RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ngativei Vaya Vane Kutenda
    Nharireyomurindi—1999 | December 15
    • Kushandiswa Kwakakodzera kweShoko raMwari

      6. Pauro aidzokorora mashoko akataurwa naani paakanyora mashoko ari pana VaHebheru 10:38?

      6 Pauro akavakawo kutenda mune vaainamata navo nokushandisa kwake Magwaro kwounyanzvi. Somuenzaniso, akanyora kuti: “‘Asi akarurama wangu achararama nemhaka yokutenda,’ uye, ‘kana akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.’” (VaHebheru 10:38) Pano Pauro aidzokorora mashoko akataurwa nomuprofita Habhakuki.a Mashoko aya angangova akanga akajairwa nevaravi vaPauro, vaKristu vechiHebheru avo vaiziva zvikuru mabhuku ouprofita. Achifungisisa nezvevavariro yake—kusimbisa kutenda kwevaKristu mukati nepedyo neJerusarema mugore ra61 C.E.—muenzaniso waHabhakuki waiva chisarudzo chakakodzera. Nei?

      7. Habhakuki akanyora rini uprofita hwake, zvinhu zvakanga zvakamira sei muJudha panguva iyoyo?

      7 Sezviri pachena Habhakuki akanyora bhuku rake makore anongoti pfuurei makumi maviri Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Mune zvakaratidzwa, muprofita akaona vaKardhea (kana kuti, vaBhabhironi), “rudzi rune hasha runopenga,” vachiparadza Judha kamwe kamwe nokuparadza Jerusarema, vachimedza vanhu nemarudzi pavaiita izvi. (Habhakuki 1:5-11) Asi njodzi yakadaro yakanga yafanotaurwa kubvira muzuva raIsaya, makore anopfuura zana iye asati aitaura. Munguva yaHabhakuki, Jehoiakimi akatsiva Mambo Josia akanaka, uye uipi hwakawandazve muJudha. Jehoiakimi akatambudza uye kunyange kuuraya vaya vaitaura muzita raJehovha. (2 Makoronike 36:5; Jeremia 22:17; 26:20-24) Hazvishamisi kuti muprofita aiva nenhamo Habhakuki akadanidzira achiti: “Haiwa, Jehovha . . . kusvikira riniko?”—Habhakuki 1:2.

      8. Nei muenzaniso waHabhakuki ungava unobetsera vaKristu vomuzana ramakore rokutanga uye vanhasi?

      8 Habhakuki haana kuziva kuti kuparadzwa kweJerusarema kwakanga kwava pedyo zvakadini. Nenzira yakafanana, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore havana kuziva paizoguma gadziriro yezvinhu yechiJudha. Isu nhasi hatiziviwo ‘zuva neawa’ kutonga kwaJehovha pakuchauya pamusoro pegadziriro ino yakaipa. (Mateu 24:36) Ipapo, ngaticherechedzei mhinduro mbiri dzaJehovha kuna Habhakuki. Yokutanga, akavimbisa muprofita wacho kuti mugumo waizouya panguva chaiyo. “Hazvingaiti nguva huru,” Mwari akadaro, kunyange zvazvo mumaonero evanhu, zvingaita sezvinononoka. (Habhakuki 2:3) Yechipiri, Jehovha akayeuchidza Habhakuki kuti: “Wakarurama uchararama nokutenda kwake.” (Habhakuki 2:4) Ichokwadi chakaisvonaka, chiri nyore zvakadini! Chinokosha zvikuru, hakusi kuziva panouya mugumo, asi kuti kana tichizopfuurira kurarama upenyu hwokutenda.

      9. Vashumiri vaJehovha vaiteerera vakaramba vachirarama nokutendeka kwavo sei (a) muna 607 B.C.E.? (b) pashure pa66 C.E.? (c) Nei zvichikosha kuti tisimbise kutenda kwedu?

      9 Jerusarema parakapambwa muna 607 B.C.E., Jeremia, munyori wake Bharuki, Ebhedhi-mereki, uye vaRekabhi vakavimbika vakaona chokwadi chevimbiso yaJehovha kuna Habhakuki. Va‘karamba vachirarama’ nokupukunyuka kuparadzwa kwaityisa kweJerusarema. Nei? Jehovha akapa mubayiro kutendeka kwavo. (Jeremia 35:1-19; 39:15-18; 43:4-7; 45:1-5) Nenzira yakafanana, vaKristu vechiHebheru vomuzana ramakore rokutanga vanofanira kuva vakadavidza zvakanaka zano raPauro, nokuti mauto eRoma paakarwisa Jerusarema muna 66 C.E. uye ipapo vakadzoka zvisina tsananguro, vaKristu ivavo vakateerera nokutendeka nyevero yaJesu yokutiza. (Ruka 21:20, 21) Vakaramba vachirarama nemhaka yokutendeka kwavo. Nenzira yakafanana, ticharamba tichirarama kana tikawanwa takatendeka panosvika mugumo. Chikonzero chinokosha zvakadini chokusimbisa kutenda kwedu zvino!

  • Ngativei Vaya Vane Kutenda
    Nharireyomurindi—1999 | December 15
    • a Pauro akadzokorora mashoko eshanduro yeSeptuagint yaHabhakuki 2:4, inosanganisira chitsama chemashoko chinoti “kana mumwe munhu akadzokera shure, mweya wangu haumufariri.” Kutaura uku hakusi mumanyoro api neapi echiHebheru aripo. Vamwe vakataura kuti Septuagint yakanga yakavakirwa pamanyoro okutanga echiHebheru asisipo. Chero zvakaitika, Pauro akakubatanidza pano achifuridzirwa nomudzimu mutsvene waMwari. Naizvozvo kunotenderwa naMwari.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe