Uri Kuita Kuda kwaMwari Here?
MUUSHUMIRI hwavo hwapaimba neimba, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakasangana nomumwe muprista weChechi yeEpiscopal. Airatidzika kuva murume anofadza, ane ndebvu, ane makore anenge 60 okukura, akapfeka T-sheti yakanyorwa zita rechechi yake. Achitura befu, akati: “Ndinoshuva kuti kudai mitezo yechechi yedu yaishingaira sezvamuri mukuparadzira Shoko, asi ndichafanira kukukumbirai kusashanyirazve musha wangu.”
Hungu, kune vanhu vakawanda vanoyemura basa reZvapupu zvaJehovha uye vanozvirumbidza nokuda kweshingairo yazvo nembavarira. Bva, havatongofariri izvo Zvapupu zviri kuita, uyewo vaisazorangarira kuita basa racho ivo vamene. Uyu mugariro unoratidzika kuva unopokanidzana wezvinhu, zvisinei, hausati uri chinhu chitsva. Wakacherekedzwa naJesu muzuva rake, uye akasimbisa pfundo racho kupfurikidza nomuenzanisiro unonyandura mufungo.
“Munofungeiko? Mumwe munhu akanga ana vana vaviri. Achienda kune wokutanga, akati, ‘Mwana, nhasi enda undoshanda mumunda wemizambiringa.’ Mumhinduro iyeyu akati, ‘Ndichadaro, changamire,’ asi haana kuenda. Achisvika wechipiri, akataura zvimwe chetezvo. Mumhinduro iyeyu akati, ‘Handidi.’ Pashure pacho akazvidemba ndokuenda. Ndoupiko wavaviri akaita kuda kwababa vake?”—Mateo 21:28-31, NW.
Mhinduro iri pachena. Kufanana neboka rakanzwa Jesu, taizopindura kuti, “Wapashure.” Asi kupfuura zviri pachena, kupfurikidza nomuenzanisiro iwoyo, Jesu akanga ari kudanira kungwariro yedu kuti kuita izvo baba vaida ndiko kwakanga kuchikosha. Kunyange zvazvo mwanakomana wechipiri akataura kuti akanga asingadi kuenda, akazoenda hake uye akarumbidzwa nokuda kwako. Kuita rudzi rwakarurama rwebasa kunokosha zvakaenzana. Mwanakomana wechipiri akaita chiito kupfurikidza nokushanda mumunda wemizambiringa wababa vake; haana kuenda ndokushanda mumunda wemizambiringa wake amene.
Ikoku kwose kune revoi nokuda kwedu? Mwari anodei kuvanamati vake nhasi? Chii chatinogona kudzidza muupenyu hwaJesu icho chichatibetsera kuita kuda kwaBaba vake? Iyi mibvunzo inokosha, uye kuwana kwedu mhinduro dzakarurama kuchareva garikano yedu isingaperi, sezvo “unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:17; VaEfeso 5:17.
Chii Chiri “Kuda kwaMwari”?
Zita rokuti “kuda” rakarongwa kanopfuura ka 80 muComprehensive Concordance of the New World Translation of the Holy Scriptures. Muzvinenge 60 zvezvinoitika izvozvi (kana kuti inenge 75 muzana yenguva yacho) nongedzero yacho ndeyokukuda kwaMwari. Kutaura kwakadai sa“kuda kwaMwari,” “kuda kwaBaba vangu,” kunooneka kanopfuura ka 20. Kubva muna ikoku tinogona kuona kuti kuda kwoumwari kunofanira kuva kwoukoshi hukuru kwatiri. Kuitwa kwokuda kwaMwari kunofanira kuva itiro hanya huru youpenyu hwedu.
MuchiShona zita rokuti “kuda” rinoreva ‘chishuvo, chido, kutsunga, chimwe chinhu chinoshuviwa, zvikurukuru chisarudzo kana kuti kutsunga kwomumwe ane chiremera kana kuti simba.’ Naizvozvo ipapoka, Jehovha, Chiremera Chikurusa, ane kuda, chishuvo kana kuti kutsunga. Chii? Magwaro anotiudza kuti murutivi “[Mwari] unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.” (1 Timotio 2:4) Jesu Kristu namaKristu apakuvamba vakashanda nomweya wose kuti vaunze iyi zivo yakarurama kune vamwe.—Mateo 9:35; Mabasa 5:42; VaFiripi 2:19, 22.
