‘Fambiro Mberi Yako Ngaioneke’
“Zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.” —1 VAKORINTE 13:11.
1. Kukura chipupuriro sei kuchishamiso chechisiko?
KUBVA muzai duku kwazvo zvokuti rinogona bedzi kuonwa nemaikorosikopo, whale ingakura kuva chisikwa chakareba mamita anopfuura makumi matatu uye chinorema matani anopfuura 80. Nenzira yakafanana, kubva muimwe yembeu dukusa, musequoia mukuru ungakura kuva wakareba mamita anopfuura 90. Zvirokwazvo, kukura ndichimwe chezvishamiso zvoupenyu. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro, tinogona kusima ndokudiridza, asi ndiye “Mwari anokurisa.”—1 VaKorinte 3:7, NW.
2. Rudzii rwokukura rwakadeya kutaurwa muBhaibheri?
2 Kune, zvisinei, rumwe rudzi rwokukura runoshamisa zvakafanana. Irwo ndirwo rwakadeya kutaurwa nomuporofita Isaya: “Muduku uchava chiuru, wakadukupa uchava rudzi rune simba; ini Jehovha ndichakurumidza kuzviita nenguva yazvo.” (Isaya 60:22) Uporofita ihwohwu hune chokuita nokukura kwavanhu vaMwari, uye huri kuva nezadziko huru muzuva redu.
3. Mushumo wegore rebasa ra 1991 wakaratidza sei kuti Jehovha ari kukurumidzisa basa ravanhu vake?
3 Mushumo wegore rebasa ra 1991 womubato wenyika yose weZvapupu zvaJehovha unoratidza kuti chiverengero chavaparidzi voUmambo chakasvika chiverengero chapamusoro chitsva chavane 4 278 820, uye hwerengedzo yavanhu 300 945 yakabhapatidzwa mukati megore racho. Nedirano yavatsva vakawanda kwazvo, ungano itsva 3 191 dzakaumbwa, pamwe chete nechiverengero chinowirirana chamatunhu matsva namaruwa. Idzodzo dzinopfuura ungano itsva sere pazuva, rinodokuva dunhu rimwe idzva mazuva maviri ari wose. Kukura kunoshamisa zvakadini! Nenzira yakajeka, Jehovha ari kukurumidzisa zvinhu, uye chikomborero chake chiri panhamburiko dzavanhu vake.—Pisarema 127:1.
Nguva Yokuzvinzvera
4. Mibvunzoi inofanira kurangarirwa sezvatinotarira kunguva yemberi?
4 Kunyange zvazvo chichifadza kuona, ichi chikomborero chinounzawo pamwe nacho mitoro yakati. Kuchava here navanhu vakakura mumudzimu vakakwana navanodisa vokutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvaava vatsva vose? Sezvatinotarira mberi kunguva yemberi, kunokatyamadza kufunga nezvenhamba yamapiona, vabatiri vanoshumira, vakuru, uye vatariri vanofambira vachadikanwa kuti vatarisire kukura kwacho nefutunuko, pamwe chete nenhamba yavashandi vanozvipira vanodikanwa mumahofisi ebazu neMisha yeBheteri kupota nyika kuti vatsigire basa iroro. Iyi nhamba huru yavanhu ichabvepiko? Hapana panikiro kuti kucheka kukuru. Asi ndivanaani nhasi vanokwanisa kutarisira vashandi vose vanodikanwa kuti vakohwe kucheka ikoko?—Mateo 9:37, 38.
5. Migariroi iripo mudzimwe nharaunda nemhaka yokukura kunokurumidza?
5 Kwakashumwa, somuenzaniso, kuti mumamwe mativi enyika, mune ungano dzine vaparidzi voUmambo vakawanda sezana vanobatirwa nomukuru mumwe bedzi pamwe chete nomubatiri anoshumira mumwe kana kuti vaviri. Pane dzimwe nguva mukuru mumwe anofanira kubatira muungano mbiri. Mudzimwe nzvimbo kudikanwa kwavashumiri vechiKristu vakakwaniriswa kuti vaitise fundo dzeBhaibheri dzapamusha kukuru kwazvo zvokuti vatsva vanofanira kuiswa pandaza dzokumirira. Mudzimwezve nharaunda, ungano itsva dzinoumbwa pamwero unokurumidza zvakadaro zvokuti ungano nhatu, ina, kana kuti kunyange shanu dzinofanira kugoverana Horo yoUmambo imwe. Zvichida iwe wakaona kukura kwakafanana naikoku munharaunda yenyu mumene.
