Ganhuro 7
Zvatinodzidza Mukubvumidza Chivi kwaMwari
1. (a) Kudai Jehovha akanga akurumidzira kuuraya vapanduki muEdheni, ikoko kungadai kwakatitapura sei? (b) Panzvimbo pakwo, ko Jehovha akaita gadziriroi dzorudo kuti dziwanike kwatiri?
PASINEI hapo nezvitambudzo zvingauya kwatiri muupenyu, kuva kwedu takaberekwa kwakanga kusati kuri kusaruramisira kuna Mwari. Iye akapa vanhu vokutanga kukwana ndokuvapa Paradhiso somusha wavo. Kudai iye akanga avauraya pakare pakarepo pashure pokunge vapanduka, kwaizodai kusina kuva norudzi rwavanhu sezvatinoruziva nechirwere charwo, urombo noutsotsi. Zvisinei, mungoni Jehovha akabvumidza Adhama naEvha kubereka mhuri ivo vasati vafa, kunyange zvazvo ivava vaizogara nhaka kusakwana. Kupfurikidza naKristu iye akaita gadziriro nokuda kwaavo vavazukuru vaAdhama vanotenda kuva neicho Adhama akarasha—upenyu husingagumi mumigariro yaizobvirisa kufarikanywa kukurusa kwoupenyu.—Dheut. 32:4, 5; Johane 10:10.
2. Ko ikoku kwose kwakaitirwa bedzi kuponeswa kwedu here?
2 Betsero dzaikoku kwatiri somunhu mumwe nomumwe hadziyereki. Asi muchinyorwa cheBhaibheri tinodzidza kuti chimwe chinhu chinoisvokosha zvikuru kupinda kuponeswa kwedu timene chakanga chichibatanidzwa.
Nokuda Kwezita Rake Guru
3. Chii chakanga chiri pamutanhiko pamsoro pokuzadzika kwedonzo raJehovha nokuda kwapasi navanhu?
3 Zita raJehovha, mukurumbira wake saChangamire weChisikwo Chapose pose naMwari wezvokwadi, zvakanga zvichibatanidzwa pakureva nezvepasi navanhu. Nokuda kwegadziriro yaJehovha, rugare negarikano yechisikwo chapose pose zvinoda kuti zita rake ripiwe ruremekedzo ruzere rwarakafanirwa narwo uye kuti vose vateerere kwaari.
4. Ko donzo iroro rakabatanidzei chaizvoizvo?
4 Pashure pokusika Adhama naEvha, iye akavapa mugove wokuita. Akakujekesa kuti donzo rake rakanga risati richingova bedzi rokurima pasi rose, nokudarokwo ndokufutunura miganhu yeParadhiso, asi kurizadza navana vomurume nomukadzi vokutanga, Adhama naEvha. (Gen. 1:28) Ko donzo irori raizokundikana here nokuda kwechivi chavo, noruzvidzo kuzita raMwari rwaizovapo somuuyo?
5. (a) Mukuwirirana naGenesi 2:17, ko munhu upi noupi aizodya pamuti wokuziva zvakanaka nezvakashata aizofa riini? (b) Ko Jehovha akazadzika ikoku sei, kunyange airemekedzawo donzo rake pamsoro pokuzadzwa kwapasi?
5 Jehovha akanga anyevera Adhama kuti kudai iye aizodya nomutoo wokusateerera pamuti wokuziva zvakanaka nezvakashata iye zvamazvirokwazvo aizofa “muzuva” rokudya kwake. (Gen. 2:17) Mukuwirirana neShoko raMwari, pazuva rimene rokuita chivi kwaAdhama Jehovha akadanira vadariki kuzozvidavirira ndokuzivisa tongerwo yorufu. Chirango chacho chakanga chisinganzvengeki. Mukuwirirana norutongeso, mumurangariro waMwari, Adhama naEvha vakafa muzuva irero. (Enzanisa naRuka 20:37, 38.) Asika kuti agoita donzo rake amene rakataurwa pamsoro pokuzadzwa kwapasi, Jehovha akavabvumidza kubereka mhuri ivo vasati vafa zvomenemene. Kunyanguvezvo, mumurangariro wokurangarira kwaMwari makore ane 1 000 sezuva rimwe, apo upenyu hwaAdhama hwakaguma pamakore ane 930, ikoku kwakanga kuri mukati me“zuva” rimwe. (Gen. 5:3-5; enzanisa Pisarema 90:4; 2 Petro 3:8.) Nokudaro uchokwadi hwaJehovha hwakatsigirwa pamsoro penguva apo chirango chaizoitwa, uye donzo rake rokuzadza pasi navana vaAdhama harina kudziviswa. Asi rakareva kuti, kwechinguvana, vanhu vanoita zvivi vakabvumidzwa kurarama.