Ndiani ari kuita kuda kwaMwari nhasi? Pakati pavanhu vanodokusvika mabhirioni maviri avo vanotaura kuti vateveri vaJesu Kristu, vangani vakafanana nomwanakomana muduku womumuenzanisiro waJesu, uyo akaenda ndokuita kuda kwababa vake? Mhinduro haina kuoma kuwana. Vateveri vechokwadi vamakwara aJesu Kristu vaizova vachiita basa iro iye akati vaizoita: “Evhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.” (Marko 13:10) Zvapupu zvaJehovha, zvine chiverengero chinopfuura mamirioni mana nehafu munyika yose, zviri kuparidzira nenzira yokushingaira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokudzidzisa vamwe, zvichinongedzera kuUmambo setariro bedzi yorudzi rwomunhu yorugare nechengeteko. Uri kuva negoverano yakazara here mukuita kuda kwaMwari? Uri kuparidzira mashoko akanaka oUmambo sezvakaita Jesu here?—Mabasa 10:42; VaHebheru 10:7.
Kuwana Mufaro Mukuita Kuda kwaMwari
Nepo mune mufaro mukudzidza chiri kuda kwaBaba, mune mufaro mukuru zvikuru mukudzidzisa vamwe kuda kwaMwari. Jesu akawana mufaro mukudzidzisa vanhu pamusoro paBaba vake. Kwakanga kwakafanana nezvokudya kwaari. (Johane 4:34) Isuwo tichafarikanya mufarwa wechokwadi kana tikaita sezvakaita Jesu, ndiko kuti, kuparidzira nokudzidzisa zvinhu zvaakadzidzisa, zvinhu zvaakagamuchira kuna Baba vake. (Mateo 28:19, 20) Sokupikira kwakaita Jesu, “kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.”—Johane 13:17.
Kuenzanisira: Vamwe amai avo misi ichangobva kupfuura iyi vakapindazve muushumiri hwoupiona hwenguva yakazara vakati: “Kuona chiso chomudzidzi weBhaibheri chichijeka sezvo zvokwadi dzakasiana-siana dzeBhaibheri dzinotapura mwoyo kunofadza kwazvo! Mufaro mukuru kwandiri kuona mudzidzi mumwe akati achinyora noruoko magwaro ose pamberi pefundo ndokunyora zvinonyorwa mukati mefundo kuti agogona kupindura mibvunzo yehwirudzuro ipi neipi gare gare.” Mumwe wavadzidzi vake veBhaibheri akanga anzwa zvokwadi mumakore ake ouduku apakuvamba. Zvino akaroorwa uye achiitira hanya zvinetso zvomunhu oga, akanga achishuva kuwana Zvapupu. Akafara sei apo hanzvadzi piona yakamuwana! Mukadzi muduku akafara kutangazve fundo yake yeBhaibheri.
Kuchengeta Mufaro Wokuita Kuda kwaMwari
Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare akanga ari munhu akatsvaka kuita kuda kwaMwari upenyu hwake hwose. Pasinei zvapo nenhamo dzakawanda nedzvinyiriro zvakaunzwa paari, akanyandurwa kuti ataure, kuti: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murairo wenyu uri mumwoyo mangu.” (Pisarema 40:8) Kuita kuda kwaJehovha kwakanga kuri mumweya mumene maDhavhidhi, maari amene. Ndicho chakanga chiri chakavanzika chomufaro wake usingaperi mukubatira Jehovha. Kuita kuda kwaMwari kwakanga kusati kuri nhamo kuna Dhavhidhi. Panzvimbo pezvo, wakanga uri mufaro, chimwe chinhu chaibva mumwoyo wake. Muupenyu hwake hwose, iye akarwisa kuti aite unani hwake kuti abatire Mwari wake, Jehovha, kunyange zvazvo pane dzimwe nguva aitadza ndokuperevedza.
Pane imwe nhambo, mufaro wedu ungaderera. Tinganeta kana kuti kuodzwa mwoyo. Zvichida zvinoitika zvedu zvomunguva yakapfuura zvingatitambudza, hana yedu ichitinetsa pamusoro pechiito chakaipa chakati chakaitwa kare kare. Kazhinji kazhinji, tinogona kukunda kunzwa ikoku kupfurikidza nokusanofunda zvikuru Shoko raMwari. Tinogona kuvavarira kunyora mutemo waMwari mu“mwoyo” wedu, sezvakaita Dhavhidhi. Kana tikaedza kuita kuda kwaMwari nomweya wose, ndiko kuti, kusvikira pakanakisisa pesimba redu, iye achatitusa nenzira inowirirana nemhaka yokuti akatendeka.—VaEfeso 6:6; VaHebheru 6:10-12; 1 Petro 4:19.
Nenzira inofadza, pana VaHebheru 10:5-7, muapostora Pauro akanokora mashoko mashoko aDhavhidhi ari paPisarema 40:6-8 ndokuashandisa kuna Jesu Kristu. Mukuita saizvozvo, Pauro akaonesa kuti Jesu akanga ari pedyo sei naBaba vake. Shoko rechiHebheru nokuda kwa“kuda” rine mifungo yokuti ‘mufaro, chishuvo, chido, kana kuti mufarwa.’ Naizvozvo, Pisarema 40:8 ringarava pamusoro paKristu, kuti: “Ndinofara kwazvo kuita mufarwa wenyu, Mwari wangu.”a Jesu aida kuita zvaifadza Baba vake. Jesu akaita zvinopfuura zvakakumbirwa kwaari. Iye akaita chakanga chiri pedyo nomwoyo waBaba vake, uye akafarikanya kuchiita.
Upenyu hwose hwaJesu hwaiva pakudzidzisa vamwe chiri kuda kwaMwari nezvavanofanira kuita kuti vawane chikomborero chaMwari. Akanga ari muparidziri nomudzidzisi wenguva yakazara uye akawana mufaro mukuru mukuita basa iroro. Naizvozvo muuyo ndewokuti kana tikaita basa raJehovha zvikuru, tichagamuchira mufaro mukuru. Iwewo unogona kubatira nguva yakazara mubasa rokuparidzira kuti mufaro wako ugowandawo here?
Imwe yamuro mukuchengeta mufaro mukuita kuda kwaMwari ndiko kuchengeta nguva yemberi yakajeka zvikuru. Izvozvo ndizvo zvakaita Jesu. “Iye wakatsunga pa[danda rokutambudzira, NW] nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa [kwaro, NW].” Nokuda kwake, mufaro wakanga uri kubvumikisa kuva akatendeka kuna Mwari kusvikira kumugumo uye ipapo achiwana tuso yokuva mambo kuruoko rworudyi rwaBaba vake.—VaHebheru 12:2.
Fungidzira mufaro womunguva yemberi uyo uchauya kune avo vanopfuurira kuita kuda kwaMwari. Vachaona ruparadziko rwaavo vanoomerera pakuita kuda kwavo vamene kwoudyire kunyange kana ikoku kuchisakisa kutambura kune avo vanovavarira kuita kuda kwaMwari. (2 VaTesaronika 1:7, 8) Funga nezvomufaro wavadiwa vanomutswa mukuwana banza rokudzidza ndokuita kuda kwaMwari. Kana kuti rangarira donzo raMwari rokudzorera pasi kuParadhiso. Uye pakupedzisira, fungidzira rusununguko ruchabva mukuparadzwa kwakakwana kwaSatani, mushori wokuda kwaMwari.
Hungu, kuita kuda kwaMwari nhasi kunogona kuunza mufaro mukuru zvino nomufarwa usingagumi munguva yemberi. Pasinei zvapo nokuita kwatinogamuchira mubasa rokuparidzira, ngatitevedzere muenzaniso waJesu mukuwana mufaro mukuita kuda kwaBaba vake.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona mashoko omuzasi paPisarema 40:8, NW.