6. Neiko kuzvinzvera kwakakodzera nguva kwatiri?
6 Zvichangobva kududzwa zvinotiudzeiko? Kuti nemhaka yenguva, tose zvedu tinofanira kunzvera migariro yedu kuti tione kana tiri kuita shandiswo yakanakisisa yenguva yedu nezvinhu kuti tiite chimwe chinhu kukushaiwa. (VaEfeso 5:15-17) Muapostora Pauro akanyorera maKristu eHebheru ezana rokutanga ramakore, kuti: “Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi, zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu.” (VaHebheru 5:12) Sezvinoratidzira mashoko iwayo, maKristu mamwe namamwe anofanira kukurawo. Uye pane ngozi chaiyoiyo yokuti munhu anganonoka ari muucheche hwomudzimu panzvimbo pokufambira mberi kuukuru mumudzimu hwechiKristu. Mutsinhirano naikoku, Pauro anotikurudzira, kuti: “Rambai muchiedza kana muri mukutenda, rambai muchibvumikisa zvamuri mumene.” (2 VaKorinte 13:5, NW) Wati wazvinzvera umene here kuti uone kana wave uchikura mumudzimu chifo chenguva yorubhapatidzo rwako? Kana kuti wave wakamira here? Kunyanguvezvo, munhu anogona sei kuziva?
“Zvinhu Zvomwana”
7. Kuti fambiro mberi yomudzimu ioneke, chii chatinofanira kuita?
7 “Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana,” akadaro muapostora Pauro. (1 VaKorinte 13:11) Mukukura kwomudzimu, pane imwe nguva tose zvedu takanga takafanana navana mukufunga kwedu nezviito. Zvisinei, kuti fambiro mberi ioneke, tinofanira kubvisa “zvinhu zvomwana,” sezvakataura Pauro. Zvii zviri zvimwe zveizvi zvinhu?
8. Mukuwirirana namashoko aPauro ari pana VaHebheru 5:13, 14, ndechipi chiri chinhu chimwe chomwana womudzimu?
8 Kutanga, cherechedza mashoko aPauro ari pana VaHebheru 5:13, 14: “Mumwe nomumwe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake. Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” Iwe ‘wakarovedzana neshoko rokururama here’? Unoziva Shoko raMwari, Bhaibheri, zvakakwana zvakanaka zvokukwanisa kurishandisa ku“zivisisa zvakanaka nezvakaipa” here? Pauro akataura kuti vanhu vakuru vanokwanisa kuita saizvozvo nemhaka yokuti vanopinza nguva dzose “zvokudya zvikukutu.” Nokudaro, chishuvo chomunhu kana kuti chido chezvokudya zvikukutu zvomudzimu chiratidzo chakanaka chokuti munhu akakura here mumudzimu kana kuti achiri mucheche womudzimu.
9. Chishuvo chomudzimu chomunhu iratidziro sei yeenderero mberi yomudzimu yomunhu?
9 Ipapoka, chishuvo chako chomudzimu chakadini? Unorangarira sei mugove mukuru wezvokudya zvomudzimu izvo Jehovha anogovera nguva dzose kupfurikidza nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri nemisangano yechiKristu namagungano? (Isaya 65:13) Pasina panikiro unofara zvikuru apo zvinyorwa zvitsva zvinobudiswa pakokorodzano dzoruwa dzegore negore. Asi chii chaunoita nazvo paunongosvika kumusha? Chii chaunoita apo chinyorwa chitsva chamagazini eNharireyomurindi kana kuti Mukai! chinosvika? Unowana nguva yokurava izvi zvinyorwa here, kana kuti unongozvivhura zvako kuti utarire mapfundo makuru uye ipapo kuzviwedzera kuzvimwe zviri pasherufu yako yamabhuku here? Mibvunzo yakafanana ingagona kubvunzwa pamusoro pemisangano yechiKristu. Unopinda nguva dzose misangano yose here? Unoigadzirira pamwe chete nokutora rutivi mairi here? Sezviri pachena vamwe vakawira mutsika dzokudya dzomudzimu dzakaipa, kungorava nokudya uchimhanya, sokunge zvakadaro. Kwakanga kwakasiana sei nowezvamapisarema, uyo akati: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” Uyezve, Mambo Dhavhidhi akati: “Ndichakuongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.” (Pisarema 35:18; 119:97) Nenzira yakajeka, mwero watinoonga kusvikira pauri gadziriro dzomudzimu chiratidzo chefambiro mberi yedu yomudzimu.
