RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 8/15 pp. 8-11
  • Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda Misangano yechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda Misangano yechiKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Iyo maKristu A“norodza” Nayo Mumwe Nomumwe
  • Kuwana Zvokudya Zvomudzimu Munguva Dzinotambudza
  • Zviyeuchidzo zvaJehovha—Zvakafanana Nenzwi Riri Shure Kwako
  • Kugamuchira Mudzimu Mutsvene Kupfurikidza Neungano
  • Rovedzo Inogoverwa Neungano
  • Wana Chengeteko Pakati Pavanhu vaMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Pinda Misangano “Zvikuru”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Uchawanei Kana Ukauya Pamisangano Yedu yechiKristu?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 8/15 pp. 8-11

Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda Misangano yechiKristu

KWEMWEDZI, Rosario, uyo anogara muSouth America, akafarikanya kufunda Bhaibheri naElizabeth. Kwakafadza Rosario kudzidza pamusoro poUmambo hwaMwari nokuparira kwahuchaita migariro yeParadhiso pasi pano. Bva, panguva ipi neipi apo Elizabeth aimukoka kuti apinde misangano paHoro yoUmambo, airamba. Airangarira kuti aigona kufunda Bhaibheri pamusha ndokushandisa charinotaura, achiita saizvozvo asingapindi misangano yeungano. Wakamboshamisikawo here kana misangano yechiKristu ichikubetsera chaizvoizvo? Neiko Mwari achironga kuti vanhu vake vaungane pamwe chete?

Sezvo maKristu muzana rokutanga ramakore akanga akasiana kwazvo navanhu vakavapoteredza, songaniro yakarurama yaikosha kukupukunyuka kwawo. Muapostora Pauro akanyorera imwe ungano yamaKristu apakuvamba, kuti: ‘Imi makava vasina chavanopomerwa navasina mhaka pakati pechizvarwa chakaipa nechakamonyana, pakati pavo imi munopenya sezvivheneko munyika.’ (VaFiripi 2:15) MaKristu aiva nenguva yakaoma zvikuru muJudhea, uye kwakanga kuri kwaari uko Pauro akanyora, kuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirairane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:24, 25) Tinonyandurirana sei kurudo namabasa akaisvonaka kupfurikidza nokuungana pamwe chete?

Nzira Iyo maKristu A“norodza” Nayo Mumwe Nomumwe

Shoko rechiGiriki Pauro akashandisa uye iro rinoshandurwa kuti “timutsane mwoyo” rinoreva chaizvoizvo “kurodza.” Chirevo cheBhaibheri chinotsanangura nzira iyo maKristu a“norodza” nayo mumwe nomumwe apo chinoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17; Muparidzi 10:10) Isu takafanana nezvishandiso zvinoda kurodza kwenguva dzose. Sezvo kuratidzira rudo nokuda kwaJehovha nokuita zvisarudzo zvakavakirwa pakutenda kwedu kuchireva kuva vakasiana nenyika, nguva dzose tinofanira kutora nzira yakasiana, sokunge zvakadaro, tichibva muvoruzhinji.

Nhamburiko yenguva dzose yokuva vakasiana inogona kugomadza shingairo yedu nokuda kwamabasa akaisvonaka. Asi apo tinenge tine vamwe vanoda Jehovha, tinorodzana—tinonyandurirana kurudo namabasa akaisvonaka. Pane rumwe rutivi, apo tinenge tiri toga, tinokombamira kuzvirangarira timene zvikuru. Pfungwa dzoutere, dzoudyire, kana kuti dzoupenzi dzingapinda mundangariro dzedu. “Unozviparadzanisa navamwe, unotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” (Zvirevo 18:1) Ndokusaka Pauro akanyorera ungano yomuguta reTesaronika, kuti: “Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.”—1 VaTesaronika 5:11.

