Chengeta Kutenda Kwako Noutano Hwomudzimu
“Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo rwuri muna Kristu Jesu.”—2 TIMOTIO 1:13.
1. Neiko utano hwakanaka hwomuviri huri chinhu chinokosha icho chinofanira kuchengetwa?
UTANO hwomuviri hwakanaka chinhu chinokosha. Apo tinenge tine utano hwakanaka, tinogona kuita zvinhu zvakawanda ndokufarikanya upenyu zvikuru. Asi apo tinenge tichirwara nguva dzose kana kuti tisina simba, upenyu hwakaoma zvikuru. Chokwadika, utano hwakanaka hunofanira kuchengetwa. Vazhinji vanoregeredza utano hwavo kana kuti vanoita zvinhu zvinosakisa chirwere. Avo vanozvitarisira vamene, zvisinei, kazhinji kazhinji vane mwero wakati woutano hwakanaka nesimba muuzhinjisa hwenduramo yavo.
2. (a) Neiko utano hwomudzimu huchikosha zvikuru kupfuura utano hwomuviri? (b) Chii chinodikanwa kuramba une utano hwakanaka mukutenda?
2 Utano hwomudzimu hunokosha zvikuru kwazvo kupfuura utano hwomuviri. Utano hwomuviri hwakanakisisa hahugoni kuunza chipo chaMwari choupenyu husingagumi. Utano hwomudzimu hwakanaka hunobva mukunamata kwakachena nokutenda zvakavakira pazivo yakarurama. (Johane 17:3; VaHebheru 11:6; Jakobho 1:27) Muapostora Pauro akati: “Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira.” (Tito 2:2) Munhu upi noupi anoshuva kuva noutano hwakanaka mukutenda anofanira kushandisa nhamburiko yokushingaira ndokuchengeta ngwariro yenguva dzose. Tyisidziro kuutano hwomudzimu hwakanaka dzingabva mukati medu kana kuti kunze. Tinofanira kuziva idzi tyisidziro kana tichizochengeta kutenda noutano hwomudzimu munyika ino inorwara.
Nyika Ino Inorwara Sei?
3, 4. Chirwere chetsika chinoratidzirwa sei munyika ino uye mumabasa avanhu?
3 Hapana panikiro yokuti nyika iri kurwara zvikuru mutsika. Tinoona hosha dzinouraya mu“mitezo” yose yenyika ino—marudzidziso ayo, masangano ayo ezvamatongerwe enyika, masangano ayo ezvokutengeserana, varaidzo yayo. Vashomanene vanoremekedza Mwari nemitemo yaakapa nokuda kwegarikano yorudzi rwomunhu. Uye sezvinoratidza nhau, kuora kwetsika nguva dzose kunotungamirira kuwedzero muhosha dzomuviri nenhamo. Nenzira inofadza, vazhinjisa havadi kuita chinhu chipi nechipi pamusoro pokurapa uyu mugariro wetsika une hosha nemhaka yokuti vanoda zvinhu zvinouparira.
4 Haiwa nyika ino inorwara sei! Mukutsvaka zvinofadza kana kuti mukuedza kunzvenga zvomene, vazhinji vakaparadza upenyu hwavo kupfurikidza nokushandisa zvinodhaka nemirimo zvisakafanira. Masimba masimba ari munzvimbo iri yose, upenyu hwachipa, uye matorongo anozadzwa kukupfachukira namatsotsi. Munyika dzakawanda, hafu yeroorano dzose inoguma muchatanuro. Vana vanoshaiwa tarisiro yakafanira yavabereki vanokura savasindimari. Nemhaka yokuti utere hwevatano hwakapararira, AIDS nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano dziri kupararira nokukurumidza.
5. Isaya akarondedzera sei migariro muna Judha wakare?
5 Mwari angagona kutaura nezvenyika ino inorwara izvo akafuridzira Isaya kuzivisa pamusoro paJudha akaoma musoro: “Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsraeri, vakadzokera shure. Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha? Musoro wose unorwadza nomwoyo wose waziya. Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri.”—Isaya 1:4-6.
6. Muna Judha wakare nomuzuva redu, imhinduroi yave iriko kuchikumbiro chaJehovha chokudzidza kuita zvakanaka?
6 Chikumbiro chaJehovha chokupfidza ndo“kudzidza kuita zvakanaka” chakangoenda zvacho chisingateererwi muna Judha. (Isaya 1:16-20) Ikoku pakupedzisira kwakatungamirira kuruparadziko rweJerusarema noutapwa hwavaJudha muBhabhironi. Vakatendeka vashomanene bedzi vakawana chikomborero chaMwari nokuponeswa pakati porudzi runorwara. Nenzira yakafanana nhasi, munyika ino iyo inorwara kubvira pamusoro kusvikira kuchigunwe, vashomanene bedzi vanoshuva kudzidza kuita zvakanaka. Ava vabatiri vakatendeka vaJehovha vari kuita nhamburiko dzokushingaira dzokuchengeta kutenda noutano hwomudzimu zvino, vane tariro yokuwana utano hwokunyama hwakakwana noupenyu husingagumi munyika itsva yakapikirwa yaMwari.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.
Ngozi Dzomudzimu Munyika Ino Inorwara
7. (a) Ingozii dzinopinza mungozi kutenda kwedu noutano hwomudzimu? (b) Chii chinotaura Magwaro pamusoro pokugonana nezvinhu zvikuru zvitatu zvinopinza mungozi utano hwomudzimu?
7 Kuchengeta kutenda noutano hwomudzimu idenho nemhaka yokuti chirwere chetsika chenyika ino chinotapukira zvikuru. MaKristu anofanira kurwisanawo nokusakwana kwawo amene kwakagarwa nhaka. (VaRoma 7:21-25) Uyezve, Satani, “mutongi wenyika,” anoziva utera hwenyama uye nditenzi womuedzo. (Johane 14:30; 1 Johane 5:19, NW) Idzi ngozi nhatu huru dzinopinza mungozi kutenda noutano hwomudzimu—nyama, nyika, uye Dhiabhorosi—dzinotyisa. Asi kunobvira ku“sava rutivi rwenyika,” kunyange zvazvo tichigara mairi. Tinogona ‘kuramba tichifamba nomudzimu waMwari ndokusaita chishuvo chenyama.’ Uye nebetsero youmwari tinogona “kumira takasimba mukurwisana namazano aDhiabhorosi.” (Johane 17:15, 16, NW; VaGaratia 5:16; VaEfeso 6:11, NW; 2 VaKorinte 2:11) Asi zvino ngatirangarirei kuti tinogona sei kugonanana neizvi zvinhu zvikuru zvitatu zvinopinza mungozi kutenda noutano hwomudzimu.
8. Jesu anorondedzera sei masimba ari mukati medu anoshanda mukurwisana noutano hwomudzimu?
8 Mukati momusikirwo wedu hwohunhu usina kukwana mune masimba anogona kuguma nechivi uye anogona kutiita vanorwara mumudzimu. (Jakobho 1:14, 15) Ikoku ndokwechokwadi zvikuru mukati momwoyo wokufananidzira. Jesu akati: “Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, nokuba, nokuuraya, noufeve, noruchiva, nokuipa, nokunyengera, noutere, neziso rine godo, nokutuka, namanyawi, noupenzi; zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.”—Marko 7:21-23.
9. (a) Zvishuvoi zvakadzikwa mumwoyo wokufananidzira? (b) Mukuwirirana naZvirevo 4:20-23, tinogona sei kutaviridza mwoyo?
9 Kunyange zvazvo mwoyo uri manyuko ezvishuvo zvakashata, muvanhu voumwari uriwo hugaro hwokuremekedzwa kwaJehovha norudo rwechiri chakarurama. (Mateo 22:37; VaEfeso 4:20-24) Kana zvakanaka kana kuti zvakashata zvichatekeshera matiri kunotsamira paicho tinopinza mumwoyo yedu. Shoko raMwari rinopa zano richiti: “Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; rerekera nzeve yako kune zvandinoreva urambe uchiatarira, uachengete mukati memwoyo wako. Nokuti ndihwo upenyu kuna vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose chengeta. Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—Zvirevo 4:20-23.
10. Utera hwedu hwomudzimu hunotapura sei mirangariro yedu nezvishuvo?
10 Utera hwedu hwokunyama hunotapura mirangariro yedu nezvishuvo. Ndianiko asingatambudzwi panhambo nenhambo nokuora mwoyo, chinya, kugumbuka? Kana tikakurumidza kururamisa izvi zvishuvo zvokunyama, utano hwomudzimu hunogona kuchengetwa. Asi rudado negwinyiro zvinogona kukurumidza kusimba mumwoyo. Makaro nechishuvo chemifarwa yakanyanyisa namadyo omufaro zvinogona kudzora. Uye chishuvo chevatano, nepo chiri chomuzvarirwo nemhaka yenzira Mwari akatiita nayo, chinogona kutitsausa nenzira yamanomano. Kuti tidzivise chirwere chomudzimu chakadaro kukura mukati medu, tinofanira kusakurira zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwedu zuva riri rose, kuzvirovedza timene ku“sema chiri chakaipa” uye ku“namatira kuchiri chakanaka.”—VaRoma 12:9, NW; VaGaratia 5:22, 23.
