Usarega Munhangemutange Youpenyu!
“Ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.”—VaHebheru 12:1.
1, 2. Ndezvipi zviitiko zvinofadza zvakafadza vabatiri vaJehovha mumazuva ano okupedzisira?
TIRI kurarama munguva dzinofadza uye dzakaoma kubata nadzo. Makore anopfuura 80 apfuura, muna 1914, Jesu akagadzwa pachigaro choUmambo saMambo woUmambo hwaMwari hwokudenga. “Zuva raShe” uye naro “nguva yokupedzisira” yetsika ino yezvinhu yakavamba. (Zvakazarurwa 1:10; Dhanieri 12:9) Kubvira ipapo nhangemutange yechiKristu youpenyu yakava yokukurumidzira zvikuru. Vabatiri vaMwari vakazvishandisa nesimba kuti vafambirane nengoro yaJehovha yokudenga, sangano rake rokudenga, riri kufamba risingagoni kumiswa kuti riite madonzo aJehovha.—Ezekieri 1:4-28; 1 VaKorinte 9:24.
2 Vanhu vaMwari vakawana mufaro sezvavano‘mhanya munhangemutange’ yokuenda kuupenyu husingaperi here? Hungu, zvirokwazvo! Vakafara kuona kuunganidzwa kwevakasarira vehama dzaJesu, uye vanofara kuziva kuti kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwevakasarira ve144 000 kwava kuda kupera. (Zvakazarurwa 7:3, 4) Uyezve, vanofara kuziva kuti Mambo waJehovha akagadzwa akakanda jeko rake kuti akohwe “kucheka kwenyika.” (Zvakazarurwa 14:15, 16) Uye kucheka kwakakura zvakadini! (Mateo 9:37) Kusvikira panguva ino, mweya inopfuura mamiriyoni mashanu yakaunganidzwa—“vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Hapana munhu anogona kutaura kuti boka iroro pakupedzisira richava rakakura sei, sezvo pasina munhu anogona kuriverenga.
3. Tinofanira kuramba tichiedza kusakurira mudzimu wokufara pasinei zvapo nechii?
3 Chokwadi, Satani anoedza kutigumbusa kana kuti kutideredza sezvatinomhanya munhangemutange. (Zvakazarurwa 12:17) Uye zvave zvisiri nyore kuramba tichimhanya muhondo, nzara, nhenda, uye dzimwe nhamo dzose dzinoratidzira nguva yomugumo. (Mateo 24:3-9; Ruka 21:11; 2 Timotio 3:1-5) Zvisinei, mwoyo yedu inofara sezvo mugumo wenhangemutange yacho unoswedera pedyo. Tinovavarira kuratidzira mudzimu uyo Pauro akakurudzira vaKristu biyake muzuva rake kuti vave nawo: “Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.”—VaFiripi 4:4.
4. VaKristu veFiripi vakaratidzira mudzimu worudzii?
4 Hapana mubvunzo kuti vaKristu vakataurirwa mashoko iwayo naPauro vakanga vachiwana mufaro mukutenda kwavo, nokuti Pauro akati kwavari: “Rambai muchifara munaShe.” (VaFiripi 3:1, NW) VaFiripi vakanga vari ungano yaiva norupo, yaiva norudo yaishanda nokushingaira nembavarira. (VaFiripi 1:3-5; 4:10, 14-20) Asi havasi vaKristu vose vomuzana rokutanga ramakore vakanga vane mudzimu iwoyo. Somuenzaniso, vamwe vavaKristu vechiJudha vakanyorerwa bhuku raVaHebheru naPauro vakanga vari chikonzero chokuitira hanya.
“Teerer[a] Kupfuura Zva[u]noita Nguva Dzose”
5. (a) VaKristu vechiHebheru vakanga vane mudzimu upi apo ungano yechiKristu yokutanga yakaumbwa? (b) Rondedzera mudzimu wevamwe vaKristu veHebheru munenge muna 60 C.E.
