Ita Dzidziso Yakanaka Mararamire Ako
“Kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose.”—1 TIMOTIO 4:8.
1, 2. Vanhu vanoratidza kuitira hanya utano hwavo kusvika kutambanukoi, uye nomuuyoi?
VANHU vakawanda zvikurusa vachabvuma nokukurumidza kuti utano hwakanaka ndichimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa muupenyu. Vanopa nguva yakawanda nemari kukuzvichengeta vamene vakasimba mumuviri uye vachiva nechokwadi chokuti vanowana ngwariro yakanaka yokurapwa apo vanoida. MuUnited States, somuenzaniso, ndyiko yokutarisira utano yegore negore nokuda kwegore razvino uno yakanga ichipfuura mabhirioni $7 650. Iyoyo inosanopfuura $25 000 pagore nokuda kwomurume, mukadzi, uye mwana ari wose ari munyika iyoyo, uye ndyiko pamunhu mumwe nomumwe mudzimwe nyika dzakabudirira haisi shure zvikuru.
2 Kushandiswa kwose kwenguva, simba, uye mari kwakaunzei? Zvamazvirokwazvo hapana acharamba kuti, zvose zvarangarirwa, tine zvokushandisa zvokurapa negadziriro nhasi zvazvino uno zvikuru kupfuura panguva ipi neipi munhau. Bva, ikoku hakungoerekani kwachinja kuva kurarama kwakanaka. Kutaura idi, muhurukuro inoratidzira purogiramu yokutarisira utano yakakarakadzwa yeUnited States, purezidhendi akaonesa kuti mukuwedzera ku“ndyiko dzinokatyamadza dzamasimba masimba munyika ino,” vagari vomuUnited States “vane mwero mikuru zvikuru yeAIDS, yokusvuta uye yokunwisa zvinopfuura mwero, yemimba dzavechiduku, yavana vane uremu hwakaderera pakuberekwa” kupfuura imwe nyika ipi neipi yakabudirira. Mhedziso yake? “Tinofanira kuchinja nzira dzedu kana tichitongoda chaizvoizvo kuva noutano sorudzi.”—VaGaratia 6:7, 8.
Mararamire Akanaka
3. Nemhaka yetsika yakare yechiGiriki, izanoi iro Pauro akapa?
3 Muzana ramakore rokutanga, vaGiriki vaizivikanwa nokuda kwokuzvipira kwavo kukuvandudza kutarisira muviri, kusimbisa muviri, uye makwikwi okumhanya. Nourwu ruzivo, muapostora Pauro akafuridzirwa kunyorera jaya Timotio, kuti: “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo; asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” (1 Timotio 4:8) Nokudaro, Pauro akanga achionesa icho vanhu nhasi vari kusvika pakubvuma, ndiko kuti, kuti gadziriro dzokurapa kana kuti dzomuviri hadzivimbisi mararamire akanaka zvirokwazvo. Pauro anotivimbisa, kunyanguvezvo, kuti kunokosha ndiko kusakurirwa kwegarikano yomudzimu nokuzvipira kwoumwari.
4. Chii chiri betsero dzokuzvipira kwoumwari?
4 Nzira yakadaro inobetsera nokuda kwo“upenyu hwazvino” nemhaka yokuti inogovera dziviriro pazvinhu zvose zvinokuvadza izvo vanhu vasiri voumwari, kana kuti avo vanongova bedzi no“mufananidzo [kana kuti, chitarisiko] wokunamata Mwari,” vanoisa pavari vamene. (2 Timotio 3:5; Zvirevo 23:29, 30; Ruka 15:11-16; 1 VaKorinte 6:18; 1 Timotio 6:9, 10) Avo vanobvumira kuzvipira kwoumwari kuumba upenyu hwavo vanoremekedza zvakanaka mitemo yaMwari nezvinodikanwa, uye ikoko kunovasunda kuita dzidziso yakanaka yaMwari mararamire avo. Nzira yakadaro inovaunzira utano hwomudzimu nehwomuviri, gutsikano, uye mufarwa. Uye vari ku“zvichengetera vamene nheyo yakanaka yenguva yemberi, kuti vabatisise upenyu chaihwoihwo.”—1 Timotio 6:19, NW.