6, 7. (a) Ko Eksodho 9:15, 16 inoratidzirei pamsoro pechikonzero nei Jehovha akabvumidza vakaipa kupfuurira kwechinguvana? (b) Mune chinoitika chaFarao, ko simba raJehovha rakaratidzirwa sei uye zita Rake rakaziviswa sei? (c) Naizvozvo chii chichava muuyo pakuguma kwetsika yakaipa iripoyi?
6 Zvakataurwa naJehovha kumubati ushe weEgipita mumazuva aMosesi zvinoratidzirazve chikonzero nei Mwari akabvumidza vakaipa kupfuurira kwechinguvana. Apo Farao akarambidza kubva kwavanakomana vaIsraeri muEgipita, Jehovha haana kumurovanya pakare pakarepo. Madambudziko gumi akaunzwa panyikayo, kuratidzira simba raJehovha munzira dzinoshamisa nedzakasiana. Pakunyevera nezverechinomwe, Jehovha akaudza Farao kuti iye aigona kudai akaparadza nyore nyore Farao navanhu vake papasi. “Asika, chokwadi,” Jehovha akati, “nokuda kweichi chikonzero ini ndakakuchengeta uripo, nokuda kwedonzo rokuratidzira simba rangu uye nokuda kwokuita kuti zita rangu riziviswe mupasi rose.”—Eks. 9:15, 16.
7 Apo Jehovha akanunura Israeri, zita rake zvamazvirokwazvo rakasvika pakuzivikanwa zvakafara. Nhasi, anenge makore 3 500 pashure, zvaakaita hazvina kukanganwika. Hakuzati bedzi kuchingova kuti zita rake amene rokuti Jehovha rakaziviswa asiwo zvokwadi pamsoro poUyo ane zita irero akaziviswa. Ikoku kwakasimbisa mukurumbira waJehovha saMwari anochengeta sungano dzake naanoita chiito nokuda kwavabatiri vake. Kwakaratidzira kuti nokuda kwesimba rake ramasimba ose hapana chinhu chaigona kudzivisa donzo rake. Chinotoorora zvikuru kwazvo chichava kuparadzwa kwosvika kwetsika yose yakaipa, inooneka neisingaoneki. Kuratidzirwa ikoko kwesimba ramasimba ose nembiri yakunounza kuzita raJehovha hazvizati zvichizokanganwika munhau yechisikwo chapose pose. Betsero dzakwo dzichava dzisingagumi!—Ezek. 38:23; Zvak. 19:1, 2.
‘Haiwa Udzame Hwakadini Hwouchenjeri hwaMwari!’
8. Ko Pauro anotikuchidzira kurangarira zvikonzeroi zvewedzero?
8 Mutsamba yake yokuvaRoma, muapostora Pauro anomutsa mubvunzo, unoti: “Ko kuna Mwari kuno kusaruramisira here?” Uye tevere iye anopindura kupfurikidza nokusimbisa ngoni dzaMwari uye kupfurikidza nokunongedzera kune zvakataurwa naJehovha kuna Farao. Anoyeukawo idi rokuti isu vanhu takafanana nomunyakwe uri muzvanza zvomuumbi wehari. Ko munyakwe unonyunyuta pamsoro poukwo unoshandisirwa kwakuri here? Pauro anowedzera, kuti: “Kana, zvino, Mwari, kunyange zvazvo aiva nokuda kwokuratidzira kutsamwa kwake nokuita kuti simba rake rizivikanwe, akashivirira nomwoyo murefu zvikuru midziyo yokutsamwirwa yakaitirwa kukodzera kuparadzwa, nokuda kwokuti iye agozivisa ukurusa hwembiri yake pamidziyo yengoni, yaakagadzirira pachine nguva mberi nokuda kwembiri, ndiko kuti, isu, avo iye asati akangodana bedzi pakati pavaJudha asiwo pakati pamarudzi, ko ndokunei?”—VaR. 9:14-24.
