Tito—“Anoshanda Pamwe Neni Nokuda Kwezvinhu Zvine Chokuita Nemi”
PANE dzimwe nguva zvinetso zvaimuka muungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore. Izvozvi zvaifanira kupedzwa, uye izvi zvaida kushinga nokuteerera. Mumwe murume akakurira zvinetso zvakawanda zvakadaro ndiTito. Somunhu aishanda pamwe nomuapostora Pauro, akaedza nomwoyo wose kubetsera vamwe kuita zvinhu nenzira yaJehovha. Nokudaro Pauro akaudza vaKristu vomuKorinte kuti Tito akanga ari ‘anoshanda pamwe naye nokuda kwezvinhu zvine chokuita navo.’—2 VaKorinte 8:23.
Tito aiva ani? Akaita basa rei mukupedza zvinetso? Uye tingabetserwa sei nokufunga nezvomufambiro wake?
Nhau Yokudzingiswa
Tito waiva muGiriki asina kudzingiswa. (VaGaratia 2:3)a Sezvo Pauro achimuti “mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose,” Tito angava aiva mumwe wavana vomudzimu vomuapostora wacho. (Tito 1:4; enzanisa na1 Timotio 1:2.) Tito akanga ana Pauro, Bharnabhasi, navamwe vaibva Antiokia, Siria, pavakaenda kuJerusarema munenge muna 49 C.E. kunokurukura nhau yokudzingiswa.—Mabasa 15:1, 2; VaGaratia 2:1.
Zvave zvichinzi sezvo kutendeutswa kweVamamwe Marudzi vasina kudzingiswa kwaikurukurwa muJerusarema, Tito akaendwa naye kuti zviratidzwe kuti vaJudha navasiri vaJudha vaigona kuwana nyasha dzaMwari vangava vakadzingiswa kana kuti kwete. Mimwe mitezo yeungano yeJerusarema yakanga iri vaFarise isati yagamuchira chiKristu yakataura kuti Vamamwe Marudzi vakatendeutswa vakanga vachifanirwa kudzingiswa uye kuti vachengete Mutemo, asi kutaura uku kwakarambwa. Kumanikidza Tito naVamamwe Marudzi kuti vadzingiswe kwaizodai kwakava kuramba kuti kuponeswa kunobva panyasha dzisina kufanirwa dzaJehovha uye nokutenda muna Jesu Kristu panzvimbo pamabasa oMutemo. Kwaizovawo kuramba uchapupu hwokuti Vamamwe Marudzi, kana kuti vanhu vamamwe marudzi, vakanga vagamuchira mudzimu mutsvene waMwari.—Mabasa 15:5-12.
Kutumwa kuKorinte
Nhau yokudzingiswa yapera, Pauro naBharnabhasi vakapiwa simba rakazara rokuparidza kune vamamwe marudzi. Panguva iyoyo, vakaedzawo kufunga nezvavarombo. (VaGaratia 2:9, 10) Zvechokwadi, Tito paanotaurwazve muchinyorwa chakafuridzirwa kwapera makore anenge matanhatu, ari muKorinte senhume yaPauro mukuronga kuunganidzirwa kwavatsvene. Zvisinei, sezvo Tito akanga achiita basa iri, pane imwe nguva akazviwana ari pamamiriro ezvinhu akaoma.
Kunyorerana kwaPauro navaKorinte kunoratidza kuti akatanga kuvanyorera kuti va“rege kufambidzana nemhombwe.” Aifanira kuvaudza kuti vabvise mhombwe isingapfidzi pakati pavo. Hungu, Pauro akavanyorera tsamba yakasimba, achidaro “nemisodzi mizhinji.” (1 VaKorinte 5:9-13; 2 VaKorinte 2:4) Zvichakadai, Tito akanga atumirwa kuKorinte kunobetsera kuunganidzirwa kwavaKristu vechiJudha vaishayiwa kwakanga kuri kuitika ikoko. Angangova akatumwawo kunoona zvaiita vaKorinte nezvetsamba yaPauro.—2 VaKorinte 8:1-6.
VaKorinte vaizoita sei nezano raPauro? Achida kuziva, Pauro angave akatuma Tito kubva kuEfeso mhiri kweGungwa reAegean kuenda kuKorinte, achimurayira kuti akurumidze sezvinobvira kutumira shoko. Kana rwendo rwakadaro rwakapedzwa kufamba kwezvikepe muchando kusati kwapera (panenge pakati paNovember), Tito aigona kuenda kuTroasi nechikepe kana kuti kuenda nenzira yakareba napanyika yakaoma inopfuura nokuHellespont. Pauro angangodaro akakurumidza kusvika panzvimbo yavakanga vakabvumirana kusangana muTroasi, sezvo bongozozo rakatangwa navapfuri vesirivha rakamuita kuti akurumidze kubva kuEfeso kupfuura zvaaikarira. Aneta nokumirira ari muTroasi, Pauro akazoona kuti Tito akanga asiri kuuya nechikepe. Saka, akatanga kufambisa napanyika yakaoma achikarira kusangana naye munzira. Angova muEurope, Pauro akaenda nomugwagwa weVia Egnatia, uye akazoguma asangana naTito muMakedhonia. Zvakanyaradza nokufadza Pauro zvikuru zvaiva zvokuti, mashoko aibva kuKorinte akanga akanaka. Ungano yakanga yagamuchira zvakanaka zano romuapostora.—2 VaKorinte 2:12, 13; 7:5-7.
