RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Unoratidza Mafungiro Akaita Sei?
    Nharireyomurindi—2012 | October 15
    • “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza.”—FIR. 25.

  • Unoratidza Mafungiro Akaita Sei?
    Nharireyomurindi—2012 | October 15
    • 1. Pauro paainyorera vaainamata navo, akataura kuti aiva netarisiro yei?

      MUAPOSTORA PAURO paainyorera vaainamata navo, akataura kakawanda kuti aitarisira kuti Mwari naKristu vafadzwe nemafungiro airatidzwa neungano. Somuenzaniso, akanyorera vaGaratiya kuti: “Mutsa usina kukodzera kuwanwa waShe Jesu Kristu ngauve nemafungiro amunoratidza. Ameni.” (VaG. 6:18) Airevei nemashoko okuti “mafungiro amunoratidza”?

      2, 3. (a) Dzimwe nguva shoko rakashandiswa naPauro pane rakanzi “mafungiro” rinorevei? (b) Mibvunzo ipi yatingazvibvunza nezvemafungiro atinoratidza?

      2 Shoko rakashandiswa naPauro pano pana “mafungiro” rinoreva simba rinoita kuti titaure kana kuti tiite zvimwe zvinhu. Munhu anogona kuva norupfave, ane hanya, ane mutsa, munyoro, ane rupo kana kuti anokanganwira. Bhaibheri rinorumbidza kuva no“mudzimu wakanyarara uye munyoro” uye kuva munhu “akadzikama.” (1 Pet. 3:4; Zvir. 17:27) Asi mumwe munhu angava anotsvinya, anonyanya kuda pfuma, anokurumidza kugumbuka kana kuti ane umbimbindoga. Vamwe vanotoratidza mafungiro okusateerera, okupanduka kana kuti okusachena.

      3 Saka Pauro paakashandisa mashoko akadai sokuti ‘Ishe ngaave nemafungiro amunoratidza,’ aikurudzira hama dzake kuti dziratidze mafungiro anoenderana nekuda kwaMwari uye unhu hwakafanana nehwaKristu. (2 Tim. 4:22; verenga VaKorose 3:9-12.) Mazuva ano, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoratidza mafungiro akaita sei? Ndinganyatsoratidza sei mafungiro anofadza Mwari? Ndingavandudza here pane zvandinoita kuti ungano ive nemafungiro akanaka?’ Somuenzaniso, mumunda wemasanifurawa akatumbuka, rimwe nerimwe rinobatsira kuti munda wacho wose uyevedze. Ndizvo zvatinoitawo here kuti ungano yose ive nemafungiro akanaka? Zvechokwadi tinofanira kuedza kudaro. Iye zvino ngationei zvatinogona kuita kuti tive nemafungiro anofadza Mwari.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe