-
Wakakwaniriswa Kubatira Here?Nharireyomurindi—1990 | September 1
-
-
16. (a) Chii chinodikanwa kuva ane mwero mutsika? (b) Mukuru anogona sei kuchengeta kuzvidzora?
16 Ane mwero mutsika; anozvidzora. (1 Timotio 3:2; Tito 1:8) Mukuru anofanira kuva anozvidzora, kwete kuitwa muranda netsika dzakashata. Apo anotarisana nemiedzo, Mwari achamubetsera kuchengeta dzikamo kana akanyengetera sezvakaita wezvamapisarema, kuti: “Nhamo dzomwoyo wangu dzawanda; haiwa, ndibudisei panjodzi dziri pandiri.” (Pisarema 25:17, NW) Mutariri anofanirawo kunyengeterera mudzimu waMwari ndokuratidzira chibereko chawo, kubatanidza kuzvidzora. (Ruka 11:13; VaGaratia 5:22, 23) Kuramba achidzora mifungo, kutaura, uye zviito kunogonesa mukuru kudzivisa kunyanyisa sezvaanogovera nhungamiro yomudzimu nokuda kweungano.
-
-
Wakakwaniriswa Kubatira Here?Nharireyomurindi—1990 | September 1
-
-
19. Nemhaka yokuti ane mutsa, chii icho mukuru anoita?
19 Ane mutsa. (1 Timotio 3:2; Tito 1:8) Mukuru ‘anotevera nzira yomutsa.’ (VaRoma 12:13; VaHebheru 13:2) Shoko rechiGiriki nokuda kwa“ane mutsa” chaizvoizvo rinoreva “anoda vaeni.” Nokudaro, mukuru ane mutsa anogamuchira vatsva kumisangano yechiKristu, achiratidza fariro imwe cheteyo muvarombo sezvaanoita muna vanobudirira mune zvokunyama. Iye ane mutsa kuna avo vanofamba mufariro dzechiKristu ndokuvaendesa panzira yavo “munzira yakafanira Mwari.” (3 Johane 5-8) Zvamazvirokwazvo, mukuru anoratidza mutsa zvikurukuru kuna vatendi biyake mukuwirirana nezvinodikanwa zvavo uye sezvinobvumira migariro yake.—Jakobho 2:14-17.
-
-
Wakakwaniriswa Kubatira Here?Nharireyomurindi—1990 | September 1
-
-
23. (a) Waizorondedzera sei “mudi worunako”? (b) Kuva akarurama kunorevei?
23 Mudi worunako; akarurama. (Tito 1:8) Kuti akwanirise somukuru, murume anofanira kuda runako ndokuva akarurama. Mudi worunako anoda zvakanaka mukuona kwaJehovha, anoita zviito zvomutsa nezvinobetsera, uye anoratidza kuonga nokuda kworunako rwavamwe. (Ruka 6:35; enzanisa naMabasa 9:36, 39; 1 Timotio 5:9, 10.) Kuva akarurama kunoreva kuwirirana nemitemo yaMwari nemipimo. Pakati pezvimwe zvinhu, murume akadaro haana rusaruro uye anochengeta zvinhu zvakarurama, zvakachena, uye zvakanaka mundangariro. (Ruka 1:6; VaFiripi 4:8, 9; Jakobho 2:1-9) Sezvo runako rwakasiana nokururama mukuti runopfuura zvinoda ruramisiro, mudi worunako anoita zvakawanda nokuda kwavamwe zvinopfuura zvinokarirwa kwaari.—Mateo 20:4, 13-15; VaRoma 5:7.
24. Kuva akavimbika kunorairei?
24 Akavimbika. (Tito 1:8) Murume anokwaniriswa kuva mukuru anochengeta kuzvipira kwakasimba kuna Mwari uye anoomerera kumitemo youmwari, pasinei hapo nokuti perero yake inoedzwa sei. Iye anoita izvo Jehovha anomukarira, uye ikoku kunobatanidza kubatira somuzivisi akatendeka woUmambo.—Mateo 24:14; Ruka 1:74, 75; Mabasa 5:29; 1 VaTesaronika 2:10.
-