Apo Rosario akapedza fundo yake yedzidziso huru dzeBhaibheri, akangorega kusonganirana neungano. Naizvozvo, asingakwanisi kugovera imwe betsero, Elizabeth akarega kumushanyira. Mwedzi yakati gare gare mumwe mutariri anofambira akashanyira Rosario ndokubvunza, kuti: “Kunyange kana mutezo mumwe nomumwe wemhuri ungagona kuwana zvokudya zvakanaka kupfurikidza nokudyira kumwe, chii icho mitezo yose ingapotsa kupfurikidza nokusadyira pamwe chete pamusha?” Rosario akapindura, kuti: “Ivo vangapotsa ushamwari hwemhuri.” Akawana pfundo racho uye akatanga kuuya nguva dzose kumisangano. Akakuwana kuchibetsera kwazvo zvokuti ave ari paunenge musangano uri wose chifo chenguva iyoyo.

Kunzwa vamwe vanhu vachitaura kutenda muzvinhu zvimwe chetezvo zvaunodavira kunokurudzira uye ndozvinoitawo kuona kuti kutenda kwakadaro kwakachinja upenyu hwavo. Pauro aiziva ikoku kubva muruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga, uye akanyorera ungano yaiva muRoma, kuti: “Nokuti ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo cho[mudzimu, NW], kuti musimbiswe. Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.” (VaRoma 1:11, 12) Kutaura idi, akanga ari makore Pauro asati agona kushanyira Roma, uye apo akadaro, kwakanga kuri somusungwa musimba ravaRoma. Asi apo akaona hama dzakabva Roma dzakanga dzafamba makiromita anopfuura 60 kubva kuguta kuzosangana naye, “Pauro akaonga Mwari uye akashinga.”—Mabasa 28:15, NW.

Kuwana Zvokudya Zvomudzimu Munguva Dzinotambudza

Akachengetedzwa mumba muRoma, Pauro akanyorera vaHebheru pamusoro pokusarega kuungana kwavo vamene pamwe chete. Kunokosha nokuda kwedu kuti akawedzera mashoko, anoti: “Zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:25) Zvapupu zvaJehovha zvakaratidza nguva dzose kubva muMagwaro kuti gore ra 1914 rakaratidzira mavambo enguva yenyika ino yomugumo uye kuti “zuva rorutongeso uye roruparadziko rwavanhu vasina umwari” raswedera pedyo. (2 Petro 3:7, NW) Mukuwirirana nebhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, apo Dhiabhorosi akakandirwa kunze kwedenga pamavambo enguva yomugumo, iye akanga akatsamwa zvikuru uye aka“enda kundorwa navamwe . . . vanochengeta mirairo yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.” (Zvakazarurwa 12:7-17) Naizvozvo, kuchengeta mirairo yaMwari kwakaoma zvikuru zvino; tinofanira kusangana navatendi biyedu zvikuru kwazvo. Misangano ichatibetsera kusimbisa kutenda kwedu norudo rwedu nokuda kwaMwari kuti tigodzivisa denho dzaDhiabhorosi.

Kuda Mwari nokutenda hazvina kufanana nezvivako zviri zvechigarire kana zvangovakwa bedzi. Panzvimbo pezvo, zvakafanana nezvinhu zvipenyu zvinokura zvishoma nezvishoma nokudyisa kwenguva dzose asi izvo zvinosvava ndokufa kana zvikanyimwa zvokudya. Ndokusaka Jehovha achigovera zvokudya zvomudzimu zvenguva dzose kuti asimbise vanhu vake. Tose zvedu tinoda zvokudya zvakadaro, asi ndokupi kwatinogona kuzvigamuchira kunze kwomusangano raMwari nemisangano yaro? Hapana.—Dheuteronomio 32:2; Mateo 4:4; 5:3.

Jesu akabvunza mubvunzo unogona kutibetsera kuona kuti anodyisa sei ungano yechiKristu. Iye akabvunza, kuti: “Ndiani chaizvoizvo ari muranda akatendeka naakachenjera uyo tenzi wake akagadza pane veimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakafanira? Anofara muranda iyeyo kana tenzi wake pakusvika akamuwana achiita saizvozvo.” (Mateo 24:45, 46, NW) Ndiani uyo Jesu akagadza muzana rokutanga ramakore kuti adyise vateveri vake, uye ndiani waakawana achivadyisa nokutendeka pakudzokera kwake musimba roUmambo? Sezvinooneka, hapana munhu ararama mumazana ose iwayo amakore. Ufakazi hunonongedzera kumuranda wacho seungano yamaKristu akazodzwa nomudzimu, sezvo rudzi rwaIsraeri rwakanga rwuri mubatiri waMwari munguva dzapamberi pechiKristu. (Isaya 43:10) Hungu, Jesu anogovera zvokudya zvedu zvomudzimu kupfurikidza nomutumbi iwoyo womunyika yose wamaKristu akazodzwa nomudzimu, uyo nhasi unopa zvokudya zvomudzimu kupfurikidza neungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha.

