“Munofanira Kuva Nokutsungirira”
TINOFANIRA “kuva nokutsungirira,” kana tichizowana “chipikirwa.” (VaHebheru 10:36) Imwe nyanzvi yeBhaibheri William Barclay inotsanangura kuti shoko rechiGiriki nokuda kwa“tsungirira” iro muapostora Pauro akashandisa murugwaro urwu pane dzimwe nguva rakabatira kurondedzera “simba remuti rokurarama mumamiriro ezvinhu akaoma naasina kunaka.”
Mumakomo eEurope, munokura muti chaiwo wakadaro. Nenzira yechienzi, unonzi murarama nokusingaperi. Muti uyu wemumakomo haurarami nokusingaperi, chokwadika, asi unotsungirira kwamakore mazhinji, uchibudisa maruva anofadza zhizha riri rose. The New Encyclopædia Britannica inotsanangura kuti zita rokuti murarama nokusingaperi rakapiwa kumuti wacho nemhaka ye“kutsungirira mamiriro ezvinhu akaoma uye kukwanisa kurarama kwenguva refu” kwawo. (Zita resayenzi rorudzi rwemiti iyi Sempervivum rinorevawo kuti “mirarama nokusingaperi.”)
Chinoita kuti muti uyu unorarama nguva refu uve unoshamisa ndechekuti unokura munzvimbo dzakaoma zvikurusa. Unogona kuwanwa mudenga pamateru egomo anorohwa nemhepo, uko tembiricha dzinoderera zvikuru se35°C mumaawa 24 chete. Unogona kukura mune mutswe wedombo nevhu shomanene. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvakavanzika zvekutsungirira kwawo mumamiriro ezvinhu akaoma akadaro?
Murarama nokusingaperi une mashizha akasvibira, ayo anochengeta mvura nokungwarira. Ikoku kunougonesa kushandisa zvakazara unyoro hwose hunowanika huchibva mumvura kana kuti sinou inonyungudika. Uyezve, unokura mumapoka ayo anobatanidza simba rawo kuti abate zvakasimba pachitsigiro chawo chematombo. Kupfurikidza nokumera mumitswe, une dziviriro yakati kumamiriro ezvinhu okunze, kunyange zvazvo pangave nevhu shomanene. Nemamwe mashoko, unokura zvakanaka kupfurikidza nokushandisa zvakanakisisa mamiriro ezvinhu akaoma.
Tichitaura nenzira yomudzimu, tingazviwana timene tiri mumamiriro ezvinhu anoedza vara rekutsungirira kwedu. Chii chichatibetsera kutsungirira mumiedzo? Kufanana nomuti womurarama nokusingaperi, tinogona kuchengeta mvura inopa upenyu yeShoko raMwari ndokusanosonganirana navaKristu vechokwadi nokuda kwetsigiro nedziviriro. Kupfuura zvose, kufanana nemuti wemumakomo, tinofanira kubatirira zvakasimba ku“dombo” redu, Jehovha, pamwe chete neShoko rake uye kusangano rake.—2 Samueri 22:3.
Zvirokwazvo, murarama nokusingaperi chiyeuchidzo chinokwezva chokuti, kunyange tiri mumamiriro ezvinhu akaoma, tinogona kutsungirira kana tikashandisa gadziriro dzinowanika. Jehovha anotivimbisa kuti kutsungirira kwakadaro kuchatungamirira kuku‘gara nhaka zvipikirwa’ kwedu, uko kuchareva chaizvoizvo kurarama nokusingaperi.—VaHebheru 6:12; Mateo 25:46.