5. Pauro akagovera mirairidzoi muganhuro rechipiri retsamba yake kuna Tito?
5 Sezvo upenyu hunotungamirirwa nedzidziso yakanaka yaMwari huchiunza zvikomborero zvakadaro zvino nomunguva yemberi, tinofanira kuziva, mumashoko anoshanda, maitire atinogona kuita dzidziso yakanaka yaMwari mararamire edu. Muapostora Pauro akagovera mhinduro yacho mutsamba yake kuna Tito. Tichacherechedza chaizvo ganhuro rechipiri rebhuku iroro, umo akarairidza Tito ku“ramba achitaura zvinhu zvakakodzera dzidziso yakanaka.” Zvirokwazvo tose zvedu, vaduku navakuru, vanhurume navanhukadzi, tinogona kubetserwa ne“dzidziso yakanaka” yakadaro nhasi.—Tito 1:4, 5; 2:1, NW.
Zano Ravarume Vakuru
6. Pauro akapa zanoi nokuda kwa“varume vakuru,” uye neiko waiva mutsa wake kuita kudaro?
6 Kutanga, Pauro akanga ane zano ravarume vakuru vaiva muungano. Tapota rava Tito 2:2. “Varume vakuru,” seboka, vanokudzwa ndokuremekedzwa semienzaniso yokutenda nokuvimbika. (Revhitiko 19:32; Zvirevo 16:31) Nemhaka yaikoku, vamwe vangava vanozengurira kupa zano kana kuti zvikarakadzo kuvarume vakuru panhau dzisina kukomba zvikuru. (Jobho 32:6, 7; 1 Timotio 5:1) Naizvozvo, mutsa waPauro kutanga kutaura kuvarume vakuru, uye kungava kwakavanakira kuti varangarire zvakakomba mashoko aPauro nokuva nechokwadi chokuti ivo, kufanana naPauro, vakafanirwa nokutevedzerwa.—1 VaKorinte 11:1; VaFiripi 3:17.
7, 8. (a) Kuva no“mwero mutsika” kunobatanidzei? (b) Neiko kuva “vanokudzwa” kuchifanira kudzikamiswa nokuva “vakangwara”?
7 Varume vakuru vechiKristu, kutanga kwazvose, vanofanira kuva “vane mwero mutsika, (NW).” Kunyange zvazvo shoko rapakuvamba richigona kunongedzera kutsika yokunwa (“mwero,” Kingdom Interlinear), rinewo revo yokuva anongwarira, anonzwisisa, kana kuti kusvinura. (2 Timotio 4:5; 1 Petro 1:13) Nokudaro, mungava mukunwa kana kuti mune zvimwe zvinhu, varume vakuru vanofanira kuva vane mwero, vasinganyanyisi.
8 Ipapo, vanofanirawo kuva “vanokudzwa” uye “vakangwara.” Kuva anokudzwa, kana kuti ane chiremera, anoremekedzwa, uye akafanirwa noruremekedzo, kazhinji kazhinji kunouya nezera. Vamwe, kunyanguvezvo, vangava vanonyanyokudzwa, vachiva vasingashiviriri nzira dzembavarira dzepwere. (Zvirevo 20:29) Ndicho chikonzero nei “vanokudzwa” achidzikamiswa na“vakangwara.” Varume vakuru vanofanira kuchengeta kukudzwa kunowirirana nezera, bva panguva imwe cheteyo vachiva vakadzikama, vachidzora zvakakwana mirangariro yavo nesundo.
9. Neiko varume vakuru vachifanira kuva vakanaka mukutenda norudo uye zvikurukuru mukutsungirira?
9 Pakupedzisira, vakuru vanofanira kuva “vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira.” Nguva dzakawanda muzvinyorwa zvake, Pauro akaronga kutenda norudo pamwe chete netariro. (1 VaKorinte 13:13; 1 VaTesaronika 1:3; 5:8) Pano akatsiva “tariro” no“kutsungirira.” Zvichida imhaka yokuti murangariro wokurega unogona kutanga nyore nyore noukweguru. (Muparidzi 12:1) Zvisinei, seizvo Jesu akaonesa, “unotsungirira kusvika pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Mukuwedzera, vakura mienzaniso yakafanira kuna vose vasara kwete nemhaka zvayo yezera ravo kana kuti ruzivo rwokuzviwanira asi nemhaka yamavara avo akasimba omudzimu—kutenda, rudo, uye kutsungirira.
