Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Sezvo muprista wakare ainzi Merkisedheki akanga ari munhu chaiyeiye, neiko Bhaibheri richitaura kuti akanga “asina madzisekuru”?
Uku kutaura kunoitwa pana VaHebheru 7:3. Cherekedza ndima yacho mumashoko ayo akapoteredza:
“Nokuti Merkisedheki uyo, mambo weSaremi, muprista waMwari Wokumusoro-soro, akasongana naAbrahama pakudzoka kwake andouraya madzimambo, akamuropafadza; Abrahama akamupawo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, uyezve, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare; asina baba, asina amai, asina madzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwoupenyu asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muprista nokusingaperi.”—VaHebheru 7:1-3.
Sezvadudzwa, Merkisedheki akanga ari munhu chaiyeiye, chaiyeiye saAbrahama, uyo akabata naye zvakananga. (Genesi 14:17-20; VaHebheru 7:4-10) Ikoko zvakwakadaro, Merkisedheki anofanira kuve aiva navabereki, baba naamai, uye angave aiva navana. Nokudaro, somunhu akanga ane mutsara wamadzisekuru, kana kuti muti wemhuri. Akavawo nomugumo woupenyu hwake hwomuviri. Pane imwe nguva Merkisedheki akafa, mukuwirirana nokutaura kwomuapostora Pauro kuri pana VaRoma 5:12, 14. Asi sezvo tisingazivi apo Merkisedheki akafa uye naizvozvo akarega kubatira somuprista, muna ikoko iye akabatira pasina mugumo upi noupi unozivikanwa.
Muna VaHebheru, Pauro akaita tsinhiro pamusoro paMerkisedheki pakukurukura basa raJesu Kristu soMuprista Mukuru zvikuru. Achinongedzera kuna Merkisedheki somufananidzo, kana kuti muenzaniso, waJesu muiri basa rouprista, Pauro akati: “Jesu . . . ava muprista mukuru mukuwirirana nomutoo waMerkisedheki.” (VaHebheru 6:20, NW) Mupfungwaiko?
Pauro anofanira kuva akaziva kuti chinyorwa cheBhaibheri hachipi udzame pamusoro pomutsara wemhuri waMerkisedheki—vakare vake kana kuti vazukuru vapi navapi vanobvira. Mashoko iwayo hassati ari chete nhau yechinyorwa cheBhaibheri. Mumurangariro weizvo Pauro aiziva kana kuti tinoziva, naizvozvo, Merkisedheki nenzira yakarurama aigona kutaurwa kuva “asina mutsara wamadzisekuru” (New World Translation of the Holy Scriptures; American Standard Version), “asina ndaza yedzinza” (W. J. Conybeare), kana kuti “asina muti wemhuri.”—J. B. Phillips.
Jesu akanga akadaro munzirai? Sezvinobvumwa, tinoziva kuti Baba vaJesu vakanga vari Jehovha Mwari uye kuti amai vake vohunhu vakanga vari Maria worudzi rwaJudha. Zvisinei, pakanga pane fananano pakati paMerkisedheki naJesu. Seiko? Jesu haana kuberekerwa murudzi rwaRevhi, rudzi rwavaprista murudzi rwaIsraeri. Aiwa, Jesu akanga asina kuva muprista kupfurikidza nomutsara wamadzisekuru ohunhu. Merkisedheki akanga asinawo, uyo akanga asina kuva muprista “nomurairo wokuraira kwenyama,” ndiko kuti, kupfurikidza nokuberekerwa murudzi rwouprista nemhuri. (VaHebheru 7:15, 16) Panzvimbo pokuva muprista kupfurikidza nababa vohunhu avo ivo vamene vakanga vave vari muprista, Jesu akanga “adanwa zvakananga naMwari kuti muprista mukuru mukuwirirana nomutoo waMerkisedheki.—VaHebheru 5:10, NW.
Uyezve, Jesu haana kuva navazukuru vapi navapi kana kuti vatsivi kuuprista hwake. Mupfungwa iyiwo, akanga asina mutsara wamadzisekuru. Achaita nokusingagumi uprista hwake somurairidzi anobetsera. Pauro akatsinhira pairi basa risingagumi, achiti:
“[Jesu] zvaanogara nokusingaperi, uno uprista husingapfuudzwi kune mumwe. Naizvozvo une simba rokuponesa kwazvo kwazvo avo vanoswedera kuna Mwari naye, zvaanorarama nokusingaperi kuti avareverere.”—VaHebheru 7:24, 25.
Kurangarira kwedu mashoko aPauro ari pana VaHebheru 7:3 kunofanira naizvozvo kuva kunopfuura zivowo zvayo yokuchengeta mumusoro medu. Kunofanira kusimbisa kunzwisisa kwedu gadziriro ine rudo iyo Jehovha Mwari akatiitira yokuwana nayo kukanganwirwa chivi nokusingaperi uye nokuda kwenzira yaakaronga nayo kuti tigamuchire betsero nenhungamiro nokusingagumi.