10. Chinhui chomwana womudzimu chinoratidzirwa pana VaEfeso 4:14?
10 Pauro akaonesa chimwe chinhu chomwana womudzimu paakanyevera, kuti: “Kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera.” (VaEfeso 4:14) Sezvinosanoziva vabereki, vana vanoda kuziva chinhu chiri chose. Nenzira yakati ichi chinhu chakanaka nemhaka yokuti kunovagonesa kuongorora nokudzidza uye pashoma napashoma kukura kuva vanhu vakuru. Ngozi, zvisinei, iri mukutsauswa kwavo nyore nyore nechinhu chimwe pashure pechimwe. Chakaipa zvikuru, nemhaka yokushaiwa ruzivo rwokuzviwanira, uku kuda kuziva kazhinji kazhinji kunovatungamirira munhamo yakakomba, kunyange kuzvipinza vamene mungozi navamwe. Ikoku ndokwechokwadiwo nezvavana vomudzimu.
11. (a) Chii chairangarira Pauro mukushandisa kutaura kwokuti “mhepo ipi neipi yokudzidzisa”? (b) I‘mhepo’ dzipi dzatinonangana nadzo nhasi?
11 Chii, kunyanguvezvo, Pauro airangarira apo akataura kuti vana vomudzimu vanodzingwa ne“mhepo ipi neipi yokudzidzisa”? Pano, “mhepo” inoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki aʹne·mos, pamusoro paro International Critical Commentary inotaura kuti sezviri pachena “anosarudzwa saakakodzera kupfungwa yokuchinja.” Ikoku kunosanoratidzirwa namashoko anotevera aPauro, “nokunyengera kwavanhu.” Shoko rokuti “kunyengera” mumutauro wapakuvamba zvikurukuru rinoreva “dice” kana kuti “kutamba dice,” ndiko kuti, mutambo wemhanza. Pfundo nderokuti tinotarisana nguva dzose nepfungwa itsva nezvirondwa izvo zvingaratidzika kuva zvisingakuvadzi, zvinoyevedza, kunyange zvakafanira. Mashoko aPauro anoshanda zvikurukuru kuzvinhu zvine chokuita nokutenda kwedu—nhamburiko dzakarongwa dzokusimudzira chinzwano chenyika yose pakati pamachechi, madonzo enzanga neezvamatongerwe enyika, uye zvakafanana. (Enzanisa na 1 Johane 4:1.) Asi nheyo inorambawo iri yechokwadi pamusoro petumiitiro tunochinja nguva dzose nefashoni dzenyika—zvitayera, varaidzo, zvokudya, miitiro youtano kana kuti yokurovedza, uye zvichingodaro. Nemhaka yokushaiwa ruzivo rwokuzviwanira nechisarudzo chakanaka, mwana womudzimu angatsauswa zvikuru nezvinhu zvakadaro uye nokudaro angadziviswa kuita fambiro mberi yomudzimu nokuita misengwa yake yechiKristu inokosha zvikuru.—Mateo 6:22-25.
12. Vana vaduku vanosiana sei navakuru pamusoro pomutoro?
12 Chimwe chinhu chavana vaduku kuda kwavo nguva dzose betsero nengwariro. Havazivi uyewo havaitiri hanya mitoro; huhwana inguva youpenyu apo chinenge chinhu chiri chose anongova mafaro nokutamba. Sokutaura kwakaita Pauro, ivo ‘vanotaura somwana, kufunga somwana, kurangarira somwana.’ Vanongorangarira zvavo kuti vamwe vachavatarisira. Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezvomwana womudzimu. Apo mutsva anopa hurukuro yake yokutanga yeBhaibheri kana kuti anotanga kupinda muushumiri hwomumunda, mubereki womudzimu anofadzwa kuita chinhu chiri chose kuti abetsere. Chii chinoitika kana mutsva achipfuurira kutsamira pabetsero yakadaro uye achibvumikisa kuva asingakwanisi kugamuchira mutoro wokuzvitarisira amene? Nenzira yakajeka ikoko kwaizova ratidziro yokushaikwa kwokuzvishandisa.
