereka Vana Muna Israeri
2. Neiko mhuri huru dzaidikanwa pakati pavazukuru vaAbrahama, Isaka, naJakobho?
2 Mhuri huru dzairangarirwa kuva dzinodikanwa zvikuru pakati pavazukuru vaAbrahama kupfurikidza naIsaka naJakobho. Kunyange vana vaiberekwa navadzimai vechipiri navarongo vairangarirwa kuva vapamutemo. Uku kwakanga kwakadaro navamwe vavanakomana vaJakobho, avo vakava madzibaba okutanga amarudzi 12 aIsraeri. (Genesi 30:3-12; 49:16-21; enzanisa na 2 Makoronike 11:21.) Nepo gadziriro yapakuvamba yaMwari yeroorano yakanga iri yomudzimai mumwe, iye akashivirira vadzimai vazhinji nokuva navarongo pakati pavazukuru vaAbrahama, uye ikoku kwakashanda nokuda kwewedzero inokurumidza zvikuru muchiverengero chavagari vapasi. VaIsraeri vaifanira kuva “vanhu vakawanda seguruva rapasi.” (2 Makoronike 1:9; Genesi 13:14-16, NW) Mukati morudzi irworwo maizouya “mbeu” yakapikirwa kupfurikidza nayo “marudzi ose apasi” aizokwanisa kuzvikomborera amene.—Genesi 22:17, 18; 28:14; Dheuteronomio 1:10, 11.
3. Ndoupi waiva mugariro muna Israeri mukati mokutonga kwaSoromoni?
3 Sezvinooneka, muna Israeri kubereka vana kwairangarirwa sechiratidzo chechikomborero chaJehovha. (Pisarema 128:3, 4) Kunofanira kucherechedzwa, zvisinei, kuti mashoko okutanga eiyi nyaya, anokorwa mashoko muPisarema 127, akanyorwa naMambo Soromoni, uye kwakawanda kwokutonga kwouyu mambo kwakanga kuri nguva yakanaka zvikuru nokuda kwaIsraeri. Nezvenhambo iyoyo Bhaibheri rinoti: “VaJudha navaIsraeri vakanga vari vazhinji, vakanga vakawanda sejecha pagungwa, vakadya, vakanwa, vakafara. VaJudha navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, kubva paDhani [kumusoro] kusvikira paBheeri-shebha [zasi], mazuva ose aSoromoni.”—1 Madzimambo 4:20, 25.
Nguva Dzakaoma Nokuda Kwavana Muna Israeri
4, 5. (a) Nei kubereka vana kwakanga kusiri nguva dzose chisakiso chomufaro muna Israeri? (b) Zvionoi zvinotambudza zvakaitika padzinenge nhambo mbiri muJerusarema?
4 Asi kwakanga kune dzimwe nhambo munhau yaIsraeri umo kubereka vana kwakanga kusitongori mufaro. Panguva yoruparadziko rwokutanga rweJerusarema, muporofita Jeremia akanyora, kuti: “Meso angu apererwa nemisodzi, . . . nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanonwa vanoziya munzira dzomuguta. Ko vakadzi vangadya zvibereko zvavo, ivo vana vari pamaoko here?” “Maoko avakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo.”—Mariro 2:11, 20; 4:10.
5 Sezviri pachena, zviono zvinorwadza zvakafanana zvakaitika anodokuva mazana amakore manomwe gare gare. Wezvenhau wechiJudha Josephus anorondedzera kuti mukati mekomberedzwo yeJerusarema muna 70 N.V., vana vakabvuta zvokudya pamiromo yavanababa vavo, uye vanamai vakatora zvokudya pamiromo yavana vavo vaduku. Iye anorondedzera kuti mumwe mukadzi wechiJudha akauraya sei mwana anoyamwa, kugocha muviri, uye akadya rutivi rwawo. Kupinza vana munyika yechiJudha mumakore apakupedzisira akatungamirira kukuitwa kwamarutongeso aJehovha paJerusarema muna 607 P.N.V. na 70 N.V. kwaisatongogona kunzi kuziva mutoro wokubereka vana.
Kubereka Vana Pakati pamaKristu Apakuvamba
6, 7. (a) Miitiroi iyo Jesu akabvisa nokuda kwamaKristu? (b) Israeri womudzimu aizokura nomutooi, uye chii chinobvumikisa ikoku?
6 Kubereka vana kwakanga kuchirangarirwa sei pakati pamaKristu apakuvamba? Kutanga kunofanira kucherechedzwa kuti Jesu akaparadza vadzimai vazhinji nokuva navarongo pakati pavadzidzi vake. Iye akatangazve mupimo wapakuvamba waJehovha, ndiko kuti mudzimai mumwe, kana kuti roorano yomurume mumwe nomukadzi mumwe. (Mateo 19:4-9) Nepo Israeri wokunyama akawanda kupfurikidza nokubereka vana, Israeri womudzimu aifanira kukura kupfurikidza nokuita vadzidzi.—Mateo 28:19, 20; Mabasa 1:8.
7 Kudai kukura kwechiKristu kwaizovapo zvikurukuru kupfurikidza nokubereka vana, Jesu angadai asina kukurudzira vadzidzi vake ku“gamuchira shoko iri” rokusaroora “nokuda kwoushe hwokudenga.” (Mateo 19:10-12) Muapostora Pauro angadai asina kunyora, kuti: “Unomuwanisa unoita zvakanaka; nousingamuwanisi, unoita zvinopfuura nokunaka.”—1 VaKorinte 7:38.
8. Chii chinoratidza kuti akawanda amaKristu apakuvamba akanga akaroora uye aiva navana?
8 Zvisinei, nepo aikurudzira kusaroora nokuda kwokutsigira fariro dzoUmambo, Jesu kana kuti Pauro havana kukuraira. Vose vari vaviri vakadeya kuona kuti mamwe maKristu aizoroora. Nenzira yomuzvarirwo, mamwe aiwaya aizova navana sezvaikarirwa. Magwaro echiGiriki echiKristu ane zvikamu zvinoverengeka izvo zvakapa maKristu apakuvamba zano rakananga pakurerwa kwavana. (VaEfeso 6:1-4; VaKorose 3:20, 21) Kudai vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira vakanga vakaroora, vaifanira kuva vabereki vomuenzaniso.—1 Timotio 3:4, 12.
9. Mukuwirirana nomuapostora Pauro, vakadzi vakati vechiKristu vaizodzivirirwa sei nokubereka vana, asi chii chavaizoda mukuwedzera?
9 Muapostora Pauro akatotaura kuti kuva navana kungagona kuva dziviriro nokuda kwavakadzi vechiKristu. Pamusoro pokubetserwa nezvinhu zvokunyama kwechirikadzi dzinoshaiwa, iye akanyora, kuti: “Urambe chirikadzi . . . uyezve dzinodzidza kuva nousimbe, dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira. Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokupomera nayo. Nokuti vamwe vanotsauka vachitevera Satani.” Vakadzi vakadaro vaizo“poneswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwe chete nokuzvidzora.”—1 Timotio 5:11-15; 2:15.
‘Dambudziko Munyama’
10. Izanoi rakasiana nokuda kwechirikadzi rakapa Pauro mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte?
10 Kunokosha, zvisinei, kuti mutsamba yake yokutanga kuvaKorinte, muapostora mumwe cheteyo Pauro akakarakadza mushonga wakasiana nokuda kwechirikadzi. Iye akasimbisa zano rake pakuroorwa, achitaura kuti iye akaripa “ndichikutenderai.” Iye akanyora, kuti: “Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi: zvakanaka kuti vagare seni. Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane, nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva. Asi unganyanya [chirikadzi] kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu ini; zvino ndinoti neniwo ndino [mudzimu (NW)] waMwari.”—1 VaKorinte 7:6, 8, 9, 40.
11. (a) Avo vanoroora vaizowanei, uye nongedzero yomumucheto pana 1 VaKorinte 7:28 inojekesa sei ikoku? (b) Chii chakareva Pauro paakati, “ndinoda kukutavirai”?
11 Pauro akatsanangura, kuti: “Mhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirai.” (1 VaKorinte 7:28) Pamusoro pe“dambudziko [rakadaro] munyama yavo,” New World Translation nongedzero yomumucheto inotinongedzera kuna Genesi 3:16, patinorava, kuti: “Kumukadzi [Jehovha] akati: ‘Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.’” Mukuwedzera kuzvitambudzo zveroorano zvinobvira, “dambudziko munyama mavo” iro avo vanoroora vaizosangana naro pasina panikiro rinobatanidza zvinetso zvine chokuita nokubereka vana. Nepo Pauro asina kurambidza roorano kana kuti kubereka vana, iye sezvinooneka akanzwa ane musengwa wokunyevera maKristu biyake kuti kwakadaro kungaparira zvinetso nokutsauswa izvo zvingavadzivisa mubasa ravo kuna Jehovha.
“Nguva Ipfupi”
12. Izanoi rakapa muapostora Pauro kumaKristu akaroora, uye nokuda kwechikonzeroi?
12 Muzana rokutanga ramakore N.V., maKristu akanga asina kusununguka kurarama upenyu hwao savanhu venyika. Mugariro wawo waizotapura kunyange upenyu hwawo hwokuroora. Pauro akanyora, kuti: “Zvino ndinozvitaura izvi, hama dzangu, nokuti nguva ipfupi; kuti kubva zvino vana vakadzi vave savasina, . . . navanobata nezvenyika, savasingabatisisi nazvo; nokuti mugariro wenyika ino unopfuura. Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Izvi ndinotaura kuti mubatsirwe imi; ndisingadi kukusungai nomusungo, asi nokuda kwezvakafanira, uye kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.”—1 VaKorinte 7:29-35.
