-
Mako—‘Anobatsira Pakushumira’Nharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
Paakanga akasungwa kechipiri ari kuRoma munenge muna 65 C.E., Pauro akanyorera Timoti tsamba achimuti abve kuEfeso, uye akati: “Tora Mako uuye naye.” (2 Tim. 4:11) Saka panguva iyoyo Mako aiva kuEfeso. Hapana mubvunzo kuti akabvuma zvaakakumbirwa naPauro zvokuti adzoke kuRoma naTimoti. Kare ikako kufamba kwakanga kusiri nyore, asi Mako akaita nzendo idzodzo nechido.
-
-
Mako—‘Anobatsira Pakushumira’Nharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
“Anondibatsira Pakushumira”
Paaiva kuRoma Mako haana kungonyora Evhangeri yake chete. Yeuka zvakaudzwa Timoti naPauro, zvokuti: “Tora Mako uuye naye.” Pauro aimudii? “Nokuti anondibatsira pakushumira.”—2 Tim. 4:11.
Pane zvakawanda zvatinodzidza nezvaMako pakutaurwa uku kwezita rake, kunova ndiko kwokupedzisira muMagwaro. Pabasa rake raaiita muungano, hapana paanombonzi muapostora, mutungamiriri, kana kuti muprofita. Aiva mushumiri, kureva kuti munhu anoshandira vamwe. Uye panguva iyi, kwasara kanguva kuti Pauro afe, muapostora wacho zvechokwadi akabatsirwa naMako.
-