Manyuko Okunze Ehosha Yomudzimu
11. (a) Zvimiroi zvenyika namabasa zvinotapukira zvikuru? (b) Mukuwirirana naJesu, tinofanira kupa ngwariro kumwoyo yedu muchii?
11 Hosha yomudzimu inogona kubva kumanyuko okunze. Iyo inogona kupararira ichiuya kwatiri ichibva kuavo vakafa mumudzimu. (VaEfeso 2:1-3) Kana isu tiri pedyo zvikuru navo, tinogona kutora zvimiro zvavo nemitoo youpenyu. Kufambira mberi mune zvokunyika, kuda mari, kufarikanya zvakanakisisa mune zvokunyama, uye kuva nenguva yakanaka zvinhu zvikuru muupenyu hwavanhu venyika ino. Asi chishuvo chezvinhu zvakadaro chinotapukira zvikuru, uye kunyange kuratidzirwa kwakaganhurirwa kwazviri kunogona kutiita kuti tive vasingashingairi mumudzimu. Jesu akanyevera, kuti: “Zvingwarirei mumene kuti mwoyo yenyu isatongova inoremedzwa nokunyanyodyisa nokunwisa nefunganyo dzoupenyu, uye kuti zuva irero rirege kukuwirirai kamwe kamwe seriva. Nokuti richawira pamusoro pavose vagere pamusoro pasi rose.”—Ruka 21:34, 35, NW.
12. Pfungwa nedzidziso zvakaipa zvinogona sei kuva zvine ngozi kuutano hwomudzimu?
12 Pfungwa nedzidziso zvakaipa zvenyika ino zvinogona kutitapurawo. Pauro akanyevera, achiti: “Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, vachifuratira nzeve dzavo pazvokwadi, vachitsaukira kungano.” (2 Timotio 4:3, 4) Dzidziso dzenhema dzakafanana neronda. (2 Timotio 2:16, 17) Apo rinovamba, chikamu chenyama yako chinofa nemhaka yokuti ropa rinopa upenyu radziviswa pachikamu ichocho chomuviri.
13. Kana chirwere chomudzimu chakatanga kufanana neronda, chii chinofanira kuitwa?
13 Ronda rinopararira nokukurumidza sei! Kuti adzivise rufu, chiremba angafanira kudimura rutivi rwomuviri. Naizvozvo, kana panikiro, nyunyuto, kana kuti kuwa pakutenda zvikatyisidzira kukushatisa mumudzimu, zvibvise nokukurumidza! (Enzanisa naMateo 5:29, 30.) Wana betsero kuvakuru veungano. Rega kuva akafanana naavo Pauro akarondedzera savane “hosha mundangariro pamusoro pemibvunzo nenharo pamusoro pamashoko” nemhaka yokuti “havana kubvuma mashoko akanaka.”—1 Timotio 6:3, 4, NW.
14. Chii icho vakuru vangawana chiri madikanwa kuita kudzivirira utano hwomudzimu hweungano?
14 Kuti vadzivirire utano hwomudzimu hweungano, vakuru vanofanira “kupa zano kupfurikidza nedzidziso iri yakanaka nokutsiura avo vanopokanidza.” (Tito 1:9, 13, 16, NW; Tito 2:1) Zvichida vanhu vakadaro vanogona kudzorerwa kumugariro woutano hwakanaka hwomudzimu. (2 Timotio 2:23-26) Asi zvakadiniko kana ivo vakasimudzira dzidziso yenhema nenzira yokusapfidza? Ipapo, chaizvoizvo, ivo vanofanira kuparadzaniswa navamwe. Ivo vanodzingwa, uye tinogara tiri kure navo kuitira kuti hosha yavo yomudzimu irege kupararira ichiuya kwatiri.—VaRoma 16:17, 18; 1 VaKorinte 5:9-13; Tito 3:9-11.