13. Mupfungwai umo ‘nguva yakasara yakatapudzwa’ nokuda kwamaKristu omuzana rokutanga ramakore?
13 Nyanzvi yeBhaibheri Frédéric Godet akanyora, kuti: “Nepo vasingatendi vachirangarira nyika seine chokwadi chokugara kusvikira kunguva isingazivikanwi, muKristu nguva dzose ane pamberi pameso ake idi guru rinokarirwa, paParousia [Kuvapo].” Kristu akanga apa vadzidzi vake chiratidzo cho“kuvapo” kwake, uye akanga avanyevera, kuti: “Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.” (Mateo 24:3, 42) Nguva yakasara yakanga yava “pfupi” mukuti maKristu iwayo omuzana rokutanga ramakore aifanira kurarama nguva dzose achikarira kuuya kwaKristu. Kupfuurirazve, iwo akanga asingazivi kuti inguva yakawanda zvakadini yakanga yaasarira somunhu oga “nguva nechinoitika chisingadeyi kuonekwa” zvisati zvasvitsa upenyu hwawo kumugumo, kuchigumisa kubvira kwose kwokuti ‘aite kuti kudanwa kwawo kuve kwechokwadi.’—Muparidzi 9:11, NW; 2 Petro 1:10.
14. (a) Mateo 24:19 inofanira kunzwisiswa sei? (b) Nyevero yaJesu yakava sei nekurumidziro yakawedzerwa sezvo gore ra 66 N.V. rakasvika?
14 Nokuda kwamaKristu aiva muJudhea neJerusarema, kudikanwa kwoku“rinda” kwakanga kuri madikanwa zvikuru. Apo Jesu akapa nyevero yoruparadziko rwechipiri rweJerusarema, akati: “Vachava nenhamo vane mimba navanomwisa namazuva iwayo.” (Mateo 24:19) Chokwadi, Jesu haana kuudza maKristu omuzana rokutanga ramakore kuti aifanira kurega kuva navana. Iye akangotaura zvake idi rouporofita, kuratidzira kuti apo chiratidzo choruparadziko rwaiva pedyo rweJerusarema chakaoneka, kutiza kwokukurumidza kwaizova kwakaoma zvikuru nokuda kwavakadzi vane pamuviri kana kuti avo vaiva navana vaduku. (Ruka 19:41-44; 21:20-23) Kunyanguvezvo, sezvo kusaterama kwakakura pakati pavaJudha muJudhea mukati mamakore akatangira 66 N.V., pasina panikiro nyevero yaJesu yakauya kundangariro dzamaKristu ndokupesvedzera chimiro chawo kukupinza vana munyika munguva idzodzo dzinotambudza.
Kubereka Vana Nhasi
15, 16. (a) ‘Nguva yasara yatapudzwa’ sei nokuda kwamaKristu ari kurarama nhasi? (b) Mibvunzoi iyo maKristu naizvozvo anofanira kuzvibvunza amene?
15 MaKristu anofanira kurangarira sei roorano nokubereka vana nhasi, muino “nguva yomugumo?” (Dhanieri 12:4, NW) Ndokwechokwadi zvikuru kupfuura nakare kwose kuti “chiono chenyika ino chiri kuchinja,” kana kuti, seizvo imwe shanduro inokutaura, “gadziriro yazvino yezvinhu iri kukurumidza kupfuura.”—1 VaKorinte 7:31, Phillips.
16 Zvino, sezvisakamboitika nakare kwose, “nguva ipfupi.” Hungu, nguva yakaganhurirwa bedzi yasarira vanhu vaJehovha kuti vapedze basa raakavapa kuita, ndiko kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Basa iroro rinofanira kupedzwa mugumo usati wasvika. Naizvozvo, kwakafanira kuti maKristu azvibvunze amene kuti kuroora kana kuti, kana akaroora, kuva navana kuchatapura sei goverano yawo mubasa iroro rinokosha.
Muenzaniso Wakare
17. (a) Ibasai iro Noa navanakomana vake vatatu vaifanira kupedza pamberi paMafashamo, uye sezviri pachena iro rakatora nguva yakareba sei? (b) Vanakomana vaNoa navadzimai vavo vakarega kuva navana mukati menhambo yapamberi paMafashamo nokuda kwezvikonzeroi zvinobvira?