9. (a) Ndivanaani vari “midziyo yokutsamwirwa yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa”? (b) Neiko Jehovha akaratidzira mwoyo murefu mukuru mukunangana noutsinye hwavo, uye muuyo wokupedzisira uchava wakadini nokuda kwokubetserwa kwaavo vanomuda?
9 Chibviro chaapo Jehovha akaita kutaura kwechiporofita kwakanyorwa pana Genesi 3:15, Satani nembeu yake vave vari “midziyo yokutsamwirwa yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa.” Mukati menguva iyeyo yose Jehovha akashandisa mwoyo murefu. Vakaipa vakanyomba nzira dzake; vakatambudza vabatiri vake, kunyange kuuraya Mwanakomana wake. Asi Jehovha akaratidzira ganhuriro huru, nokubetserwa kusingagumi kwavabatiri vake. Chisikwo chose chakava nebanza rokuona miuyo ine ngozi yokupandukira Mwari. Panguva imwe cheteyo, rufu rwaJesu rwakagovera mutoo wokudzikinura nawo vanhu vanoteerera nowo ‘kuputsanya mabasa aDhiabhorosi.’—1 Johane 3:8; VaH. 2:14, 15.
10. Neiko Jehovha akapfuurira kushivirira vakaipa mukati mamakore 1 900 akapfuura?
10 Mukati maanopfuura makore ane 1 900 kubvira pakumuka kwaJesu Jehovha akashivirirazve “midziyo yokutsamwirwa,” achidzivisa kuparadzwa kwayo. Neiko? Nemhaka yokuti ave achigadzirira rutivi rwechipiri rwembeu yomukadzi, avo vanobatanidzwa pamwe chete naJesu Kristu muUmambo hwake hwokudenga. (VaG. 3:29) Ivava, vane 144 000 muchiverengero, “midziyo yengoni” yakataurwa nezvayo nomuapostora Pauro. Kutanga, vanhu vanobva pakati pavaJudha vakakokerwa kuzoumba iri boka. Tevere vaSamaria vakadzingiswa vakawedzerwa uye, pakupedzisira, vanhu vamarudzi aVamarudzi. Kupfurikidza nomwoyo murefu mukuru Jehovha akaita donzo rake, asati achimanikidzira munhu kumubatira, asi achipa zvikomborero zvakaisvonaka pana avo vanodavidza nomutoo wokuonga gadziriro dzake dzorudo. Zvino kugadzirirwa kweboka irero rokudenga kwodokupera.
11. Nderipiko rimwe boka riri kubetserekana zvino nomwoyo murefu waJehovha?
11 Asika zvakadiniko navagari vapasi? Munguva yaMwari yakafanira mabhirioni achamutswa savadzorwi vapasi voUmambo. Zvakare, zvikurukuru chifo cha 1935 N.V. mwoyo murefu waJehovha wakabvirisa kuunganidzwa pamwe chete kwe“boka guru” rinobva mumarudzi ose achirangarira kuponeswa kwaro.—Zvak. 7:9, 10; Johane 10:16.
12. (a) Somuuyo, chii chatakadzidza pamsoro paJehovha iye amene? (b) Ko iwe unoita sei kumabatire akaita Jehovha nhau idzi?
12 Ko nhai pave pane kusaruramisira kupi nokupi here muna ikoku kwose? Nyangwe napaduku pose! Kana Mwari achidzivisa kuparadzwa kwavakaipa, “midziyo yokutsamwirwa,” kuti iye agone kuratidzira kunzwira urombo kuna vamwe mutsinhirano nedonzo rake, ko munhu upi noupi angagona sei kunyunyuta nomutoo wapamaruramiro? Panzvimbo pakwo, sezvatinocherekedza kuwadzanyurika kwedonzo rake, tinodzidza zvizhinji pamsoro paJehovha iye amene. Tinoshamiswa namativi ohunhu hwake ayo akaoneka—ruramisiro yake, ngoni dzake, mwoyo murefu wake, kusiana kwouchenjeri hwake. Kubata kwokuchenjera kwaJehovha chirevo kucharamba kuripo nokusingaperi sechipupuriro kuidi rokuti nzira yake yokubata ushe yakanakisisa. Pamwe chete nomuapostora Pauro tinoti: “Haiwa udzame hwakadini hwepfuma nouchenjeri nezivo zvaMwari! Haiwa haanzvereki sei marutongeso ake uye nzira dzake hadzingatongorondwi!”—VaR. 11:33.
