Vabereki Vanoremerwa Nepfungwa
VABEREKI vatsva vanoratidzika sevanowanzonzwa kufara zvikuru. Chinenge chinhu chiri chose pamusoro pemwana wavo chinoratidzika sechinovafadza. Kunyemwerera kwokutanga kwemwana, mashoko okutanga, uye nhano dzokutanga inhambo dzinofadza. Vanonakidza shamwari nehama dzokunyama nenyaya uye mapikicha. Pasina mubvunzo, vanoda mwana wavo.
Mune dzimwe mhuri, zvisinei, dambudziko rinovamba sezvo makore anofamba. Kurezva kwekutamba kwevabereki kunotsiviwa nemashoko ehasha outsinye; kumbundira kwechidakadaka kunotsiviwa nezvibhakera zvokutsamwa kana kuti kusatomboda kugunzva zvachose; rudado rwokuva mubereki runotsiviwa nokuvava. “Ndinofanira kudai ndisina kutongoita vana,” vazhinji vanodaro. Mune dzimwe mhuri chinetso chacho chichakatonyanyisa—vabereki vakakundikakana kuratidza rudo kunyange apo mwana akanga achiri mucheche! Muchimwe nechimwe chezviitiko, chii chakaitika? Rudo rwacho rwuri kupi?
Vana, chokwadika, havakwanisi kuwana mhinduro dzemibvunzo yakadaro. Asi ikoko hakusati kuchizovamisa kusvika mhedziso dzavo. Pasi pemwoyo, mwana anganyatsogumisa kuti, ‘Kana Amai kana kuti Baba vasingandidi, imhaka yokuti pane chimwe chinhu chisina kururama pandiri. Ndinofanira kuve ndakaipa zvikuru.’ Ikoku kungava rudaviro runobatisiswa zvikuru—runogona kuparira marudzi ose okukuvadza muupenyu hwose.
Chokwadi, zvisinei, ndechokuti vabereki vangakundikana kuratidza vana rudo rwavanoda nokuda kwezvikonzero zvakawanda. Kunofanira kubvumwa zvisinei kuti vabereki nhasi vanotarisana nezvinetso zvikuru zvimwe zvacho pamwero usingaenzaniswi. Nokuda kwevabereki vasina kugadzirira kubata nazvo nenzira yakakodzera, zvinetso izvi zvinogona kuvakanganisa pabasa ravanoita sevabereki. Chimwe chirevo chekare chouchenjeri chinoti: “Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi.”—Muparidzi 7:7.
“Nguva Dzokutambudzika”
Zera roUpenyu Hwakakwana. Ndizvo izvo vanhu vazhinji vari kukarira kuona zvichivamba muzana rino ramakore. Fungidzira—kusisinazve zvinetso zvemari, nzara, kusanaya kwemvura, hondo! Asi tariro dzakadaro hadzina kuzadzikwa. Panzvimbo pezvo, nyika yanhasi yazova seizvo munyori weBhaibheri akaporofita kare muzana rokutanga ramakore C.E. Akanyora kuti mumazuva edu taizotarisana ne“nguva dzokutambudzika.” (2 Timotio 3:1-5) Vabereki vazhinjisa vanobvumirana nemashoko iwayo zvikuru.
Vabereki vatsva vazhinji vanoshamiswa nemazakwatira emari okurera vana munyika yanhasi. Kazhinji kazhinji, vabereki vose vari vaviri vanofanira kushanda kunze kwemusha kuti mari ikwane. Mari yokurapwa, zvokupfeka, chikoro, zvinodiwa zuva nezuva, uye kunyange zvokudya nepokugara zvose zvingaparira zibhiri rinosiya vabereki vazhinji vave kunzwa sokunge kuti vave kunyura. Mamirire oupfumi anoyeuchidza vadzidzi veBhaibheri nezveuporofita huri muna Zvakazarurwa hunofanotaura nezvenguva apo vanhu vaizopedza muripo wezuva rose kuti vatenge zvinodikanwa zvaizovapedzera zuva rimwe!—Zvakazarurwa 6:6.
Vana havagoni kukarirwa kunzwisisa kuremerwa nepfungwa kwose kuri kutarisana nevabereki vavo. Aiwa, sezvavari, vana havana chavanacho, vane nzara yokudiwa nokupiwa ngwariro. Uye kugombedzerwa kwavanoitwa nezvinobudisa nhau uye nevekuchikoro biyavo kuti vave nezvokutambisa zvazvino uno, mbatya, uye zvemagetsi kazhinji kazhinji zvinoguma zvaremedza vabereki nepfungwa kuti vagovere zvinodiwa zvinongogara zvichiwanda.
Chimwe chinhu chinoremedza pfungwa dzevabereki chinoratidzika kuva chiri kuwedzera zvikuru mazuva ano, kupandukira. Nenzira inofadza, Bhaibheri rakaporofita kusateerera vabereki kwavana kwakapararira sechimwe chiratidzo chenguva dzedu dzinotambudza. (2 Timotio 3:2) Chokwadi, zvinetso zvechirango nevana hachisi chinhu chitsva. Uye hakuna mubereki anogona nenzira yakarurama kushora kubatwa zvisina kufanira kwemwana asingateereri. Asi haubvumi here kuti vabereki nhasi vanofanira kurwisa pakurera vana mutsika yose yokupandukira? Nziyo dzakakurumbira dzinotsigira hasha, kumukira, uye kupera mwoyo; mapurogiramu eTV anoratidzira vabereki semapenzi anowawata uye vana sanamazivazvose; mabhaisikopo anokurudzira kuita masimba masimba—vana nhasi vanorovanywa nepesvedzero dzakadaro. Vana vanotora ndokutevedzera tsika iyi yokupandukira vanotemesa vabereki vavo musoro.
“Vasina Rudo Chairwo”
Kune chimwe chimiro pauhu uporofita hwekare humwe chetehwo, hunofanotaura kunyange zvinetso zvakawanda nokuda kwemhuri dzanhasi. Hunoratidzira kuti vanhu vazhinji vaizova “vasina rudo chairwo.” (2 Timotio 3:3) Rudo chairwo ndirwo runobatanidza mhuri. Kunyange avo vasina chokwadi zvikurusa nouporofita hweBhaibheri vanofanira kubvuma kuti nguva dzedu dzave dziri dzokuparara kwemhuri kunotyisa. Munyika yose, mwero yokurambana yakakwira. Munzanga zhinji, mhuri dzomubereki mumwe nemhuri dzine vabereki vokurera dzakakurumbira zvikuru kupfuura mhuri dzenguva dzose. Vabereki vari voga nevabereki vokurera pane dzimwe nguva vanotarisana nedenho chaidzo nezvinetso zvinogona kuita kuti kuve kwakavaomera kuratidza vana rudo rwavanoda.
Kune tapuro yakadzama, zvisinei. Vazhinji vevabereki vanhasi ivo pachavo vakakurira mumisha makanga musina kana “rudo chairwo” kana kuti mune rushomanene—misha yakatsemurwa neupombwe uye kurambana; misha yakavhiringidzwa nokusadana nokuvengana; zvichida kunyange misha uko kutuka, kuremedza ndangariro, kurova, kana kuti kushandiswa zvisina kufanira muvatano zvakanga zvakazara. Kukurira mumisha yakadaro hakungokuvadzi bedzi vana asi kunogona kukuvadza vanhu vakuru vavachazova. Nzvero dzinoratidzira kariro dzinoodza mwoyo—vabereki vakashandiswa zvisina kufanira sevana vangangoshandisa vana vavo zvisina kufanira. Munguva dzeBhaibheri vaJudha vaiva nechirevo chokuti: “Madzibaba akadya mazambiringa anovava, meno avana ndokuhwadzira.”—Ezekieri 18:2.
Zvisinei, Mwari akaudza vanhu vake kuti zvinhu zvaisafanira kudaro. (Ezekieri 18:3) Pfundo rinokosha rinofanira kuonekwa pano. Uku kuremerwa nepfungwa kwevabereki kunoreva here kuti hapana zvavanogona kuita kunze kwokubata vana vavo zvisina kufanira? Nyangwe napaduku pose! Kana uri mubereki uye uchizviwana uchiparapatika nekuremerwa nepfungwa sezvadudzwa pamusoro apa uye uchishushikana pamusoro pokuti uchazombogona kuva mubereki akanaka here, shinga! Hausi iwe woga. Zvakaitika kwauri kare hazvingorevi zvichaitika kwauri munguva yemberi.
Mutsinhirano nechipikirwa cheMagwaro chokuti kuvandudzika kunobvira, bhuku rinonzi Healthy Parenting rinoita tsinhiro iyi: “Pasina kutora matanho okuita [kwako] nenzira yakasiyana kupfuura vabereki vako umene, tsika dzako dzouhwana dzichazvidzokorora usingadi uchida. Kuti umise muitiro unopfuurira uyu, unofanira kuziva nezvemiitiro yakaipa yauri kupfuuridzira mberi ndokudzidza nzira dzokuichinja nayo.”
Hongu, kana kuri madikanwa, unogona kugumisa muitiro unopfuurira wekurera vana zvisina kufanira! Uye unogona kubata nepfungwa dzinorema dzinoita kuti kurera vana kuve kwakaoma zvikuru nhasi. Asi sei? Unogona kudzidzira kupi mipimo yakanakisisa yokurera vana, inovimbika zvikurusa? Nyaya yedu inotevera icharangarira nhau iyi.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Vachiremerwa nepfungwa, vamwe vabereki vanokundikana kuratidzira rudo kuvana vavo
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vabereki vanofanira kuratidzira rudo urwo vana vavo vanoda