5 Ungano yechiKristu yokutanga munhau yenyika yakanga yakaumbwa navaJudha vokunyama navatendeuki uye yakatangwa muJerusarema muna 33 C.E. Yaiva nomudzimu worudzii? Munhu anongofanira bedzi kurava maganhuro okutanga ebhuku raMabasa kuti azive nezvembavarira yayo nemufaro, pasinei zvapo nechitambudzo. (Mabasa 2:44-47; 4:32-34; 5:41; 6:7) Sezvo makumi amakore akapfuura, zvisinei, zvinhu zvakachinja, uye vaKristu vechiJudha vakawanda sezviri pachena vakaderera munhangemutange youpenyu. Rimwe bhuku renongedzero rinotaura izvi pamusoro pemamiriro avo ezvinhu aivapo munenge muna 60 C.E.: “Chimiro chokunonokera nokuneta, chekariro dzokuodzwa mwoyo, tariro inoverengerwa, kukundikana namaune uye kusatenda nhau dzezuva nezuva. Vakanga vari vaKristu asi vakanga vachionga zvishoma mbiri yokudanwa kwavo.” VaKristu vakazodzwa vaigona sei kupinda mumamiriro ezvinhu akadaro? Kurangarirwa kwemativi etsamba yaPauro kuvaHebheru (yakanyorwa munenge muna 61 C.E.) kunotibetsera kupindura mubvunzo iwoyo. Kurangarira kwakadaro kuchabetsera tose zvedu nhasi kudzivisa kunyura muchimiro chakafanana chokuneta mumudzimu.
6. Ndeipi iri misiyano iri pakati pokunamata muMutemo waMosesi nokunamata kwakavakirwa pakutenda muna Jesu Kristu?
6 VaKristu vechiHebheru vakabva muchiJudha, tsika yaiti inoteerera Mutemo wakapiwa naJehovha kupfurikidza naMosesi. Mutemo iwoyo unoratidzika kuva wakapfuurira kukwezva vaKristu vechiJudha vakawanda, zvichida nemhaka yokuti kwamazana amakore akawanda wakanga uchingova nzira bedzi yokusvika nayo Jehovha, uye wakanga uri tsika inofadza yokunamata, une upristi, zvibayiro zvenguva dzose, uye tembere yakanga yakakurumbira muJerusarema. ChiKristu chakasiyana. Chinoda murangariro wemudzimu, wakafanana nouya waMosesi, uyo aka“tarira mubayiro [wakanga uchiri munguva yemberi]” uye “akatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi.” (VaHebheru 11:26, 27) VaKristu vechiJudha vakawanda sezviri pachena vakanga vasina murangariro womudzimu wakadaro. Vakanga vachikamhina panzvimbo pokumhanya nomutoo une donzo.
7. Tsika yatakabuda mairi ingatapura sei nzira yatinomhanya nayo munhangemutange youpenyu?
7 Pane mamiriro ezvinhu akafanana here nhasi? Nenzira isingarambiki, zvinhu hazvina kufanana chaizvoizvo. Zvisinei, vaKristu vanobuda mutsika yezvinhu inozvikudza zvikuru. Nyika inogovera mikana inofadza, asi panguva imwe cheteyo, inoda zvinorema pavanhu. Mukuwedzera, vakawanda vedu tinogara munyika mune chimiro chendangariro chokusava nechokwadi chakapararira uye mune vanhu vane murangariro woudyire, wokuti ndini ndinotanga. Kana tikazvibvumira kupesvedzerwa netsika yakadaro, ‘meso emwoyo wedu’ angagona kugomadzwa nyore nyore. (VaEfeso 1:18) Tichamhanya zvakanaka sei munhangemutange youpenyu kana tisingachagoni kuona zvakajeka kwatiri kuenda?
8. Ndedzipi dzimwe nzira umo chiKristu chinopfuura kunamata muMutemo?
8 Kuti anyandure vaKristu vechiJudha, Pauro akavayeuchidza nezveukuru hwetsika yechiKristu kupfuura Mutemo waMosesi. Chokwadi, apo rudzi rwaIsraeri wokunyama rwakanga rwuri vanhu vaJehovha vaiva muMutemo, Jehovha akataura narwo kupfurikidza navaporofita vakafuridzirwa. Asi, anodaro Pauro, nhasi anotaura “muMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, waakaitawo naye nyika.” (VaHebheru 1:2) Uyezve, Jesu mukuru kupfuura madzimambo ose omumutsara waDhavhidhi, “shamwari” dzake. Anotova mukuru zvikuru kupfuura ngirozi.—VaHebheru 1:5, 6, 9.
9. Nei isu, kufanana navaKristu vechiJudha vomuzuva raPauro, tichifanira ku“teerer[a] kupfuura zvatinoita nguva dzose” zvinotaura Jehovha?