17 Jesu akafananidza nguva yo“kuvapo kwoMwanakomana womunhu” na“mazuva aNoa.” (Mateo 24:37) Noa navanakomana vake vatatu vaiva nebasa chairo rokupedza pamberi paMafashamo. Iro rakabatanidza kuvaka areka hombe nokuparidzira. (Genesi 6:13-16; 2 Petro 2:5) Apo Jehovha akapa miraidzo pamusoro pokuvakwa kweareka, vanakomana vaNoa sezviri pachena vakanga vatoroora. (Genesi 6:18) Hatizivi chaizvoizvo kuti kwakatora nguva yakareba sei kuvaka areka, asi kunoratidzika kuva kunobvira kuti kwakatora makumi amakore anoverengeka. Nenzira inofadza, mukati meiyi nhambo yose yapamberi paMafashamo, vanakomana vaNoa navadzimai vavo vakanga vasina vana. Muapostora Petro anotaura zvakananga kuti ‘mweya misere yakaponeswa mumvura,’ ndiko kuti, varoorani vana asi pasina vana. (1 Petro 3:20) Kuramba kwavanakomana vasina vana sezvinobvira kwaiva nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, nemhaka yoruparadziko rwakanga ruchisvika kupfurikidza neboporodzi remvura, ivo vaiva nebasa rakagoverwa nenzira youmwari rokuita iro raida ngwariro yavo isina kukamuraniswa. Chechipiri, ivo pasina panikiro vakanzwa vasingadi kupinza vana munyika umo “ushati hwomunhu hwakanga hwakawanda mupasi uye kombamiro iri yose yemifungo yomwoyo wake yakanga yakashata bedzi nguva yose,” nyika “yakazara namasimba masimba.”—Genesi 6:5, 13, NW.
18. Kunyange zvazvo vakanga vasingagadzi mutoo wokutevera, mutoo wakatorwa navanakomana vaNoa navadzimai vavo unogovera sei zvokufunga?
18 Uku hakusi kutaura kuti nzira yechiito yakatorwa navanakomana vaNoa navadzimai vavo pamberi peBoporodzi yakarehwa kugadza mupimo nokuda kwavaroorani vanorarama nhasi. Kunyanguvezvo, sezvo Jesu akaenzanisa zuva raNoa nenhambo yatiri kurarama mairi zvino, muenzaniso wavo unogona kugovera zvokufunga.
“Nguva Dzinotambudza”
19. (a) Nguva dzedu dzinoenzana sei nezuva raNoa? (b) Chii chakadeya kutaura Pauro nokuda kwa“mazuva okupedzisira,” uye uporofita hwake hunei chokuita nokubereka vana?
19 Kufanana naNoa nemhuri yake, tiri kuraramawo mu“nyika yavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 2:5, NW) Kufanana navo, tiri mu“mazuva okupedzisira” etsika yakaipa yezvinhu iyo yodokuparadzwa. Muapostora Pauro akaporofita kuti “mazuva okupedzisira” etsika yaSatani aizounza “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” Achiratidza kuti kurera vana kwaizova chimwe chezvinhu zvakaoma kubata nazvo, iye akawedzera kuti vana vaizova “vasingateereri vabereki.” Iye akataura kuti vanhu vose zvavo, tisingabvisi vana navayaruka, vaizova “vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rwomuzvarirwo.” (2 Timotio 3:1-3, NW) Nepo Pauro pano akanga achiporofita nezvemigariro pakati pavanhu venyika, sezvinooneka zvimiro zvakapararira zvakadaro zvaizoita kuti kurerwa kwavana kuve kwakaoma nenzira inowedzera nokuda kwamaKristu, seizvo vazhinji vakawana.
20. Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
20 Zvose zvichangobva kududzwa zvinoratidza kuti kuri madikanwa kuva nomurangariro wakadzikama wokubereka vana. Nepo kuchigona kuunza mifaro yakawanda, kunogonawo kuunza zvitambudzo zvakawanda. Kune betsero nenhamo. Zvimwe zvaizvozvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Neiko mhuri huru dzakanga dzichidikanwa muna Israeri?
◻ Chii chinoratidzira kuti kwaiva nenguva apo kubereka vana kwakaunza zvitambudzo kuvaJudha?
◻ Israeri womudzimu aizokura sei muchiverengero?
◻ ‘Nguva yakasara yakatapudzwa’ sei nokuda kwamaKristu apakuvamba?
◻ Zvikonzeroi zvinobvira zviripo nei vanakomana vaNoa navadzimai vavo vakaramba vasina vana pamberi paMafashamo, uye zvakadiniko nezvomugariro nhasi?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kukurumidza kutiza kubva muJerusarema kwaizova kwakaomera zvikuru avo vaiva navana vaduku