Gadziriro yaJesu yomukoto wokugovera zvokudya zvomudzimu yakarondedzerwazve nomuapostora Pauro: “‘Apo akakwira pakakwirira akatakura nhapwa; akapa zvipo muvarume.’ . . . Iye akapa vamwe savaapostora, vamwe savaporofita, vamwe savaevhangeri, vamwe savafudzi navadzidzisi, ane murangariro wokugadziridzwa kwavatsvene, nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu, kutozosvikira tose tasvika kuhumwe mukutenda nomuzivo yakarurama yoMwanakomana waMwari, kumunhu akura zvakakwana, kumwero woukuru hwokuzara kwaKristu.”—VaEfeso 4:8, 11-13, NW.

Makanga muri zvikurukuru mukati meungano dzomunzvimbomo—pamisangano—umo izvi “zvipo muvarume” zvakavaka hama. MuAntiokia, somuenzaniso, “Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvadzidzisa.” (Mabasa 15:32) Hurukuro dzinokurukurwa navarume vakakwaniriswa mumudzimu nhasi dzichadyisa nenzira yakafanana kutenda kwedu kuti kugorega kusvava kana kuti kuva kusingashandi.

Kungava kuri kwechokwadi kuti takaita fambiro mberi yakanaka nemhaka yebetsero yomunhu oga yomumwe mutezo weungano kunyange zvazvo tingave tichigere kuvamba kupinda misangano. Bhaibheri rinotaura kuti kune nguva apo u“noda mumwe munhu wokukudzidzisa kubvira pamavambo zvinhu zvokutanga zvamashoko anoyera aMwari; uye . . . unoda mukaka, kwete zvokudya zvakaoma.” (VaHebheru 5:12, NW) Asi munhu haagoni kuramba ari pamwero womukaka nokusingaperi. Misangano yechiKristu inogovera gadziriro inopfuurira yomuraidzo weBhaibheri yakarongedzerwa kuchengeta kuda Mwari nokutenda maari zviri zvipenyu pamwe chete nokugovera betsero inoshanda mukushandisa “zano rose raMwari.” (Mabasa 20:27, NW) Uyu unopfuura “mukaka.” Bhaibheri rinotizve: “Zvokudya zvakaoma ndezvavanhu vakura, zvaavo kupfurikidza nokushandisa vanoita kuti masimba avo enzwisiso arovedzwe kusianisa zvose zviri zviviri chakarurama nechisina kururama.” (VaHebheru 5:14, NW) Pamisangano nyaya dzakawanda dzinorangarirwa idzo dzingasava rutivi rwekosi yokutanga yomuraidzo wapamusha weBhaibheri, zvakadai sefundo dzendima nendima dzouporofita hweBhaibheri hunokosha uye kurukurirano huru dzenzira yatinogona kutevedzera nayo Mwari muupenyu hwedu timene.

Zviyeuchidzo zvaJehovha—Zvakafanana Nenzwi Riri Shure Kwako

Kupfurikidza nefundo dzakadaro dzeungano, Jehovha nguva dzose anotiyeuchidza nezvorudzi rwavanhu rwatinofanira kuva. Zviyeuchidzo zvakadaro zvinokosha. Pasinazvo hatitani kukombambira kuudyire, rudado, uye makaro. Zviyeuchidzo zvinobva muMagwaro zvichatibetsera kufarikanya ukama hunobudirira navamwe vanhu uye naMwari amene. “Ndakafunga nzira dzangu, ndikadzorera tsoka dzangu kuzvipupuriro zvenyu,” akabvuma kudaro munyori wePisarema 119:59.