9 Nokudaro, Pauro akarayira vaKristu vechiJudha kuti: “Tinofanira kuteerera zvikuru izvo zvatakanzwa, kuti tirege kukukurwa.” (VaHebheru 2:1) Kunyange zvazvo kudzidza pamusoro paKristu kwakanga kuri chikomborero chakaisvonaka, zvakawanda zvakanga zvichidikanwa. Vaifanira kunyatsopa ngwariro kuShoko raMwari kuti vakurire pesvedzero yenyika yechiJudha yaiva yakavapoteredza. Isuwo tinofanira ku“teerer[a] kupfuura zvatinoita nguva dzose” zvinotaura Jehovha nemhaka yemashoko anoparadzirwa nguva dzose atinoratidzirwa kwaari anobva munyika ino. Izvi zvinoreva kutanga miitiro yakanaka yokufunda nokuchengeta rudungwe rwakanaka rwokurava Bhaibheri. Sokutaura kunoita Pauro gare gare mutsamba yake kuvaHebheru, zvinorevawo kuva wenguva dzose pamisangano uye mukuzivisa kutenda kwedu kune vamwe. (VaHebheru 10:23-25) Mubato wakadaro uchatibetsera kuramba takamuka mumudzimu kuitira kuti tisarasikirwa netariro yedu inokosha. Kana tikazadza ndangariro dzedu nemifungo yaJehovha, hatizokurirwi kana kuti kushayiswa dzikamo yedu nechinhu chipi nechipi icho nyika ino inogona kuita kwatiri.—Pisarema 1:1-3; Zvirevo 3:1-6.
“Simbisanai”
10. (a) Chii chinogona kuitika kune munhu asingapi ngwariro inopfuuura yenguva dzose kuShoko raJehovha? (b) Tingaramba tichi“simbisana” sei?
10 Kana tisinganyatsopi ngwariro yapedyo kuzvinhu zvomudzimu, zvipikirwa zvaMwari zvingaratidzika sezvisiri chaizvoizvo. Izvi zvakatoitika muzana ramakore rokutanga apo ungano dzaiumbwa zvakakwana navaKristu vakazodzwa uye vamwe vevaapostora vakanga vachiri vapenyu. Pauro akanyevera vaHebheru kuti: “Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe nomumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu, asi simbisanai zuva rimwe nerimwe, kana kuchanzi Nhasi; kuti kurege kuva nomumwe wenyu unoomeswa nokunyengera kwezvivi.” (VaHebheru 3:12, 13) Kutaura kwaPauro kwokuti “chenjerai” kunosimbisa kudikanwa kwokuva akasvinura. Ngozi inotyisidzira! Kushayiwa kutenda—“chivi”—kungatanga mumwoyo yedu, uye tingagona kubva kuna Mwari panzvimbo pokuswedera pedyo naye. (Jakobho 4:8) Pauro anotiyeuchidza kuti “tisimbisan[e].” Tinoda ushamwari hunofadza hwehama. “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” (Zvirevo 18:1) Kudikanwa kwesonganiro yakadaro kunosunda vaKristu nhasi kuti vapinde misangano yeungano nguva dzose, magungano, uye kokorodzano.
11, 12. Nei tisingafaniri kugutsikana nokungozivawo zvedu dzidziso dzokutanga dzechiKristu?
11 Gare gare mutsamba yake, Pauro anopazve iri zano rinokosha: “Kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu. . . . Zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:12-14) Sezviri pachena, vamwe vaKristu vechiJudha vakanga vakundikana kufambira mberi mukunzwisisa. Vakanga vanonoka kugamuchira chiedza chakawedzerwa pamusoro poMutemo nokudzingiswa. (Mabasa 15:27-29; VaGaratia 2:11-14; 6:12, 13) Vamwe vangava vakanga vachiri kukoshesa miitiro yemagamuchidzanwa yakadai seSabata yevhiki nevhiki uye Zuva Reyananiso rakakomba regore negore.—VaKorose 2:16, 17; VaHebheru 9:1-14.
12 Nokudaro, Pauro anoti: “Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuurire mberi pakukwaniswa.” (VaHebheru 6:1) Mumhanyi wenhangemutange refu anonyatsongwarira zvikuru zvokudya zvake anokwanisa zviri nani kutsungirira nhangemutange yakareba, inonetesa. Nenzira yakafanana, muKristu anonyatsongwarira zvokudya zvomudzimu—asingazviganhuriri ku‘dzidziso [duku] dzokutanga,’ dzehwaro,—achakwanisa zviri nani kuramba ari munhangemutange ndokuipedza. (Enzanisa na2 Timotio 4:7.) Izvi zvinoreva kutanga fariro mu“kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika” kwechokwadi, nokudaro achifambira mberi mukukura mumudzimu.—VaEfeso 3:18.