Banza Rokuratidzira Kuzvipira Kwedu
13. (a) Patinotambura chitambudzo somunhu mumwe nomumwe ibanzai rinopiwa kwatiri? (b) Chii chichatibetsera kudavidza nomutoo wokuchenjera?
13 Kune migariro inobatanidza kutambura chaikoiko kwomumwe nomumwe nokuti Mwari achigere kuparadza vakaipa ndokuparira kudzorerwa kwakadeya kuziviswa kwavanhu. Chii chiri kuita kwedu kune zvakadaro? Tinoona here mazviri mabanza okupinda mukuchenesa zita raJehovha paruzvidzo ndokubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema? Tingagona kusimbaradzwa zvikurukuru kuita kudaro kupfurikidza nokuyeuka zano, rinoti: “Iva akachenjera, mwanakomana wangu, uye fadza mwoyo wangu, kuti ndigopindura iye ari kundishora.” (Zvir. 27:11) Satani, uyo anoshora Jehovha, akapomera kuti kudai vanhu vangatambura kurashikirwa nezvinhu zvokunyama kana kuti kuoneswa nhamo kwokunyama vangashora Mwari, kunyange kumutuka. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) Tinovigira mufaro kumwoyo waJehovha apo, kupfurikidza noruvimbiko rwedu kuna Mwari mukunangana nezvitambudzo, tinoratidzira kuti ikoko hakuzati kuri kwechokwadi muchinoitika chedu. Tinovimba zvizere kuti Jehovha ane chidakadaka chikuru nokuda kwavabatiri vake uye kuti, somuchinoitika chaJobho, munguva yakafanira Jehovha achatusa norupo kana tikabvumikisa kuva vakatendeka.—Jak. 5:11; Jobho 42:10-16.
14. Kana tikavimba naJehovha patinotambura miedzo, ibetseroi dzimwe dzingauya kwatiri?
14 Kana tichitsamira nomutoo wokuvimba pana Jehovha patinotambura miedzo yakakomba, tinogona kukudziridza mavara anokosha zvikuru. Somuuyo wezvinhu zvakatambura Jesu, iye aka“dzidza kuteerera” nenzira yaasina kutongoziva nakare kose. Isuwo, tingadzidza—kukudziridza mwoyo murefu, tsungiriro nokuonga zvikurukuru nzira dzakarurama dzaJehovha. Tichagamuchira nomutoo wokushivirira kurovedza ikoko here?—VaH. 5:8, 9; 12:11; Jak. 1:2-4.
15. Zvatinotsungirira chitambudzo nomutoo wokushivira, ko vamwe vangabetserekana sei?
15 Vamwe vachacherekedza zvatinoita. Nemhaka yezvatinotambura nokuda kwokuda kwedu kururama, vamwe vavo vangasvika pakuzivawo avo vari zvomenemene “hama” dzaKristu nhasi, uye kupfurikidza nokubatana ne“hama” dzake mukunamata vanogona kuva vanokwaniriswa nokuda kwezvikomborero zvoupenyu husingagumi. (Mat. 25:34-36, 40, 46) Jehovha noMwanakomana wake vanoda kuti ivo vave nebanza irero. Tinodaro here? Tinodisisa kutsungirira chitambudzo kuti kubvire here?
16. Ko kurangarira kwedu chitambudzo chakadaro chaichoicho kunowirirana sei nenhau yokubatana?
16 Haiwa kwakaisvonaka sei apo isu nokudaro tinorangarira kunyange migariro inotambudza muupenyu samabanza okuratidzira kuzvipira kwedu kuna Jehovha uyewo kupinda mukuita kuda kwake! Kuita kwedu kudaro kunogona kupa hufakazi hwokuti zvamazvirokwazvo tiri kuenderera mberi kukubatana naMwari naKristu uko Jesu akanyengeterera nokuda kwamaKristu ose echokwadi.—Johane 17:20, 21.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Achingunobvumidza hake ushati, ko Jehovha akaratidzira sei nomutoo wakafanira ruremekedzo rukuru nokuda kwezita rake?
● Ko kushivira kwaMwari “midziyo yokutsamwirwa” kwakagonesa sei ngoni dzake kusvika vose kusvikira kunesu?
● Chii chatinofanira kutamburira kuona mumigariro inobatanidza kutambura uko isu tinowana?