15. Mukuedza kusekesa utano hwomudzimu hwavanhu vaMwari, kusvikai kukuru kuviri kwakashandisa Dhiabhorosi?
15 Manyuko echitatu engozi kukutenda noutano hwomudzimu ndiDhiabhorosi. (VaEfeso 6:11, 12) Kusvikira muzuva redu chaimo, iye akaedza kunetesa kutenda kwavanhu vaJehovha kupfurikidza nechitambudzo, kubatanidza chiito chenyonganyonga, kurova, kuisa mutorongo, uye tyisidziro dzorufu. (Zvakazarurwa 2:10) Sezvo Satani naaya maneji asingawanzobudiriri mukupunza perero yomumwe wavabatiri vaMwari, iye anoshandisa zvikwezvo zvenyika ino, iyo iye ari mwari wayo, munhamburiko yokusakisa vamwe kuwa.—2 VaKorinte 4:4; 11:3, 14.
16. Ndizvokuzvidzivirirai zvatinazvo mukukurira denho dzaDhiabhorosi pakutenda kwedu noutano hwomudzimu?
16 Tinogona sei kukurira denho dzinoitwa naDhiabhorosi? Kupfurikidza nokupfeka chipfeko chose chechidzitiro chesimbi chomudzimu chinobva kuna Mwari. Zvikurukuru tinofanira ‘kutora nhovo huru yokutenda, yatinogona kudzima nayo miseve yose inopisa’ iyo Satani anokandira kwatiri. Tinofanirawo kunyengetera mutsinhirano namashoko aJesu, anoti: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pano wakaipa.” (VaEfeso 6:11-18; Mateo 6:13, NW) Kana tikanyengetera nenzira iyoyo ndokuita mutsinhirano neminyengetero yedu, tinogona kukarira betsero yaBaba vedu vokudenga mukudzima miseve yose inopisa yaSatani.
Kuramba Tine Utano Hwakanaka Mukutenda
17. Mukuchengeta utano hwomudzimu, kudya “zvokudya panguva yakafanira” kunokosha sei nokutora rutivi nguva dzose mumibato yechiKristu?
17 Kudzivisa chinhu chikuru mukuchengeta utano hwomudzimu hwakanaka. Zvokudya zvinovaka muviri, rovedzo yakafanira, uye tarisirwo yose yendangariro nomuviri zvinokosha. Zvokuzvidzivirira nazvo zvomuzvarirwo pahosha zvakasimba zvikuru mumuviri une utano hwakanaka. Nenzira yakafanana, kuchengeta utano hwomudzimu, kunokosha kutevera zvokudya izvo Mwari anorondedzera nokuonga “zvokudya [zvomudzimu zvinovaka muviri] panguva yakafanira” zvinogoverwa kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera.” Tichiramba zvokudya zvakashata zvomudzimu zvenyika ino, tinofanira kufunda Bhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu ndokusangana navanhu vaMwari nguva dzose. (Mateo 24:45-47, NW; VaHebheru 10:24, 25) Tinodawo rovedzo iyo inobva mu“nguva dzose kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe” muushumiri nemimwe mibato yechiKritu.—1 VaKorinte 15:58, NW.
18. Chii chiri “mutoo wamashoko akanaka,” uye neiko tichifanira kuuchengeta mumwoyo nendangariro?
18 Kuti urambe une utano hwakanaka mukutenda, shandisa zvakazara gadziriro dzomudzimu dzaMwari. Pauro akaudza Timotio, kuti: “Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo rwuri muna Kristu Jesu. Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete no[uyu mudzimu, NW] mutsvene unogara matiri.” (2 Timotio 1:13, 14) Mutauro une mutoo wamashoko. Nenzira yakafanana, “mutauro wakachena” wezvokwadi yeBhaibheri une mutoo wakavakirwa zvikurukuru pamusoro wokurevererwa kwaJehovha kupfurikidza noUmambo. (Zefania 3:9, NW) Tinofanira kuchengeta uyu mutoo wamashoko akanaka mumwoyo nendangariro kana tichizochengeta kutenda kwedu noutano hwomudzimu. Ukasadaro, kuchanyangarika mukusakosha kwatiri. Ikoku sezviri pachena kwakaitika muungano yaiva paKorinte, apo vamwe vakanga “vasine simba, vanorwara” nemhaka yokuti vakanga vasina nzwisiso yomudzimu.—1 VaKorinte 11:29-32.
19. (a) Kana chirwere chomudzimu chabata, chii chinofanira kuitwa? (b) Chii icho vakuru vanogona kuita kana mumwe munhu achirwara mumudzimu?
19 Chii chinofanira kuitwa kana iwe wakabata chirwere chomudzimu? Betsero yorudo inodikanwa chaizvoizvo uye inowanika, nokuti Jakobho anoti: “Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta ezita ra[Jehovha, NW].” (Jakobho 5:14) Hungu, dana vakuru. Savanachiremba vomudzimu, ivo vanogona kukubetsera kusvika pamavambo echirwere chomudzimu. Ivo nounyoro asi nenzira inobudirira vachakwizira mafuta anorapa eShoko raMwari. Kana iwe wakaita zvivi asi uchipfidza, vimbiswa kuti Jehovha anokanganwira zvirokwazvo. (Pisarema 103:8-14) Sezvo vakuru vanonyengetera newe uye nokuda kwako, chii chinogona kukarirwa? Jakobho anopindura, achiti: “Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa unorwara, [Jehovha, NW] uchamumutsa; kana akaita zvivi, uchazvikanganwirwa.”—Jakobho 5:15.
Utano Hwomudzimu Hunotungamirira Kuupenyu Husingagumi
20. (a) Izanoi rakapa mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore pamusoro pokuchengeta utano hwomudzimu? (b) Chii chichatibetsera sezvatinomirira zvikomborero zvenyika itsva?
20 “Utano hwakanaka kwamuri!” Namashoko iwayo, mutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore wavanhu vaJehovha wakapfiga tsamba yawo uchidudza “zvinhu zviri madikanwa” zvaidikanwa kumaKristu. Ivo vaifanira “kurega zvinhu zvakabairwa zvidhori neropa nezvinhu zvakadzipwa noufeve.” (Mabasa 15:28, 29, NW) Kurondedzerwa ikoko kwoutano hwomudzimu hwakanaka kuchiri kwakanaka. Uye sezvatinomirira zvikomborero zvenyika itsva, tinogona kuchengeta kutenda kwedu noutano hwomudzimu kana tikaramba tichiparidzira nokushingaira mashoko akanaka oUmambo nokutsigira zita raJehovha munyika ino inorwara. Kuramba takabatikana neiyi nzira kuchatidzivisa kuva vane chinya nokuda kwezvikomborero zvenyika itsva yava pedyo kwazvo. Chokwadi, “tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo; asi kana chapangwa chosvika ndiwo muti woupenyu.”—Zvirevo 13:12.
21. Zvikomboreroi zvakachengeterwa avo vanochengeta nenzira inobudirira kutenda kwavo noutano hwomudzimu munyika ino inorwara?
21 Usarasikirwa nezvikomborero zvakaisvonaka Jehovha akachengetera avo vanomuda. Kudziviswa kwose kwepesvedzero dzenyika, kurwa kwose noutera hwedu hwokunyama, uye kudziviswa kwose kwemiseve inopisa yaDhiabhorosi hakusati kuchizova kwave kusina maturo. Munyika itsva yaJehovha, uchaona nameso ako umene nguva apo “kusina mugari achati: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24) Ikoku kuchava kwechokwadi nemhaka yegadziriro yaMwari kupfurikidza nechibairo chorudzikinuro chaJesu Kristu, uyo “akatora zvivi zvedu nokutakura hosha dzedu.” (Mateo 8:17; Isaya 53:4, NW) Iwe uchakwanisa kunwa mu“rwizi [rwokufananidzira] rwemvura youpenyu” uye kudya “miti youpenyu” iyo ine mashizha “okurapwa kwamarudzi.” (Zvakazarurwa 22:1, 2, NW) Upenyu husingagumi mukukwana nomufarwa ichava tuso yako nokuda kwokuchengeta kutenda kwako noutano hwomudzimu munyika ino inorwara.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko kuva noutano hwakanaka mukutenda kuchikosha zvikuru kupfuura kuva noutano hwakanaka hwomuviri?
◻ Ndedzipi dziri ngozi nhatu huru dzinopinza mungozi kutenda noutano hwomudzimu?
◻ Ukamai hune utano hwakanaka hwomudzimu nomwoyo wokufananidzira?
◻ Kana munhu achirwara mumudzimu, chii chinofanira kuitwa?
[Mifananidzo iri papeji 16]
Kunyange munyika inorwara, kunobvira kuva nokutenda kwakasimba noutano hwomudzimu hwakanaka
[Mifananidzo iri papeji 18]
Utano hwomudzimu hwakanaka hunotsamira pamubato wechiKristu wokushingaira nokudya nguva dzose zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira