-
ChitenderoKukurukurirana Tichishandisa Magwaro
-
-
VaH. 10:24, 25: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (Kuti tiite izvi zvinorayirwa neMagwaro, panofanira kuva nemisangano yechiKristu yatinogona kupinda nguva dzose. Urongwa hwakadaro hunotikurudzira kuda vamwe, kwete kungozvifunga.)
-
-
ChitenderoKukurukurirana Tichishandisa Magwaro
-
-
Tingava here noukama hwakanaka naMwari kana tisingakoshesi mirayiro yake? Mumwe wacho ndewokuti tiungane nguva dzose nevatinonamata navo.—VaH. 10:24, 25.
-
-
ChitenderoKukurukurirana Tichishandisa Magwaro
-
-
Chokwadi, munhu haabatsirwi kana achingoverenga Bhaibheri asi asingaiti zvarinotaura. Kana achitenda zvarinotaura ozviita, achaungana nevashumiri vaMwari pamisangano yavo nguva dzose. (VaH. 10:24, 25) Achabatanawo navo, pakuudza vamwe “mashoko akanaka.”—1 VaK. 9:16; Mako 13:10; Mat. 28:19, 20.
-