Nokuda Kwavakadzi Vakuru
10. Pauro anogovera zanoi ku“vakadzi vakuru” vari muungano?
10 Pauro akatevera kutendeudzira ngwariro yake kuvakadzi vakuru muungano. Tapota rava Tito 2:3. “Vakadzi vakuru” ndiyo mitezo mikuru pakati pavakadzi vari muungano, kubatanidza vadzimai va“varume vakuru” navana mai navanambuya vemimwe mitezo. Savakadaro, vanogona kuva nepesvedzero yakati kuti, yezvakanaka kana kuti yezvakaipa. Ndicho chikonzero nei Pauro akatanga mashoko ake na“saizvozvowo,” kureva kuti “vakadzi vakuru” vanewo mitoro yakati yavanofanira kurarama mukuwirirana nayo kuti vaite basa ravo muungano.
11. Chii chiri mufambiro unoremekedzwa?
11 Kutanga, “vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene,” akadaro Pauro. “Mufambire” iratidzirwo yokunze yechimiro chendangariro chomukati chomunhu nohunhu, sezvinoratidzirwa muzvose zviri zviviri mufambiro nechitarisiko. (Mateo 12:34, 35) Chii, ipapoka, chinofanira kuva chimiro chendangariro kana kuti hunhu zvomukadzi wechiKristu akwegura? Mumashoko maviri, cha“kafanira vatsvene.” Iwawa anoshandurwa mushoko rechiGiriki rinoreva “icho chakakodzera muvanhu, zviito kana kuti zvinhu zvakatsaurirwa kuna Mwari.” Irori izano rakakodzera zvamazvirokwazvo nemhaka yepesvedzero yavanayo pana vamwe, zvikurukuru pavakadzi vaduku vari muungano.—1 Timotio 2:9, 10.
12. Kushandiswai zvisina kufanira kworurimi vose vanofanira kudzivisa?
12 Kunotevera kuuya zvakaipa zviviri: “vasingacheri, kana kuda waini zhinji.” Kunofadza kuti izvi zviviri zvinoiswa pamwe chete. “Munguva dzakare, apo waini yaingova chinwiwa bedzi,” anodaro Purofesa E. F. Scott, “pakanga pari patumapati twavo apo vakadzi vakuru vaibvarura hunhu hwavavakidzani vavo kuva mamvemve.” Vakadzi kazhinji kazhinji vanoitira hanya zvikuru vanhu kupfuura zvinoita varume, uko kunorumbidzwa. Bva, kuitira hanya kunogona kushata kuva guhwa uye kunyange kuchera, zvikurukuru apo rurimi runosunungurwa nechinwiwa. (Zvirevo 23:33) Zvirokwazvo, vose vari kuronda mararamire akanaka, varume navakadzi, vanoita zvakanaka kungwarira iyi mhinganidzo.
13. Vakadzi vakuru vanogona kuva vadzidzisi munzirai?
13 Nokuda kwenzira inovaka yokushandisa nguva inowanika, vakadzi vakuru vanokurudzirwa kuva “vadzidzisi vezvakanaka.” Kune dzimwe nzvimbo, Pauro akapa mirairidzo yakajeka yokuti vakadzi havafaniri kuva vadzidzisi muungano. (1 VaKorinte 14:34; 1 Timotio 2:12) Ikoku, zvisinei, hakuvadzivisi kupa zivo inokosha yaMwari mumhuri mavo uye kuvose. (2 Timotio 1:5; 3:14, 15) Vanogonawo kuita zvakanaka zvakawanda kupfurikidza nokuva mienzaniso yechiKristu kuvakadzi vaduku vari muungano, sezvinoratidza ndima dzinotevera.
Nokuda Kwavakadzi Vaduku
14. Vakadzi vaduku vechiKristu vanogona sei kuratidza dzikamo mukutarisira mabasa avo?
14 Mukukurudzira vakadzi vakuru kuti vave “vadzidzisi vezvakanaka,” Pauro akadudza zvikurukuru vakadzi vaduku. Tapota rava Tito 2:4, 5. Nepo wakawanda womurairidzo uchinanga pazvinhu zvapamusha, vakadzi vaduku vechiKristu havafaniri kunyanyisa, vachibvumira itiro hanya dzezvokunyama kudzora upenyu hwavo. Panzvimbo pezvo, vanofanira kuva “vakangwara, vakachena, . . . vanyoro,” uye kupfuura zvose, vakagadzirira kutsigira gadziriro youmusoro yechiKristu, “kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.”
15. Neiko vakawanda vavakadzi vaduku vari muungano vachifanira kurumbidzwa?
15 Nhasi, chiono chemhuri chachinja zvikuru kubva pane zvachaiva muzuva raPauro. Mhuri dzakawanda dzakakamukana pamusoro pokutenda, uye dzimwe dzine mubereki mumwe bedzi. Kunyange mumhuri dzinonzi dzina baba, mai navana vari mumhuri imwe cheteyo, hakusi kusingazivikanwi zvikuru kuti mudzimai kana kuti amai mugadziri wapamusha wenguva yakazara. Kwose ikoku kunoisa dzvinyiriro huru nomutoro pavakadzi vaduku vechiKristu, asi ikoku hakuvahesvuri pamisengwa yavo yapaMagwaro. Mufaro mukuru, naizvozvo, kuona vakadzi vaduku vakatendeka vakawanda vachishanda zvakaoma kuti vadzikamise mabasa avo akawanda uye vachingokwanisa kuisa fariro dzoUmambo pakutanga, vamwe vachitova mubasa renguva yakazara samapiyona ebetsero kana kuti enguva dzose. (Mateo 6:33) Zvirokwazvo vanofanira kurumbidzwa!
Nokuda Kwavarume Vaduku
16. Pauro aiva nezanoi nokuda kwavarume vaduku, uye neiko irori rakakodzera nguva?
16 Ipapo Pauro akauya kuvarume vaduku, kubatanidza Tito. Tapota rava Tito 2:6-8. Nemhaka yenzira dzokusangwarira nedzinoparadza dzedzakawanda dzepwere dzanhasi—kusvuta, kushandisa zvisina kufanira mirimo nezvinodhakisa, vatano isiri yapamutemo, uye zvimwe zvinorondwa zvenyika, zvakadai semitambo youpengo nenziyo nevaraidzo dzakashata—zvamazvirokwazvo iri izano rakakodzera nguva nokuda kwepwere dzechiKristu dzinoda kutevera mararamire akanaka naanogutsa.
17. Murume muduku anogona sei kuva “akangwara” uye “muenzaniso wamabasa akanaka,” NW?
17 Mukusiyana nepwere dzenyika, murume muduku wechiKristu anofanira kuva “akanaka mundangariro” uye “muenzaniso wamabasa akaisvonaka,” (NW). Pauro akatsanangura kuti ndangariro yakanaka uye huru inowanwa, kwete naavo vanongofunda zvavo, asi naavo “vano kuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Kunoshamisa sei kuona vanhu vaduku vachipa nguva yavo nesimba kuti vave negoverano yakazara mumabasa akawanda muungano yechiKristu, panzvimbo pokupambadzira simba ravo roupwere muzvinorondwa zvoudyire! Vachidaro, ivo, kufanana naTito, vanogona kuva mienzaniso ya“mabasa akanaka” muungano yechiKristu.—1 Timotio 4:12.
18. Kuva asina kushata mudzidziso, anokudzwa muchiito, uye akanaka mukutaura kunorevei?
18 Varume vaduku vanoyeuchidzwa kuti vanofanira kuva “nokusakanganisa pakudzidzisa [kwavo] nomugarire unokudzwa, nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushorwa.” Dzidziso isina ‘kushata’ inofanira kuvakirwa zvakasimba paShoko raMwari; nokudaro, varume vaduku vanofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veBhaibheri. Kufanana navarume vakuru, varume vaduku vanofanirawo kuva vanokudzwa. Vanofanira kuziva kuti kuva mushumiri weShoko raMwari mutoro wakakomba, uye naizvozvo vanofanira ku“fambai bedzi zvakafanira Evhangeri.” (VaFiripi 1:27) Nenzira yakafanana kutaura kwavo kunofanira kuva “kwakarurama” uye wakadaro zvokuti hau“goni kushorwa” kuitira kuti varege kupa chisakiso chokunyunyuta kunoitwa navashori.—2 VaKorinte 6:3; 1 Petro 2:12, 15.