“Munofanira Kuva Nokutsungirira”
13. VaKristu vechiHebheru vakanga varatidzira sei kutenda kwavo munguva dzakapfuura?
13 Munhambo yepashure chaipo pePendekosti ya33 C.E., vaKristu vechiJudha vakaramba vakasimba pasinei zvapo nechishoro chinotyisa. (Mabasa 8:1) Zvichida Pauro akanga achirangarira izvi paakanyora kuti: “Rangarirai mazuva okutanga, amakati mavhenekerwa, mukatsunga pakurwa kukuru kwedambudziko.” (VaHebheru 10:32) Kutsungirira kwakadaro kwokutendeka kwakaratidzira kuda kwavo Mwari uye kwakavapa rusununguko rwokutaura pamberi pake. (1 Johane 4:17) Pauro anovarayira kuti vasarasa irworwo nemhaka yokushayiwa kutenda. Anovakurudzira kuti: “Munofanira kuva nokutsungirira, kuti, kana maita kuda kwaMwari, mugopiwa chipikirwa. Nokuti kanguva kaduku-duku kachiko, iye unouya, uchauya, asinganonoki.”—VaHebheru 10:35-37.
14. Ndeapi maidi anofanira kutibetsera kutsungirira kunyange pashure pemakore akawanda okubatira Jehovha?
14 Zvakadini nesu nhasi? Vakawanda zvikurusa vedu takanga tichishingaira patakatanga kudzidza chokwadi chechiKristu. Tichiri kushingaira here? Kana kuti taka‘siya rudo rwatakanga tinarwo pakutanga’ here? (Zvakazarurwa 2:4) Tatonhora, zvichida kuodzwa mwoyo zvishoma kana kuti kuneta nokumirira Armagedhoni here? Kunyange zvakadaro, mira, uye rangarira. Chokwadi chakangonaka sezvachakanga chakaita pakutanga. Jesu achiri Mambo wedu wokudenga. Tichine tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi, uye tichine ukama hwedu naJehovha. Uye usatongokanganwa kuti: “Iye unouya, uchauya, asinganonoki.”
15. Kufanana naJesu, vamwe vaKristu vakatsungirira sei chishoro chakakomba?
15 Nokudaro, mashoko aPauro akanyorwa pana VaHebheru 12:1, 2 akafanira zvikuru: “Ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.” Pane zvinhu zvakawanda izvo vabatiri vaMwari vakatsungirira muano mazuva okupedzisira. Kufanana naJesu, uyo akanga akatendeka kusvika kupfundo rorufu rwunorwadza, dzimwe dzehama dzedu nehanzvadzi dzakatsungirira nokutendeka chitambudzo chinorwadza zvikurusa—misasa yemajeri, kutambudzwa, kubatwa chibharo, kunyange rufu. (1 Petro 2:21) Mwoyo yedu haizadzwi nokudzida here patinorangarira kutendeseka kwadzo?
16, 17. (a) VaKristu vakawanda vanorwisana nedenho dzipi dzokutenda kwavo? (b) Kuyeuka chii kuchatibetsera kuramba tichimhanya munhangemutange youpenyu?
16 Kune vakawanda zvikurusa, zvisinei, mamwe mashoko aPauro anoshanda: “Muchigere kudzivirira kusvikira ropa richibuda pakurwa kwenyu nezvivi.” (VaHebheru 12:4) Kunyange zvakadaro, mutsika ino nzira yechokwadi haisi nyore nokuda kwoupi noupi wedu. Vamwe vanoodzwa mwoyo ne“kukakavara kwakadai kwavatadzi” kubasa rokunyika kana kuti kuchikoro, vachitsungirira kusekwa kana kuti kudzivisa dzvinyiriro yokuti vatadze. (VaHebheru 12:3) Muedzo wakasimba wakaparadza kutsunga kwavamwe kuti vachengete mipimo yaMwari yakakwirira. (VaHebheru 13:4, 5) Vakaramba kutenda vakatapura dzikamo yomudzimu yavashomanene vanoteerera mashoko avo ane ngozi. (VaHebheru 13:9) Zvinetso zveunhu zvakatorera vamwe mufaro. Kunyanyosimbisa varaidzo nemibato yokutandara zvakanetesa vamwe vaKristu. Uye vakawanda vanonzwa vamanikidzwa nezvinetso zvokurarama mutsika ino yezvinhu.
17 Chokwadi, hapana nemamwe eaya mamiriro ezvinhu anoumba ‘kudzivisa kusvikira ropa richibuda.’ Uye mamwe angarondwa kusvikira kuzvisarudzo zvisina kururama zvatinoita pachedu. Asi ose zvawo anodenha kutenda kwedu. Ndokusaka tichifanira kuramba takatarira muenzaniso wakaisvonaka waJesu wokutsungirira. Ngatisambokanganwai kuti tariro yedu yakaisvonaka sei. Ngatisamborasikirwai nokupwiswa kwedu kuti Jehovha “unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” (VaHebheru 11:6) Ipapo, tichava nesimba romudzimu rokuramba tichimhanya munhangemutange youpenyu.
Tinogona Kutsungirira
18, 19. Ndezvipi zviitiko zvenhau zvinokarakadza kuti vaKristu veHebheru vaiva muJerusarema vakateerera zano rakafuridzirwa raPauro?
18 VaKristu vechiJudha vakagamuchira sei tsamba yaPauro? Makore matanhatu pashure pokunge tsamba yokuvaHebheru yanyorwa, Judhea yakanga ichirwa hondo. Muna 66 C.E., uto reRoma rakakomba Jerusarema, richizadzika mashoko aJesu okuti: “Kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa.” (Ruka 21:20) Zvisinei, nokuda kwokubetserwa kwavaKristu vaizova muJerusarema panguva iyoyo, Jesu akati: “Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.” (Ruka 21:21) Nokudaro, hondo navaRoma yaiva muedzo: VaKristu ivavo vechiJudha vaizosiya Jerusarema, mainamatirwa navaJudha uye nzvimbo yetembere ine mbiri here?
19 Kamwe kamwe, uye pasina chikonzero chinozivikanwa, vaRoma vakadzoka. Sezvingabvira, vaJudha vorudzidziso vakarangarira izvi seufakazi hwokuti Mwari akanga ari kudzivirira guta ravo dzvene. Zvakadini navaKristu? Nhau inotiudza kuti vakatiza. Ipapo, muna 70 C.E., vaRoma vakadzoka ndokuparadza zvakakwana Jerusarema nokurasikirwa noupenyu kunotyisa. “Zuva raJehovha” rakafanotaurwa naJoere rakanga rasvika paJerusarema. Asi vaKristu vakatendeka vakanga vasisimo. Vaka‘pukunyuka.’—Joere 2:30-32; Mabasa 2:16-21.
20. Kuziva kuti “zuva [guru] raJehovha” rava pedyo kunofanira kutisunda munzirai?
20 Nhasi, tinoziva kuti rimwe “zuva [guru] raJehovha” richakurumidza kutapura tsika ino yose yezvinhu. (Joere 3:12-14) Hatizivi kuti zuva iroro richasvika rini. Asi Shoko raMwari rinotivimbisa kuti richasvika! Jehovha anoti harizononoki. (Habhakuki 2:3; 2 Petro 3:9, 10) Nokudaro, ngati“teerere[i] kupfuura zvatinoita nguva dzose zvinhu zvatakanzwa.” Dzivisa kushayiwa kutenda, “zvivi zvinongotinamatira.” Sarudza kutsungirira kwenguva refu. Yeuka, sangano raJehovha guru rokudenga rakafanana nengoro riri kufamba. Richaita donzo raro. Naizvozvo tose ngatirambei tichimhanya uye tisingaregi munhangemutange youpenyu!
Unoyeuka Here?
◻ Kuteerera zano ripi raPauro kuvaFiripi kuchatibetsera kutsungirira munhangemutange youpenyu?
◻ Chii chichatibetsera kukurira murangariro wenyika ino wokutitsausa?
◻ Tinogona sei kubetserana kutsungirira munhangemutange?
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu zvingagona kuderedza muKristu?
◻ Muenzaniso waJesu unogona sei kutibetsera kutsungirira?
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
VaKristu, kufanana navamhanyi, havafaniri kuita kuti chinhu chipi nechipi chivatsause
[Mufananidzo uri papeji 10]
Hapana chinhu chinogona kudzivisa ngoro huru yaJehovha yokudenga kuita madonzo aMwari