Kunyange zvazvo Pauro akanga anetseka nezvokuti mutumwa wake aizogamuchirwa sei, Mwari akabetsera Tito kuti aite basa rake. Tito akanga agamuchirwa “nokutya nokudedera.” (2 VaKorinte 7:8-15) Tikashandisa mashoko omutsananguri W. D. Thomas: “Tinogona kufungidzira kuti asingarerutsi simba rezano raPauro, [Tito] akateterera vaKorinte nounyanzvi nokungwarira; achivavimbisa kuti Pauro, paakataura sezvaakaita, aingofunga bedzi nezveumudzimu hwavo.” Achiita kudaro, Tito akanga asvika pakuda vaKristu veKorinte nemhaka yokuteerera kwavo nokuchinja kunobetsera. Maitiro avo anorumbidzwa akanga amukurudzira.
Zvakadini nechimwe chezvinhu zvakanga zvatumwa Tito kuKorinte—kuronga kuunganidzirwa kwavatsvene muJudhea? Tito akanga achiitawo pane izvozvo, sezvingaonwa mumashoko anowanwa muna 2 VaKorinte. Tsamba iyoyo ingangodaro yakanyorwa muMakedhonia muzhizha ra55 C.E., Tito naPauro vachangobva kusangana. Pauro akanyora kuti Tito, uyo akanga atanga kuunganidza kwacho, akanga ava kudzorerwa kuti anopedzisa kuunganidza kwacho navabetseri vaviri vasina kutaurwa mazita. Achifarira vaKorinte nomwoyo wose, Tito akanga achidisa kudzokera. Sezvo Tito aidzokera kuKorinte, angangodaro aiva netsamba yakafuridzirwa yaPauro yechipiri kuvaKorinte.—2 VaKorinte 8:6, 17, 18, 22.
Tito akanga asiri murongi akanaka bedzi asiwo akanga ari munhu aigona kuvimbwa pamabasa anotyirwa mumamiriro ezvinhu akaoma. Akanga akashinga, ane mano, uye akatsiga. Zviri pachena kuti Pauro aiona Tito achikwanisa kubata nezvinetso zvairamba zvichikura zvaiparirwa ne“vaapostora vanopfuura vamwe vose” veKorinte. (2 VaKorinte 11:5) Uku kuita kwaTito kunosimbiswa nokuonekazve kwake muMagwaro, mune rimwe basa rinonetsa.
Pachitsuwa cheKrete
Zvingangova zvakaitika kuti pane imwe nguva pakati pa61 na64 C.E., Pauro akanyorera Tito, uyo aishanda pachitsuwa cheMediterranean cheKrete panguva iyoyo. Pauro akanga amusiya ikoko kuti a“gadzir[e] izvo zvakanga zvasara,” uye kuti a“gadz[e] vakuru mumaguta ose.” Kakawanda, vaKrete vaiva nomukurumbira wokuva “va[no]reva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vanousimbe.” Naizvozvo, muKrete, Tito aizofanira kuva akashinga neakasimba. (Tito 1:5, 10-12) Iroro raiva basa guru kwazvo, nokuti raigona kusarudza nguva yemberi yechiKristu pachitsuwa ichocho. Afuridzirwa, Pauro akabetsera Tito nokutaura zvakajeka zvaaifanira kutsvaka muvaigona kuzova vatariri. Zvinhu izvozvo zvichiri kufungwa nezvazvo maererano nekugadzwa kwavakuru vechiKristu.
Magwaro haatauri kuti Tito akabva muKrete rini. Akanga arimo kwenguva yakareba zvokuti Pauro akamukumbira kuti ape Zenasi naAporo zvavaishayiwa, vaizomirapo vari parwendo pane imwe nguva isina kutaurwa. Asi Tito aisazova pachitsuwa chacho kwenguva yakareba zvikuru. Pauro akanga ari kuronga kutumira Artema kana kuti Tikiko ikoko, uye Tito aifanira kuzosangana nomuapostora wacho muNikopori, ringava raiva guta rakakurumbira raiva nezita iroro raiva kuchamhembe kwakadziva kumavirira kweGirisi.—Tito 3:12, 13.
Kubva muzvishomanene zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro paTito, tinodzidza kuti zvimwe munenge muna 65 C.E., Pauro akamutumazve kune rimwe basa. Rakamuendesa kuDharmatia, nharaunda iri kumabvazuva kweGungwa reAdriatic muCroatia yanhasi. (2 Timotio 4:10) Hatitaurirwi zvainofanira kuita Tito ikoko, asi zvinonzi akanga ari kutumwa kuti atungamirire zvinhu zveungano ndokuita basa roufundisi. Kana zvakadaro, Tito aizova ari kuita basa rakafanana neraaiita muKrete.
Tinoonga zvikuru vatariri vakakura mumudzimu vakafanana naTito! Kunzwisisa kwavo kwakajeka nheyo dzaMagwaro nokudzishandisa kwavo nokushinga kunobetsera kudzivirira umudzimu hweungano. Ngatitevedzerei kutenda kwavo ndokuva vakafanana naTito nokutsigira zvinhu zvomudzimu zvine chokuita navatinotenda navo.—VaHebheru 13:7.
[Mashoko Omuzasi]
a VaGaratia 2:3 inorondedzera Tito somuGiriki (Helʹlen). Izvi zvingareva kuti akanga ari chizvarwa chokuGirisi. Zvisinei, zvinonzi vamwe vanyori vechiGiriki vaishandisa shoko rinoreva zvakawanda (Helʹle·nes) pakutaura nezvevasiri vaGiriki vaitaura chiGiriki uye vaiva netsika dzechiGiriki. Zvinobvira kuti Tito wakanga ari muGiriki mupfungwa iyoyo.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Tito akanga ari munhu aishanda pamwe chete navamwe akashinga aishandira vaKristu vemuKorinte uye kune dzimwe nzvimbo