Nokuda Kwavaranda Navabatiri
19, 20. Avo vanoshandira vamwe vanhu vanga“shongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu,” sei?
19 Pakupedzisira, Pauro akatendeukira kuna avo vanoshandira vamwe vanhu. Tapota rava Tito 2:9, 10. Havasati vari vakawanda vedu nhasi vari varanda kana kuti vabatiri, asi vakawanda vashandi navabati vanoitira vamwe basa. Nokudaro, nheyo dzakadudzwa naPauro dzinoshanda zvakafanana nhasi.
20 “Ngavazviise pasi pavatenzi vavo . . . pazvinhu zvose” kunoreva kuti vashandi vechiKristu vanofanira kuratidza vashandirwi vavo navatarisiri ruremekedzo rwechokwadi. (VaKorose 3:22) Vanofanirawo kuva nomukurumbira wokuva vashandi vakatendeseka, vachipa basa rakazara rezuva sechakafanira chomushandirwi wavo. Uye vanofanira kuchengeta mupimo wakakwirira womufambiro wechiKristu panzvimbo dzavo dzebasa pasinei zvapo nomufambiro wavamwe ipapo. Zvose zvaizvozvi ndiko “kuti vashongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.” Tinonzwa kazhinji kazhinji sei pamusoro pemiuyo inofadza apo vacherekedzi vapachokwadi vanogamuchira zvokwadi nemhaka yomufambiro wakaisvonaka wavabati biyavo Zvapupu kana kuti vashandi! Iyi ituso iyo Jehovha anoisa pana avo vanotevera dzidziso yake yakanaka kunyange panzvimbo dzavo dzebasa.—VaEfeso 6:7, 8.
Vanhu Vakacheneswa
21. Neiko Jehovha akagovera dzidziso yakanaka, uye tinofanira kuita sei?
21 Dzidziso yakanaka iyo Pauro akatsanangura haisati ichingova zvayo bumbiro rakati renheyo dzetsika kana kuti pfungwa dzetsika iro tinganzvera sezvatinoda. Pauro akapfuurira kutsanangura donzo raro. Tapota rava Tito 2:11, 12. Nemhaka yorudo rwake uye mutsa usakafanirwa nokuda kwedu, Jehovha Mwari akagovera dzidziso yakanaka kuitira kuti tigodzidza kurarama upenyu hune donzo nohunogutsa mudzino nguva dzinotambudza nedzine ngozi. Unodisa kugamuchira ndokuita dzidziso yakanaka mararamire ako here? Kuita kudaro kuchareva ruponeso rwako.
22, 23. Zvikomboreroi zvatinowana kupfurikidza nokuita dzidziso yakanaka mararamire edu?
22 Kupfuura izvozvo, kuita dzidziso yakanaka mararamire edu kunotiunzira ropafadzo yechienzi zvino netariro inofadza yenguva yemberi. Tapota rava Tito 2:13, 14. Zvamazvirokwazvo, kuita dzidziso yakanaka mararamire edu kunotiparadzanisa nenyika yakashata neiri kufa savanhu vakacheneswa. Mashoko aPauro anowirirana nezviyeuchidzo zvaMosesi kuvanakomana vaIsraeri paSinai: “NaJehovha, . . . akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura.”—Dheuteronomio 26:18, 19.
23 Ngatikoshesei nguva dzose ropafadzo yokuva vanhu vaJehovha vakacheneswa kupfurikidza nokuita dzidziso yakanaka mararamire edu! Nguva dzose svinurira kuramba chimiro chipi nechipi chisiri choumwari nezvishuvo zvenyika, nokudaro tichiramba takachena uye takakodzera kushandiswa naJehovha mubasa rakaisvonaka iro ari kuita kuti riitwe nhasi.—VaKorose 1:10.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko kuzvipira kwoumwari kuchibetsera nokuda kwezvinhu zvose?
◻ Varume navakadzi vakuru vechiKristu vanogona sei kuronda dzidziso yakanaka samararamire?
◻ Pauro aiva nedzidzisoi yakanaka nokuda kwavarume navakadzi vaduku vari muungano?
◻ Iropafadzoi nechikomborero zvinogona kuva zvedu kana tikaita dzidziso yakanaka mararamire edu?
[Mifananidzo iri papeji 18]
Vakawanda nhasi vari kushandisa zano riri pana Tito 2:2-4