Sezvatinopinda misangano yechiKristu nguva dzose, tinowana kushanda kwouporofita hwaJehovha kupfurikidza naIsaya, uhwo hunoti: “Muraidzi wenyu Mukuru haasati achizozvivanzazve amene, uye meso enyu anofanira kuva meso anoona Muraidzi wenyu Mukuru. Uye nzeve dzenyu mumene dzichanzwa shoko shure kwenyu richiti: ‘Iyi ndiyo nzira. Fambai mairi, imi vanhu.’” Jehovha anotarira fambiro mberi yedu uye anotiruramisa nenzira yorudo kana tikaita nhano yakaipa. (Isaya 30:20, 21, NW; VaGaratia 6:1) Uye anogovera betsero inotova huru zvikuru kupfuura iyoyi.

Kugamuchira Mudzimu Mutsvene Kupfurikidza Neungano

Kupfurikidza nokupinda misangano yechiKristu nguva dzose neZvapupu zvaJehovha, tinosimbiswa nomudzimu mutsvene waMwari, uyo uri pavanhu vake. (1 Petro 4:14) Uyezve, vatariri vechiKristu vari muungano vakagadzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 20:28) Iri simba rinobata basa rinobva kuna Mwari rine pesvedzero ine simba pamuKristu. Bhaibheri rinoti: “Chibereko chomudzimu ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Mudzimu mutsvene, uchishanda kupfurikidza nesangano raMwari, uchatibetserawo kuwana kunzwisiswa kwakajeka kunoshamisa kweizvo Jehovha akachengetera avo vanomuda. Pashure pokutsanangura kuti vanhu vakatanhamara vetsika ino yezvinhu havagoni kunzwisisa madonzo aMwari, Pauro akanyora, kuti: “Mwari akazvizivisa kwatiri kupfurikidza nomudzimu wake.”—1 VaKorinte 2:8-10, NW.

Kunze kwezvokudya zvomudzimu zvinosimbisa kutenda, ungano inogovera rovedzo nokuda kwaavo vanoda kugoverana mumubato mukuru weungano. Chii iwoyo?

Rovedzo Inogoverwa Neungano

Ungano yechiKristu haisati iri kirabhu yenzanga uko vanhu vanongofarikanya zvavo varaidzo uye zvichida kukurudzirana kurarama upenyu huri nani. Jesu akatuma ungano kuti iendese mashoko akanaka oUmambo kuavo vanogara murima romudzimu. (Mabasa 1:8; 1 Petro 2:9) Kuvambira pazuva apo yakavambwa, paPentekosta 33 N.V., rakanga riri sangano ravaparidziri. (Mabasa 2:4) Wati wava nechinoitika chokuedza kuudza mumwe munhu pamusoro pamadonzo aJehovha asi uchikundikana kumupwisa here? Misangano yeungano inogovera rovedzo yomunhu oga muunyanzvi hwokudzidzisa. Kupfurikidza nokufunda mienzaniso yeBhaibheri, tinodzidza nzira yokutanga nayo nzvimbo yavose mokurangarira, nzira yokushandisa nayo Magwaro sohwaro hwechibvumikiso chine mufungo, uye nzira yokubetsera nayo vamwe kurangarira kupfurikidza nokushandisa mibvunzo nemienzanisiro. Unyanzvi hwakadaro hunogona kukubetsera kuwana mufaro usingatauriki wokubatsira mumwe munhu kunzwisisa zvokwadi yeBhaibheri.

Munyika ino yasakadzwa negakava, ine utere, ungano yechiKristu utiziro hwomudzimu chaihwoihwo. Kunyange zvazvo yakaumbwa navanhu vasina kukwana, inzvimbo yorugare norudo. Naizvozvo, iva mupindi wenguva dzose pamisangano yayo yose ndokuzviwanira umene zvokwadi yamashoko owezvamapisarema, anoti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare! . . . Nokuti ndipo Jehovha paakaraira kuropafadza kwake, ndihwo upenyu husingaperi.”—Pisarema 133:1, 3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe