Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ko Jehovha Mwari akataura kuna Adhama zvakananga here, kana kuti iye akataura kupfurikidza naShoko, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari?
Bhaibheri harisati richitipa mhinduro yakajeka kuuyu mubvunzo. Nepo Mwari angagona kuva akataura zvakananga kuMwanakomana wake wohunhu akakwana muEdheni, sezvingabvira Iye akakurukura naAdhama kupfurikidza naShoko.
Bhaibheri kazhinji kazhinji rinotaura nezvokuita kwaMwari zvinhu apo iye zvomenemene akazviita kupfurikidza nengirozi imwe kana kuti dzakawanda. Somuenzaniso, Genesi 1:1 (NW), inotiudza, kuti: “Pakutanga Mwari akasika matenga napasi.” Kudai izvozvi zvirizvo bedzi Bhaibheri rakataura pamusoro pamavambo echisiko chapose pose, taizogumisa kuti Mwari akachisika zvakananga, sokunge namaoko ake amene. Magwaro echiGiriki echiKristu, zvisinei, anokudza nzwisiso yedu. Tinorava, kuti: “Kupfurikidza no[Mwanakomana waMwari] zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa mumatenga napasi, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki . . . Zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa kupfurikidza naye uye nokuda kwake.” (VaKorose 1:16, 17, NW) Mamwe magwaro anosimbisa rutivi rwoMwanakomana mukusika chisiko chapose pose. (Johane 1:3, 10; VaHebheru 1:1, 2) Zvisinei, rutivi rwake rwakanga rwakaita semhizha iri pasi paJehovha, uyo akatanga, akapa simba, uye akaraira chisiko.—Pisarema 19:1.
Mwari akati kumunhu wokutanga: “Ungadya hako pamuti uri wose womubindu kusvikira pakuguta.” (Genesi 2:16, 17, NW) Jehovha haana kuda chinhu chomuchina kana kuti chielectron, zvakadai semegaphone kana kuti nhepfenyuro yeshortwave. Nharireyomurindi yaAugust 1, 1989, yakati: “Munhu haana kuona munhu aitaura. Inzwi rakabva kunzvimbo isingaoneki, isingaonwi, uye raitaura kwaari. Rakanga riri inzwi roMuiti womunhu, Musiki wake! . . . Munhu haana kuda nhepfenyuro yesayenzi yazvino uno kuti anzwe inzwi roumwari. Mwari akakurukura naye zvakananga.”
Ko Mwari akataura kupfurikidza nengirozi, zvichida Logos, uyo akazova Jesu here? Ikoko kunobvira chose. Nepo akanga asinganangi, C. T. Russell akanyora, achiti: “Jesu zvichida akanga ari Mumiriri waMwari muBindu reEdheni naAdhama.” (The Watch Tower, February 1, 1915) Mwanakomana wedangwe waMwari akabatira kwenguva refu munzvimbo yakakwirira ye“Shoko” raBaba vake, kana kuti Mutauriri, kungirozi navanhu. (Johane 1:1; 12:49, 50; Zvakazarurwa 1:1, 2) Naizvozvo kunyange kana nhauro yaGenesi ichipa murangariro wokuti Mwari akataura zvakananga kuna Adhama akanga ari oga, ikoko hakubvisi kutaura Kwake kupfurikidza nengirozi, kubatanidza Shoko, Mwanakomana wokudenga waJehovha. Zvikurukuru ikoku kwaizova kwakadaro tichirangarira kuti Jehovha akashandisa Logos kusika munhu pakutanga, uye iyeyu ‘akanga achida zvinhu zvinobatanidza vanakomana vavanhu.’—Zvirevo 8:22, 31; Johane 1:3.
Rangarira, somuenzaniso, nguva apo Mosesi akakwira muGomo reSinai. Eksodho 19:21-24 inorondedzera, kuti: “Zvino Jehovha akati kuna Mosesi . . . Mosesi akati kuna Jehovha . . . Jehovha akati kwaari.” Ipapo nhauro yokupiwa kweMirairo ine Gumi inosumwa neiyi nzira: “Zvino Mwari akataura mashoko awa ose.” (Eksodho 20:1) Ikoko kunonzwika here sokunge Mwari pachake akataura mashoko oMutemo? Murangariro wakadaro ungagona kuwana tsigiro mukuti tinoudzwa kuti Mwari akataura kuna Mosesi “zviso zvakatarisana.”—Eksodho 33:11.
Zvisinei, tine imwe wadzanyuro pana ikoku. Muapostora Pauro akanyora pamusoro poMutemo kuti: “Wakapiwa kupfurikidza nengirozi noruoko rwomurevereri.” (VaGaratia 3:19, NW) Gare gare, Pauro akasianisa zvakananga miraidzo Mwari akagovera muMutemo neizvo maKristu akagamuchira kupfurikidza naJesu: “Kana shoko rakataurwa kupfurikidza nengirozi rakabvumikisa kuva rakasimba, uye kudarika kuri kwose nechiito chokusateerera zvakagamuchira chirango . . . tichapukunyuka sei kana takaregeredza ruponeso rwoukuru hwakadaro mukuti rwakavamba kutaurwa kupfurikidza naShe wedu [Jesu] uye rwakasimbiswa nokuda kwedu naavo vakamunzwa.” (VaHebheru 2:2, 3, NW) Naizvozvo Mwari haana kutaura mashoko oMutemo nenzwi rake amene pachake, uyewo haana kushandisa Logos. Panzvimbo pezvo, iye akasarudza kushandisa dzimwe ngirozi.
Kunyanguvezvo, nderipi riri pfundo guru? Kazhinji kazhinji patinorava nezvaMwari achitaura kuvanhu, tinocherechedza kuti iye akaita saizvozvo kupfurikidza nezvisikwa zvomudzimu zvinoteerera izvo zvakamutaurira. (Enzanisa naGenesi 18:2, 3, 33; 19:1; Eksodho 3:2-4; Vatongi 6:11, 12, 20-22.) Zita raJesu saShoko rinokarakadza kuti iye akanga ari uyo Mwari aiwanzoshandisa kukurukura nezvimwe zvisikwa zvake. Ikoko kwakabatanidza here mwanakomana waMwari akakwana Adhama? Sezvingabvira zvikurusa.—Ruka 3:38.
Ichokwadi kuti apo Logos gare gare akanga ari pasi pano, Baba katatu akataura zvinonzwika kuti uyu “Adhama wokupedzisira” agogona kunzwa. (1 VaKorinte 15:45; Mateo 3:16, 17; 17:1-5; Johane 12:28-30) Panguva idzodzi, Mwari aifanirirei kutaura kuMwanakomana wake kana kuti pamusoro pake kupfurikidza nengirozi inopindira? Nenzira ino mufungo zvikuru, Jehovha aizotaura nenzira yakananga; Mwanakomana wake akakwana, uye kunyange vanhu vasina kukwana vaiva pedyo, vakanzwa inzwi raMwari amene. Naizvozvo apo munhu akakwana Adhama akasikwa, Baba vake vane rudo vanogona kuva vakabata zvakananga nechisiko chake chakakwana. Zvisinei, nemhaka yezvichangobva kududzwa, kunobvira kuti iye akashandisa Shoko.