13. Neiko mumwe nomumwe achifanira kudzidza kutakura mutwaro wake amene?
13 Muna ikoku yeuka zano romuapostora Pauro rokuti kunyange zvazvo tichifanira “kupfuurira kutakura mitoro yomumwe nomumwe,” zvisinei “mumwe nomumwe achatakura mutwaro wake amene.” (VaGaratia 6:2, 5, NW) Chokwadika, kunoda nguva nenhamburiko kuti munhu adzidze kutakura mitoro yake yechiKristu, uye kungareva kurega zvimwe zvinhu munharaunda dzakati. Zvisinei, yaizova mhosho yakakomba kuzvibvumira amene kuva anobatanidzwa kwazvo namafaro oupenyu, ingava varaidzo, nzendo, zvinhu zvinoshandiswa, kana kuti kunyange kurondwa kusiri madikanwa kwebasa rokunyika, zvokuti iye anongova zvake mucherechedzi, sokunge zvakadaro, asina chishuvo chokuwedzera goverano yake mubasa rokuita vadzidzi kana kuti kusvasvavirira fambiro mberi yomudzimu nomutoro. “Ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi bedzi, muchizvinyengera mumene nokurangarira kwenhema,” akakurudzira kudaro mudzidzi Jakobho.—Jakobho 1:22, NW; 1 VaKorinte 16:13.
14. Neiko tisingafaniri kugutswa nokuratidzira zvinhu zvomwana womudzimu?
14 Hungu, kune zvinhu zvakawanda zvinogona kucherechedzeka nenzira iri nyore izvo zvinotsauranisa mwana nomukuru. Chinhu chinokosha, zvisinei, sezvakataura Pauro, ndechokuti tibvise pashoma napashoma zvinhu zvomwana ndokukura. (1 VaKorinte 13:11; 14:20) Kukasadaro, tingadziviswa mupfungwa yomudzimu. Asi munhu anoita sei fambiro mberi? Chii chinobatanidzwa mukuchengeta kukura mumudzimu kusvikira kuukuru mumudzimu?
Kuoneka Kunoita Fambiro Mberi
15. Ndedzipi dziri nhano dzokutanga mumuitiro wokukura?
15 Eya, kukura kunoitika sei munyika yomusikirwo? “Munhu mumwe nomumwe anovamba upenyu sesero rimwe,” inotsanangura kudaro The World Book Encyclopedia. “Sero rinopinza zvinhu uye rinozvichinja kuva zvivakiso zvarinoda kuti rikure. Nokudaro, sero rimwe rinokura richibva mukati. Iri sero rinogona kuwanda ndokukamuranika kuumba mamwe masero. Muitiro wokuvaka, kuwanda, uye kukamuranisa kukura.” Pfundo rinokosha pano nderokuti kukura kunoitika kuchibva mukati. Apo zvokudya zvakafanira zvinopinzwa, zvinoseredzwa, uye zvinoshandiswa, kukura kunovapo. Ikoku kunoonwa zvakajeka muchinoitika chomucheche achangobva kuberekwa. Sezvatinoziva, achangobva kuberekwa anopinza mugove wakatsiga wezvokudya zvakagadzirwa chaizvo, mukaka, uyo wakapfuma mumafuta neprotein, zvinhu zvinodikanwa nokuda kwokukura. Muuyo wacho? Chitsama chokukura muuremu nourefu icho mwana anowana mugore rokutanga hachitongoenzaniswi murimwe gore ripi neripi rokukura kwenguva dzose kwechikamu chasara choupenyu hwake.
16. Rudzii rwokukura runooneka muvadzidzi vatsva zvikurusa veBhaibheri, uye ikoko kunobviriswa sei?
16 Kune zvakawanda zvatinogona kudzidza muuyu muitiro womusikirwo wokukura zvatinogona kushandisa kuenderero mberi yedu yomudzimu kuvambira pamavambo kusvikira kuukuru. Kutanga kwazvose, gadziriro yokudya yakatsiga inokosha. Funga uchidzokera shure kusvikira kunguva apo iwe wakatanga kufunda Bhaibheri. Kana wakafanana navamwe vazhinjisa, iwe zvichida waidokuva asingazivi chinhu pamusoro peShoko raMwari. Asi vhiki nevhiki wakagadzirira zvidzidzo zvako ndokuva nefundo yako yeBhaibheri, uye munguva pfupi zvikuru, wakasvika pakunzwisisa dzidziso huru dzose dzaMagwaro. Ikoko, unofanira kubvuma, kwakanga kuri kukura kunoshamisa, uye zvose somuuyo wokudya nguva dzose paShoko raMwari!
17. Neiko gadziriro yokudya kwomudzimu yenguva dzose ichikosha?
17 Zvakadini, kunyanguvezvo, zvino? Uchiri kutevera here gadziriro yokudya yenguva dzose? Munhu haasati achitongofanira kufunga kuti nemhaka bedzi yokuti iye akabhapatidzwa, hapasisinazve dikanwo ipi neipi yefundo yenguva dzose neinenhevedzano kuti apinze zvokudya zvomudzimu zvinosimbisa. Kunyange zvazvo Timotio akanga ari mutariri wechiKristu akakura mumudzimu, Pauro akamukurudzira, kuti: “Fungisisa zvinhu izvozvi; nyura mazviri, kuti fambiro mberi yako igooneka kuvanhu vose.” (1 Timotio 4:15, NW) Mumwe nomumwe wedu anofanira zvikuru kwazvo sei kuita saizvozvo! Kana uchifarira kuita kuti fambiro mberi yako yomudzimu ioneke, nhamburiko dzakadaro dzinokosha.
18. Fambiro mberi yomudzimu yomunhu inooneka sei?
18 Kuita kuti fambiro mberi yomunhu ioneke hakurevi kuita nhamburiko chaiyo yokudada neizvo munhu anoziva kana kuti kuedza kuorora vamwe. Jesu akati: “Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pagomo haringavanziki” uye, “nokuti muromo unotaura zvizere pamwoyo.” (Mateo 5:14; 12:34) Apo mwoyo yedu nendangariro zvinozadzwa nezvinhu zvakanaka zveShoko raMwari, hapana chatinogona kuita kunze kwokuratidzira ikoku muchatinoita nokutaura.
19. Chii chatinofanira kuva vakatsunga kuita pamusoro peenderero mberi yedu yomudzimu, uye nomuuyoi mumurangariro?
19 Nokudaro, mubvunzo ndouyu: Unofunda Bhaibheri nguva dzose nokupinda misangano yechiKristu kuti upinze zvinhu zvinosimbaradza zvinogona kunyandura kukura kwako kwomukati, kwomudzimu here? Usagutswa nokuva mucherechedziwo zvake apo kunouya kuenderero mberi yomudzimu. Ita nhano dzakananga dzokuva nechokwadi chokuti uri kushandisa zvakazara zvokudya zvomudzimu zvakawanda Jehovha anogovera. Kana iwe uri munhu ‘anofarira mutemo waJehovha, uye uchirava mutemo wake nenzwi rakaderera masikati nousiku,’ ipapo kunogonawo kutaurwa nezvako, kuti: “Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:2, 3) Chii, kunyanguvezvo, chinogona kuitwa kuva nechokwadi chokuti uchapfuurira kuita fambiro mberi yomudzimu? Tichakurukura ikoku munyaya inotevera.
Unogona Kupindura Here?
◻ Neiko kwakakodzera nguva kunzvera fambiro mberi yedu yomudzimu?
◻ Kukura kwomudzimu kune ukamai nechishuvo chomudzimu?
◻ Chii chinorehwa ne“mhepo ipi neipi yokudzidzisa”?
◻ Neiko mumwe nomumwe achifanira kutakura mutwaro wake amene?
◻ Fambiro mberi yomudzimu inowanwa sei?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Unowana nguva yokurava zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri here?