RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza
    Nharireyomurindi—2002 | September 15
    • Ramba “Ngano”

      8. (a) Satani anotsvaka kuparadza kutenda kwedu sei nhasi? (b) Inyeveroi yakapiwa naPauro inowanikwa pana 2 Timoti 4:3, 4?

      8 Satani anoedza kuputsa kutendeka kwedu nokutiita kuti tisave nechokwadi nezvatakadzidziswa. Nhasi, somuzana remakore rokutanga, vakaramba kutenda uye vamwewo vanotsvaka kuputsa kutenda kwevasina mhosva. (VaGaratiya 2:4; 5:7, 8) Dzimwe nguva vanoshandisa zvinobudisa nhau kuparadzira mashoko asina kururama kana kuti nhema chaidzo maererano nenzira dzinoshandiswa nevanhu vaJehovha uye vavariro dzavo. Pauro akanyevera kuti vamwe vaizotsauswa kubva pachokwadi. Akanyora kuti: “Nokuti pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nokuda kwavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.”—2 Timoti 4:3, 4.

      9. Pauro angave aifungei paakataura nezve“ngano”?

      9 Pane kuramba vakabata muenzaniso wemashoko anopa utano, vamwe vakafadzwa ne“ngano.” Ngano idzi dzaiva dzipi? Pamwe Pauro aifunga nezvengano dzokufungidzira, dzakadai sedziya dzinowanikwa mubhuku reapokirifa raTobhiti.a Ngano dzingavawo dzaisanganisira runyerekupe runobata pfungwa uye rwokufungidzira. Uyewo, vamwe—“maererano nokuda kwavo”—vangave vakanyengedzwa nounyanzvi nevaya vaitsigira kuita madiro nemitemo yaMwari kana kuti vaishora vaya vaitungamirira muungano. (3 Johani 9, 10; Judha 4) Hazvinei nokuti zvipingamupinyi zvipi zvaivapo, zviri pachena kuti vamwe vakasarudza kuteerera nhema panzvimbo pechokwadi cheShoko raMwari. Nenguva isipi vakarega kuita zvinhu zvavakanga vadzidza, uye izvi zvakavakuvadza mumudzimu.—2 Petro 3:15, 16.

      10. Ndedzipi dzimwe ngano dziriko mazuva ano, uye Johani akasimbisa sei kudiwa kwokungwarira?

      10 Tinogona kurega kutendeukira kungano nhasi kana tichiongorora uye tichinyatsongwarira zvatinoteerera uye zvatinoverenga. Somuenzaniso, dzimwe nyaya dzinobudiswa dzinowanzokurudzira unzenza. Vanhu vakawanda vanokurudzira dzidziso yokuti Mwari haazivikanwi kana yokuti Mwari haako. Vaongorori vezvakanyorwa muBhaibheri vanoshora kutaura kweBhaibheri kuti rakafuridzirwa naMwari. Uye vanoramba kutenda mazuva ano vanoramba vachiedza kudyara mbeu dzokusava nechokwadi kuitira kuti vakanganise kutenda kwevaKristu. Nezvengozi yakafanana neiyi yaikonzerwa nevaprofita venhema muzana remakore rokutanga, muapostora Johani akanyevera kuti: “Vanodiwa, musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vakawanda vakabudira munyika.” (1 Johani 4:1) Saka tinofanira kungwarira.

      11. Ndeipi imwe nzira yokuzviedza nayo kuti tione kana tiri mukutenda?

      11 Maererano neizvi muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchiedza kana muri mukutenda.” (2 VaKorinde 13:5) Muapostora wacho akatikurudzira kuti tirambe tichizviedza kuti tione kana tiri kuomerera pazvitendero zvose zvechiKristu. Kana nzeve dzedu dzichiteerera vanonyunyuta, tinofanira kunyengetera patinozviongorora. (Pisarema 139:23, 24) Tinoedza kutsvakira vanhu vaJehovha mhosva here? Kana zvakadaro, nei tichidaro? Takamborwadziwa nemashoko kana zviito zvomumwe munhu here? Kana zvakadaro, tiri kuona zvinhu nenzira yakafanira here? Chero dambudziko ripi zvaro ratinotarisana naro munyika ino nderenguva duku. (2 VaKorinde 4:17) Kunyange tikatarisana nomuedzo muungano, tingaregererei kushumira Mwari? Kana pane chatitsamwisa, hazvisi nani here kuita zvose zvatinogona kuti tipedze nyaya yacho tobva taisiyira mumaoko aJehovha?—Pisarema 4:4; Zvirevo 3:5, 6; VaEfeso 4:26.

      12. VaBheriya vakaratidza sei muenzaniso wakanaka?

      12 Pane kutsoropodza, ngatirambei tichikoshesa mashoko atinowana patinodzidza tiri toga uye kumisangano yeungano. (1 VaKorinde 2:14, 15) Pane kupikisana neShoko raMwari, kungava kuchenjera kwakadini kuva nemaonero evaBheriya vomuzana rokutanga remakore vakanyatsoongorora Magwaro! (Mabasa 17:10, 11) Ipapo, ngatiitei zvatinodzidza, tichiramba nyaya dzenhema uye tiomerere kuchokwadi.

      13. Tingava tichiparadzira nyaya dzenhema sei kunyange tisingazivi?

      13 Pane rumwe rudzi rwengano dzatinofanira kuchenjerera. Ngano zhinji dzinonakidza dzinotumirwa nomutsamba dzomukombiyuta. Kuchenjera kungwarira ngano dzakadaro, kunyanya kana tisingazivi kwakatangira mashoko acho. Kunyange kana chiitiko kana nyaya yakatumirwa nomuKristu anoremekedzwa, nyakutumira iyeye angasava nemashoko akazara ezvakaitika. Ndosaka zvichikosha kuchenjerera kudzokorora kana kuti kupfuudza nyaya dzausina chokwadi nadzo. Chokwadi hatingadi kudzokorora “ngano dzisinei namwari,” kana kuti “nyaya dzenhema dzinoshatisa zvinhu zvitsvene.” (1 Timoti 4:7 New International Version) Sezvo tichifanira kutaurirana chokwadi, kuchenjera kusiyana nezvose zvingatiita kuti tiparadzire nhema kunyange tisingazivi.—VaEfeso 4:25.

  • Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza
    Nharireyomurindi—2002 | September 15
    • a Tobhiti, ringave rakanyorwa muzana remakore rechitatu B.C.E., rinosanganisira nyaya yakazara nokudavira mashura yomumwe muJudha ainzi Tobhiyasi. Ainzi aikwanisa kuva nemasimba okuporesa nokudzinga madhimoni achishandisa mwoyo, nduru, uye chiropa chehove hombe hombe.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe